RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 29
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Sungano nevaIsraeri paMoabhi (1-13)

      • Kuyambirwa nezvekusateerera (14-29)

        • Zvinhu zvakavanzwa, zvinhu zvakaziviswa (29)

Dheuteronomi 29:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 24:8

Dheuteronomi 29:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:4; Jos 24:5

Dheuteronomi 29:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “miedzo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:34; Ne 9:10

Dheuteronomi 29:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 11:8

Dheuteronomi 29:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 1:3; 8:2
  • +Dhe 8:4; Ne 9:21; Mt 6:31

Dheuteronomi 29:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:26
  • +Nu 21:33
  • +Pis 135:10, 11

Dheuteronomi 29:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:33; Dhe 3:12, 13

Dheuteronomi 29:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:6; 8:18; Jos 1:7, 8; 1Mad 2:3; Pis 103:17, 18; Ru 11:28

Dheuteronomi 29:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 8:2
  • +Eks 12:38

Dheuteronomi 29:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 1:3; 29:1

Dheuteronomi 29:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:5; Dhe 7:6; 28:9
  • +Eks 6:7; 29:45
  • +Ge 17:1, 7; 22:16, 17
  • +Ge 26:3
  • +Ge 28:13

Dheuteronomi 29:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:4

Dheuteronomi 29:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 25:1, 2

Dheuteronomi 29:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 11:16; VaH 3:12
  • +VaH 12:15

Dheuteronomi 29:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvakanyatsodiridzwa uye zvakaoma.”

Dheuteronomi 29:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 24:19
  • +Dhe 27:26; 28:15

Dheuteronomi 29:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:24; Jud 7
  • +Ge 10:19; 14:2

Dheuteronomi 29:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:8, 9; 2Mak 7:21, 22; Jer 22:8, 9

Dheuteronomi 29:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:10
  • +Jer 31:32

Dheuteronomi 29:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vaakanga asina kuvapa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:12

Dheuteronomi 29:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:16; Dhe 27:26

Dheuteronomi 29:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:45, 63; 1Mad 14:15; 2Mad 17:18; Ru 21:24
  • +Ezr 9:7; Dha 9:7

Dheuteronomi 29:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 11:33
  • +Pis 78:5; Mup 12:13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 29:1Eks 24:8
Dheut. 29:2Eks 19:4; Jos 24:5
Dheut. 29:3Dhe 4:34; Ne 9:10
Dheut. 29:4VaR 11:8
Dheut. 29:5Dhe 1:3; 8:2
Dheut. 29:5Dhe 8:4; Ne 9:21; Mt 6:31
Dheut. 29:7Nu 21:26
Dheut. 29:7Nu 21:33
Dheut. 29:7Pis 135:10, 11
Dheut. 29:8Nu 32:33; Dhe 3:12, 13
Dheut. 29:9Dhe 4:6; 8:18; Jos 1:7, 8; 1Mad 2:3; Pis 103:17, 18; Ru 11:28
Dheut. 29:11Ne 8:2
Dheut. 29:11Eks 12:38
Dheut. 29:12Dhe 1:3; 29:1
Dheut. 29:13Eks 19:5; Dhe 7:6; 28:9
Dheut. 29:13Eks 6:7; 29:45
Dheut. 29:13Ge 17:1, 7; 22:16, 17
Dheut. 29:13Ge 26:3
Dheut. 29:13Ge 28:13
Dheut. 29:16Dhe 2:4
Dheut. 29:17Nu 25:1, 2
Dheut. 29:18Dhe 11:16; VaH 3:12
Dheut. 29:18VaH 12:15
Dheut. 29:20Jos 24:19
Dheut. 29:20Dhe 27:26; 28:15
Dheut. 29:23Ge 19:24; Jud 7
Dheut. 29:23Ge 10:19; 14:2
Dheut. 29:241Mad 9:8, 9; 2Mak 7:21, 22; Jer 22:8, 9
Dheut. 29:251Mad 19:10
Dheut. 29:25Jer 31:32
Dheut. 29:26Vat 2:12
Dheut. 29:27Re 26:16; Dhe 27:26
Dheut. 29:28Dhe 28:45, 63; 1Mad 14:15; 2Mad 17:18; Ru 21:24
Dheut. 29:28Ezr 9:7; Dha 9:7
Dheut. 29:29VaR 11:33
Dheut. 29:29Pis 78:5; Mup 12:13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 29:1-29

Dheuteronomi

29 Aya ndiwo mashoko esungano yakarayirwa Mozisi naJehovha kuti aite nevaIsraeri munyika yeMoabhi, kuwedzera pasungano yaakanga aita navo kuHorebhi.+

2 Mozisi akabva ashevedza vaIsraeri vese, akati kwavari: “Makaona zvese zvakaitwa naJehovha pamberi penyu munyika yeIjipiti kuna Farao nevashandi vake vese nenyika yake yese,+ 3 mitongo* mikuru yamakaona nemaziso enyu, zviratidzo zviya zvikuru nezvishamiso.+ 4 Asi nanhasi Jehovha haasati akupai mwoyo wekuti munzwisise, nemaziso ekuti muone, nenzeve dzekuti munzwe.+ 5 ‘Pandaikutungamirirai kwemakore 40 murenje,+ zvipfeko zvenyu hazvina kusakara, uye shangu dzaiva mutsoka dzenyu hadzina kusakara.+ 6 Hamuna kudya chingwa, uye hamuna kunwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ 7 Makazosvika munzvimbo ino, uye Sihoni mambo weHeshbhoni+ naOgi mambo weBhashani+ vakabuda kuzorwa nesu, asi takavakunda.+ 8 Takabva tatora nyika yavo tikaipa vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza revaManase+ kuti ive nhaka yavo. 9 Saka chengetai mashoko esungano iyi muateerere, kuti zvese zvamunoita zvifambe zvakanaka.+

10 “Nhasi mese makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vakuru vemadzinza enyu, vakuru venyu, vatungamiriri venyu, varume vese vaIsraeri, 11 vana venyu, madzimai enyu,+ nevatorwa venyu+ vari mumusasa wenyu, kubvira pane vanokutsvagirai huni kusvikira pane vanokuchererai mvura. 12 Muri pano kuti mupinde musungano yaJehovha Mwari wenyu nemhiko yake, zviri kuitwa naJehovha Mwari wenyu nemi nhasi+ 13 kuti akuitei vanhu vake+ nhasi uye kuti ave Mwari wenyu,+ sezvaakakuvimbisai uye sezvaakapikira madzitateguru enyu, Abrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+

14 “Iye zvino handisi kuita sungano iyi uye mhiko iyi nemi chete, 15 asi nevaya vakamira nesu pano nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu uye nevaya vasiri pano nhasi. 16 (Nekuti munonyatsoziva magariro atakaita munyika yeIjipiti uye kupfuura kwatakaita nepakati pemarudzi akasiyana-siyana tiri parwendo rwedu.+ 17 Uye maigara muchiona zvinhu zvawo zvinonyangadza nezvidhori zvawo zvinosemesa*+ zvematanda nezvematombo, zvesirivha nezvegoridhe, zvaiva pakati pavo.) 18 Ngwarirai kuti nhasi pakati penyu parege kuva nemurume kana mukadzi, mhuri kana dzinza vane mwoyo unotsauka pana Jehovha Mwari wedu kuti vaende kunoshumira vamwe vanamwari vemarudzi iwayo,+ kuti pakati penyu parege kuva nemudzi unoita kuti muti ubereke muchero une muchetura uye unovava.+

19 “Asi kana mumwe munhu akanzwa mashoko emhiko iyi, ozvirumbidza mumwoyo make achiti, ‘Ndichava nerugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yemwoyo wangu,’ achiparadza zvese* zviri munzira yake, 20 Jehovha haazodi kumuregerera.+ Asi hasha huru dzaJehovha dzichauya pamunhu iyeye, uye kutukwa kwese kwakanyorwa mubhuku rino kuchatouya paari,+ uye Jehovha achatodzima zita rake pasi pedenga. 21 Jehovha achabva amutsaura pakati pemadzinza ese aIsraeri oita kuti matambudziko auye paari maererano nekutuka kwese kuri musungano yakanyorwa mubhuku rino reMutemo.

22 “Chizvarwa chinotevera chevanakomana venyu nemutorwa anobva kunyika iri kure pavachaona matambudziko enyika yacho, nhamo dzinenge dzaunzwa naJehovha pairi, 23 sarufa nemunyu nekupisa, zvekuti nyika yacho yese haizodyarwi kana kumera zvinenge zvadyarwa, uyewo hapana zvinozomera musango, sekuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora,+ Adma neZebhoimu,+ zvakaparadzwa naJehovha akatsamwa uye aine hasha, 24 ivo nemarudzi ese vachati, ‘Nei Jehovha akaita izvi kunyika iyi?+ Hasha dzakakura kudai dzakakonzerwa nei?’ 25 Vachabva vati, ‘Imhaka yekuti vakasiya sungano yaJehovha,+ Mwari wemadzitateguru avo, yaakaita navo paakavabudisa munyika yeIjipiti.+ 26 Asi vakaenda, vakanoshumira vamwe vanamwari, vakavakotamira, vanamwari vavakanga vasingazivi uye vaakanga asina kuvabvumira kunamata.*+ 27 Jehovha akabva atsamwira nyika iyoyo kwazvo ndokuiunzira kutukwa kwese kwakanyorwa mubhuku rino.+ 28 Saka Jehovha akavadzura panyika yavo akashatirwa,+ akatsamwa, uye akagumbuka kwazvo, akavaendesa kune imwe nyika, kwavari nanhasi.’+

29 “Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari+ wedu, asi zvinhu zvakaziviswa ndezvedu nevana vedu vachatitevera nekusingagumi, kuitira kuti tishandise mashoko ese eMutemo uyu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe