RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Ezekieri anoendeswa kuJerusarema muchiratidzo (1-4)

      • Mutemberi munoonekwa zvinhu zvinosemesa (5-18)

        • Vakadzi vari kuchema Tamuzi (14)

        • Varume vari kunamata zuva (16)

Ezekieri 8:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2018, p. 3

    “Rugwaro Rwose,” p. 134

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 13

Ezekieri 8:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 7:9
  • +Eze 1:4, 27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 13

Ezekieri 8:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chifananidzo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 20:2; Eze 9:2
  • +Dhe 32:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 13

Ezekieri 8:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:34
  • +Eze 1:27, 28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 13

Ezekieri 8:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 53-54, 56

    Nharireyomurindi,

    1/15/1993, p. 27

    9/15/1988, p. 13

    Kupukunyuka, pp. 93-94

Ezekieri 8:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:14
  • +Jer 26:4, 6

Ezekieri 8:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:10
  • +Eks 20:4, 5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/1993, p. 27

    Kupukunyuka, pp. 93-94

Ezekieri 8:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:3, 4; 25:22; Jer 26:24
  • +Eze 16:17, 18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 54-58

    Nharireyomurindi,

    1/15/1993, p. 27

Ezekieri 8:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 29:15; Eze 9:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 134

Ezekieri 8:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 57-58

    Nharireyomurindi,

    1/15/1993, p. 28

    9/15/1988, pp. 13-14

    Kukurukurirana, p. 244

    Kupukunyuka, pp. 93-94

Ezekieri 8:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:14

Ezekieri 8:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 4:9
  • +Dhe 4:19; 2Mad 17:16; Jer 8:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 57, 58-59

    Nharireyomurindi,

    1/15/1993, p. 28

    Kupukunyuka, pp. 93-94

Ezekieri 8:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvinoratidza sekuti ibazi raishandiswa pakunamata zvidhori.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:16; Jer 19:4; Eze 9:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/1993, p. 28

    9/15/1988, pp. 13-14

    Kupukunyuka, pp. 93-94

Ezekieri 8:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 5:11; 7:9
  • +Isa 1:15; Mik 3:4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 8:2Dha 7:9
Ezek. 8:2Eze 1:4, 27
Ezek. 8:3Jer 20:2; Eze 9:2
Ezek. 8:3Dhe 32:16
Ezek. 8:4Eks 40:34
Ezek. 8:4Eze 1:27, 28
Ezek. 8:62Mak 36:14
Ezek. 8:6Jer 26:4, 6
Ezek. 8:10Re 11:10
Ezek. 8:10Eks 20:4, 5
Ezek. 8:112Mad 22:3, 4; 25:22; Jer 26:24
Ezek. 8:11Eze 16:17, 18
Ezek. 8:12Isa 29:15; Eze 9:9
Ezek. 8:152Mak 36:14
Ezek. 8:162Mak 4:9
Ezek. 8:16Dhe 4:19; 2Mad 17:16; Jer 8:1, 2
Ezek. 8:172Mad 21:16; Jer 19:4; Eze 9:9
Ezek. 8:18Eze 5:11; 7:9
Ezek. 8:18Isa 1:15; Mik 3:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 8:1-18

Ezekieri

8 Mugore rechi6, mumwedzi wechi6, riri zuva rechishanu remwedzi wacho, pandakanga ndakagara mumba mangu, vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaChangamire Ishe Jehovha rwakandibata ndiri imomo. 2 Pandakanga ndakatarisa, ndakaona chinhu chaiita semunhu, chaiva chakaita semoto; kutangira maiita kunge muchiuno make zvichidzika maiva nemoto,+ uye kutangira muchiuno make zvichikwira, aipenya segoridhe rakasanganiswa nesirivha.+ 3 Akabva atambanudza chinhu chaiita seruoko, akabata bvudzi rezhumu remusoro wangu ndokunditakura, mweya ukanditakura nepakati penyika nedenga, ukandiendesa kuJerusarema ndichiita zvekuoneswa chiratidzo naMwari, kusuo regedhi remukati+ rakatarisa kuchamhembe, uko kwaiva kwakamira chiratidzo* chegodo, chinomutsa godo.+ 4 Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri ipapo,+ kwakaita sekwandakanga ndamboona mubani.+

5 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndapota, tarisa kuchamhembe.” Saka ndakatarisa kuchamhembe, uye ikoko kuchamhembe kwegedhi reatari ndiko kwaiva nechiratidzo ichi chegodo, chiri pekupinda napo. 6 Uye akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zvinhu zvisingaiti uye zvinosemesa zviri kuitwa neimba yaIsraeri,+ zvinhu zvinoita kuti ndiende kure chaizvo nenzvimbo yangu tsvene?+ Asi uchaona zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura ipapo.”

7 Akabva andiendesa kusuo rechivanze, uye pandakatarisa, ndakaona buri raiva pamadziro. 8 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndapota, boora madziro.” Saka ndakaboora madziro acho ndikaona suo. 9 Akati kwandiri: “Pinda uone zvinhu zvakaipa uye zvinosemesa zvavari kuita.” 10 Saka ndakapinda, ndikatarisa, uye ndakaona mifananidzo yemarudzi ese yezvinhu zvinokambaira nemhuka dzinosemesa,+ nezvidhori zvese zvinosemesa* zveimba yaIsraeri;+ mifananidzo yacho yakanga yakatemerwa pamadziro kumativi ese. 11 Uye vakuru 70 veimba yaIsraeri vakanga vakamira pamberi payo, Jaazaniya mwanakomana waShafani+ akamira pakati pavo. Mumwe nemumwe aiva nemudziyo wake wekupisira zvinonhuhwirira muruoko rwake, uye paiva negore rinonhuhwirira rerusenzi raikwira mudenga.+ 12 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zviri kuitwa nevakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nemumwe ari mudzimba dzemukati makaiswa zvifananidzo zvake? Nekuti vari kuti, ‘Jehovha haasi kutiona. Jehovha abva munyika.’”+

13 Akatizve kwandiri: “Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatonyanya kuipa zvavari kuita.” 14 Saka akandiendesa kusuo regedhi rekuchamhembe reimba yaJehovha, uye ikoko ndakaona vakadzi vakanga vakagara, vachichema mwari anonzi Tamuzi.

15 Uye akatizve kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuzviona here? Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura izvi.”+ 16 Saka akapinda neni muchivanze chemukati cheimba yaJehovha.+ Ipapo pasuo retemberi yaJehovha, pakati pevharanda neatari, paiva nevarume vanenge 25 vakanga vakafuratira temberi yaJehovha, vakatarisa kumabvazuva; uye vaipfugamira zuva kumabvazuva.+

17 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuzviona here? Zvinhu izvi zvinosemesa zviri kuitwa neimba yaJudha zvidiki here, naiko kuzadza kwavari kuita nyika nemhirizhonga,+ vachiramba vachindigumbura? Vari kutambanudzira bazi* kumhino yangu. 18 Saka ini ndicharatidza hasha dzangu. Ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Kunyange kana vakashevedzera munzeve dzangu nenzwi guru, ini handizovanzwi.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe