Revhitiko
24 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta akachena, akasvinwa mumaorivhi, ekuisa mumarambi kuti agare achibvira.+ 3 Kunze kweketeni reChipupuriro mutende rekusanganira, Aroni anofanira kuita kuti marambi agare achibvira kubva manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 4 Anofanira kuronga marambi acho pachigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa pamberi paJehovha nguva dzese.
5 “Unofanira kutora furawa yakatsetseka, wobika zvingwa 12 zveraundi.* Chingwa chimwe nechimwe chinofanira kubikwa nezvegumi zviviri zveefa.* 6 Uronge zvingwa zvacho zvakaturikidzana patafura yegoridhe pamberi paJehovha,+ zvitanhatu zvakaturikidzana pazvo zvega,+ zvimwe zvitanhatu zvakaturikidzana zvega. 7 Unofanira kutora zvinonhuhwirira zvichena wozviisa pamusoro pezvingwa zvacho zvakaturikidzana, uye zvinonhuhwirira izvi zvichapisirwa Jehovha nemoto zvichimiririra chingwa chabviswa semupiro.*+ 8 PaSabata rega rega, anofanira kugara achichironga pamberi paJehovha.+ Iyi isungano ichagara iripo kuvaIsraeri. 9 Chichava chaAroni nevanakomana vake,+ uye vachachidya munzvimbo tsvene,+ nekuti chinhu chitsvenetsvene kwaari chinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Uyu murau uchagara uripo.”
10 PavaIsraeri paiva nemumwe mwanakomana wemukadzi wechiIsraeri, baba vake vari vechiIjipiti,+ uye mwana wacho akatanga kurwa nemurume wechiIsraeri vari mumusasa. 11 Mwana wemukadzi wacho wechiIsraeri akatanga kumhura Zita* achirituka.+ Saka vakauya naye kuna Mozisi.+ Amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12 Vakamuisa* muusungwa kusvikira vava kuziva zvakanga zvasarudzwa+ naJehovha.
13 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 14 “Budisa uya amhura kunze kwemusasa, uye vanhu vese vamunzwa ngavaise maoko avo pamusoro wake, uye ungano yese inofanira kubva yamutema nematombo.+ 15 Uye unofanira kuudza vaIsraeri kuti, ‘Munhu wese anotuka Mwari wake, achazvidavirira chivi chake. 16 Saka munhu anomhura zita raJehovha anotofanira kuurayiwa.+ Ungano yese inotofanira kumutema nematombo. Mutorwa anofanira kuurayiwa sezvinongoitwa munhu wemunyika yacho kana amhura Zita.
17 “‘Kana munhu akauraya munhu,* iye anotofanira kuurayiwawo.+ 18 Munhu anorova chipfuwo ochiuraya,* anofanira kuchiripa, upenyu huchatsiva upenyu.* 19 Kana munhu akakuvadza mumwe wake, zvaanenge aita ndizvo zvaanofanira kuitirwawo.+ 20 Kutyoka kuchatsiviwa nekutyoka, ziso neziso, zino nezino, kukuvadza kwaanenge aita munhu ndiko kwaanofanira kuitwawo.+ 21 Munhu anorova mhuka oiuraya anofanira kuiripa,+ asi anorova munhu omuuraya anofanira kuurayiwawo.+
22 “‘Mutongo mumwe chete uchashanda kwamuri, kungava kumutorwa kana kumunhu wemunyika yenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
23 Mozisi akabva ataura nevaIsraeri, vakabudisa uya akanga atuka kunze kwemusasa, vakamutema nematombo.+ Saka vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.