RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 29
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Kugadzwa kwevapristi (1-37)

      • Mipiro yezuva nezuva (38-46)

Eksodho 29:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:2; Dhe 17:1

Eksodho 29:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 6:20

Eksodho 29:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:26

Eksodho 29:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:36; 40:28; Re 8:2, 3
  • +Re 8:6; VaH 10:22

Eksodho 29:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:4; Re 8:7; 16:4
  • +Eks 28:8

Eksodho 29:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

  • *

    Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:36; 39:30; Re 8:9

Eksodho 29:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:23-25
  • +Re 8:12; Pis 133:2; Isa 61:1; Mab 10:38

Eksodho 29:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:40; Re 8:13

Eksodho 29:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kuti uzadze ruoko rwaAroni uye ruoko rwevanakomana vake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:1-3, 40, 43; 40:15
  • +Eks 28:41

Eksodho 29:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:14-17

Eksodho 29:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:3

Eksodho 29:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:2
  • +Re 4:7

Eksodho 29:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:17
  • +Re 4:8-10

Eksodho 29:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:4; 8:18-21

Eksodho 29:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 9:22

Eksodho 29:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:13

Eksodho 29:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:21

Eksodho 29:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:22-24

Eksodho 29:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:23-25
  • +Re 8:30

Eksodho 29:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:9, 10
  • +Re 8:22, 25-28

Eksodho 29:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Eksodho 29:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:29; Pis 99:6

Eksodho 29:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:22

Eksodho 29:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:34; 10:14
  • +Re 7:11, 14

Eksodho 29:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 28:4
  • +Nu 20:26

Eksodho 29:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:35

Eksodho 29:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvichida muchivanze chetende dzvene.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:31

Eksodho 29:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 9:13

Eksodho 29:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vazadzwe ruoko rwavo.”

  • *

    ChiHeb., “mutorwa,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 22:10; Nu 3:10

Eksodho 29:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:32

Eksodho 29:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “uchizadza ruoko rwavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:4, 33

Eksodho 29:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:26, 28; Re 8:11; Nu 7:1

Eksodho 29:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:10

Eksodho 29:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 2:4; VaH 7:27; 10:11

Eksodho 29:39

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 28:4-6

Eksodho 29:40

Mashoko Emuzasi

  • *

    Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 29:41

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

  • *

    ChiHeb., “kunozorodza.”

Eksodho 29:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:22; Re 1:1; Nu 17:4

Eksodho 29:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:34; Nu 12:5; 1Mad 8:11

Eksodho 29:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 22:9

Eksodho 29:45

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndichadzika tebhenekeri yangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:8; Re 26:12; Zek 2:11; 2VaK 6:16

Eksodho 29:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 29:1Re 8:2; Dhe 17:1
Eks. 29:2Re 6:20
Eks. 29:3Re 8:26
Eks. 29:4Eks 26:36; 40:28; Re 8:2, 3
Eks. 29:4Re 8:6; VaH 10:22
Eks. 29:5Eks 28:4; Re 8:7; 16:4
Eks. 29:5Eks 28:8
Eks. 29:6Eks 28:36; 39:30; Re 8:9
Eks. 29:7Eks 30:23-25
Eks. 29:7Re 8:12; Pis 133:2; Isa 61:1; Mab 10:38
Eks. 29:8Eks 28:40; Re 8:13
Eks. 29:9Eks 28:1-3, 40, 43; 40:15
Eks. 29:9Eks 28:41
Eks. 29:10Re 8:14-17
Eks. 29:11Re 4:3
Eks. 29:12Eks 27:2
Eks. 29:12Re 4:7
Eks. 29:13Re 3:17
Eks. 29:13Re 4:8-10
Eks. 29:15Re 1:4; 8:18-21
Eks. 29:16VaH 9:22
Eks. 29:17Re 1:13
Eks. 29:18Ge 8:21
Eks. 29:19Re 8:22-24
Eks. 29:21Eks 30:23-25
Eks. 29:21Re 8:30
Eks. 29:22Re 3:9, 10
Eks. 29:22Re 8:22, 25-28
Eks. 29:26Re 8:29; Pis 99:6
Eks. 29:27Eks 29:22
Eks. 29:28Re 7:34; 10:14
Eks. 29:28Re 7:11, 14
Eks. 29:29Eks 28:4
Eks. 29:29Nu 20:26
Eks. 29:30Re 8:35
Eks. 29:31Re 8:31
Eks. 29:321VaK 9:13
Eks. 29:33Re 22:10; Nu 3:10
Eks. 29:34Re 8:32
Eks. 29:35Re 8:4, 33
Eks. 29:36Eks 30:26, 28; Re 8:11; Nu 7:1
Eks. 29:37Eks 40:10
Eks. 29:382Mak 2:4; VaH 7:27; 10:11
Eks. 29:39Nu 28:4-6
Eks. 29:42Eks 25:22; Re 1:1; Nu 17:4
Eks. 29:43Eks 40:34; Nu 12:5; 1Mad 8:11
Eks. 29:44Re 22:9
Eks. 29:45Eks 25:8; Re 26:12; Zek 2:11; 2VaK 6:16
Eks. 29:46Eks 20:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 29:1-46

Eksodho

29 “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvatsvenese kuti vandishumire sevapristi: Tora mukono mudiki wemombe, makondohwe maviri akanaka,+ 2 chingwa chisina mbiriso, zvingwa zveraundi* zvisina mbiriso zvakasanganiswa nemafuta, uye zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta.+ Uzvibike nefurawa yakatsetseka yegorosi 3 wozviisa mutswanda, wouya nazvo zviri mutswanda yacho,+ uyewo mukono wacho nemakondohwe acho maviri.

4 “Uuye naAroni nevanakomana vake kusuo retende rekusanganira,+ uvageze nemvura.+ 5 Unofanira kuzotora zvipfeko zvacho,+ wopfekedza Aroni nguo refu, nenguo isina maoko inopfekwa nayo efodhi,* neefodhi yacho, nehomwe yepachipfuva, wonyatsosungirira bhandi rakarukwa muchiuno make.+ 6 Uise ngowani* mumusoro make woisa karata katsvene kegoridhe* pangowani yacho;+ 7 wotora mafuta ekuzodza nawo,+ woadururira mumusoro make, womuzodza.+

8 “Wobva watora vanakomana vake, wovapfekedza nguo dzacho refu,+ 9 wovasunga nemabhandi emachira, Aroni pamwe nevanakomana vake, uye wovapfekedza ngowani dzavo; uye upristi hunofanira kuva hwavo semurau ucharamba uripo.+ Izvi ndizvo zvaunofanira kuita pakugadza Aroni nevanakomana vake kuti vashumire sevapristi.*+

10 “Unofanira kuzouya nemukono wemombe pamberi petende rekusanganira, uye Aroni nevanakomana vake vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wemukono wacho.+ 11 Uurayire mukono wacho pamberi paJehovha, pasuo retende rekusanganira.+ 12 Utore rimwe ropa remukono wacho nemunwe wako, woriisa panyanga dzeatari,+ wodira rimwe rese rinenge rasara muzasi meatari.+ 13 Wobva watora mafuta ese+ ari paura nepachiropa, uye itsvo mbiri nemafuta ari padziri, wozvipisa kuti zvipfungaire paatari.+ 14 Asi nyama yemukono wacho nedehwe rawo nendove yawo, uzvipise nemoto kunze kwemusasa. Icho chibayiro chechivi.

15 “Ibva watora gondohwe rimwe chete, uye Aroni nevanakomana vake vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 16 Uuraye gondohwe racho, wotora ropa raro, worisasa kumativi ese eatari.+ 17 Uricheke-cheke, wosuka ura hwaro+ nemazondo aro, woronga nyama yacho pamwe chete nemusoro waro. 18 Unofanira kupisa gondohwe racho rese, ripfungaire paatari. Icho chibayiro chinopisirwa Jehovha, chinonhuhwirira zvakanaka.*+ Chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha.

19 “Unofanira kuzotora rimwe gondohwe racho, uye Aroni nevanakomana vake vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 20 Uuraye gondohwe racho, wotora rimwe ropa raro woriisa pamucheto penzeve yaAroni yekurudyi nechekuzasi kwayo, nepenzeve dzekurudyi dzevanakomana vaAroni nepazvigunwe zvikuru zvemaoko avo erudyi, nepazvigunwe zvikuru zvetsoka dzavo dzerudyi, uye usase ropa racho kumativi ese eatari. 21 Chibva watora rimwe ropa riri paatari nemamwe mafuta ekuzodza nawo,+ uzvisase pana Aroni nenguo dzake nepavanakomana vake nenguo dzavo, kuti iye ave mutsvene pamwe chete nenguo dzake nevanakomana vake nenguo dzavo.+

22 “Chibva watora mafuta pagondohwe racho, muswe une mafuta, mafuta ari paura, neari pachiropa, neitsvo mbiri nemafuta ari padziri,+ negumbo rerudyi, nekuti iro igondohwe rekugadza naro.+ 23 Utorewo chingwa cheraundi, nechimwe cheraundi chakakanyiwa nemafuta chine buri pakati, nechingwa chitete, zviri mutswanda yechingwa chisina mbiriso iri pamberi paJehovha. 24 Uzviise zvese mumaoko aAroni nemumaoko evanakomana vake, uye unofanira kuzvivheyesa, uve mupiro unovheyeswa pamberi paJehovha. 25 Chibva wazvitora mumaoko avo wozvipisa paatari, pamusoro pechibayiro chinopiswa, kuti zvinhuhwirire zvakanaka* pamberi paJehovha. Icho chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha.

26 “Chibva watora chityu* chegondohwe rekugadzwa+ kwaAroni, uchivheyese kuti chive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha, uye chichava mugove wako. 27 Unofanira kuita kuti zvinhu izvi zvive zvitsvene: chityu chechibayiro chinovheyeswa, negumbo remugove mutsvene wakavheyeswa, wakabviswa pagondowe rekugadzwa+ kwaAroni nevanakomana vake. 28 Zvinofanira kuva zvaAroni nevanakomana vake maererano nemurau unofanira kugara uripo uchitevedzerwa nevaIsraeri, nekuti iwo mugove mutsvene, uye uchava mugove mutsvene unopiwa nevaIsraeri.+ Ndiwo mugove wavo mutsvene wavanopa Jehovha pazvibayiro zverugare.+

29 “Nguo tsvene+ dzaAroni dzichashandiswa nevanakomana vake+ vachamutevera pavanozodzwa uye pavanogadzwa sevapristi. 30 Mupristi anobva pavanakomana vake anomutsiva uye anopinda mutende rekusanganira kuti ashumire ari munzvimbo tsvene achadzipfeka kwemazuva manomwe.+

31 “Utore gondohwe rekugadza naro, wobikira nyama yaro munzvimbo tsvene.*+ 32 Aroni nevanakomana vake ngavadye+ nyama yegondohwe racho nechingwa chiri mutswanda pasuo retende rekusanganira. 33 Vanofanira kudya zvinhu zvakashandiswa pakuyananiswa kuti vagadzwe sevapristi* uye vaitwe vatsvene. Asi munhu asingabvumirwi* haafaniri kuzvidya, nekuti zvinhu zvitsvene.+ 34 Kana paine nyama yechibayiro chekugadza nacho nechingwa chacho zvinosara kusvikira mangwanani, unofanira kubva wapisa zvinosara zvacho nemoto.+ Hazvifaniri kudyiwa, nekuti zvinhu zvitsvene.

35 “Unofanira kuitira Aroni nevanakomana vake zvese zvandakurayira. Uchatora mazuva manomwe uchivagadza sevapristi.*+ 36 Upe mukono wemombe wechibayiro chekufukidza chivi zuva nezuva, uye unofanira kuita kuti atari ive tsvene nekupa chibayiro ichi chekufukidza chivi, wodira mafuta pairi kuti ive tsvene.+ 37 Uchatora mazuva manomwe uchipa chibayiro chekufukidza chivi paatari, uye unofanira kuitsvenesa kuti ive atari tsvenetsvene.+ Munhu wese anobata atari yacho anofanira kunge ari mutsvene.

38 “Izvi ndizvo zvauchafanira kugara uchibayira paatari: makondohwe ane gore rimwe chete, maviri pazuva.+ 39 Ubayire rimwe racho mangwanani, wozobayira rimwe racho panguva yerubvunzavaeni.*+ 40 Chegumi cheefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta akasvinwa anokwana chikamu chimwe pazvikamu zvina zvehini,* nemupiro wechinwiwa wewaini inokwana chikamu chimwe pazvikamu zvina zvehini, zvichapiwa pakubayira gondohwe diki rekutanga. 41 Ubayire gondohwe diki rechipiri racho panguva yerubvunzavaeni,* pamwe nemipiro mimwe cheteyo yezviyo neyechinwiwa seyawapa mangwanani. Uripe kuti rive kunhuhwirira kwakanaka,* mupiro unopiswa nemoto unoitirwa Jehovha. 42 Uyu unofanira kuva mupiro unopiswa uchagara uchiitwa muzvizvarwa zvenyu zvese pasuo retende rekusanganira pamberi paJehovha, pandichazviratidza kwauri kuti nditaure newe ipapo.+

43 “Ndichazviratidza kuvaIsraeri ipapo, uye nzvimbo iyoyo ichatsveneswa nekubwinya kwangu.+ 44 Ndichatsvenesa tende rekusanganira uye atari, uye ndichatsvenesa Aroni nevanakomana vake+ kuti vashumire sevapristi vangu. 45 Ndichagara* pakati pevaIsraeri, uye ndichava Mwari wavo.+ 46 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa munyika yeIjipiti kuti ndigare pakati pavo.+ Ndini Jehovha Mwari wavo.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe