RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Chibayiro chinopiswa (1-17)

Revhitiko 1:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:34

Revhitiko 1:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 22:18-20

Revhitiko 1:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:19, 21; Mar 1:14
  • +2VaK 9:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” pp. 29-30

Revhitiko 1:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 10:11
  • +VaH 9:13, 14

Revhitiko 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:8

Revhitiko 1:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 6:12

Revhitiko 1:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemafuta epaitsvo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:23

Revhitiko 1:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:20, 21; Nu 15:2, 3

Revhitiko 1:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:4
  • +Re 12:6; 22:18-20

Revhitiko 1:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:16-18; Re 8:18-21; 9:12-14

Revhitiko 1:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemafuta epaitsvo.”

Revhitiko 1:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Revhitiko 1:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:7; 12:8; Ru 2:24

Revhitiko 1:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:3; Re 4:11, 12; 6:10

Revhitiko 1:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvinozorodza.”

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 1:1Eks 40:34
Revh. 1:2Re 22:18-20
Revh. 1:3Dhe 15:19, 21; Mar 1:14
Revh. 1:32VaK 9:7
Revh. 1:5VaH 10:11
Revh. 1:5VaH 9:13, 14
Revh. 1:6Re 7:8
Revh. 1:7Re 6:12
Revh. 1:81Mad 18:23
Revh. 1:9Ge 8:20, 21; Nu 15:2, 3
Revh. 1:10Ge 4:4
Revh. 1:10Re 12:6; 22:18-20
Revh. 1:11Eks 29:16-18; Re 8:18-21; 9:12-14
Revh. 1:14Re 5:7; 12:8; Ru 2:24
Revh. 1:16Eks 27:3; Re 4:11, 12; 6:10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 1:1-17

Revhitiko

1 Uye Jehovha akashevedza Mozisi akataura naye ari mutende rekusanganira,+ achiti: 2 “Taura nevaIsraeri,* uvaudze kuti, ‘Kana mumwe wenyu achipa Jehovha chibayiro kubva pazvipfuwo, chibayiro chacho chinofanira kunge chiri chemombe kana gwai kana mbudzi.+

3 “‘Kana chibayiro chake chiri chibayiro chinopiswa chemombe, anofanira kuuya nemukono wakanaka.+ Anofanira kuuya nacho pasuo retende rekusanganira pamberi paJehovha opa zvichibva pamwoyo.+ 4 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chinopiswa, uye chichagamuchirwa kuti iye ayananisirwe.

5 “‘Mukono wacho mudiki unofanira kubva waurayirwa pamberi paJehovha, uye vanakomana vaAroni, vapristi,+ vanofanira kuuya neropa racho, vosasa ropa racho kumativi ese eatari+ iri pasuo retende rekusanganira. 6 Chibayiro chinopiswa chinofanira kuvhiyiwa, chochekwa-chekwa.+ 7 Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuisa moto paatari,+ voisa huni mumoto. 8 Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuronga nhengo dzacho dzechibayiro,+ pamwe nemusoro nemafuta* pamusoro pehuni dziri mumoto uri paatari. 9 Ura hwacho nemazondo acho ngazvisukwe nemvura, uye mupristi anofanira kuita kuti chipfungaire chese paatari sechibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+

10 “‘Kana achipa chibayiro chake chinopiswa chiri chegwai+ diki kana mbudzi, anofanira kuuya nemukono, wakanaka.+ 11 Chinofanira kuurayirwa kurutivi rwekuchamhembe rweatari pamberi paJehovha, uye vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kumativi ese eatari.+ 12 Anofanira kuchicheka-cheka, pamwe nemusoro wacho nemafuta,* uye mupristi anofanira kuronga nhengo dzacho pamusoro pehuni dziri mumoto uri paatari. 13 Ngaasuke ura hwacho nemazondo acho nemvura, uye mupristi anofanira kuuya nacho chese, oita kuti chipfungaire paatari. Icho chibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.

14 “‘Asi kana chibayiro chake chinopiswa chaanopa Jehovha chiri cheshiri, chinofanira kuva chenjiva kana kuti chehangaiwa diki.+ 15 Mupristi anofanira kuuya nacho kuatari, odimbura musoro wacho achiita zvekubvarura nenzara, oita kuti chipfungaire pamusoro peatari, asi ropa racho rinofanira kudururirwa parutivi rweatari. 16 Anofanira kubvisa chihururu chacho neminhenga yacho ozvikanda parutivi rweatari, kumabvazuva, panoisirwa madota.*+ 17 Anofanira kuchitsemura nepamapapiro acho asingachidimbure kuti chive zvidimbu zviviri. Mupristi anofanira kubva aita kuti chipfungaire paatari pamusoro pehuni dziri mumoto. Icho chibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe