RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Nhoroondo yekupanduka kweIsraeri (1-32)

      • VaIsraeri vanovimbiswa kuti vachadzoswa (33-44)

      • Kuprofita pamusoro pevekumaodzanyemba (45-49)

Ezekieri 20:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 135

Ezekieri 20:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:12, 15; Eze 14:3

Ezekieri 20:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuvaudza mutongo wavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 16:51; 22:2; Ru 11:47

Ezekieri 20:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndakasimudzawo ruoko rwangu.”

  • *

    ChiHeb., “kumbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:6
  • +Eks 4:31; 6:7, 8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2012, pp. 24-25

Ezekieri 20:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nyika yaishongedza dzimwe dzese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2012, pp. 24-25

Ezekieri 20:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:3; Dhe 29:16, 17; Jos 24:14
  • +Re 20:7

Ezekieri 20:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:4

Ezekieri 20:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 14:13-16; Dhe 9:27, 28; 1Sa 12:22
  • +Eks 32:11, 12; Jos 2:9, 10; 9:3, 9; 1Sa 4:7, 8

Ezekieri 20:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:17, 18; 15:22

Ezekieri 20:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:8
  • +Dhe 8:3; 30:16

Ezekieri 20:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:8-10; Re 23:3, 24; 25:4, 11
  • +Eks 31:13; 35:2

Ezekieri 20:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:8; Nu 14:22, 23
  • +Nu 14:11, 12

Ezekieri 20:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 7:9; Eze 36:22

Ezekieri 20:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 14:30; Pis 95:11; 106:26, 27
  • +Nu 13:26, 27

Ezekieri 20:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:1, 4; Nu 25:1, 2; Mab 7:42

Ezekieri 20:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ziso rangu rakavanzwira.”

Ezekieri 20:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 14:33
  • +Pis 78:8

Ezekieri 20:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:1

Ezekieri 20:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 17:22
  • +Eks 31:13

Ezekieri 20:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 25:1; Dhe 9:23
  • +Isa 63:10

Ezekieri 20:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 78:38
  • +Pis 25:11; 79:9; Jer 14:7; Dha 9:19

Ezekieri 20:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:33; Pis 106:26, 27

Ezekieri 20:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:15, 16
  • +Jer 2:7

Ezekieri 20:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 81:12

Ezekieri 20:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:21; Jer 7:31

Ezekieri 20:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 23:5
  • +Dhe 12:2

Ezekieri 20:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 16:24, 25

Ezekieri 20:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:19; 2Mak 21:13; Jer 13:26, 27

Ezekieri 20:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 18:10, 12; Pis 106:36-38; Jer 7:31
  • +Isa 1:15
  • +Zek 7:13

Ezekieri 20:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzinoshumira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 44:17

Ezekieri 20:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:5; Eze 8:18

Ezekieri 20:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 27:13; Eze 34:16

Ezekieri 20:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:9

Ezekieri 20:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:32; Eze 34:17

Ezekieri 20:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 34:20, 21
  • +Eze 13:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 107

Ezekieri 20:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 10:14; Pis 81:12
  • +Isa 1:13; Eze 23:39

Ezekieri 20:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 2:2, 3; 66:20
  • +Isa 56:7; Zek 8:22
  • +Mar 3:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 101, 106-107

Ezekieri 20:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 11:11; Jer 23:3
  • +Isa 5:16; Eze 38:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 107-109

Ezekieri 20:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 36:23
  • +Eze 11:17

Ezekieri 20:43

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muchasema zviso zvenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:40; Eze 6:9; 16:61
  • +Jer 31:18

Ezekieri 20:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:9; Eze 36:22, 23

Ezekieri 20:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:22; Jer 21:14
  • +Isa 66:24

Ezekieri 20:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 7:20; Mari 2:17

Ezekieri 20:49

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvirevo.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, p. 14

    9/15/1988, p. 19

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 20:3Isa 1:12, 15; Eze 14:3
Ezek. 20:4Eze 16:51; 22:2; Ru 11:47
Ezek. 20:5Dhe 7:6
Ezek. 20:5Eks 4:31; 6:7, 8
Ezek. 20:6Eks 3:8
Ezek. 20:7Re 18:3; Dhe 29:16, 17; Jos 24:14
Ezek. 20:7Re 20:7
Ezek. 20:8Eks 32:4
Ezek. 20:9Nu 14:13-16; Dhe 9:27, 28; 1Sa 12:22
Ezek. 20:9Eks 32:11, 12; Jos 2:9, 10; 9:3, 9; 1Sa 4:7, 8
Ezek. 20:10Eks 13:17, 18; 15:22
Ezek. 20:11Dhe 4:8
Ezek. 20:11Dhe 8:3; 30:16
Ezek. 20:12Eks 20:8-10; Re 23:3, 24; 25:4, 11
Ezek. 20:12Eks 31:13; 35:2
Ezek. 20:13Eks 32:8; Nu 14:22, 23
Ezek. 20:13Nu 14:11, 12
Ezek. 20:14Jos 7:9; Eze 36:22
Ezek. 20:15Nu 14:30; Pis 95:11; 106:26, 27
Ezek. 20:15Nu 13:26, 27
Ezek. 20:16Eks 32:1, 4; Nu 25:1, 2; Mab 7:42
Ezek. 20:18Nu 14:33
Ezek. 20:18Pis 78:8
Ezek. 20:19Dhe 4:1
Ezek. 20:20Jer 17:22
Ezek. 20:20Eks 31:13
Ezek. 20:21Nu 25:1; Dhe 9:23
Ezek. 20:21Isa 63:10
Ezek. 20:22Pis 78:38
Ezek. 20:22Pis 25:11; 79:9; Jer 14:7; Dha 9:19
Ezek. 20:23Re 26:33; Pis 106:26, 27
Ezek. 20:24Re 26:15, 16
Ezek. 20:24Jer 2:7
Ezek. 20:25Pis 81:12
Ezek. 20:26Re 18:21; Jer 7:31
Ezek. 20:28Jos 23:5
Ezek. 20:28Dhe 12:2
Ezek. 20:29Eze 16:24, 25
Ezek. 20:30Vat 2:19; 2Mak 21:13; Jer 13:26, 27
Ezek. 20:31Dhe 18:10, 12; Pis 106:36-38; Jer 7:31
Ezek. 20:31Isa 1:15
Ezek. 20:31Zek 7:13
Ezek. 20:32Jer 44:17
Ezek. 20:33Jer 21:5; Eze 8:18
Ezek. 20:34Isa 27:13; Eze 34:16
Ezek. 20:35Jer 2:9
Ezek. 20:37Re 27:32; Eze 34:17
Ezek. 20:38Eze 34:20, 21
Ezek. 20:38Eze 13:9
Ezek. 20:39Vat 10:14; Pis 81:12
Ezek. 20:39Isa 1:13; Eze 23:39
Ezek. 20:40Isa 2:2, 3; 66:20
Ezek. 20:40Isa 56:7; Zek 8:22
Ezek. 20:40Mar 3:4
Ezek. 20:41Isa 11:11; Jer 23:3
Ezek. 20:41Isa 5:16; Eze 38:23
Ezek. 20:42Eze 36:23
Ezek. 20:42Eze 11:17
Ezek. 20:43Re 26:40; Eze 6:9; 16:61
Ezek. 20:43Jer 31:18
Ezek. 20:44Pis 79:9; Eze 36:22, 23
Ezek. 20:47Dhe 32:22; Jer 21:14
Ezek. 20:47Isa 66:24
Ezek. 20:482Mak 7:20; Mari 2:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 20:1-49

Ezekieri

20 Mugore rechi7, mumwedzi wechi5, pazuva rechi10 remwedzi wacho, vamwe vakuru vaIsraeri vakauya vakagara pamberi pangu kuti vabvunze Jehovha. 2 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 3 “Mwanakomana wemunhu, taura nevakuru vaIsraeri, uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Mauya kuzondibvunza here? ‘Neupenyu hwangu, handisi kuzokupindurai,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’

4 “Wagadzirira kuvatonga* here? Wagadzirira kuvatonga here, mwanakomana wemunhu? Vaudze zvinhu zvinosemesa zvakaitwa nemadzitateguru avo.+ 5 Vaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zuva randakasarudza Israeri,+ ndakapikawo* kuvana* veimba yaJakobho uye ndakaita kuti vandizive munyika yeIjipiti.+ Chokwadi ndakapika kwavari, ndikati, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ 6 Zuva iroro ndakapika kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvagira, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Yaiva nyika yakanaka kupfuura dzimwe dzese.* 7 Ndakabva ndati kwavari, ‘Mumwe nemumwe wenyu anofanira kurasa zvinhu zvinosemesa zvamuri kushumira; musazvisvibisa nezvidhori zvinosemesa* zveIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+

8 “‘“Asi vakandipandukira uye vakaramba kunditeerera. Havana kurasa zvinhu zvavo zvinosemesa, uye havana kuda kusiya zvidhori zvinosemesa zveIjipiti.+ Saka ndakavataurira kuti ndichadururira hasha dzangu pavari uye kuti ndichavatsamwira chaizvo munyika yeIjipiti. 9 Zvisinei, ndakazviitira kuti zita rangu rirege kuzvidzwa nemarudzi avaigara nawo.+ Nekuti ndakaita kuti vandizive pamberi pemarudzi acho pandakavabudisa munyika yeIjipiti.+ 10 Saka ndakavabudisa munyika yeIjipiti, ndikavaendesa murenje.+

11 “‘“Ndakabva ndavapa mirau yangu uye ndakavazivisa mitongo yangu,+ kuitira kuti munhu anoitevera ararame.+ 12 Ndakavapawo masabata angu+ kuti ave chiratidzo pakati pangu navo,+ kuti vazive kuti ini Jehovha ndini ndiri kuvatsvenesa.

13 “‘“Asi imba yaIsraeri yakandipandukira murenje.+ Havana kufamba mumirau yangu, uye vakaramba mitongo yangu, iyo inoita kuti munhu anoitevera ararame. Vakasvibisa masabata angu kusvika pekupedzisira. Saka ndakavataurira murenje kuti ndichavadururira hasha dzangu kuti ndivaparadze.+ 14 Asi ndakazviitira kuti zita rangu rirege kuzvidzwa nemarudzi akaona ndichivabudisa.+ 15 Ndakapikawo kwavari murenje kuti ndaisazovapinza munyika yandakanga ndavapa,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ yakanaka kupfuura dzese, 16 nekuti vakaramba mitongo yangu, havana kufamba mumirau yangu, uye vakasvibisa masabata angu, nekuti mwoyo yavo yaitevera zvidhori zvavo zvinosemesa.+

17 “‘“Asi ndakavanzwira* tsitsi uye handina kuvaparadza. Handina kuvapedza murenje. 18 Ndakati kuvanakomana vavo murenje,+ ‘Regai kufamba mumirau yemadzitateguru enyu+ kana kuchengeta mitongo yavo kana kuzvisvibisa nezvidhori zvavo zvinosemesa. 19 Ndini Jehovha Mwari wenyu. Fambai mumirau yangu, uye chengetai mitongo yangu muiite.+ 20 Tsvenesai masabata angu,+ uye achava chiratidzo pakati pangu nemi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’+

21 “‘“Asi vanakomana vacho vakatanga kundipandukira.+ Havana kufamba mumirau yangu uye havana kuchengeta mitongo yangu kana kuiteerera, iyo inoita kuti munhu anoitevera ararame. Vakasvibisa masabata angu. Saka ndakataura kuti ndichavatsamwira chaizvo murenje uye ndichavadururira hasha dzangu.+ 22 Asi ndakarega kuita izvozvo,+ uye ndakaita zvinochengetedza zita rangu,+ kuti risazvidzwa nemarudzi akaona ndichivabudisa. 23 Ndakapikawo kwavari murenje kuti ndichavaparadzira kune mamwe marudzi uye ndichaita kuti vapararire nenyika,+ 24 nekuti havana kutevera mitongo yangu uye vakaramba mirau yangu,+ vakasvibisa masabata angu, uye vakatevera zvidhori zvinosemesa zvemadzitateguru avo.+ 25 Ndakavaregawo vachitevera mirau isina kunaka, nemitongo inourayisa.+ 26 Pavaiita kuti matangwe avo ese apfuure nemumoto, ndakavarega vachisvibiswa nezvibayiro zvavo kuti ndivaparadze,+ vobva vaziva kuti ndini Jehovha.”’

27 “Saka iwe mwanakomana wemunhu taura neimba yaIsraeri uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Madzitateguru enyu akandizvidzawo saizvozvo, achiita zvisina kutendeka pamberi pangu. 28 Ndakavapinza munyika yandakapika kuti ndichavapa.+ Pavakaona zvikomo zvese zvakakwirira nemiti yese ine mashizha akawanda,+ vakatanga kupa zvibayiro zvavo nemipiro yavo inotsamwisa. Vakapa zvibayiro zvinonhuhwirira* uye vakadurura mipiro yavo yezvinwiwa vari munzvimbo idzodzo. 29 Saka ndakavabvunza kuti, ‘Munoenderei kunzvimbo yakakwirira? (Nanhasi ichiri kunzi Nzvimbo Yakakwirira.)’”’+

30 “Zvino iti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Mava kuzvisvibisa sezvakaitwa nemadzitateguru enyu here nekutevera kwamuri kuita zvidhori zvavo zvinosemesa kuti muite unzenza hwekunamata nazvo?+ 31 Uye nanhasi muchiri kungoramba muchizvisvibisa here, muchipa zvibayiro kuzvidhori zvenyu zvese zvinosemesa, muchiita kuti vanakomana venyu vapfuure nemumoto?+ Munofunga kuti ndingakupindurai here nezvamuri kuita izvozvo, imi imba yaIsraeri?”’+

“‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘Handisi kuzokupindurai.+ 32 Zvamunofunga mupfungwa dzenyu muchiti, “Ngatiitei semamwe marudzi, semhuri dzekune dzimwe nyika dzinonamata* matanda nematombo,” hazvisi kuzomboitika.’”+

33 “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndichava mambo wenyu ndichikutongai neruoko rune simba uye rwakatambanudzwa, ndakakutsamwirai zvikuru.+ 34 Ndichakubvisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga mapararira kwadziri ndichishandisa ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa, ndakatsamwa zvikuru.+ 35 Ndichakuendesai murenje remarudzi, ndokutongai imomo takatarisana.+

36 “‘Ndichakutongai sekutonga kwandakaita madzitateguru enyu murenje renyika yeIjipiti,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 37 ‘Ndichaita kuti mupfuure nepasi petsvimbo yemufudzi,+ ndoita kuti muve pasi pesungano yacho. 38 Asi ndichabvisa vapanduki vari pakati penyu nevaya vanonditadzira.+ Nekuti ndichavabudisa munyika isiri yavo yavari kugara, asi havazopindi munyika yeIsraeri;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’

39 “Asi kana muri imi imba yaIsraeri, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Mumwe nemumwe wenyu ngaaende kunoshumira zvidhori zvake zvinosemesa.+ Asi kana maita izvozvo, ndichakurambai zvoita kuti musasvibisazve zita rangu dzvene nezvibayiro zvenyu nezvidhori zvenyu zvinosemesa.’+

40 “‘Nekuti mugomo rangu dzvene, gomo refu reIsraeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndimo mandichashumirwa nevanhu veimba yese yaIsraeri, vese zvavo vari munyika yacho.+ Ndichakufarirai uye ndichada kuti mundipe zvipo zvenyu imomo nemipiro yenyu yakanakisisa, zvinhu zvenyu zvese zvitsvene.+ 41 Kunhuhwirira kwemipiro yacho kuchaita kuti ndikufarirei panguva yandichakubvisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga maparadzirwa;+ uye ndichatsveneswa pakati penyu, mamwe marudzi ese akatarisa.’+

42 “‘Muchaziva kuti ndini Jehovha,+ pandichakuendesai kunyika yeIsraeri,+ nyika yandakapika kuti ndichapa madzitateguru enyu. 43 Mava ikoko, muchayeuka maitiro enyu nemabasa enyu ese amakazvisvibisa nawo,+ uye muchazvisema* nemhaka yezvakaipa zvamakaita.+ 44 Muchabva maziva kuti ndini Jehovha pandichakuitirai zvakanaka ndichifunga nezvezita rangu,+ kwete nzira dzenyu dzakaipa kana mabasa enyu akaora, imi imba yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

45 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 46 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kumaodzanyemba uzivise shoko ikoko, uye profita kusango renyika yekumaodzanyemba. 47 Iti kusango rekumaodzanyemba, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kubatidza moto kuti ukupise,+ uye uchaparadza miti yese yakasvibirira, nemiti yako yese yakaoma. Rimi racho harizodzimwi,+ uye richapisa zviso zvese, kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe. 48 Vanhu vese vachaona kuti ini, Jehovha, ndini ndaribatidza, kuti risadzimwa.”’”+

49 Zvino ndakati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Vari kuti nezvangu, ‘Haasi kungotaura zvirahwe* here?’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe