RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 25
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Mutemo wekuranga neshamhu (1-3)

      • Usasunga muromo wenzombe painenge ichipura (4)

      • Kugara nhaka mudzimai wemukoma kana kuti wemunin’ina (5-10)

      • Kubata nhengo dzakavandika pakurwa (11, 12)

      • Zvikero nemidziyo yekuyeresa zvakarurama (13-16)

      • VaAmareki vanofanira kuparadzwa (17-19)

Dheuteronomi 25:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:18; 17:8, 9; 19:16, 17
  • +Eks 23:6; 2Mak 19:6; Zvi 17:15; 31:9

Dheuteronomi 25:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 10:13; 20:30; 26:3; Ru 12:48; VaH 2:2

Dheuteronomi 25:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaK 11:24

Dheuteronomi 25:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wemukono wemombe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 12:10; 1VaK 9:9; 1Ti 5:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2012, pp. 29-30

Dheuteronomi 25:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 38:7, 8; Rut 4:5; Mk 12:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1950

Dheuteronomi 25:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 38:9; Rut 4:10, 17
  • +Nu 27:1, 4

Dheuteronomi 25:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 4:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/2004, p. 26

Dheuteronomi 25:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zita rake.”

Dheuteronomi 25:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ziso rako harifaniri.”

Dheuteronomi 25:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 11:1; 20:10; Mik 6:11

Dheuteronomi 25:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Usava neefa neefa mumba mako, hombe nediki.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:36

Dheuteronomi 25:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:40

Dheuteronomi 25:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:35

Dheuteronomi 25:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:8; Nu 24:20

Dheuteronomi 25:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 22:4
  • +Eks 17:14; 1Sa 14:47, 48; 15:1-3; 1Mak 4:42, 43

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 144

    Nharireyomurindi,

    1/1/2012, p. 29

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 25:1Dhe 16:18; 17:8, 9; 19:16, 17
Dheut. 25:1Eks 23:6; 2Mak 19:6; Zvi 17:15; 31:9
Dheut. 25:2Zvi 10:13; 20:30; 26:3; Ru 12:48; VaH 2:2
Dheut. 25:32VaK 11:24
Dheut. 25:4Zvi 12:10; 1VaK 9:9; 1Ti 5:18
Dheut. 25:5Ge 38:7, 8; Rut 4:5; Mk 12:19
Dheut. 25:6Ge 38:9; Rut 4:10, 17
Dheut. 25:6Nu 27:1, 4
Dheut. 25:9Rut 4:7
Dheut. 25:13Zvi 11:1; 20:10; Mik 6:11
Dheut. 25:14Re 19:36
Dheut. 25:15Dhe 4:40
Dheut. 25:16Re 19:35
Dheut. 25:17Eks 17:8; Nu 24:20
Dheut. 25:19Jos 22:4
Dheut. 25:19Eks 17:14; 1Sa 14:47, 48; 15:1-3; 1Mak 4:42, 43
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 25:1-19

Dheuteronomi

25 “Kana vanhu vakanetsana, uye vakauya nenyaya yavo kuvatongi,+ vatongi vacho vachavatonga vozivisa kuti munhu akarurama haana mhosva uye munhu akaipa ane mhosva.+ 2 Kana munhu akaipa achifanira kurohwa,+ mutongi achaita kuti azvambarare uye acharohwa mutongi achiona. Shamhu dzaacharohwa dzinofanira kuenderana nemhosva yaakaita. 3 Anogona kumurova shamhu 40+ asi haafaniri kupfuura ipapo. Kana akaramba achimurova dzimwe shamhu kupfuura idzi, hama yako inenge yava kunyadziswa pamberi pako.

4 “Usasunga muromo wenzombe* painenge ichipura zviyo.+

5 “Kana mukoma nemunin’ina vachigara pamwe chete, mumwe wacho ofa asina mwanakomana, mudzimai wemufi haafaniri kuroorwa nemumwe murume asiri wemumhuri yacho. Asara wacho anofanira kuenda kumuramu wake, omutora kuti ave mudzimai wake, omugara nhaka.+ 6 Dangwe raachabereka richamutsidzira zita reuya akafa,+ kuti zita rake rirege kudzimwa pakati paIsraeri.+

7 “Kana murume wacho asingadi kuroora chirikadzi yacho, chirikadzi yacho inofanira kuenda kuvakuru pagedhi reguta yonoti, ‘Munin’ina wemurume wangu aramba kuchengetedza zita remukoma wake pakati paIsraeri. Aramba kundigara nhaka.’ 8 Vakuru veguta rake vanofanira kumushevedza, votaura naye. Kana akaramba achingoti, ‘Handidi kumuroora,’ 9 chirikadzi yacho inofanira kuenda paari vakuru vachizviona, yobvisa shangu yake mutsoka yake,+ yomusvipira kumeso, yoti, ‘Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa munhu asingadi kuvaka imba yemukoma wake.’ 10 Kubva ipapo, zita reimba yake* pakati paIsraeri richava rekuti ‘Imba yemunhu akabviswa shangu.’

11 “Kana varume vaviri vakarwa, mudzimai wemumwe wacho opindira kuti anunure murume wake pane ari kumurova, otambanudza ruoko rwake, omubata nhengo dzake dzakavandika, 12 unofanira kumudimbura ruoko. Haufaniri* kumunzwira tsitsi.

13 “Usava nematombo maviri ekuyeresa+ akasiyana muhomwe yako, guru nediki. 14 Usava nemidziyo yekuyeresa+ miviri yakasiyana mumba mako, mukuru nemudiki.* 15 Unofanira kunge uine dombo rekuyeresa rakarurama uye risiri rekubiridzira uye mudziyo wekuyeresa wakarurama usiri wekubiridzira, kuti urarame kwenguva yakareba munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.+ 16 Nekuti munhu wese anobiridzira achiita zvinhu zvakadaro anosemesa Jehovha Mwari wako.+

17 “Yeuka zvawakaitwa naAmareki uri munzira pawaibuda muIjipiti,+ 18 kusangana kwaakaita newe munzira akarwisa vese vaiva necheshure kwako vaisaririra pawakanga waneta uye warukutika. Haana kutya Mwari. 19 Kana Jehovha Mwari wako akuzorodza pavavengi vako vese vakakupoteredza munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka,+ unofanira kudzima zita revaAmareki pasi pedenga.+ Usakanganwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe