RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 38
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Atari yezvibayiro zvinopiswa (1-7)

      • Mudziyo wemhangura wekuisira mvura yekugeza (8)

      • Chivanze (9-20)

      • Kuverengwa kwezvinhu zvepatebhenekeri (21-31)

Eksodho 38:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:1-8; 40:10

Eksodho 38:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 1:5

Eksodho 38:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, simbi yakakwenenzverwa zvakasimba kuti ipenye segirazi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:18; Re 8:11; 1Mad 7:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2015, p. 15

Eksodho 38:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:8
  • +Eks 27:9-15

Eksodho 38:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Eksodho 38:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Eksodho 38:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Eksodho 38:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:17

Eksodho 38:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:16

Eksodho 38:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.

Eksodho 38:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:19

Eksodho 38:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:16; 31:18; Nu 17:7
  • +Nu 3:6; 4:46, 47
  • +Eks 6:23; Nu 4:28; 1Mak 6:3

Eksodho 38:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 31:2-5; 35:30; 36:1; 37:1; 2Mak 1:5

Eksodho 38:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 31:6; 35:34; 36:2

Eksodho 38:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 35:22

Eksodho 38:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Eksodho 38:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yeshekeri dzvene.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:15
  • +Eks 12:37; Nu 1:45, 46

Eksodho 38:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 26:19-21, 25, 32

Eksodho 38:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mupiro unovheyeswa.”

Eksodho 38:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:19

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 38:1Eks 27:1-8; 40:10
Eks. 38:22Mak 1:5
Eks. 38:8Eks 30:18; Re 8:11; 1Mad 7:23
Eks. 38:9Eks 40:8
Eks. 38:9Eks 27:9-15
Eks. 38:17Eks 27:17
Eks. 38:18Eks 27:16
Eks. 38:20Eks 27:19
Eks. 38:21Eks 25:16; 31:18; Nu 17:7
Eks. 38:21Nu 3:6; 4:46, 47
Eks. 38:21Eks 6:23; Nu 4:28; 1Mak 6:3
Eks. 38:22Eks 31:2-5; 35:30; 36:1; 37:1; 2Mak 1:5
Eks. 38:23Eks 31:6; 35:34; 36:2
Eks. 38:24Eks 35:22
Eks. 38:26Eks 30:15
Eks. 38:26Eks 12:37; Nu 1:45, 46
Eks. 38:27Eks 26:19-21, 25, 32
Eks. 38:31Eks 27:19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 38:1-31

Eksodho

38 Akagadzira atari yekupisira zvibayiro yemubayamhondoro. Yakanga iine mativi mana akaenzana, yakareba makubhiti* mashanu, yakafara makubhiti mashanu, uye yakakwirira makubhiti matatu.+ 2 Akabva agadzira nyanga dzayo pamakona ayo mana. Nyanga dzayo dzakanga dzakagadzirirwa pairi, chiri chinhu chimwe chete. Akazoiisa yese mhangura.+ 3 Pashure paizvozvo akagadzira midziyo yese yeatari, migomo, mafoshoro, ndiro, maforogo, nemidziyo yekuisira madota. Akagadzira midziyo yayo yese nemhangura. 4 Akagadzirirawo atari sefa yakaitwa nemhangura yakarukana-rukana pasi pemupendero wayo ichisvika nechepakati payo. 5 Akaumba marin’i mana pamakona mana pedyo nesefa yemhangura, kuti abate mapango. 6 Pashure paizvozvo akagadzira mapango emubayamhondoro akaaisa mhangura. 7 Akabva apfekera mapango acho mumarin’i aiva kumativi eatari kuti ashandiswe kuitakura. Akagadzira atari yacho yakaita sebhokisi remapuranga rakavhurika.

8 Akabva agadzira mudziyo wemhangura wekuisira mvura yekugeza+ nechigadziko chawo chemhangura; akashandisa magirazi* evakadzi vakanga vakarongwa kushumira pasuo retende rekusanganira.

9 Akabva agadzira chivanze.+ Kurutivi rwakatarisa kumaodzanyemba rwechivanze, akagadzira maketeni anorembera akagadzirwa nejira reshinda chena yakakoswa, akareba makubhiti 100.+ 10 Paiva nembiru 20 nezvigadziko 20 zvemhangura, uye zvekukochekera zvembiru nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha. 11 Uyewo kuchamhembe kwaiva nemaketeni anorembera akareba makubhiti 100. Mbiru dzawo 20 nezvigadziko zvadzo 20 zvaiva zvemhangura. Zvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha. 12 Asi kurutivi rwekumavirira, maketeni anorembera akanga akareba makubhiti 50. Paiva nembiru 10 nezvigadziko zvadzo 10, uye zvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha. 13 Rutivi rupfupi rwakatarisa kumabvazuva rwaiva makubhiti 50. 14 Kurudyi rwepekupinda napo kwaiva nemakubhiti 15 emaketeni anorembera, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu. 15 Uye kuruboshwe rwepekupinda napo muchivanze kwaiva nemakubhiti 15 emaketeni anorembera, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu. 16 Maketeni ese airembera achitenderera chivanze akanga akagadzirwa nejira reshinda chena yakakoswa. 17 Zvigadziko zvembiru dzacho zvaiva zvemhangura, zvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha, uye mbiru dzacho dzakanga dzakaiswa sirivha nechepamusoro padzo, uye zvekusungisa mbiru dzese dzechivanze zvaiva zvesirivha.+

18 Keteni repekupinda napo muchivanze rakanga rakarukwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. Rakanga rakareba makubhiti 20 uye rakakwirira makubhiti 5, rakaenzana nemaketeni anorembera echivanze.+ 19 Mbiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina zvaiva zvemhangura. Zvekukochekera zvadzo nezvekudzibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha, uye nechepamusoro padzo dzakanga dzakaiswa sirivha. 20 Hoko dzese dzetende retebhenekeri nedzechivanze kumativi ese dzaiva dzemhangura.+

21 Zvinotevera ndizvo zvinhu zvakashandiswa pakugadzira tebhenekeri, iyo tebhenekeri yeChipupuriro,+ izvo zvakanzi naMozisi zviverengwe, sebasa revaRevhi+ vaitungamirirwa naItamari+ mwanakomana wemupristi Aroni. 22 Bhezareri+ mwanakomana waUrai, mwanakomana waHeri, wedzinza raJudha akaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 23 Aiva naOhoriyabhi+ mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani, aiva mhizha, aigona kumenda nekuruka neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka.

24 Goridhe rese rakashandiswa pabasa rese renzvimbo tsvene rakanga rakaenzana negoridhe remupiro unovheyeswa,+ matarenda* 29 nemashekeri* 730 anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.* 25 Uye sirivha yevaya vakanga vaverengwa muungano yaiva matarenda 100 nemashekeri 1 775 anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.* 26 Munhu mumwe nemumwe akanga akaverengwa aiva nemakore 20 zvichikwira, akauya nehafu yeshekeri raienderana nehafu yeshekeri renzvimbo tsvene*+ uye vese vaisvika 603 550.+

27 Zvigadziko zvenzvimbo tsvene nezvigadziko zveketeni zvakagadzirwa nematarenda esirivha anosvika 100; zvigadziko 100 zvakanga zvakaenzana nematarenda 100, tarenda rimwe richigadzira chigadziko chimwe chete.+ 28 Achishandisa mashekeri 1 775, akagadzira zvekukochekera zvembiru, akaisa sirivha nechepamusoro padzo, akadzibatanidza.

29 Mupiro* wemhangura waiva matarenda 70 uye mashekeri 2 400. 30 Akashandisa mupiro uyu kugadzira zvigadziko zvesuo retende rekusanganira, atari yemhangura, sefa yayo yemhangura, midziyo yese yeatari, 31 zvigadziko zvese zvechivanze, zvigadziko zvepekupinda napo muchivanze, nehoko dzese dzetende retebhenekeri nehoko dzese dzetende+ rechivanze.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe