Esteri
7 Mambo naHamani+ vakapinda maiitirwa mabiko aMambokadzi Esteri. 2 Mambo akatizve kuna Esteri pazuva rechipiri, pavakanga vava kunwa waini pamabiko acho: “Chii chauri kuteterera kuti upiwe, Mambokadzi Esteri? Uchachipiwa. Uye chii chauri kuda kukumbira? Uchapiwa kunyange kusvika pahafu yeumambo hwangu!”*+ 3 Mambokadzi Esteri akapindura kuti: “Kana mandinzwira nyasha, haiwa mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndiri kuteterera kuti ndirege kuurayiwa,* uye ndiri kukumbira kuti vanhu vangu+ vasaparadzwa. 4 Nekuti tatengeswa,+ ini nevanhu vangu, kuti titsakatiswe, tiurayiwe uye tiparadzwe.+ Kudai tanga tangotengeswa kuti tive hedu varandarume nevarandakadzi, ndingadai ndaramba ndakanyarara. Asi dambudziko racho harina kunaka nekuti richakuvadza mambo.”
5 Mambo Ahashivheroshi akabva ati kuna Mambokadzi Esteri: “Ndiani iyeye, uye aripi munhu azvishingisa kuita izvozvo?” 6 Esteri akati: “Mhandu yacho nemuvengi ndiHamani uyu akaipa.”
Hamani akatya mambo namambokadzi zvisingaiti. 7 Mambo akasimuka pamabiko acho panguva yekunwa waini akashatirwa, akapinda mumunda wemuzinda, asi Hamani akasimuka kuti ateterere Mambokadzi Esteri kuti asaurayiwa, nekuti akaona kuti mambo aizomuranga chete. 8 Mambo akadzoka kuimba yemabiko yainwirwa waini achibva mumunda wemuzinda uye akaona kuti Hamani akanga azviwisira pachigaro paiva naEsteri. Mambo akashevedzera kuti: “Ava kuda kubatawo mambokadzi chibharo mumba mangu here?” Pakangobuda mashoko aya mumuromo mamambo, vakafukidza chiso chaHamani. 9 Habhona,+ mumwe wevakuru vemumuzinda wamambo, akabva ati: “Hamani akagadzirawo danda raModhekai,+ uyo akataura zvakaponesa mambo.+ Rakamiswa pamba paHamani, uye rakareba makubhiti 50.”* Mambo akabva ati: “Muturikei pariri.” 10 Vakabva vaturika Hamani padanda raakanga agadzirira Modhekai, uye hasha dzamambo dzakaserera.