Bhuku Rechipiri raSamueri
4 Mwanakomana waSauro Ishi-bhosheti*+ paakanzwa kuti Abhineri akanga afa muHebroni,+ zvakamupedza simba* uye vaIsraeri vese vakanetseka. 2 Kwaiva nevarume vaviri vaitungamirira mapoka aipamba emwanakomana waSauro: mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhi. Vaiva vanakomana vaRimoni wekuBheeroti, wedzinza raBhenjamini. (Nekuti Bheeroti+ yaiverengwawo seyaBhenjamini. 3 VaBheeroti vakatizira kuGitaimu,+ uye nanhasi vachiri kugara ikoko sevatorwa.)
4 Zvino Jonatani+ mwanakomana waSauro aiva nemwanakomana akanga akaremara tsoka.+ Mwana wacho aiva nemakore mashanu pakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani kubva kuJezreeri,+ uye mureri wake akamusimudza akatiza, asi paakanga achitiza arohwa nehana, mwana wacho akabva adonha akaremara. Mwana wacho ainzi Mefibhosheti.+
5 Vanakomana vaRimoni wekuBheeroti, Rekabhi naBhaana, vakaenda kumba kwaIshi-bhosheti panguva yekupisa kwezuva, paakanga akazorora masikati. 6 Vakapinda mumba macho vachiita sevari kutora gorosi, vakamubaya mudumbu; Rekabhi naBhaana+ vakabva vatiza. 7 Panguva yavakapinda mumba macho, iye akanga akarara pamubhedha wake muimba yake yekurara, uye vakamubaya vakamuuraya, vachibva vamudimbura musoro. Vakabva vatora musoro wake, vakafamba usiku hwese nemugwagwa unoenda kuArabha. 8 Vakaenda nemusoro waIshi-bhosheti+ kuna Dhavhidhi kuHebroni, vakati kuna mambo: “Heuno musoro waIshi-bhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu+ aida kukuurayai.*+ Nhasi Jehovha atsiva Sauro nevana vake achiitira ishe wangu mambo.”
9 Asi Dhavhidhi akapindura Rekabhi naBhaana, vanakomana vaRimoni wekuBheeroti, achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, uyo akandinunura* pamatambudziko ese,+ 10 pandakaudzwa nemumwe munhu kuti, ‘Sauro afa,’+ achifunga kuti auya nemashoko anofadza, ini ndakamubata ndikamuuraya+ muZikragi. Ndiwo mubayiro wenhume wandakamupa! 11 Ko kuzoti kana varume vakaipa vauraya murume akarurama ari mumba make pamubhedha wake! Handifaniri kubvunza ropa rake mumaoko enyu here,+ ndokubvisai panyika?” 12 Dhavhidhi akabva audza majaya kuti avauraye.+ Majaya acho akadimbura maoko avo netsoka dzavo, akavaturika+ pedyo nedziva riri muHebroni. Asi akatora musoro waIshi-bhosheti akauviga munzvimbo yemakuva yaAbhineri kuHebroni.