RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Makoronike

      • Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni (1-12)

      • Upfumi hwaSoromoni (13-28)

      • Kufa kwaSoromoni (29-31)

2 Makoronike 9:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezvirahwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 12:42; Ru 11:31
  • +Pis 72:15
  • +1Mad 10:1-3

2 Makoronike 9:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “hapana chakanga chakavanzika kuna.”

2 Makoronike 9:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 3:28; Mup 12:9
  • +1Mad 10:4-9

2 Makoronike 9:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akasara asina mweya maari.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 4:22, 23
  • +2Mak 8:12, 13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/1999, p. 23

2 Makoronike 9:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “pemashoko enyu.”

2 Makoronike 9:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 11:31
  • +Mup 1:16
  • +1Mad 4:31, 34; 2Mak 1:11, 12

2 Makoronike 9:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 2:11

2 Makoronike 9:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 72:10
  • +1Mad 10:10

2 Makoronike 9:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:27, 28; 10:22; 2Mak 8:18
  • +1Mad 10:11, 12

2 Makoronike 9:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neemuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 6:8
  • +1Mad 7:1
  • +1Mak 25:1; Pis 92:3

2 Makoronike 9:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “kuwedzera pazvipo zvaiva neukoshi hwakaenzana nezvaakanga.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/1999, p. 20

    Mukai!,

    7/8/1988, p. 25

2 Makoronike 9:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:14, 15; 2Mak 1:15; Pis 68:29; 72:15

2 Makoronike 9:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 72:10

2 Makoronike 9:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 12:9
  • +1Mad 10:16, 17

2 Makoronike 9:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

  • *

    MuMagwaro echiHebheru, maina rakaenzana nemagiramu 570. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 7:2

2 Makoronike 9:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:18-20

2 Makoronike 9:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:9

2 Makoronike 9:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 23:24

2 Makoronike 9:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:21, 22, 27

2 Makoronike 9:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 72:10; Jon 1:3
  • +1Mad 9:27
  • +1Mad 10:18

2 Makoronike 9:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 3:12, 13; 4:29; 10:23-25

2 Makoronike 9:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “aitsvaga chiso chaSoromoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 3:28; 4:34; 2Mak 1:12; Zvi 2:6

2 Makoronike 9:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 6:29

2 Makoronike 9:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 17:16; 1Mad 4:26
  • +1Mad 10:26

2 Makoronike 9:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Yufratesi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 4:21

2 Makoronike 9:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:27; 1Mak 27:28

2 Makoronike 9:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:28; 2Mak 1:16

2 Makoronike 9:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:41-43
  • +2Sa 7:2; 12:1; 1Mad 1:8; 1Mak 29:29
  • +1Mad 11:30, 31; 14:2, 6, 10
  • +2Mak 12:15; 13:22
  • +1Mad 11:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2012, p. 25

2 Makoronike 9:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:9; 1Mad 2:10
  • +1Mad 14:21

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Mak. 9:1Mt 12:42; Ru 11:31
2 Mak. 9:1Pis 72:15
2 Mak. 9:11Mad 10:1-3
2 Mak. 9:31Mad 3:28; Mup 12:9
2 Mak. 9:31Mad 10:4-9
2 Mak. 9:41Mad 4:22, 23
2 Mak. 9:42Mak 8:12, 13
2 Mak. 9:6Ru 11:31
2 Mak. 9:6Mup 1:16
2 Mak. 9:61Mad 4:31, 34; 2Mak 1:11, 12
2 Mak. 9:82Mak 2:11
2 Mak. 9:9Pis 72:10
2 Mak. 9:91Mad 10:10
2 Mak. 9:101Mad 9:27, 28; 10:22; 2Mak 8:18
2 Mak. 9:101Mad 10:11, 12
2 Mak. 9:111Mad 6:8
2 Mak. 9:111Mad 7:1
2 Mak. 9:111Mak 25:1; Pis 92:3
2 Mak. 9:121Mad 10:13
2 Mak. 9:131Mad 10:14, 15; 2Mak 1:15; Pis 68:29; 72:15
2 Mak. 9:14Pis 72:10
2 Mak. 9:152Mak 12:9
2 Mak. 9:151Mad 10:16, 17
2 Mak. 9:161Mad 7:2
2 Mak. 9:171Mad 10:18-20
2 Mak. 9:18Ge 49:9
2 Mak. 9:19Nu 23:24
2 Mak. 9:201Mad 10:21, 22, 27
2 Mak. 9:21Pis 72:10; Jon 1:3
2 Mak. 9:211Mad 9:27
2 Mak. 9:211Mad 10:18
2 Mak. 9:221Mad 3:12, 13; 4:29; 10:23-25
2 Mak. 9:231Mad 3:28; 4:34; 2Mak 1:12; Zvi 2:6
2 Mak. 9:24Mt 6:29
2 Mak. 9:25Dhe 17:16; 1Mad 4:26
2 Mak. 9:251Mad 10:26
2 Mak. 9:261Mad 4:21
2 Mak. 9:271Mad 10:27; 1Mak 27:28
2 Mak. 9:281Mad 10:28; 2Mak 1:16
2 Mak. 9:291Mad 11:41-43
2 Mak. 9:292Sa 7:2; 12:1; 1Mad 1:8; 1Mak 29:29
2 Mak. 9:291Mad 11:30, 31; 14:2, 6, 10
2 Mak. 9:292Mak 12:15; 13:22
2 Mak. 9:291Mad 11:26
2 Mak. 9:312Sa 5:9; 1Mad 2:10
2 Mak. 9:311Mad 14:21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Makoronike 9:1-31

Bhuku Rechipiri reMakoronike

9 Mambokadzi weShebha+ akanzwa mashoko pamusoro paSoromoni, saka akauya kuJerusarema kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma.* Aiva nevanhu vakawanda vaimuperekedza, nengamera dzakanga dzakatakura mafuta ebharisamu negoridhe rakawanda chaizvo+ nematombo anokosha. Akapinda maiva naSoromoni akamubvunza zvese zvaiva mumwoyo make.+ 2 Soromoni akabva amupindura mibvunzo yake yese. Hapana chakanga chakaomera* Soromoni kuti amutsanangurire.

3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni,+ neimba yaakavaka,+ 4 nezvekudya zvaiiswa patafura yake,+ nekugara kwevashandi vake patafura, nebasa revashandi vake vaiuya nezvekudya patafura, nezvipfeko zvavo, nevadiri vake nezvipfeko zvavo, nezvibayiro zvake zvinopiswa zvaaigara achipa paimba yaJehovha,+ akashaya neremuromo.* 5 Saka akati kuna mambo: “Mashoko andakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu pamusoro pemabasa amakaita* uye pamusoro peuchenjeri hwenyu aiva echokwadi. 6 Asi handina kutenda mashoko acho kusvikira ndauya ndikazvionera nemaziso angu.+ Zvandakaudzwa hazvitombosviki pahafu yeuchenjeri hwenyu hukuru.+ Munopfuura nekure mashoko andakanzwa.+ 7 Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu! 8 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, uyo akakufarirai akakugadzai pachigaro chake cheumambo kuti muve mambo anomiririra Jehovha Mwari wenyu. Mwari wenyu anoda vaIsraeri,+ ndokusaka akakugadzai kuti muve mambo wavo anotonga zvakanaka uye zvakarurama kuti vaIsraeri varambe varipo nekusingaperi.”

9 Akabva apa mambo matarenda* 120 egoridhe+ nemafuta ebharisamu akawanda chaizvo nematombo anokosha akawanda chaizvo. Hakuna kuzombounzwa mafuta ebharisamu akaita seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.+

10 Uyewo, varanda vaHiramu nevashandi vaSoromoni avo vakauya negoridhe kubva kuOfiri,+ vakauyawo nematanda emiarigamu nematombo anokosha.+ 11 Achishandisa matanda acho emiarigamu, mambo akagadzira masitepisi eimba yaJehovha+ neeimba yamambo,*+ uyewo udimbwa nezviridzwa zvine tambo zvevaimbi.+ Matanda akadaro akanga asati amboonekwa munyika yeJudha.

12 Mambo Soromoni akapawo mambokadzi weShebha zvese zvaaida uye zvaakakumbira, zvaipfuura zvaakanga* aunza kuna mambo. Akabva asimuka akadzokera kunyika yake, pamwe chete nevaranda vake.+

13 Uremu hwegoridhe raiuya kuna Soromoni mugore rimwe chete hwaiva matarenda 666,+ 14 tisingabatanidzi raiunzwa nevanhu vaifamba vachitengesa nevamwe vaiita zvekuchinjanisa zvinhu, nemadzimambo ese evaArabhu nemagavhuna enyika aiunza goridhe nesirivha kuna Soromoni.+

15 Mambo Soromoni akagadzira nhoo huru 200 achishandisa goridhe rakanga rakasanganiswa nedzimwe simbi+ (nhoo imwe neimwe yakaiswa mashekeri* 600 egoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi),+ 16 nenhoo diki* 300 dzegoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi (nhoo diki imwe neimwe yakaiswa mamaina* matatu egoridhe). Mambo akabva adziisa muImba yeSango reRebhanoni.+

17 Mambo akagadzirawo chigaro chikuru cheumambo nenyanga dzenzou, akachiisa goridhe rakanatswa.+ 18 Paiva nemasitepisi 6 aikwira kuchigaro chacho, uye paiva nechekutsika chegoridhe chaiva chakabatana nechigaro chacho, uye kumativi ese echigaro chacho kwaiva nezvekutsamidzira maoko, uye shumba mbiri+ dzakanga dzakamira pedyo nezvekutsamidzira maoko. 19 Paiva neshumba 12+ dzakanga dzakamira pamasitepisi acho 6, sitepi rimwe nerimwe riine shumba kumativi aro maviri, pamasitepisi acho ese 6. Hapana humwe umambo hwakanga hwambogadzira chigaro chakadaro. 20 Midziyo yese yekunwira yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye midziyo yese yeImba yeSango reRebhanoni yaiva yegoridhe rakanatswa. Pakanga pasina chakagadzirwa nesirivha, nekuti sirivha yaisamboonekwa sechinhu mumazuva aSoromoni.+ 21 Nekuti ngarava dzamambo dzaienda kuTashishi+ dziine varanda vaHiramu.+ Kamwe chete pamakore matatu ega ega, ngarava dzeTashishi dzaiuya dzakatakura goridhe nesirivha, nyanga dzenzou,+ tsoko, nemapikoko.

22 Saka Mambo Soromoni aiva nepfuma neuchenjeri+ kupfuura mamwe madzimambo ese epanyika. 23 Uye madzimambo ese epanyika aida kutaura naSoromoni* kuti anzwe uchenjeri hwake, hwakanga hwaiswa mumwoyo make naMwari.+ 24 Mumwe nemumwe aiuya nechipo: zvinhu zvesirivha, zvinhu zvegoridhe, nguo,+ zvombo, mafuta ebharisamu, mabhiza, nemanyurusi, uye izvi zvairamba zvichiitika gore negore. 25 Soromoni aiva nematanga 4 000 emabhiza ake nengoro, nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro uye pedyo namambo muJerusarema.+ 26 Aitonga madzimambo ese kubva kuRwizi* kusvika kunyika yevaFiristiya uye kusvika kumuganhu weIjipiti.+ 27 Mambo akaita kuti sirivha yaiva muJerusarema iwande sematombo, uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+ 28 Vaiunza mabhiza kuna Soromoni vachibva nawo kuIjipiti+ nekune dzimwe nyika dzese.

29 Kana iri nhoroondo yese yaSoromoni,+ kubva painotangira kusvika painoperera, haina kunyorwa here pamashoko emuprofita Natani,+ muuprofita hwaAhija+ wekuShiro, uye muzvinyorwa zvezvinhu zvakaratidzwa muoni Idho+ pamusoro paJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati? 30 Soromoni akatonga Israeri yese muJerusarema kwemakore 40. 31 Soromoni akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake. Saka vakamuviga muguta rababa vake Dhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Rehobhoamu akava mambo panzvimbo pake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe