RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Roti anoshanyirwa nengirozi (1-11)

      • Roti nemhuri yake vanoudzwa kuti vakurumidze kubuda (12-22)

      • Kuparadzwa kweSodhomu neGomora (23-29)

        • Mudzimai waRoti anova shongwe yemunyu (26)

      • Roti nevanasikana vake (30-38)

        • Kwakabva vaMoabhi nevaAmoni (37, 38)

Genesisi 19:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 18:2, 22

Genesisi 19:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    10/8/1993, p. 3

Genesisi 19:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jud 7

Genesisi 19:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumumvuri wedenga remba yangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:23, 24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2005, pp. 25-26

    1/15/2004, p. 27

Genesisi 19:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, ngirozi dziya mbiri.

Genesisi 19:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/1990, pp. 17-18

Genesisi 19:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:13; 18:20

Genesisi 19:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 17:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1999, p. 30

    4/15/1990, pp. 17-18

Genesisi 19:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 17:29-31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 19:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Pe 2:7-9
  • +Eks 33:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2020, p. 18

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    9/2017, p. 9

    Nharireyomurindi,

    1/15/2004, p. 28

    1/1/2003, pp. 16-17

    4/15/1990, p. 18

Genesisi 19:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uponese mweya wako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 9:62
  • +Ge 13:10

Genesisi 19:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rudo rusingachinji.”

  • *

    Kana kuti “nekuchengetedza mweya wangu uri mupenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 143:11
  • +Pis 6:4

Genesisi 19:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wangu ucharamba uri mupenyu.”

Genesisi 19:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 34:15
  • +Ge 19:30; Pis 68:20

Genesisi 19:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kadiki.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Pe 3:9
  • +Ge 14:2

Genesisi 19:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:23; Ru 17:29; 2Pe 2:6

Genesisi 19:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:10

Genesisi 19:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 17:32; VaH 10:38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/1990, pp. 18-19

    6/15/1989, p. 9

    Kupukunyuka, p. 171

Genesisi 19:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 18:2, 22

Genesisi 19:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Bisiro inzvimbo yaipisirwa zvinhu zvakadai sezvidhinha, simbi, nezvimwewo.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jud 7

Genesisi 19:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Pe 2:7, 8

Genesisi 19:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:17
  • +Ge 19:20, 22

Genesisi 19:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:9
  • +1Mak 18:2

Genesisi 19:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:19; Vat 11:4; Ne 13:1; Zef 2:9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 19:1Ge 18:2, 22
Gen. 19:5Jud 7
Gen. 19:8Vat 19:23, 24
Gen. 19:13Ge 13:13; 18:20
Gen. 19:14Ru 17:28
Gen. 19:15Ru 17:29-31
Gen. 19:162Pe 2:7-9
Gen. 19:16Eks 33:19
Gen. 19:17Ru 9:62
Gen. 19:17Ge 13:10
Gen. 19:19Pis 143:11
Gen. 19:19Pis 6:4
Gen. 19:21Pis 34:15
Gen. 19:21Ge 19:30; Pis 68:20
Gen. 19:222Pe 3:9
Gen. 19:22Ge 14:2
Gen. 19:24Dhe 29:23; Ru 17:29; 2Pe 2:6
Gen. 19:25Ge 13:10
Gen. 19:26Ru 17:32; VaH 10:38
Gen. 19:27Ge 18:2, 22
Gen. 19:28Jud 7
Gen. 19:292Pe 2:7, 8
Gen. 19:30Ge 19:17
Gen. 19:30Ge 19:20, 22
Gen. 19:37Dhe 2:9
Gen. 19:371Mak 18:2
Gen. 19:38Dhe 2:19; Vat 11:4; Ne 13:1; Zef 2:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 19:1-38

Genesisi

19 Ngirozi dziya mbiri dzakasvika kuSodhomu manheru, uye Roti akanga akagara pagedhi reSodhomu. Roti paakadziona, akasimuka kuti adzichingure, akapfugama, akadzikisa musoro wake.+ 2 Akati: “Ndapota, madzishe angu, ndapota, tsaukirai kumba kwemuranda wenyu, mugezwe tsoka dzenyu, morara. Munogona kuzomukira henyu mosimudzira nerwendo rwenyu.” Idzo dzikati: “Aiwa, ticharara hedu pamusika.” 3 Asi akadziteterera kwazvo zvekuti dzakaenda naye kumba kwake. Akabva adzigadzirira zvekudya zvakawanda, akabika chingwa chisina mbiriso, dzikadya.

4 Vasati vatomborara, varume veguta racho, ivo varume veSodhomu, kubvira pamukomana kusvikira kumukweguru, vese vakakomba imba yacho vari mhomho. 5 Vaishevedzera kuna Roti vachiti kwaari: “Varume vapinda mumba mako usiku huno vari kupi? Vabudise utipe, tirare navo.”+

6 Roti akabva abuda panze pavaiva, achibva avhara suo. 7 Akati: “Ndapota, hama dzangu, musaita zvakaipa. 8 Ndapota, onai ndine vanasikana vaviri vasati vamborara nemurume. Ndapota, regai ndivabudise ndikupei muite henyu zvamunoda navo. Asi musaita kana chii zvacho nevarume ava, nekuti ivo vaenzi mumba mangu.”*+ 9 Vakati: “Sudurukira uko!” Vakatizve: “Mutorwa uyu asina hama akauya kuzogara muno asi ava kuda kutotitonga! Tava kuzokuitira zvinopfuura zvatiri kuda kuvaitira.” Vakabva vamomotera Roti, ndokuswedera pedyo kuti vapaze suo. 10 Varume vacho* vakabva vatambanudzira maoko avo panze vakapinza Roti mumba mavakanga vari, vakavhara suo. 11 Asi vakapofumadza varume vakanga vari pasuo remba, kubvira kumudiki kusvika kumukuru, zvekuti vakasvika pakuneta vachitsvaga pane suo.

12 Varume vacho vakabva vati kuna Roti: “Une dzimwe hama here muno? Vakuwasha, vanakomana vako, vanasikana vako, nevanhu vako vese vari muguta, vabudise munzvimbo ino! 13 Tiri kuda kuparadza nzvimbo ino, nekuti Jehovha+ anzwa kunyunyuta kukuru kuri kuitwa pamusoro peguta rino, saka Jehovha atituma kuzoriparadza.” 14 Saka Roti akabuda akatanga kutaura nevakuwasha vake vaida kuroora vanasikana vake achiti: “Simukai! Budai munzvimbo ino, nekuti Jehovha ari kuda kuparadza guta rino!” Asi vakuwasha vake vaiona sekuti ari kutamba zvake.+

15 Ava mambakwedza, ngirozi dzakabva dzakurumidzisa Roti, dzichiti: “Simuka! Tora mudzimai wako nevanasikana vako vaviri vauinavo muno, kuti murege kuparadzwawo panoparadzwa guta rino nemhaka yezvivi zvaro!”+ 16 Paakaramba achingotenderera-tenderera, varume vacho vakabata ruoko rwake nerwemudzimai wake pamwe nemaoko evanasikana vake vaviri, vakamubudisa ndokumumisa kunze kweguta+ nekuti akanga anzwirwa tsitsi+ naJehovha. 17 Pavakangovasvitsa kumucheto, mumwe wavo akati: “Tiza kuti upone!* Usacheuka+ uye hapana paunofanira kumira muruwa rwacho rwese!+ Tizira kumakomo kuti urege kuparadzwa!”

18 Roti akabva ati kwavari: “Aiwa Jehovha, musandiendesa ikoko ndapota! 19 Manzwira mushumiri wenyu nyasha uye muri kundiratidza mutsa wakakura,* nekundichengetedza ndiri mupenyu,*+ asi handikwanisi kutizira kumakomo nekuti ndinotya kuti dambudziko ringangondiwira ndikafa.+ 20 Guta iri riri pedyo uye ndinogona kutizira ikoko; kanongova kanzvimbo kadiki. Ndinokumbirawo kutizira ikoko. Kanongova kanzvimbo kadiki. Uye ndichapona.”* 21 Saka akati kwaari: “Zvakanaka, ndichateerera chikumbiro chako,+ ndorega kuparadza guta rawataura.+ 22 Kurumidza! Tizira ikoko, nekuti handina zvandinogona kuita kana usati wasvika ikoko!”+ Ndokusaka akatumidza guta racho kuti Zoari.*+

23 Zuva rakanga rabuda pakasvika Roti kuZoari. 24 Jehovha akabva anayisa sarufa nemoto paSodhomu neGomora; zvaibva kudenga+ kuna Jehovha. 25 Saka akaparadza maguta aya, ruwa rwacho rwese, kusanganisira vagari vese vemumaguta acho nezvese zvakanga zvakamera.+ 26 Asi mudzimai waRoti, uyo akanga ari kumashure kwake, akatanga kucheuka, akabva ava shongwe yemunyu.+

27 Abrahamu akabva afumoenda kunzvimbo yaakanga ambomira pamberi paJehovha.+ 28 Paakatarisa nechekuSodhomu neGomora uye nenyika yese yeruwa rwacho, zvaakaona zvakamutyisa. Kwakanga kuine utsi hutema-tema hwaikwira huchibva panyika yacho seutsi hutema-tema hwebisiro!*+ 29 Saka Mwari paakaparadza maguta eruwa rwacho, Mwari akayeuka Abrahamu nekubudisa Roti mumaguta aakaparadza, maguta akanga achigarwa naRoti.+

30 Roti akazobva kuZoari pamwe nevanasikana vake vaviri akatanga kugara mumakomo,+ nekuti aitya kugara muZoari.+ Saka akatanga kugara mubako nevanasikana vake vaviri. 31 Mukuru wacho akati kumunin’ina wake: “Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume munyika ino wekuti arare nesu sezvinongoitwawo nevanhu vese panyika. 32 Uya tipe baba vedu waini vanwe, torara navo, kuti tichengetedze rudzi kubva kuna baba vedu.”

33 Saka usiku ihwohwo vakaramba vachipa baba vavo waini kuti vanwe; mukuru wacho akabva apinda akarara nababa vake, asi havana kuziva paakarara nepaakamuka. 34 Zuva rakatevera, mukuru wacho akabva ati kumudiki wacho: “Ndakarara nababa usiku hwapfuura. Ngativapeizve waini vanwe usiku huno, iwe wopindawo worara navo, tichengetedze rudzi kubva kuna baba vedu.” 35 Saka usiku ihwohwo zvakare, vakaramba vachipa baba vavo waini; mudiki wacho akabva aenda akarara navo, asi havana kuziva paakarara nepaakamuka. 36 Saka vanasikana vaviri vaRoti vakava nepamuviri pababa vavo. 37 Mukuru wacho akabereka mwanakomana akamutumidza kuti Moabhi.+ Ndiye baba wevaMoabhi variko iye zvino.+ 38 Mudiki wacho akaberekawo mwanakomana akamutumidza kuti Bheni-ami. Ndiye baba wevaAmoni+ variko iye zvino.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe