RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Chibayiro chechivi (1-35)

Revhitiko 4:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:17; Nu 15:27, 28

Revhitiko 4:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:12; 21:10
  • +Nu 12:1, 11
  • +VaH 5:1-3; 7:27

Revhitiko 4:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 6:25
  • +Eks 29:10, 11

Revhitiko 4:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:30

Revhitiko 4:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:15, 16
  • +Re 16:14, 19

Revhitiko 4:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:10
  • +Re 5:9

Revhitiko 4:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 9:8, 10

Revhitiko 4:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:3, 4

Revhitiko 4:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:14

Revhitiko 4:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 8:14, 17; VaH 13:11

Revhitiko 4:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 7:11
  • +Nu 15:22-24

Revhitiko 4:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:31; 40:21; VaH 10:19, 20

Revhitiko 4:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:1, 6
  • +Eks 27:1; 40:6

Revhitiko 4:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:16

Revhitiko 4:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:30; Re 16:17; Nu 15:25; VaE 1:7; VaH 2:17

Revhitiko 4:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:11, 12
  • +Re 16:15; 1Jo 2:1, 2

Revhitiko 4:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 18:21

Revhitiko 4:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:10, 11; 6:25; 7:2

Revhitiko 4:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 9:8, 9; 16:18; VaH 9:22
  • +Re 8:15

Revhitiko 4:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:3-5

Revhitiko 4:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 15:27-29

Revhitiko 4:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:10, 11; 6:25

Revhitiko 4:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:25; 8:15; 9:8, 9; VaH 9:22

Revhitiko 4:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:16
  • +Re 3:3, 4

Revhitiko 4:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:10, 11

Revhitiko 4:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:25; 16:18

Revhitiko 4:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:13, 14; Re 3:3, 4; 6:12; 9:8, 10
  • +Nu 15:28; 1Jo 1:7; 2:1, 2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 4:2Re 5:17; Nu 15:27, 28
Revh. 4:3Re 8:12; 21:10
Revh. 4:3Nu 12:1, 11
Revh. 4:3VaH 5:1-3; 7:27
Revh. 4:4Re 6:25
Revh. 4:4Eks 29:10, 11
Revh. 4:5Eks 30:30
Revh. 4:6Re 8:15, 16
Revh. 4:6Re 16:14, 19
Revh. 4:7Eks 30:10
Revh. 4:7Re 5:9
Revh. 4:9Re 9:8, 10
Revh. 4:10Re 3:3, 4
Revh. 4:11Eks 29:14
Revh. 4:12Re 8:14, 17; VaH 13:11
Revh. 4:13Jos 7:11
Revh. 4:13Nu 15:22-24
Revh. 4:17Eks 26:31; 40:21; VaH 10:19, 20
Revh. 4:18Eks 30:1, 6
Revh. 4:18Eks 27:1; 40:6
Revh. 4:19Re 3:16
Revh. 4:20Eks 32:30; Re 16:17; Nu 15:25; VaE 1:7; VaH 2:17
Revh. 4:21Re 4:11, 12
Revh. 4:21Re 16:15; 1Jo 2:1, 2
Revh. 4:22Eks 18:21
Revh. 4:24Re 1:10, 11; 6:25; 7:2
Revh. 4:25Re 9:8, 9; 16:18; VaH 9:22
Revh. 4:25Re 8:15
Revh. 4:26Re 3:3-5
Revh. 4:27Nu 15:27-29
Revh. 4:29Re 1:10, 11; 6:25
Revh. 4:30Re 4:25; 8:15; 9:8, 9; VaH 9:22
Revh. 4:31Re 3:16
Revh. 4:31Re 3:3, 4
Revh. 4:33Re 1:10, 11
Revh. 4:34Re 4:25; 16:18
Revh. 4:35Eks 29:13, 14; Re 3:3, 4; 6:12; 9:8, 10
Revh. 4:35Nu 15:28; 1Jo 1:7; 2:1, 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 4:1-35

Revhitiko

4 Jehovha akatizve kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kana munhu akatadza asingazivi,+ achiita chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa:

3 “‘Kana mupristi akazodzwa+ akaita chivi+ oita kuti vanhu vave nemhosva, anofanira kuuya kuna Jehovha nemukono wemombe mudiki wakanaka kuti uve chibayiro chechivi nekuti akaita chivi.+ 4 Anofanira kuuya nemukono wacho kusuo retende rekusanganira+ pamberi paJehovha, oisa ruoko rwake pamusoro pemukono wacho, ourayira mukono wacho pamberi paJehovha.+ 5 Mupristi wacho akazodzwa,+ anofanira kubva atora rimwe ropa remukono wacho, opinda naro mutende rekusanganira; 6 uye mupristi achanyika munwe wake muropa racho,+ osasa ropa racho kanomwe+ pamberi paJehovha, pamberi peketeni renzvimbo tsvene. 7 Mupristi achaisawo rimwe ropa racho panyanga dzeatari yerusenzi inonhuhwirira,+ iri pamberi paJehovha mutende rekusanganira; uye achadururira ropa remukono wacho rinenge rasara muzasi meatari yekupisira zvibayiro,+ iri pasuo retende rekusanganira.

8 “‘Achabvisa mafuta ese emukono wacho wechibayiro chechivi, kusanganisira mafuta emudumbu, uye mafuta ese akabatira paura, 9 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+ 10 Zvichange zvakafanana nezvinobviswa pamukono wemombe wechibayiro cherugare.+ Uye mupristi anofanira kuita kuti zvipfungaire pamusoro peatari yekupisira zvibayiro.

11 “‘Asi dehwe remukono wacho nenyama yawo yese pamwe chete nemusoro wawo, mazondo awo, ura hwawo, nendove yawo,+ 12 mutumbi wawo wese, anofanira kuita kuti ubudiswe kunze kwemusasa kunzvimbo yakachena kunorasirwa madota,* uye anofanira kuupisira pahuni dziri mumoto.+ Mutumbi wacho unofanira kupisirwa kunorasirwa madota.

13 “‘Kana ungano yese yaIsraeri ikava nemhosva nekuita chivi isingazivi,+ uye ungano yacho yanga isingazivi kuti yaita chimwe chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa,+ 14 chivi chacho chozivikanwa, ungano inofanira kubvisa mukono wemombe mudiki kuti uve chibayiro chechivi, youya nawo pamberi petende rekusanganira. 15 Vakuru veungano vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wemukono wacho pamberi paJehovha, uye mukono wacho uchaurayirwa pamberi paJehovha.

16 “‘Mupristi akazodzwa anofanira kubva auya nerimwe ropa remukono wacho mutende rekusanganira. 17 Mupristi anofanira kunyika munwe wake muropa racho, orisasa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi peketeni.+ 18 Achabva aisa rimwe ropa racho panyanga dzeatari+ iri pamberi paJehovha, iri mutende rekusanganira; uye achadururira rimwe ropa rese muzasi meatari yekupisira zvibayiro, iri pasuo retende rekusanganira.+ 19 Achabvisa mafuta awo ese, oita kuti apfungaire paatari.+ 20 Achaita nemukono wacho sezvaakaita nemukono uya wechibayiro chechivi. Ndizvo zvaachaita nawo, uye mupristi achavayananisira,+ uye vachakanganwirwa. 21 Anofanira kubudisa mukono wacho kunze kwemusasa uye anofanira kuupisa, sekupisa kwaakaita mukono wekutanga.+ Icho chibayiro chechivi cheungano.+

22 “‘Kana muchinda+ akaita chivi asingazivi, nekuita chimwe chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa, ova nemhosva, 23 kana kuti kana akaziva nezvechivi chaakaita achityora murayiro, anofanira kuuya nembudzana hono yakanaka kuti ive chibayiro. 24 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wembudzi yacho, oiurayira panourayirwa chibayiro chinopiswa pamberi paJehovha.+ Icho chibayiro chechivi. 25 Mupristi achatora rimwe ropa rechibayiro chechivi nemunwe wake, oriisa panyanga+ dzeatari yekupisira zvibayiro, odururira rinenge rasara muzasi meatari yechibayiro chinopiswa.+ 26 Achaita kuti mafuta acho ese apfungaire paatari sezvinoita mafuta echibayiro cherugare;+ uye mupristi achamuyananisira chivi chake, uye achakanganwirwa.

27 “‘Kana mumwewo munhu akaita chivi asingazivi, ova nemhosva, nekuita chimwe chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa,+ 28 kana kuti akaziva nezvechivi chaakaita, anofanira kuuya nembudzana hadzi yakanaka kuti ape sechibayiro chechivi chake chaakaita. 29 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chechivi, ochiurayira panourayirwa chibayiro chinopiswa.+ 30 Mupristi achatora rimwe ropa racho nemunwe wake, oriisa panyanga dzeatari yekupisira zvibayiro, uye achadururira rinenge rasara rese muzasi meatari.+ 31 Anofanira kubvisa mafuta aro ese,+ sekubviswa kunoitwa mafuta echibayiro cherugare,+ uye mupristi anofanira kuita kuti apfungaire paatari ova chinhu chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha; uye mupristi anofanira kumuyananisira, uye achakanganwirwa.

32 “‘Asi kana akauya negwayana kuti rive chibayiro chake chechivi, ngaauye negwayana gadzi rakanaka. 33 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chechivi, ochiurayira panourayirwa chibayiro chinopiswa.+ 34 Mupristi achatora rimwe ropa racho nemunwe wake, oriisa panyanga dzeatari yekupisira zvibayiro,+ uye achadururira rinenge rasara rese muzasi meatari. 35 Anofanira kubvisa mafuta aro ese, sekubviswa kunoitwa mafuta egwayana rechibayiro cherugare, uye mupristi achaita kuti apfungaire paatari pamusoro pezvibayiro zvaJehovha zvinopiswa nemoto;+ uye mupristi achamuyananisira chivi chaakaita, uye achakanganwirwa.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe