RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 28
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Sauro anoenda kusvikiro rekuEndori (1-25)

1 Samueri 28:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:52
  • +1Sa 27:12; 29:3

1 Samueri 28:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kuti uchengete musoro wangu mazuva ese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 29:2

1 Samueri 28:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 25:1
  • +Eks 22:18; Re 19:31; 20:6, 27; Dhe 18:10, 11; Zva 21:8

1 Samueri 28:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:17, 18; 2Mad 4:8
  • +1Sa 31:1; 2Sa 1:21; 21:12

1 Samueri 28:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:20

1 Samueri 28:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:37
  • +Eks 28:30; Nu 27:21

1 Samueri 28:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:18; Re 19:31; 20:6; 1Sa 15:23; 28:3
  • +Jos 17:11

1 Samueri 28:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 18:10, 11; 1Mak 10:13

1 Samueri 28:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuteya mweya wangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:3
  • +Eks 22:18; Re 20:27

1 Samueri 28:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chaiita kunge Samueri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:3

1 Samueri 28:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2010, p. 20

    1/15/1988, pp. 3-4

    Kukurukurirana, p. 123

1 Samueri 28:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:6
  • +Re 19:31

1 Samueri 28:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:23; 16:14

1 Samueri 28:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:14; 15:28; 16:13; 24:20

1 Samueri 28:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:9; 1Mak 10:13

1 Samueri 28:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:1; 31:1
  • +1Sa 31:5
  • +1Sa 31:2; 2Sa 2:8
  • +1Sa 31:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/1988, pp. 3-4

1 Samueri 28:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndabatira mweya wangu mumaoko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:27

1 Samueri 28:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuibayira.”

1 Samueri 28:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:8

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 28:11Sa 14:52
1 Sam. 28:11Sa 27:12; 29:3
1 Sam. 28:21Sa 29:2
1 Sam. 28:31Sa 25:1
1 Sam. 28:3Eks 22:18; Re 19:31; 20:6, 27; Dhe 18:10, 11; Zva 21:8
1 Sam. 28:4Jos 19:17, 18; 2Mad 4:8
1 Sam. 28:41Sa 31:1; 2Sa 1:21; 21:12
1 Sam. 28:51Sa 28:20
1 Sam. 28:61Sa 14:37
1 Sam. 28:6Eks 28:30; Nu 27:21
1 Sam. 28:7Eks 22:18; Re 19:31; 20:6; 1Sa 15:23; 28:3
1 Sam. 28:7Jos 17:11
1 Sam. 28:8Dhe 18:10, 11; 1Mak 10:13
1 Sam. 28:91Sa 28:3
1 Sam. 28:9Eks 22:18; Re 20:27
1 Sam. 28:121Sa 28:3
1 Sam. 28:141Sa 15:27
1 Sam. 28:151Sa 28:6
1 Sam. 28:15Re 19:31
1 Sam. 28:161Sa 15:23; 16:14
1 Sam. 28:171Sa 13:14; 15:28; 16:13; 24:20
1 Sam. 28:181Sa 15:9; 1Mak 10:13
1 Sam. 28:191Sa 28:1; 31:1
1 Sam. 28:191Sa 31:5
1 Sam. 28:191Sa 31:2; 2Sa 2:8
1 Sam. 28:191Sa 31:7
1 Sam. 28:21Re 20:27
1 Sam. 28:251Sa 28:8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 28:1-25

Bhuku Rekutanga raSamueri

28 Mazuva iwayo vaFiristiya vakaunganidza mauto avo kuti varwise vaIsraeri.+ Saka Akishi akati kuna Dhavhidhi: “Iwe unotozviziva kuti uchaenda neni nevarume vako kunorwa.”+ 2 Dhavhidhi akabva ati kuna Akishi: “Chokwadi munoziva zvichaitwa nemuranda wenyu.” Akishi akati kuna Dhavhidhi: “Ndokusaka ndichakugadza kuti uve munhu achagara achindirinda nguva dzese.”*+

3 Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vese vakanga vamuchema, vakamuviga muRama, muguta rake.+ Uye Sauro akanga abvisa masvikiro nevafemberi munyika.+

4 VaFiristiya vakaungana vakaenda vakanodzika musasa muShunemi.+ Saka Sauro akaunganidza vaIsraeri vese, vakadzika musasa muGiribhoa.+ 5 Sauro paakaona musasa wevaFiristiya, akatanga kutya, hana yake ichirova chaizvo.+ 6 Kunyange zvazvo Sauro aibvunza Jehovha,+ Jehovha haana kumbomupindura, kungava kuhope kana kuti neUrimu+ kana kuti nevaprofita. 7 Sauro akazoti kuvaranda vake: “Nditsvagirei mukadzi anosvikirwa+ ndiende kunomubvunza.” Varanda vake vakapindura kuti: “Pane mukadzi ari muEndori anosvikirwa.”+

8 Saka Sauro akaita kuti arege kuzivikanwa, akapfeka dzimwe nguo, akaenda kumukadzi wacho usiku aine varume vake vaviri. Akati: “Ndinokumbirawo kuti usvikirwe,+ ushandise simba rako rekutaura nemidzimu, wondibudisirawo munhu wandinenge ndasarudza.” 9 Zvisinei, mukadzi wacho akati kwaari: “Unoziva zvakaitwa naSauro, kubvisa kwaakaita masvikiro nevafemberi munyika.+ Saka nei uri kuedza kunditeya* kuti ndiurayiwe?”+ 10 Sauro akabva apika naJehovha kwaari achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, hauzovi nemhosva panyaya iyi!” 11 Mukadzi wacho akabva ati: “Ndikubudisirei ani?” Iye akati: “Ndibudisire Samueri.” 12 Mukadzi wacho paakaona “Samueri,”*+ akashevedzera nenzwi guru akati kuna Sauro: “Mandinyengedzerei? Ndimi Sauro!” 13 Mambo akati kwaari: “Usatya, uri kuonei?” Mukadzi wacho akapindura Sauro achiti: “Ndiri kuona akaita samwari achibuda panyika.” 14 Akabva amubvunza kuti: “Akaita sei?” iye achibva ati: “Pari kubuda murume akwegura, uye akapfeka nguo isina maoko.”+ Sauro akabva aziva kuti akanga ari “Samueri,” uye akapfugama, akadzikisa musoro wake.

15 “Samueri” akabva ati kuna Sauro: “Wandinetserei nekuita kuti ndibudiswe?” Sauro akati: “Ndiri panguva yakaoma. VaFiristiya vari kundirwisa, uye Mwari abva kwandiri uye haachandipinduri nevaprofita kana kuti kuhope;+ ndokusaka ndiri kukumbira kwamuri kuti mundiudze zvandinofanira kuita.”+

16 “Samueri” akati: “Jehovha abva kwauri+ uye ava mhandu yako, saka uri kundibvunzirei? 17 Jehovha achaita zvaakataura kuburikidza neni zvekuti: Jehovha achabvarura umambo kubva mumaoko ako ohupa mumwe wako, Dhavhidhi.+ 18 Jehovha ari kukuitira izvi nhasi nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, uye hauna kuratidza kutsamwa kwake kukuru pavaAmareki.+ 19 Jehovha achaisawo iwe nevaIsraeri mumaoko evaFiristiya,+ uye mangwana iwe+ nevanakomana vako+ muchava neni. Jehovha achaisawo uto revaIsraeri mumaoko evaFiristiya.”+

20 Sauro akabva azvambarara pasi, akatya chaizvo nemhaka yemashoko “aSamueri.” Uye akanga asisina simba, nekuti akanga asina kudya zuva rese neusiku hwese. 21 Mukadzi wacho paakaenda paiva naSauro ndokuona kuti akanga achinetseka chaizvo, akati kwaari: “Muranda wenyu ateerera zvamataura, uye ndaisa upenyu hwangu pangozi*+ ndikaita zvamati ndiite. 22 Ndapota, teererai mashoko emuranda wenyu. Regai ndikupei chimedu chechingwa; uye idyai kuti muwane simba rekudzokera.” 23 Asi iye akaramba, akati: “Handisi kuzodya.” Zvisinei, varanda vake nemukadzi wacho vakaramba vachimumanikidza. Akazovateerera, akasimuka akagara pamubhedha. 24 Mukadzi wacho akanga aine mhuru yakakodzwa pamba pake, saka akakurumidza kuiuraya,* uye akatora furawa akakanya mukanyiwa, akabika chingwa chisina mbiriso. 25 Akazvipa Sauro nevaranda vake, vakadya. Pashure paizvozvo vakasimuka, vakaenda usiku.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe