RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • Sauro anosarudza varwi (1-4)

      • Sauro anoita zvaasina kodzero yekuita (5-9)

      • Samueri anotsiura Sauro (10-14)

      • VaIsraeri vakanga vasina zvombo (15-23)

1 Samueri 13:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Nhamba yacho haimo muzvinyorwa zvechiHebheru.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 13:21

1 Samueri 13:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:1; 2Sa 1:4; 21:7
  • +Jos 18:28; 1Sa 10:26

1 Samueri 13:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:2, 3; 1Sa 9:16
  • +Jos 21:8, 17
  • +Vat 3:26, 27; 6:34; 2Sa 2:28

1 Samueri 13:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 5:9; 1Sa 11:14

1 Samueri 13:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:1
  • +Jos 7:2; 18:11, 12; 1Sa 14:23

1 Samueri 13:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:11

1 Samueri 13:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:1, 33; Jos 13:24, 25

1 Samueri 13:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:22, 23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    1/2017, p. 17

1 Samueri 13:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:6, 8
  • +1Sa 13:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2000, pp. 12-13

1 Samueri 13:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2000, pp. 12-13

1 Samueri 13:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:11

1 Samueri 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:28
  • +1Sa 16:1; 2Sa 7:15; Pis 78:70; Mab 13:22
  • +Ge 49:10; 2Sa 5:2; 7:8; 1Mak 28:4
  • +Zvi 11:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2011, pp. 26-29

    “Rugwaro Rwose,” p. 63

1 Samueri 13:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:7; 14:2

1 Samueri 13:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:3
  • +1Sa 13:2

1 Samueri 13:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 10:11

1 Samueri 13:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Chibayiso.”

  • *

    Pimu hwaiva uremu hwakaenzana nemagiramu anoda kusvika 8.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 75

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1964

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, p. 29

1 Samueri 13:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:47, 50

1 Samueri 13:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 13:2; 14:4, 5

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 13:1Mab 13:21
1 Sam. 13:21Sa 18:1; 2Sa 1:4; 21:7
1 Sam. 13:2Jos 18:28; 1Sa 10:26
1 Sam. 13:3Jos 13:2, 3; 1Sa 9:16
1 Sam. 13:3Jos 21:8, 17
1 Sam. 13:3Vat 3:26, 27; 6:34; 2Sa 2:28
1 Sam. 13:4Jos 5:9; 1Sa 11:14
1 Sam. 13:5Dhe 20:1
1 Sam. 13:5Jos 7:2; 18:11, 12; 1Sa 14:23
1 Sam. 13:61Sa 14:11
1 Sam. 13:7Nu 32:1, 33; Jos 13:24, 25
1 Sam. 13:91Sa 15:22, 23
1 Sam. 13:111Sa 13:6, 8
1 Sam. 13:111Sa 13:5
1 Sam. 13:131Sa 15:11
1 Sam. 13:141Sa 15:28
1 Sam. 13:141Sa 16:1; 2Sa 7:15; Pis 78:70; Mab 13:22
1 Sam. 13:14Ge 49:10; 2Sa 5:2; 7:8; 1Mak 28:4
1 Sam. 13:14Zvi 11:2
1 Sam. 13:151Sa 13:7; 14:2
1 Sam. 13:161Sa 13:3
1 Sam. 13:161Sa 13:2
1 Sam. 13:18Jos 10:11
1 Sam. 13:221Sa 17:47, 50
1 Sam. 13:231Sa 13:2; 14:4, 5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 13:1-23

Bhuku Rekutanga raSamueri

13 Sauro aiva nemakore . . .* paakava mambo,+ uye akatonga Israeri kwemakore maviri. 2 Sauro akasarudza varume 3 000 pavaIsraeri; 2 000 vavo vaiva naSauro kuMikmashi nemumakomo ekuBheteri uye 1 000 vaiva naJonatani+ kuGibhiya+ yaBhenjamini. Akaita kuti vamwe vanhu vese vaende, mumwe nemumwe kutende rake. 3 Jonatani akabva auraya varwi vevaFiristiya+ vakanga vari muGebha,+ uye vaFiristiya vakanzwa nezvazvo. Uye Sauro akaita kuti hwamanda iridzwe+ munyika yacho yese, achiti: “VaHebheru ngavanzwe!” 4 VaIsraeri vese vakanzwa shoko rekuti: “Sauro auraya varwi vevaFiristiya, uye iye zvino vaIsraeri vava kuvengwa chaizvo nevaFiristiya.” Saka vanhu vakaunganidzwa paGirigari+ kuti vabatane naSauro.

5 VaFiristiya vakaunganawo kuti varwe nevaIsraeri, vaine ngoro dzehondo 30 000 nevatasvi vemabhiza 6 000 nemauto akawanda sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ uye vakakwidza vakanodzika musasa muMikmashi kumabvazuva kweBheti-avheni.+ 6 Varume veIsraeri vakaona kuti zvinhu zvakanga zvavaipira, nekuti vakanga vaiswa panguva yakaoma; saka vanhu vakahwanda mumapako,+ mumakomba, mumatombo, muninga nemumigodhi yemvura. 7 Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Rwizi rwaJodhani vachienda kunyika yaGadhi neyaGiriyedhi.+ Asi Sauro akanga achiri muGirigari, uye vanhu vese vaimutevera vaidedera. 8 Akaramba akamirira kwemazuva 7 kusvikira nguva yakanga yataurwa naSamueri yakwana; asi Samueri haana kusvika kuGirigari, uye vanhu vakanga vachipararira vachimusiya. 9 Sauro akazoti: “Ndiunzirei chibayiro chinopiswa nezvibayiro zverugare.” Akabva apa chibayiro chinopiswa.+

10 Asi paakangopedza kupa chibayiro chinopiswa, Samueri akabva asvika. Saka Sauro akabuda kuti aende kwaari kunomukwazisa. 11 Samueri akabva ati: “Waitei?” Sauro akapindura kuti: “Ndaona kuti vanhu vanga vachindisiya,+ uye imi hamuna kusvika nenguva, uye vaFiristiya vanga vachiungana paMikmashi.+ 12 Saka ndati, ‘VaFiristiya vachadzika kuzorwa neni paGirigari ini ndisina kukumbira kunzwirwa nyasha naJehovha.’ Saka ndaona kuti hapana chimwe chekuita kunze kwekupa chibayiro chinopiswa.”

13 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Waita zvinhu zveupenzi. Hauna kuteerera murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako.+ Kudai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pavaIsraeri nekusingaperi. 14 Asi iye zvino umambo hwako hahusi kuzogara.+ Jehovha achatsvaga munhu anodiwa nemwoyo wake,+ uye Jehovha achamugadza kuti ave mutungamiriri wevanhu vake,+ nekuti hauna kuteerera zvawakarayirwa naJehovha.”+

15 Samueri akabva asimuka, akakwidza achibva kuGirigari achienda kuGibhiya yaBhenjamini, uye Sauro akaverenga vanhu. Vaya vakanga vachiri naye vaiva varume vanenge 600.+ 16 Sauro nemwanakomana wake Jonatani nevanhu vavakanga vachiri navo, vaigara muGebha+ yaBhenjamini uye vaFiristiya vakanga vadzika musasa paMikmashi.+ 17 Uto revapambi raigara richibuda mumusasa wevaFiristiya riri mumapoka matatu. Rimwe boka rainanga kumugwagwa wekuenda kuOfra, kunyika yeShuari; 18 rimwe boka rainanga kumugwagwa wekuBheti-horoni;+ uye boka rechitatu rainanga kumugwagwa unoenda kumuganhu wakatarisana nebani reZebhoimu, nechekurenje.

19 Panguva iyi munyika yese yeIsraeri makanga musina kana mupfuri wesimbi, nekuti vaFiristiya vakanga vati: “Kuitira kuti vaHebheru vasagadzira bakatwa kana pfumo.” 20 VaIsraeri vese vaitofanira kuenda kuvaFiristiya kuti varodzerwe miromo yemagejo, mabhidha, matemo kana majeko avo. 21 Kurodzerwa miromo yemagejo, mabhidha, maforogo ane zvekubayisa zvitatu, nematemo uye kusungirwa zvibayiso* zvemombe kuti zvisimbe, kwaiita pimu.* 22 Saka pazuva rekurwa, hapana munhu aiva nebakatwa kana pfumo muruoko rwake pavanhu vaiva naSauro naJonatani;+ Sauro chete nemwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nezvombo.

23 Zvino paiva neboka revarwi revaFiristiya rakanga raenda kumupata wekuMikmashi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe