RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Kuchena kwevapristi uye kudya zvinhu zvitsvene (1-16)

      • Mhuka dzakanaka chete ndidzo dzinofanira kupiwa sezvibayiro (17-33)

Revhitiko 22:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanofanira kuzviparadzanisa nezvinhu zvitsvene.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 21:6
  • +Eks 28:38; Nu 18:32

Revhitiko 22:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:20

Revhitiko 22:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 13:2
  • +Re 15:2
  • +Re 14:2; 15:13
  • +Re 21:1; Nu 19:11, 22
  • +Re 15:16

Revhitiko 22:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:24, 43
  • +Re 15:7, 19

Revhitiko 22:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 19:6, 7

Revhitiko 22:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:11

Revhitiko 22:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:31; Re 17:15; Dhe 14:21

Revhitiko 22:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:33

Revhitiko 22:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:11

Revhitiko 22:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akaroorwa nemutorwa.”

Revhitiko 22:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 10:14; Nu 18:19

Revhitiko 22:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:15, 16

Revhitiko 22:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:32

Revhitiko 22:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 15:14, 16
  • +Re 7:16; Nu 15:3; Dhe 12:5, 6

Revhitiko 22:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:3; 22:22

Revhitiko 22:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:19, 21; 17:1; Mar 1:8; VaH 9:14; 1Pe 1:19

Revhitiko 22:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2019, p. 3

Revhitiko 22:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:30

Revhitiko 22:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:19; Dhe 22:6

Revhitiko 22:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:12

Revhitiko 22:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:15

Revhitiko 22:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:37; Nu 15:40; Dhe 4:40

Revhitiko 22:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:21; 19:12
  • +Re 10:3
  • +Eks 19:5; Re 20:8; 21:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zita raMwari, pp. 29-30

Revhitiko 22:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 6:7; Re 11:45

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 22:2Re 21:6
Revh. 22:2Eks 28:38; Nu 18:32
Revh. 22:3Re 7:20
Revh. 22:4Re 13:2
Revh. 22:4Re 15:2
Revh. 22:4Re 14:2; 15:13
Revh. 22:4Re 21:1; Nu 19:11, 22
Revh. 22:4Re 15:16
Revh. 22:5Re 11:24, 43
Revh. 22:5Re 15:7, 19
Revh. 22:6Nu 19:6, 7
Revh. 22:7Nu 18:11
Revh. 22:8Eks 22:31; Re 17:15; Dhe 14:21
Revh. 22:10Eks 29:33
Revh. 22:11Nu 18:11
Revh. 22:13Re 10:14; Nu 18:19
Revh. 22:14Re 5:15, 16
Revh. 22:15Nu 18:32
Revh. 22:18Nu 15:14, 16
Revh. 22:18Re 7:16; Nu 15:3; Dhe 12:5, 6
Revh. 22:19Re 1:3; 22:22
Revh. 22:20Dhe 15:19, 21; 17:1; Mar 1:8; VaH 9:14; 1Pe 1:19
Revh. 22:21Re 3:1
Revh. 22:27Eks 22:30
Revh. 22:28Eks 23:19; Dhe 22:6
Revh. 22:29Re 7:12
Revh. 22:30Re 7:15
Revh. 22:31Re 19:37; Nu 15:40; Dhe 4:40
Revh. 22:32Re 18:21; 19:12
Revh. 22:32Re 10:3
Revh. 22:32Eks 19:5; Re 20:8; 21:8
Revh. 22:33Eks 6:7; Re 11:45
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 22:1-33

Revhitiko

22 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Udza Aroni nevanakomana vake kuti vanofanira kungwarira mabatiro avanoita zvinhu zvitsvene* zvevaIsraeri uye kurega kusvibisa zita rangu dzvene+ muzvinhu zvavanonditsaurira.+ Ndini Jehovha. 3 Vaudze kuti, ‘Muzvizvarwa zvenyu zvese, kana mumwe wevana venyu akaswedera pedyo nezvinhu zvitsvene zvichatsaurirwa Jehovha nevaIsraeri, asi iye asina kuchena, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu.*+ Ndini Jehovha. 4 Pavana vaAroni hapana murume ane maperembudzi+ kana kuti ane zvinoyerera,+ angadya zvinhu zvitsvene kusvikira ava akachena,+ kunyange murume anobata munhu asvibiswa nekubata chitunha,*+ kana murume ari kubuda urume,+ 5 kana murume anobata chimwe chezvisikwa zvisina kuchena zvinofamba zvakawanda+ kana kuti anobata munhu asina kuchena nemhaka yechimwewo chikonzero uyo anogona kumuita kuti ave asina kuchena.+ 6 Munhu anobata chimwe chezvinhu izvi achava asina kuchena kusvikira manheru uye haakwanisi kudya chimwe chezvinhu zvitsvene, asi anofanira kugeza muviri wake nemvura.+ 7 Kana zuva ravira, achava akachena, uye anogona hake kudya zvinhu zvitsvene nekuti ndizvo zvekudya zvake.+ 8 Uyewo, haafaniri kudya mhuka yakafa yega kana kuti chero chinhu chakabvamburwa nemhuka dzesango, ova asina kuchena.+ Ndini Jehovha.

9 “‘Vanofanira kuita zvandakavarayira, kuti vasazopinda muchivi, vofa pamusana pekusvibisa zvinhu zvitsvene. Ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.

10 “‘Hapana mutorwa* anobvumirwa kudya chero chinhu chitsvene.+ Hapana muenzi wemupristi anobva kune imwe nyika kana munhu wemaricho anobvumirwa kudya chero chinhu chitsvene. 11 Asi kana mupristi akatenga munhu nemari yake, munhu iyeye anogona hake kuchidya. Varanda vakaberekerwa mumba make vanogonawo kudya zvekudya zvake.+ 12 Kana mwanasikana wemupristi akaroorwa nemunhu asiri mupristi,* haagoni kudya mupiro wezvinhu zvitsvene. 13 Asi kana mwanasikana wemupristi akava chirikadzi kana kuti akarambwa uye asina vana, odzokera kumba kwababa vake kwaaigara achiri mudiki, anogona hake kudya zvekudya zvababa vake;+ asi hapana mutorwa* anobvumirwa kuzvidya.

14 “‘Kana munhu akadya zvinhu zvitsvene asingazivi, anofanira kuzvidzorera, owedzera chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu pane zvaaunza, ouya nemupiro wacho mutsvene kumupristi.+ 15 Saka havafaniri kusvibisa zvinhu zvitsvene zvevaIsraeri zvavanopa Jehovha,+ 16 voita kuti vanhu varangirwe mhosva yekudya zvinhu zvitsvene; nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”

17 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 18 “Taura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese, uti kwavari, ‘Kana muIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati pevaIsraeri akauya nechibayiro chinopiswa+ kuna Jehovha kuti azadzise mhiko dzake kana kuti akauya nechibayiro chekungopawo zvake achizvidira,+ 19 anofanira kupa mukono wakanaka+ wemombe, wegwai, kana wembudzi, kuti afarirwe. 20 Musauya nechero chinhu chipi chakaremara,+ nekuti hachizoiti kuti mufarirwe.

21 “‘Kana munhu akauya nechibayiro cherugare+ kuna Jehovha kuti aripe mhiko kana kuti ape chibayiro chekungopawo zvake achizvidira, chibayiro chacho chinofanira kuva chakanaka chiri chemombe kana gwai kana mbudzi, kuti afarirwe. Hachifaniri kutombova nepakaremara. 22 Hapana chibayiro chinofanira kunge chakapofumara, chiine pakatyoka, pakachekwa, kana mhopo, kana mhezi, kana chisasa; hamufaniri kuuya nezvakadai kuna Jehovha kana kupa chibayiro chakadaro paatari yaJehovha. 23 Munogona kuuya nemukono wemombe kana kuti gwai zvine gumbo rakarebesa kana kuti rakanyanyopfupika kuti chive chibayiro chekungopawo henyu muchizvidira, asi hachizogamuchirwi kana chiri chibayiro chemhiko. 24 Musauya kuna Jehovha nechiya chine mabhora akakuvara kana akapwanyika kana akabviswa kana akachekwa, uye hamufaniri kubayira mhuka dzakadaro munyika yenyu. 25 Uye hamufaniri kupa zvinhu zvakadai kubva kumutorwa kuti zvive zvekudya zvinopirwa Mwari wenyu, nekuti zvakashatiswa uye zvakaremara. Hazvizogamuchirwi nemufaro.’”

26 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 27 “Kana mukono wemombe, wegwai kana wembudzi uchinge waberekwa, ucharamba uina amai vawo kwemazuva manomwe,+ asi kubva pazuva rechi8 zvichienda mberi unenge wava kugamuchirwa kuti ubayirwe sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto. 28 Musauraya mombe kana gwai pamwe nevana vazvo pazuva rimwe chete.+

29 “Kana mukabayira chibayiro chekuonga kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe. 30 Chinofanira kudyiwa pazuva iroro. Hapana chinofanira kusara kusvikira mangwanani.+ Ndini Jehovha.

31 “Chengetai mirayiro yangu muitevedzere.+ Ndini Jehovha. 32 Musasvibisa zita rangu dzvene,+ uye ndinofanira kutsveneswa pakati pevaIsraeri.+ Ndini Jehovha, ari kukutsvenesai,+ 33 iye akakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndiratidze kuti ndiri Mwari wenyu.+ Ndini Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe