RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zekariya 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZekariya

      • Kukumbirwa kuti vadzoke kuna Jehovha (1-6)

        • ‘Dzokai kwandiri uye ini ndichadzoka kwamuri’ (3)

      • Chiratidzo 1: Vatasvi vemabhiza pakati pemiti yemikute (7-17)

        • “Jehovha achanyaradzazve Ziyoni” (17)

      • Chiratidzo 2: Nyanga ina nemhizha ina (18-21)

Zekariya 1:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Jehovha Ayeuka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 4:24; Hag 1:1; 2:10
  • +Ezr 5:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 169

Zekariya 1:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:16, 17; Jer 44:5, 6

Zekariya 1:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 33:11; Mik 7:18, 19; Mar 3:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1989, p. 31

Zekariya 1:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:6, 7; Isa 1:16; 55:7; Ho 14:1
  • +2Mak 36:15, 16; Jer 11:7, 8

Zekariya 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17; Dha 9:11, 12
  • +Dhe 28:20, 45; Jer 23:20

Zekariya 1:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 4:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), pp. 1968, 2052

Zekariya 1:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 1:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1989, p. 30

Zekariya 1:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 74:10; 102:13
  • +2Mak 36:20, 21; Jer 25:11, 12; Dha 9:2; Zek 7:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1989, p. 30

Zekariya 1:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joe 2:18; Zek 8:2

Zekariya 1:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 48:11; Zek 1:11
  • +Isa 54:8
  • +Pis 137:7; Isa 47:6; Jer 51:35

Zekariya 1:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 12:1; Jer 33:14; Zek 8:3
  • +Ezr 6:14, 15; Isa 44:28; Hag 1:14
  • +Jer 31:38, 39; Eze 40:2, 3; Zek 2:1, 2

Zekariya 1:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 51:3
  • +Pis 132:13; Zek 2:12; 3:2

Zekariya 1:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 1:21

Zekariya 1:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:12, 14
  • +2Mad 15:29; 17:6; 18:11; Jer 50:17
  • +2Mad 25:11; 2Mak 36:17, 19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/1989, p. 30

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zek. 1:1Ezr 4:24; Hag 1:1; 2:10
Zek. 1:1Ezr 5:1
Zek. 1:22Mad 22:16, 17; Jer 44:5, 6
Zek. 1:3Eze 33:11; Mik 7:18, 19; Mar 3:7
Zek. 1:4Ezr 9:6, 7; Isa 1:16; 55:7; Ho 14:1
Zek. 1:42Mak 36:15, 16; Jer 11:7, 8
Zek. 1:62Mak 36:17; Dha 9:11, 12
Zek. 1:6Dhe 28:20, 45; Jer 23:20
Zek. 1:7Ezr 4:24
Zek. 1:11Zek 1:15
Zek. 1:12Pis 74:10; 102:13
Zek. 1:122Mak 36:20, 21; Jer 25:11, 12; Dha 9:2; Zek 7:5
Zek. 1:14Joe 2:18; Zek 8:2
Zek. 1:15Jer 48:11; Zek 1:11
Zek. 1:15Isa 54:8
Zek. 1:15Pis 137:7; Isa 47:6; Jer 51:35
Zek. 1:16Isa 12:1; Jer 33:14; Zek 8:3
Zek. 1:16Ezr 6:14, 15; Isa 44:28; Hag 1:14
Zek. 1:16Jer 31:38, 39; Eze 40:2, 3; Zek 2:1, 2
Zek. 1:17Isa 51:3
Zek. 1:17Pis 132:13; Zek 2:12; 3:2
Zek. 1:18Zek 1:21
Zek. 1:192Mad 24:12, 14
Zek. 1:192Mad 15:29; 17:6; 18:11; Jer 50:17
Zek. 1:192Mad 25:11; 2Mak 36:17, 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zekariya 1:1-21

Zekariya

1 Mumwedzi wechi8 wegore rechipiri raDhariyasi,+ shoko raJehovha rakauya kumuprofita Zekariya*+ mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho, richiti: 2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu kwazvo.+

3 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “‘Dzokai kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye ini ndichadzoka kwamuri,’+ anodaro Jehovha wemauto.”’

4 “‘Regai kuita semadzibaba enyu ayo akaudzwa nevaprofita vekare kuti: “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndapota siyai nzira dzenyu dzakaipa nemabasa enyu akaipa.’”’+

“‘Asi iwo haana kuteerera kana kundinzwa,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

5 “‘Madzibaba enyu ari kupi iye zvino? Uye vaprofita vacho vakararama nekusingaperi here? 6 Asi mashoko angu nemirau yangu zvandakarayira vashumiri vangu vaprofita, hazvina kuitika here kumadzibaba enyu?’+ Vakabva vadzoka kwandiri vakati: ‘Jehovha wemauto atiitira zvinoenderana nenzira dzedu uye nemabasa edu, sezvaakasarudza.’”+

7 Pazuva rechi24 remwedzi wechi11, kureva mwedzi waShebhati,* mugore rechipiri raDhariyasi,+ shoko raJehovha rakauya kumuprofita Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho, richiti: 8 “Ndakaona chiratidzo usiku. Paiva nemurume akanga akatasva bhiza dzvuku, uye akaramba akamira pakati pemiti yemikute yaiva mugoronga; uye shure kwake kwaiva nemabhiza matsvuku, neakatsvukuruka, nemachena.”

9 Saka ndakati: “Ishe wangu, ava ndivanaani?”

Ngirozi yaitaura neni yakabva yati kwandiri: “Ndichakuratidza kuti ndivanaani.”

10 Murume akanga akamira pakati pemiti yemikute akabva ati: “Ava ndivo vatumwa naJehovha kuti vafambe panyika.” 11 Ivo vakabva vati kungirozi yaJehovha yakanga yakamira pakati pemiti yemikute: “Tafamba munyika, uye taona kuti nyika yese ine runyararo uye haina chiri kunetsa.”+

12 Saka ngirozi yaJehovha yakati: “Jehovha wemauto, muchasvika riini musinganzwiri guta reJerusarema nemaguta eJudha tsitsi,+ ayo amakatsamwira kwemakore aya 70?”+

13 Jehovha akapindura ngirozi yakanga ichitaura neni, nemashoko akanaka uye anonyaradza. 14 Ngirozi yakanga ichitaura neni yakabva yati kwandiri: “Shevedzera uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndiri kushingairira Jerusarema neZiyoni zvikuru.+ 15 Ndakatsamwira kwazvo marudzi akagara zvakanaka,+ nekuti ndakanga ndisina kutsamwira vanhu vangu zvakanyanya,+ asi iwo akavatambudza zvakanyanyisa.”’+

16 “Saka zvanzi naJehovha: ‘“Ndichadzoka kuJerusarema uye ndicharinzwira tsitsi,+ uye imba yangu ichavakwa mariri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “uye Jerusarema richatambanudzirwa tambo yekuriyera pamusoro paro.”’+

17 “Shevedzerazve uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Maguta angu achafashukirazve nezvakanaka; uye Jehovha achanyaradzazve Ziyoni,+ osarudzazve Jerusarema.”’”+

18 Ndakabva ndasimudza musoro ndikaona nyanga ina.+ 19 Saka ndakati kungirozi yakanga ichitaura neni: “Nyanga idzi dziri kumiririrei?” Iyo ikapindura kuti: “Idzi ndidzo nyanga dzakaita kuti vanhu veJudha,+ neIsraeri+ neJerusarema vapararire.”+

20 Jehovha akabva andiratidza mhizha ina. 21 Ndakabva ndati: “Ko ava vari kuuya kuzoitei?”

Iye akati: “Idzi ndidzo nyanga dzakaita kuti vaJudha vapararire zvekuti hapana akakwanisa kusimudza musoro. Asi vamwe ava vachauya kuzodzityisa, kuzowisira pasi nyanga dzemarudzi akasimudzira nyika yeJudha nyanga dzawo achiirwisa, kuti vanhu vayo vapararire.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe