RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Sauro anokunda vaAmoni (1-11)

      • Umambo hwaSauro hunosimbiswa (12-15)

1 Samueri 11:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chibvumirano.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:19
  • +Vat 21:8; 1Sa 31:11, 12

1 Samueri 11:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/1995, pp. 9-10

1 Samueri 11:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:26; 14:2

1 Samueri 11:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 3:9, 10; 6:34; 11:29; 14:5, 6; 1Sa 10:10, 11; 16:13

1 Samueri 11:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vakaita semunhu mumwe chete.”

1 Samueri 11:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 11:3

1 Samueri 11:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, kubva kuma2:00 dzeusiku kusvika kuma6:00 dzemangwanani.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 11:1

1 Samueri 11:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:26, 27

1 Samueri 11:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 19:22

1 Samueri 11:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 7:15, 16
  • +1Sa 10:17, 24

1 Samueri 11:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:11
  • +1Mad 1:39, 40; 2Mad 11:12, 14; 1Mak 12:39, 40

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 11:1Dhe 2:19
1 Sam. 11:1Vat 21:8; 1Sa 31:11, 12
1 Sam. 11:41Sa 10:26; 14:2
1 Sam. 11:6Vat 3:9, 10; 6:34; 11:29; 14:5, 6; 1Sa 10:10, 11; 16:13
1 Sam. 11:101Sa 11:3
1 Sam. 11:111Sa 11:1
1 Sam. 11:121Sa 10:26, 27
1 Sam. 11:132Sa 19:22
1 Sam. 11:141Sa 7:15, 16
1 Sam. 11:141Sa 10:17, 24
1 Sam. 11:15Re 7:11
1 Sam. 11:151Mad 1:39, 40; 2Mad 11:12, 14; 1Mak 12:39, 40
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 11:1-15

Bhuku Rekutanga raSamueri

11 Nahashi muAmoni+ akabva auya akadzika musasa pakatarisana neJabheshi iri muGiriyedhi. Varume vese vekuJabheshi+ vakati kuna Nahashi: “Itai sungano* nesu, uye tichava pasi penyu.” 2 Nahashi muAmoni akati kwavari: “Kuti ndiite sungano nemi, maziso enyu mese ekurudyi anofanira kutushurwa. Ndichaita izvi kuti ndinyadzise vaIsraeri vese.” 3 Vakuru vekuJabheshi vakamupindura kuti: “Tipei mazuva 7, kuti titume nhume munharaunda yese yeIsraeri. Kana tashaya anotiponesa, tichabva tazviisa mumaoko enyu.” 4 Kwapera nguva, nhume dzacho dzakasvika kuGibhiya+ yaSauro dzikataura mashoko acho vanhu vachinzwa, vanhu vese vakachema vachiridza mhere.

5 Asi Sauro akanga achibva kumafuro, mombe dziri pamberi pake, uye Sauro akati: “Ko vanhu vaita sei? Vari kuchemei?” Saka vakamuudza zvakanga zvataurwa nevarume vekuJabheshi. 6 Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakamupa simba,+ uye akatsamwa zvisingaiti. 7 Saka akatora mikono miviri yemombe, akaidimbura-dimbura, akaitumira nenhume munharaunda yese yaIsraeri, uye nhume dzacho dzaiti: “Munhu wese asingateveri Sauro naSamueri anofanira kuziva kuti izvi ndizvo zvichaitwa mombe dzake!” Vanhu vakatanga kutya Jehovha zvekuti vakabuda vakabatana.* 8 Sauro akabva avaverenga muBhezeki, uye paiva nevaIsraeri 300 000 nevarume vekwaJudha 30 000. 9 Vakabva vati kunhume dzakanga dzauya: “Muti kuvarume vekuJabheshi iri muGiriyedhi, ‘Mangwana kana zuva rava kupisa, muchaponeswa.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda kunoudza varume vekuJabheshi, uye varume vacho vakafara chaizvo. 10 Saka varume vekuJabheshi vakati: “Mangwana tichazviisa mumaoko enyu uye munogona henyu kutiitira chero zvamunofunga kuti ndizvo zvakanaka.”+

11 Zuva rakatevera, Sauro akaisa vanhu mumapoka matatu, uye vakapinda pakati pemusasa munguva yekurinda kwemangwanani,* vakauraya vaAmoni+ kusvikira zuva rava kupisa. Vaya vakapona vakapararira vachiita rumwe rumwe zvekuti hapana vakasara vari vaviri. 12 Vanhu vakabva vati kuna Samueri: “Ndiani aiti, ‘Sauro angava mambo wedu here?’+ Tipei varume vacho, uye tichavauraya.” 13 Zvisinei, Sauro akati: “Hapana munhu anofanira kuurayiwa nhasi,+ nekuti nhasi Jehovha aponesa Israeri.”

14 Gare gare Samueri akati kuvanhu: “Uyai tiende kuGirigari+ kuti tinosimbisa umambo ikoko.”+ 15 Saka vanhu vese vakaenda kuGirigari, uye ikoko vakaita kuti Sauro ave mambo pamberi paJehovha. Vakabva vapa zvibayiro zverugare ikoko pamberi paJehovha,+ uye Sauro nevarume vese veIsraeri vakapemberera vachifara chaizvo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe