RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Jehoshafati anobatana naAhabhi (1-12)

      • Uprofita hwaMikaya hwekukundwa (13-28)

        • Mweya uchanonyengedza Ahabhi (21, 22)

      • Ahabhi anourayiwa kuRamoti-giriyedhi (29-40)

      • Jehoshafati anotonga Judha (41-50)

      • Ahaziya mambo weIsraeri (51-53)

1 Madzimambo 22:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:24
  • +2Mak 18:2, 3

1 Madzimambo 22:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 20:8, 9; 1Mad 4:7, 13

1 Madzimambo 22:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:7; 2Mak 19:2

1 Madzimambo 22:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:21
  • +2Mak 18:4, 5

1 Madzimambo 22:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:11; 2Mak 18:6, 7

1 Madzimambo 22:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:4
  • +1Mad 21:20; 2Mak 36:16
  • +Isa 30:9, 10; Jer 38:4

1 Madzimambo 22:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:8-11

1 Madzimambo 22:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 13:2, 3

1 Madzimambo 22:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Muchasunda.”

1 Madzimambo 22:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:12-16

1 Madzimambo 22:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:15, 25

1 Madzimambo 22:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:17

1 Madzimambo 22:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 6:1; Eze 1:26
  • +2Mak 18:18-22; Job 1:6; Dha 7:9, 10; Mt 18:10; Zva 5:11

1 Madzimambo 22:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Imwe ngirozi yabva yaenda ikamira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 104:4; VaH 1:7, 14

1 Madzimambo 22:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 22:6

1 Madzimambo 22:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 14:9
  • +1Mad 20:42

1 Madzimambo 22:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:23-27

1 Madzimambo 22:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:32, 36

1 Madzimambo 22:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 16:28, 29

1 Madzimambo 22:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:28-32

1 Madzimambo 22:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 35:22

1 Madzimambo 22:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:1

1 Madzimambo 22:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumusasa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:33, 34

1 Madzimambo 22:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:42

1 Madzimambo 22:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 22:17

1 Madzimambo 22:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “imbwa dzakananzva ropa rake makagezerwa nepfambi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:18, 19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, p. 15

1 Madzimambo 22:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:22; Eze 27:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/1990, pp. 16-17

    “Rugwaro Rwose,” p. 149

1 Madzimambo 22:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:28
  • +2Mad 1:2; 2Mak 20:35

1 Madzimambo 22:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 3:10; 2Mak 17:1; 20:31; Mt 1:8

1 Madzimambo 22:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:11; 2Mak 14:11; 15:8
  • +2Mak 17:3
  • +Dhe 12:14; 1Mad 14:23; 15:14

1 Madzimambo 22:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 18:1; 19:2

1 Madzimambo 22:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 23:17, 18; 1Mad 14:24
  • +1Mad 15:11, 12

1 Madzimambo 22:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 36:1, 9
  • +2Sa 8:14; 2Mad 8:20-22; Pis 108:9

1 Madzimambo 22:48

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 10:22
  • +1Mad 9:26; 2Mak 20:35-37

1 Madzimambo 22:50

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:10
  • +2Mad 8:16; 2Mak 21:1, 5

1 Madzimambo 22:51

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 1:2

1 Madzimambo 22:52

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:30
  • +1Mad 21:25
  • +1Mad 12:28-30; 13:33

1 Madzimambo 22:53

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:31, 32; 2Mad 1:2
  • +Eks 20:3; 34:14

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 22:21Mad 15:24
1 Madz. 22:22Mak 18:2, 3
1 Madz. 22:3Jos 20:8, 9; 1Mad 4:7, 13
1 Madz. 22:42Mad 3:7; 2Mak 19:2
1 Madz. 22:5Nu 27:21
1 Madz. 22:52Mak 18:4, 5
1 Madz. 22:72Mad 3:11; 2Mak 18:6, 7
1 Madz. 22:81Mad 18:4
1 Madz. 22:81Mad 21:20; 2Mak 36:16
1 Madz. 22:8Isa 30:9, 10; Jer 38:4
1 Madz. 22:92Mak 18:8-11
1 Madz. 22:10Eze 13:2, 3
1 Madz. 22:132Mak 18:12-16
1 Madz. 22:17Dhe 28:15, 25
1 Madz. 22:182Mak 18:17
1 Madz. 22:19Isa 6:1; Eze 1:26
1 Madz. 22:192Mak 18:18-22; Job 1:6; Dha 7:9, 10; Mt 18:10; Zva 5:11
1 Madz. 22:21Pis 104:4; VaH 1:7, 14
1 Madz. 22:221Mad 22:6
1 Madz. 22:23Eze 14:9
1 Madz. 22:231Mad 20:42
1 Madz. 22:242Mak 18:23-27
1 Madz. 22:27VaH 11:32, 36
1 Madz. 22:28Nu 16:28, 29
1 Madz. 22:292Mak 18:28-32
1 Madz. 22:302Mak 35:22
1 Madz. 22:311Mad 20:1
1 Madz. 22:342Mak 18:33, 34
1 Madz. 22:351Mad 20:42
1 Madz. 22:361Mad 22:17
1 Madz. 22:381Mad 21:18, 19
1 Madz. 22:391Mad 10:22; Eze 27:15
1 Madz. 22:401Mad 16:28
1 Madz. 22:402Mad 1:2; 2Mak 20:35
1 Madz. 22:411Mak 3:10; 2Mak 17:1; 20:31; Mt 1:8
1 Madz. 22:431Mad 15:11; 2Mak 14:11; 15:8
1 Madz. 22:432Mak 17:3
1 Madz. 22:43Dhe 12:14; 1Mad 14:23; 15:14
1 Madz. 22:442Mak 18:1; 19:2
1 Madz. 22:46Dhe 23:17, 18; 1Mad 14:24
1 Madz. 22:461Mad 15:11, 12
1 Madz. 22:47Ge 36:1, 9
1 Madz. 22:472Sa 8:14; 2Mad 8:20-22; Pis 108:9
1 Madz. 22:481Mad 10:22
1 Madz. 22:481Mad 9:26; 2Mak 20:35-37
1 Madz. 22:501Mad 2:10
1 Madz. 22:502Mad 8:16; 2Mak 21:1, 5
1 Madz. 22:512Mad 1:2
1 Madz. 22:521Mad 16:30
1 Madz. 22:521Mad 21:25
1 Madz. 22:521Mad 12:28-30; 13:33
1 Madz. 22:531Mad 16:31, 32; 2Mad 1:2
1 Madz. 22:53Eks 20:3; 34:14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
  • 53
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 22:1-53

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

22 Kwemakore matatu pakanga pasina hondo pakati peSiriya neIsraeri. 2 Mugore rechitatu, Mambo Jehoshafati+ weJudha akaenda kuna mambo weIsraeri.+ 3 Mambo weIsraeri akabva ati kuvaranda vake: “Munozviziva here kuti Ramoti-giriyedhi+ ndeyedu? Asi isu tiri kungozengurira hedu kuidzosa kubva kuna mambo weSiriya.” 4 Akabva ati kuna Jehoshafati: “Uchaenda neni kunorwa kuRamoti-giriyedhi here?” Jehoshafati akapindura mambo weIsraeri achiti: “Ini newe tiri vanhu vamwe chete. Vanhu vangu nevanhu vako vamwe chete. Mabhiza angu nemabhiza ako mamwe chete.”+

5 Asi Jehoshafati akati kuna mambo weIsraeri: “Ndapota,+ tanga wabvunza kuti Jehovha anoti chii.”+ 6 Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita, varume vanenge 400, akati kwavari: “Ndiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndorega?” Ivo vakati: “Endai, uye Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

7 Jehoshafati akabva ati: “Pano hapana muprofita waJehovha here? Ngatibvunzeiwo nekwaari.”+ 8 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Kuchiine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha nekwaari;+ asi ini ndinomuvenga, nekuti haatomboprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu,+ asi zvakaipa chete.+ NdiMikaya mwanakomana waImra.” Asi Jehoshafati akati: “Mambo haafaniri kutaura zvakadaro.”

9 Saka mambo weIsraeri akashevedza mumwe wevakuru vemumuzinda akati: “Kurumidza kuuya naMikaya mwanakomana waImra.”+ 10 Mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara mumwe nemumwe pachigaro chake cheumambo, vakapfeka nguo dzeumambo, vari paburiro* pagedhi reSamariya, vaprofita vese vachiprofita vari pamberi pavo.+ 11 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga dzake dzesimbi akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Muchatunga* vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’” 12 Vamwe vaprofita vese vakanga vachiprofitawo saizvozvo, vachiti: “Kwidzai kuRamoti-giriyedhi uye muchakunda; Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

13 Saka nhume yakanga yaenda kunoshevedza Mikaya yakati kwaari: “Inzwa! Mashoko ari kutaurwa nevaprofita vese akanaka kuna mambo. Ndapota, shoko rako ngarifanane nemashoko avo, utaure zvinhu zvakanaka.”+ 14 Asi Mikaya akati: “NaJehovha mupenyu, chero zvandichaudzwa naJehovha ndizvo zvandichataura.” 15 Akabva apinda maiva namambo, uye mambo akamubvunza kuti: “Mikaya, tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti tirege?” Akabva apindura achiti: “Endai uye muchakunda; Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.” 16 Mambo akabva ati kwaari: “Ndinofanira kukuita kuti upike kangani kuti ungondiudza chokwadi chega muzita raJehovha?” 17 Saka akati: “Ndiri kuona vaIsraeri vese vakapararira mumakomo+ semakwai asina mufudzi. Jehovha ati: ‘Ava havana tenzi. Mumwe nemumwe ngaadzokere kumba kwake nerugare.’”

18 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Handina here kukuudza kuti, ‘Haasi kuzoprofita zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete’?”+

19 Mikaya akabva ati: “Saka inzwai shoko raJehovha: Ndaona Jehovha akagara pachigaro chake cheumambo,+ uye uto rese rekudenga rakamira pedyo naye, kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.+ 20 Jehovha abva ati, ‘Ndiani achanyengedza Ahabhi, kuti aende anofira kuRamoti-giriyedhi?’ Zvino mumwe anga achitaura izvi, mumwe achitaura zvimwewo. 21 Mumwe mweya+ wabva waenda ukamira* pamberi paJehovha ndokuti, ‘Ini ndichamunyengedza.’ Jehovha achibva ati kwauri, ‘Uchazviita sei?’ 22 Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndova mweya unonyengedza mumiromo yevaprofita vake vese.’+ Iye achibva ati, ‘Uchamunyengedza, uye uchabudirira. Enda uite saizvozvo.’ 23 Jehovha aisa mweya unonyengera mumiromo yevaprofita venyu vese ava,+ asi Jehovha ataura nezvedambudziko pamusoro penyu.”+

24 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva aswedera pedyo, akarova Mikaya padama akati: “Zvakatanga riini kuti mweya waJehovha unondipfuura uchienda kunotaura newe?”+ 25 Mikaya akapindura kuti: “Uchaziva kuti zvakatanga riini pazuva rauchapinda muimba yemukatikati kuti uhwande.” 26 Mambo weIsraeri akabva ati: “Tora Mikaya umuendese kuna Amone mukuru weguta nekuna Joashi mwanakomana wamambo. 27 Vaudze kuti, ‘Zvanzi namambo: “Isai munhu uyu mujeri+ uye mupei chingwa chakatapudzwa nemvura shoma kusvikira ndadzoka nerugare.”’” 28 Asi Mikaya akati: “Kana mukadzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni.”+ Akabva ati: “Mucherechedze, imi vanhu vese.”

29 Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwidza kuRamoti-giriyedhi.+ 30 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Ndichachinja nguo dzangu kuti ndirege kuzivikanwa, ndoenda kunorwa, asi iwe unofanira kupfeka nguo dzako dzeumambo.” Saka mambo weIsraeri akachinja nguo dzake kuti arege kuzivikanwa+ akaenda kunorwa. 31 Mambo weSiriya akanga arayira vakuru 32 vengoro dzake achiti:+ “Musarwa nemumwe munhu, mudiki kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri chete.” 32 Vakuru vengoro dzacho pavakangoona Jehoshafati, vakati nechemumwoyo: “Chokwadi uyu ndiye mambo weIsraeri.” Saka vakatsaukira kwaari kuti vamurwise; asi Jehoshafati akatanga kushevedzera kuti abatsirwe. 33 Vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri mambo weIsraeri, vakabva varega kumutevera.

34 Asi mumwe murume akangopfurawo neuta hwake asina kuzvironga, akabaya mambo weIsraeri nepanobatana nguo yake yesimbi. Saka mambo akati kumutyairi wake wengoro: “Tendeutsa ngoro undibudise muhondo,* nekuti ndakuvadzwa zvakanyanya.”+ 35 Hondo yakaramba ichipisa zuva racho rese, uye mambo akamira akaita zvekutsigirwa nevamwe mungoro, akatarisana nevaSiriya. Ropa raibuda paronda racho rakayerera richienda mungoro yehondo, uye akafa manheru.+ 36 Panenge pakunyura kwezuva, mumusasa makashevedzerwa kuti: “Munhu wese ngaaende kuguta rake! Munhu wese ngaaende kunyika yake!”+ 37 Saka mambo akafa, uye akaunzwa kuSamariya; vakaviga mambo muSamariya. 38 Pavakasuka ngoro yacho yehondo padziva reSamariya, imbwa dzakananzva ropa rake uye pfambi dzakageza imomo,* maererano neshoko rakanga rataurwa naJehovha.+

39 Kana iri nhoroondo yese yaAhabhi, zvese zvaakaita uye imba yenyanga dzenzou+ yaakavaka nemaguta ese aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 40 Ahabhi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Ahaziya+ akava mambo panzvimbo yake.

41 Jehoshafati+ mwanakomana waAsa, akanga ava mambo weJudha mugore rechina raMambo Ahabhi weIsraeri. 42 Jehoshafati aiva nemakore 35 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 25 muJerusarema. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi. 43 Akaramba achifamba munzira dzese dzababa vake Asa.+ Haana kutsauka padziri, uye akaita zvakarurama pamberi paJehovha.+ Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ 44 Jehoshafati akaramba aine rugare namambo weIsraeri.+ 45 Kana iri nhoroondo yese yaJehoshafati, simba rake nekurwa kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 46 Akatsvairawo pfambi dzese dzechirume dzepatemberi+ munyika yacho idzo dzakanga dzasara mumazuva ababa vake Asa.+

47 Panguva iyoyo muEdhomu+ makanga musina mambo; paiva nemutevedzeri aiva pachigaro chamambo.+

48 Jehoshafati akagadzirawo ngarava dzeTashishi* kuti dziende kuOfiri kunotora goridhe,+ asi hadzina kuenda, nekuti ngarava dzacho dzakaparara paEziyoni-gebheri.+ 49 Panguva iyoyo Ahaziya mwanakomana waAhabhi ndipo paakati kuna Jehoshafati: “Rega varanda vangu vaende nevaranda vako nengarava,” asi Jehoshafati akaramba.

50 Jehoshafati akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake,+ uye akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi tateguru vake; uye mwanakomana wake Jehoramu+ akava mambo panzvimbo yake.

51 Ahaziya+ mwanakomana waAhabhi, akava mambo weIsraeri muSamariya mugore rechi17 raMambo Jehoshafati weJudha, uye akatonga Israeri kwemakore maviri. 52 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira yababa vake+ naamai vake+ nemunzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akanga aita kuti vaIsraeri vatadze.+ 53 Akaramba achishumira Bhaari,+ achimukotamira, uye akaramba achigumbura Jehovha Mwari waIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nababa vake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe