RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Zvimwe zvivi uye zvibayiro zvaifanira kupiwa (1-6)

        • Kutaura chivi chakaitwa nemumwe munhu (1)

      • Mipiro yaigona kupiwa nevarombo (7-13)

      • Chibayiro chemhosva chemunhu anotadza asingazivi (14-19)

Revhitiko 5:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akanzwa kutuka kwakaitwa pachena.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 29:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 58

    Nharireyomurindi,

    8/15/1997, p. 27

Revhitiko 5:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:21-24; 17:15; Dhe 14:8

Revhitiko 5:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 12:2; 13:3; 15:3; Nu 19:11

Revhitiko 5:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Pfungwa yacho inenge yekuti anorega kuzadzisa mhiko yake.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 5:33

Revhitiko 5:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 5:7; Pis 32:5; Zvi 28:13; 1Jo 1:9

Revhitiko 5:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:1; 14:2, 12; 19:20, 21; Nu 6:12

Revhitiko 5:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 2:24
  • +Re 12:7, 8; 14:21, 22; 15:13-15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2009, p. 26

Revhitiko 5:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:4, 5; 7:2; VaH 9:22

Revhitiko 5:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 1:15-17
  • +Re 6:7

Revhitiko 5:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 16:36

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2013, pp. 15-16

    6/1/2009, p. 26

Revhitiko 5:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “iyeuchidze nezvemupiro wabviswa.”

Revhitiko 5:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 4:26
  • +Re 2:10; 7:1, 6
  • +Re 6:14-16; 1VaK 9:13

Revhitiko 5:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 10:17, 18
  • +Re 6:6
  • +Eks 30:13; Re 27:25

Revhitiko 5:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 6:4, 5; 22:14; Nu 5:6, 7
  • +Eks 32:30
  • +Re 6:7; 19:22

Revhitiko 5:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 5:2

Revhitiko 5:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 6:6

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 5:1Zvi 29:24
Revh. 5:2Re 11:21-24; 17:15; Dhe 14:8
Revh. 5:3Re 12:2; 13:3; 15:3; Nu 19:11
Revh. 5:4Mt 5:33
Revh. 5:5Nu 5:7; Pis 32:5; Zvi 28:13; 1Jo 1:9
Revh. 5:6Re 7:1; 14:2, 12; 19:20, 21; Nu 6:12
Revh. 5:7Ru 2:24
Revh. 5:7Re 12:7, 8; 14:21, 22; 15:13-15
Revh. 5:9Re 1:4, 5; 7:2; VaH 9:22
Revh. 5:10Re 1:15-17
Revh. 5:10Re 6:7
Revh. 5:11Eks 16:36
Revh. 5:13Re 4:26
Revh. 5:13Re 2:10; 7:1, 6
Revh. 5:13Re 6:14-16; 1VaK 9:13
Revh. 5:15Re 10:17, 18
Revh. 5:15Re 6:6
Revh. 5:15Eks 30:13; Re 27:25
Revh. 5:16Re 6:4, 5; 22:14; Nu 5:6, 7
Revh. 5:16Eks 32:30
Revh. 5:16Re 6:7; 19:22
Revh. 5:17Re 5:2
Revh. 5:18Re 6:6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 5:1-19

Revhitiko

5 “‘Kana munhu akatadza pakuti akanzwa chiziviso chekuti kuri kudiwa chapupu,*+ asi iye orega kutaura chivi chakaitwa nemumwe munhu kunyange zvazvo ari chapupu kana kuti akaona chivi ichocho chichiitwa, kana kuti akasvika pakuziva nezvacho, munhu iyeye achazvidavirira kukanganisa kwake.

2 “‘Kana kuti munhu akabata chero chinhu chisina kuchena, ingava mhuka yemusango isina kuchena yakafa, kana chipfuwo chisina kuchena, kana zvisikwa zvisina kuchena zvinobhururuka zvakawanda,+ munhu iyeye haana kuchena uye ane mhosva kunyange asingazivi kuti ndizvo zvaaita. 3 Kana kuti munhu akabata zvinhu zvisina kuchena asingazivi,+ kureva chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena chingamusvibisa, ozoziva nezvazvo, anenge ava nemhosva.

4 “‘Kana kuti munhu akamhanyira kupika kuita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana kuti chakaipa, chero chaangapika, uye anga asingazvizivi, asi ozoona kuti akakurumidza kupika, anova nemhosva.*+

5 “‘Kana akava nemhosva yechimwe chezvinhu izvi, anofanira kureurura+ kuti akatadza sei. 6 Anofanira kuuyawo nechibayiro chemhosva kuna Jehovha chechivi chaakaita.+ Chibayiro chacho chechivi chinofanira kuva chegwayana gadzi kana kuti chembudzana hadzi. Mupristi achabva amuyananisira chivi chake.

7 “‘Asi kana asingagoni kuwana gwai, anofanira kuuya kuna Jehovha nenjiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri+ kuti chive chibayiro chemhosva nemhaka yechivi chaakaita, imwe iri yechibayiro chechivi uye imwe yacho iri yechibayiro chinopiswa.+ 8 Anofanira kuuya nadzo kumupristi, uyo achatanga kupa iya yechibayiro chechivi, oidimbura musoro achiita zvekuubvarura nenzara asi achiusiya wakarembera. 9 Achasasa rimwe ropa rechibayiro chechivi kurutivi rweatari, asi ropa rinosara richadururirwa muzasi meatari.+ Icho chibayiro chechivi. 10 Achapa imwe yacho semapiro agara achiitwa chibayiro chinopiswa;+ uye mupristi achamuyananisira chivi chake chaakaita, uye achakanganwirwa.+

11 “‘Asi kana asingagoni kuwana njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechegumi cheefa*+ yefurawa yakatsetseka semupiro wake wechivi chaakaita kuti uve mupiro wechivi. Haafaniri kuuisa mafuta kana kuisa zvinonhuhwirira zvichena pamusoro pawo, nekuti iwo mupiro wechivi. 12 Achauya nawo kumupristi, uye mupristi anofanira kunokora furawa yacho kuti imiririre mupiro wabviswa* uye anofanira kuita kuti ipfungaire paatari pamusoro pezvibayiro zvinopisirwa Jehovha nemoto. Iwo mupiro wechivi. 13 Mupristi achamuyananisira pachivi chipi zvacho chaakaita pazvivi izvi, uye achakanganwirwa.+ Zvinenge zvasara pamupiro wacho zvichava zvemupristi,+ sezvinoitwa pamupiro wezviyo.’”*+

14 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 15 “Kana munhu akava asina kutendeka pakuti anotadzira zvinhu zvitsvene zvaJehovha asingazivi,+ anofanira kutora gondohwe rakanaka pamakwai ake ouya naro kuna Jehovha kuti rive chibayiro chemhosva;+ mutengo waro kana uchiyerwa mumashekeri* esirivha unofanira kunge uchienderana neshekeri renzvimbo tsvene.*+ 16 Achabvisa muripo wechivi chaakaitira nzvimbo tsvene uye achawedzerawo chikamu chimwe chete pazvishanu pamutengo waro.+ Achachipa mupristi, kuti mupristi wacho amuyananisire+ negondohwe rechibayiro chemhosva, uye achakanganwirwa.+

17 “Kana munhu akatadza pakuti anoita chimwe chezvinhu zvinorayirwa naJehovha kuti hazvifaniri kuitwa, kunyange asina kuzviziva, munhu iyeye anongonzi ane mhosva uye achazvidavirira kutadza kwake.+ 18 Anofanira kutora pamakwai ake gondohwe rakanaka rinoda kuenderana nemutengo wakatarwa, ouya naro kumupristi kuti chive chibayiro chemhosva.+ Mupristi achabva amuyananisira kukanganisa kwaakaita asingazivi, uye achakanganwirwa. 19 Icho chibayiro chemhosva. Munhu iyeye anenge atova nemhosva nekuti anenge atadzira Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe