Bhuku Rekutanga raSamueri
11 Nahashi muAmoni+ akabva auya akadzika musasa pakatarisana neJabheshi iri muGiriyedhi. Varume vese vekuJabheshi+ vakati kuna Nahashi: “Itai sungano* nesu, uye tichava pasi penyu.” 2 Nahashi muAmoni akati kwavari: “Kuti ndiite sungano nemi, maziso enyu mese ekurudyi anofanira kutushurwa. Ndichaita izvi kuti ndinyadzise vaIsraeri vese.” 3 Vakuru vekuJabheshi vakamupindura kuti: “Tipei mazuva 7, kuti titume nhume munharaunda yese yeIsraeri. Kana tashaya anotiponesa, tichabva tazviisa mumaoko enyu.” 4 Kwapera nguva, nhume dzacho dzakasvika kuGibhiya+ yaSauro dzikataura mashoko acho vanhu vachinzwa, vanhu vese vakachema vachiridza mhere.
5 Asi Sauro akanga achibva kumafuro, mombe dziri pamberi pake, uye Sauro akati: “Ko vanhu vaita sei? Vari kuchemei?” Saka vakamuudza zvakanga zvataurwa nevarume vekuJabheshi. 6 Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakamupa simba,+ uye akatsamwa zvisingaiti. 7 Saka akatora mikono miviri yemombe, akaidimbura-dimbura, akaitumira nenhume munharaunda yese yaIsraeri, uye nhume dzacho dzaiti: “Munhu wese asingateveri Sauro naSamueri anofanira kuziva kuti izvi ndizvo zvichaitwa mombe dzake!” Vanhu vakatanga kutya Jehovha zvekuti vakabuda vakabatana.* 8 Sauro akabva avaverenga muBhezeki, uye paiva nevaIsraeri 300 000 nevarume vekwaJudha 30 000. 9 Vakabva vati kunhume dzakanga dzauya: “Muti kuvarume vekuJabheshi iri muGiriyedhi, ‘Mangwana kana zuva rava kupisa, muchaponeswa.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda kunoudza varume vekuJabheshi, uye varume vacho vakafara chaizvo. 10 Saka varume vekuJabheshi vakati: “Mangwana tichazviisa mumaoko enyu uye munogona henyu kutiitira chero zvamunofunga kuti ndizvo zvakanaka.”+
11 Zuva rakatevera, Sauro akaisa vanhu mumapoka matatu, uye vakapinda pakati pemusasa munguva yekurinda kwemangwanani,* vakauraya vaAmoni+ kusvikira zuva rava kupisa. Vaya vakapona vakapararira vachiita rumwe rumwe zvekuti hapana vakasara vari vaviri. 12 Vanhu vakabva vati kuna Samueri: “Ndiani aiti, ‘Sauro angava mambo wedu here?’+ Tipei varume vacho, uye tichavauraya.” 13 Zvisinei, Sauro akati: “Hapana munhu anofanira kuurayiwa nhasi,+ nekuti nhasi Jehovha aponesa Israeri.”
14 Gare gare Samueri akati kuvanhu: “Uyai tiende kuGirigari+ kuti tinosimbisa umambo ikoko.”+ 15 Saka vanhu vese vakaenda kuGirigari, uye ikoko vakaita kuti Sauro ave mambo pamberi paJehovha. Vakabva vapa zvibayiro zverugare ikoko pamberi paJehovha,+ uye Sauro nevarume vese veIsraeri vakapemberera vachifara chaizvo.+