RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Kurara nevanhu kusingabvumirwi uye kurara nemhuka (1-30)

        • Musatevedzera vaKenani (3)

        • Kurara nemunhu weukama (6-18)

        • Kurara nemunhu ari kumwedzi (19)

        • Ungochani (22)

        • Kurara nemhuka (23)

        • ‘Rambai makachena kuti nyika isazokurutsai’ (24-30)

Revhitiko 18:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:7; Eks 6:7

Revhitiko 18:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:24; Re 20:23

Revhitiko 18:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:22; Dhe 4:1

Revhitiko 18:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 10:27, 28; VaR 10:5; VaG 3:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2009, p. 6

Revhitiko 18:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kuti aifukure.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:17

Revhitiko 18:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Iko kusapfeka kwababa vako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:22; 49:4; Re 20:11; Dhe 27:20; 2Sa 16:21; 1VaK 5:1

Revhitiko 18:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:17; Dhe 27:22; 2Sa 13:10-12

Revhitiko 18:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:19

Revhitiko 18:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Usafumura kusapfeka kwemunin’ina wababa vako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:20

Revhitiko 18:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:12

Revhitiko 18:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “iko kusapfeka kwemukoma kana munin’ina wako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:21; Dhe 25:5; Mk 6:17, 18

Revhitiko 18:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “itsika dzinonyadzisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:14; Dhe 27:23

Revhitiko 18:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:15

Revhitiko 18:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 15:19, 24; 20:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/1989, p. 14

Revhitiko 18:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “wemuvakidzani wako; weshamwari yako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:14; Re 20:10; Dhe 22:22; Zvi 6:29; Mt 5:27, 28; 1VaK 6:9, 10; VaH 13:4

Revhitiko 18:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vabayirwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:2; Dhe 18:10; 1Mad 11:7; 2Mad 23:10
  • +Re 20:3

Revhitiko 18:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:5; Re 20:13; Vat 19:22; VaR 1:26, 27; 1VaK 6:9, 10; Jud 7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    4/2012, p. 28

Revhitiko 18:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:19; Re 20:15, 16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/2003, p. 27

Revhitiko 18:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:23; Dhe 18:12

Revhitiko 18:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:16

Revhitiko 18:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:22; Dhe 4:1, 40
  • +Eks 12:49

Revhitiko 18:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:17, 18; 2Mad 16:2, 3; 21:1, 2

Revhitiko 18:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

Revhitiko 18:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 18:3; 20:23; Dhe 18:9

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 18:2Ge 17:7; Eks 6:7
Revh. 18:3Eks 23:24; Re 20:23
Revh. 18:4Re 20:22; Dhe 4:1
Revh. 18:5Ru 10:27, 28; VaR 10:5; VaG 3:12
Revh. 18:6Re 20:17
Revh. 18:8Ge 35:22; 49:4; Re 20:11; Dhe 27:20; 2Sa 16:21; 1VaK 5:1
Revh. 18:9Re 20:17; Dhe 27:22; 2Sa 13:10-12
Revh. 18:12Re 20:19
Revh. 18:14Re 20:20
Revh. 18:15Re 20:12
Revh. 18:16Re 20:21; Dhe 25:5; Mk 6:17, 18
Revh. 18:17Re 20:14; Dhe 27:23
Revh. 18:18Ge 30:15
Revh. 18:19Re 15:19, 24; 20:18
Revh. 18:20Eks 20:14; Re 20:10; Dhe 22:22; Zvi 6:29; Mt 5:27, 28; 1VaK 6:9, 10; VaH 13:4
Revh. 18:21Re 20:2; Dhe 18:10; 1Mad 11:7; 2Mad 23:10
Revh. 18:21Re 20:3
Revh. 18:22Ge 19:5; Re 20:13; Vat 19:22; VaR 1:26, 27; 1VaK 6:9, 10; Jud 7
Revh. 18:23Eks 22:19; Re 20:15, 16
Revh. 18:24Re 20:23; Dhe 18:12
Revh. 18:25Ge 15:16
Revh. 18:26Re 20:22; Dhe 4:1, 40
Revh. 18:26Eks 12:49
Revh. 18:27Dhe 20:17, 18; 2Mad 16:2, 3; 21:1, 2
Revh. 18:30Re 18:3; 20:23; Dhe 18:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 18:1-30

Revhitiko

18 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.+ 3 Musaita zvinoitwa nevanhu vemunyika yeIjipiti kwamaigara, uye musaita zvinoitwa nevanhu vemunyika yeKenani, kwandiri kukuendesai.+ Uye musatevedzera mirau yavo. 4 Munofanira kuchengeta mitongo yangu, uye munofanira kuchengeta mirau yangu moitevedzera.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu. 5 Munofanira kuchengeta mirau yangu nemitongo yangu; ichaita kuti munhu wese anoichengeta ararame.+ Ndini Jehovha.

6 “‘Pakati penyu hapafaniri kuva nemunhu anoswedera pedyo nehama yake yepedyo kuti arare nayo.*+ Ndini Jehovha. 7 Usarara nababa vako, uye usarara naamai vako. Ivo ndiamai vako, uye haufaniri kurara navo.

8 “‘Usarara nemudzimai wababa vako.+ Unenge uchinyadzisa baba vako.*

9 “‘Usarara nehanzvadzi yako, angava mwanasikana wababa vako kana kuti mwanasikana waamai vako, pasinei nekuti makaberekwa muimba imwe chete kana kuti hamuna.+

10 “‘Usarara nemwanasikana wemwanakomana wako kana kuti mwanasikana wemwanasikana wako, nekuti ivo kusapfeka kwako.

11 “‘Usarara nemwanasikana wemudzimai wababa vako, mwana wababa vako, nekuti ihanzvadzi yako.

12 “‘Usarara nehanzvadzi yababa vako. Iyo ihama yepedyo yababa vako.+

13 “‘Usarara nemukoma kana munin’ina waamai vako, nekuti ihama yepedyo yaamai vako.

14 “‘Usanyadzisa munin’ina wababa vako* nekurara nemudzimai wavo. Ivo ndimainini vako.+

15 “‘Usarara nemuroora wako.+ Iye mudzimai wemwanakomana wako, saka usarara naye.

16 “‘Usarara nemudzimai wemukoma kana munin’ina wako,+ nekuti unenge uchinyadzisa mukoma kana munin’ina wako.*

17 “‘Usarara nemukadzi pamwe chete nemwanasikana wake.+ Usatora mwanasikana wemwanakomana wake uye mwanasikana wemwanasikana wake kuti urare naye. Ivo ihama dzake dzemumba; iko kuita zvinhu zvakafumuka.*

18 “‘Usatora munin’ina wemudzimai wako kuti ave mudzimai wako wechipiri+ kuti urare naye mukoma wake achiri mupenyu.

19 “‘Usaswedera pedyo nemukadzi kuti urare naye panguva yaanenge asina kuchena ari kumwedzi.+

20 “‘Usarara nemudzimai wemumwe murume,* uchizvisvibisa.+

21 “‘Usabvumira kuti vana vako vapirwe* kuna Moreki.+ Usasvibisa zita raMwari wako saizvozvo.+ Ndini Jehovha.

22 “‘Usarara nemunhurume sekurara kwaunoita nemukadzi.+ Zvinosemesa.

23 “‘Murume haafaniri kurara nemhuka kuti asvibiswe nayo; uye mukadzi haafaniri kumira pamberi pemhuka kuti akwirwe nayo.+ Izvi zvinopesana nemasikirwo akaitwa zvinhu.

24 “‘Musazvisvibisa nezvinhu izvi zvese, nekuti marudzi andiri kudzinga pamberi penyu akazvisvibisa nezvinhu izvi.+ 25 Saka nyika yacho haina kuchena, uye ndichairangira kutadza kwayo, yorutsa vagari vayo.+ 26 Asi imi munofanira kuchengeta mirau yangu nemitongo yangu,+ uye hapana anofanira kuita chero chinhu chipi zvacho pazvinhu izvi zvinosemesa, angava munhu wemunyika yenyu kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu.+ 27 Nekuti zvinhu zvese izvi zvinosemesa ndizvo zvaiitwa nevanhu vakatanga kugara munyika yacho imi musati masvika,+ uye iye zvino nyika yacho haina kuchena. 28 Saka nyika yacho haizokurutsai sekurutsa kwaichaita marudzi amuchawana ariko nekuti munenge musina kuisvibisa. 29 Kana pakaita munhu anoita chero chimwe chezvinhu izvi zvinosemesa, wese anenge azviita anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* 30 Munofanira kuita zvandakakurayirai kuti murege kutevedzera tsika dzese dzinosemesa dzaiitwa imi musati mauya,+ kuti murege kuzvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe