RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Vanhu vanopiwa mirayiro (1-7)

        • Mutemo pamusoro peropa (4-6)

      • Sungano yemuraraungu (8-17)

      • Uprofita pamusoro pevana vaNoa (18-29)

Genesisi 9:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:28

Genesisi 9:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mava kuzvitonga.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:26; Jak 3:7

Genesisi 9:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Ti 4:3
  • +Ge 1:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2004, pp. 14-15

    Mukai!,

    8/8/1997, pp. 30-32

    7/8/1990, p. 11

    Kukurukurirana, p. 289

Genesisi 9:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wayo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 17:11, 14
  • +Re 3:17; 7:26; 17:10, 13; Dhe 12:16, 23; Mab 15:20, 29; 21:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 39

    Ramba Uri Murudo rwaMwari, p. 90

    “Rudo rwaMwari,” p. 75

    Nharireyomurindi,

    6/15/2004, pp. 14-15, 20

    6/15/1991, p. 9

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

    Ropa, p. 3

    Kukurukurirana, p. 289

Genesisi 9:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezveropa remweya yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:8, 10; Eks 21:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rudo rwaMwari,” p. 75

    Nharireyomurindi,

    6/15/2004, p. 15

    11/15/1995, p. 10

    6/15/1991, p. 9

    Ropa, p. 3

Genesisi 9:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:13; Nu 35:30; Mt 26:52
  • +Ge 1:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2004, p. 15

    11/15/1995, pp. 10, 12

    Mukai!,

    3/8/1996, p. 30

Genesisi 9:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:28; 10:32

Genesisi 9:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:15; Isa 54:9

Genesisi 9:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya mipenyu yese yamuinayo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:17

Genesisi 9:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nyama yese haichazoparadzwizve.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:21

Genesisi 9:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya mipenyu yese yamuinayo.”

Genesisi 9:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya mipenyu yenyama yemarudzi ese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:21

Genesisi 9:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya mipenyu yenyama yemarudzi ese iri panyika.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2013, p. 15

    “Rugwaro Rwose,” p. 294

Genesisi 9:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:12, 13

Genesisi 9:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 5:32; 7:7; 10:1
  • +Ge 10:6

Genesisi 9:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:32

Genesisi 9:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:1
  • +Jos 17:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/2004, p. 31

    “Rugwaro Rwose,” p. 44

    Kukurukurirana, pp. 212-213

Genesisi 9:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 1:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 26

Genesisi 9:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1998, p. 29

Genesisi 9:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:6

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 9:1Ge 1:28
Gen. 9:2Ge 1:26; Jak 3:7
Gen. 9:31Ti 4:3
Gen. 9:3Ge 1:29
Gen. 9:4Re 17:11, 14
Gen. 9:4Re 3:17; 7:26; 17:10, 13; Dhe 12:16, 23; Mab 15:20, 29; 21:25
Gen. 9:5Ge 4:8, 10; Eks 21:12
Gen. 9:6Eks 20:13; Nu 35:30; Mt 26:52
Gen. 9:6Ge 1:27
Gen. 9:7Ge 1:28; 10:32
Gen. 9:9Ge 9:15; Isa 54:9
Gen. 9:10Ge 8:17
Gen. 9:11Ge 8:21
Gen. 9:15Ge 8:21
Gen. 9:17Ge 9:12, 13
Gen. 9:18Ge 5:32; 7:7; 10:1
Gen. 9:18Ge 10:6
Gen. 9:19Ge 10:32
Gen. 9:25Dhe 7:1
Gen. 9:25Jos 17:13
Gen. 9:26Vat 1:28
Gen. 9:28Ge 7:6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 9:1-29

Genesisi

9 Mwari akabva akomborera Noa nevanakomana vake achiti kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika.+ 2 Zvisikwa zvese zvipenyu zvepanyika, nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, nezvese zvinofamba panyika, nehove dzese dzegungwa, zvicharamba zvichikutyai nekukuvhundukai. Zvaiswa mumaoko enyu.*+ 3 Munogona henyu kudya mhuka dzese mhenyu dzinofamba.+ Ndinokupai dzese, sekukupai kwandakaita zvinomera zvakasvibirira.+ 4 Asi nyama ine upenyu hwayo,* iro ropa rayo,+ musaidya.+ 5 Uyewo, ndichabvunza nezveropa reupenyu hwenyu* kana radeurwa. Ndichabvunza nezvaro kuzvisikwa zvese zvipenyu; uye ndichabvunza munhu mumwe nemumwe kana apfuudza upenyu hwehama yake.+ 6 Ani naani anodeura ropa remunhu, ropa rake richadeurwawo nemunhu,+ nekuti Mwari akaita munhu nemufananidzo wake.+ 7 Asi imi, berekai muwande, muzadze nyika, muve vazhinji pairi.”+

8 Mwari akabva audza Noa nevanakomana vake vaaiva navo kuti: 9 “Ndava kuita sungano yangu nemi,+ nevana venyu vachatevera, 10 nezvisikwa zvese zvipenyu zvamuinazvo,* shiri, mhuka, nezvisikwa zvese zvipenyu zvepanyika zvamuinazvo, zvese zvakabuda muareka, zvisikwa zvese zvipenyu zvepanyika.+ 11 Sungano yandiri kuita nemi ndeiyi: Zvipenyu zvese hazvichazoparadzwizve* nemvura yemafashamo, uye nyika haichazoparadzwizve nemafashamo.”+

12 Mwari akatizve: “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita nemi nezvisikwa zvese zvipenyu zvamuinazvo,* kwezvizvarwa zvese zvichatevera. 13 Ndaisa muraraungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano yandiri kuita nenyika. 14 Pese pandinounza makore pamusoro penyika, muraraungu uchabva waoneka mumakore. 15 Uye ndichayeuka sungano yangu yandakaita nemi, nezvisikwa zvese zvipenyu zvemarudzi ese;* uye mvura haichazoitizve mafashamo kuti iparadze nyama yese.+ 16 Muraraungu uchaoneka mumakore, uye ndichauona ndoyeuka sungano yacho isingagumi iri pakati paMwari nezvisikwa zvese zvipenyu zvemarudzi ese zviri panyika.”*

17 Mwari akadzokorora kuna Noa kuti: “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nezvisikwa zvese zvipenyu zviri panyika.”+

18 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu, naJafeti.+ Hamu ndiye akazobereka Kenani.+ 19 Vatatu ava ndivo vaiva vanakomana vaNoa, uye vanhu vese vari panyika vakabva kwavari vakapararira nenyika.+

20 Noa akatanga kuita zvekurima, uye akadyara munda wemizambiringa. 21 Paakanwa waini, akadhakwa, uye akazvipfekenura ari mutende rake. 22 Hamu, baba vaKenani, akaona kusapfeka kwababa vake, uye akaenda panze kunoudza Shemu naJafeti. 23 Shemu naJafeti vakabva vatora nguo, vakaiisa pamapfudzi avo, vakapinda nenhendeshure. Vakafukidza kusapfeka kwababa vavo vasina kuvatarisa, saka havana kuona kusapfeka kwababa vavo.

24 Noa paakazomuka waini yapera ndokuziva zvaakanga aitwa nemwanakomana wake mudiki, 25 akati:

“Kenani ngaatukwe.+

Ngaave muranda wekupedzisira wehama dzake.”+

26 Akawedzera kuti:

“Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waShemu,

Uye Kenani ngaave muranda wake.+

27 Mwari ngaape Jafeti nzvimbo yakakura,

Uye Jafeti ngaagare mumatende aShemu.

Kenani ngaavewo muranda wake.”

28 Noa akazorarama mamwe makore 350 pashure peMafashamo.+ 29 Saka pamwe chete, mazuva aNoa akasvika makore 950, achibva afa.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe