RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Vanhu vanobvuma kuchengeta sungano (1-11)

      • Mozisi muGomo reSinai (12-18)

Eksodho 24:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 10:1

Eksodho 24:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:21; Nu 12:8

Eksodho 24:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:1; Dhe 4:1
  • +Dhe 5:27; Jos 24:22

Eksodho 24:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:27; Dhe 31:9

Eksodho 24:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 3:1; 7:11

Eksodho 24:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:11; Mab 13:15
  • +Eks 19:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/1995, pp. 9, 11

    3/1/1995, p. 11

Eksodho 24:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 12:24
  • +VaH 9:18-20

Eksodho 24:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 1:18
  • +Eze 1:26; Zva 4:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/1988, p. 22

Eksodho 24:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 24:1

Eksodho 24:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 5:22

Eksodho 24:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 11:28
  • +Eks 24:2

Eksodho 24:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:1
  • +Eks 17:10
  • +Eks 18:25, 26

Eksodho 24:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:9

Eksodho 24:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 16:10; Re 9:23; Nu 16:42
  • +Eks 19:11

Eksodho 24:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:20
  • +Eks 34:28; Dhe 9:9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 24:1Re 10:1
Eks. 24:2Eks 20:21; Nu 12:8
Eks. 24:3Eks 21:1; Dhe 4:1
Eks. 24:3Dhe 5:27; Jos 24:22
Eks. 24:4Eks 34:27; Dhe 31:9
Eks. 24:5Re 3:1; 7:11
Eks. 24:7Dhe 31:11; Mab 13:15
Eks. 24:7Eks 19:8
Eks. 24:8VaH 12:24
Eks. 24:8VaH 9:18-20
Eks. 24:10Joh 1:18
Eks. 24:10Eze 1:26; Zva 4:3
Eks. 24:11Eks 24:1
Eks. 24:12Dhe 5:22
Eks. 24:13Nu 11:28
Eks. 24:13Eks 24:2
Eks. 24:14Eks 32:1
Eks. 24:14Eks 17:10
Eks. 24:14Eks 18:25, 26
Eks. 24:15Eks 19:9
Eks. 24:16Eks 16:10; Re 9:23; Nu 16:42
Eks. 24:16Eks 19:11
Eks. 24:18Eks 19:20
Eks. 24:18Eks 34:28; Dhe 9:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 24:1-18

Eksodho

24 Akabva ati kuna Mozisi: “Kwirai kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu,+ nevakuru vaIsraeri 70, mukotame muri nechekure. 2 Mozisi anofanira kuswedera kuna Jehovha ari ega; asi vamwe havafaniri kuswedera, uye vamwe vanhu vese havafaniri kukwira naye.”+

3 Mozisi akabva auya akaudza vanhu mashoko ese nemitongo yese yakapiwa naJehovha,+ vanhu vese vakapindura nenzwi rimwe chete, vachiti: “Tinobvuma kuita zvese zvataurwa naJehovha.”+ 4 Saka Mozisi akanyora pasi mashoko ese aJehovha.+ Akabva afumomuka, akavaka atari mujinga megomo uye akamisa matombo 12 aienderana nemadzinza 12 aIsraeri. 5 Pashure paizvozvo akatuma majaya evaIsraeri, uye vakapa zvibayiro zvinopiswa, vakabayira mikono yemombe kuti ive zvibayiro zverugare+ kuna Jehovha. 6 Mozisi akabva atora hafu yeropa racho, akaisa mumidziyo, uye imwe hafu yeropa racho akasasa paatari. 7 Akabva atora bhuku resungano, akariverengera vanhu.+ Uye vakati: “Tinobvuma kuita zvese zvataurwa naJehovha, uye tichamuteerera.”+ 8 Saka Mozisi akatora ropa, akarisasa pavanhu,+ akati: “Iri ndiro ropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano nemashoko ese aya.”+

9 Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu, nevakuru vaIsraeri 70 vakakwira, 10 vakaona Mwari waIsraeri.+ Pasi petsoka dzake pakanga pakaita sepakawaridzwa matombo esafaya uye pakachena sedenga.+ 11 Haana kuuraya varume vanokudzwa vevaIsraeri,+ uye vakaona Mwari wechokwadi muchiratidzo, vakadya, vakanwa.

12 Jehovha akazoti kuna Mozisi: “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo, woramba uripo. Ndichakupa mahwendefa ematombo nemutemo nemurayiro zvandichanyora kuti vazvidzidze.”+ 13 Saka Mozisi akasimuka aine mubatsiri wake Joshua,+ uye Mozisi akakwira mugomo raMwari wechokwadi.+ 14 Asi akasiya ati kuvakuru: “Timirirei pano kusvikira tadzoka.+ Muna Aroni naHeri.+ Munhu wese anenge aine nyaya inoda kutongwa ngaaende kwavari.”+ 15 Mozisi akabva akwira mugomo parakanga rakafukidzwa negore.+

16 Kubwinya kwaJehovha+ kwakaramba kuri paGomo reSinai,+ uye gore rakarifukidza kwemazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe akazoshevedza Mozisi ari mukati megore. 17 KuvaIsraeri vaiona, kubwinya kwaJehovha kwaiita semoto unoparadza uri pamusoro pegomo. 18 Mozisi akabva apinda mukati megore, akakwira pamusoro pegomo racho.+ Uye Mozisi akaramba ari pamusoro pegomo mazuva 40 neusiku 40.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe