RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Ahabhi anochiva munda wemizambiringa waNabhoti (1-4)

      • Jezebheri anoronga kuti Nabhoti aurayiwe (5-16)

      • Shoko raEriya kuna Ahabhi (17-26)

      • Ahabhi anozvininipisa (27-29)

1 Madzimambo 21:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:17, 18

1 Madzimambo 21:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:23; Nu 36:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2017, p. 24

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, p. 13

    8/1/1997, p. 13

1 Madzimambo 21:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mweya wenyu wakasuruvara.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:31; 18:4; 19:2; 21:25

1 Madzimambo 21:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 2:1; 7:3

1 Madzimambo 21:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:38; Es 8:8
  • +Dhe 16:18

1 Madzimambo 21:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:16; Dhe 17:6
  • +Eks 22:28
  • +Re 24:16; Joh 10:33

1 Madzimambo 21:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 5:12; Ha 1:4
  • +2Mad 9:25, 26; Mup 4:1

1 Madzimambo 21:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mup 5:8; 8:14; Ha 1:13

1 Madzimambo 21:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:7

1 Madzimambo 21:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 17:1

1 Madzimambo 21:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:29

1 Madzimambo 21:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 4:8, 10
  • +Dhe 5:21; Ha 2:9
  • +1Mad 22:37, 38; 2Mad 9:25, 26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, p. 15

1 Madzimambo 21:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wazvitengesa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:17; Amo 5:10
  • +1Mad 16:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, pp. 14-15

1 Madzimambo 21:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:7, 17
  • +2Mad 9:7-9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, p. 15

1 Madzimambo 21:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:25-29
  • +1Mad 16:3, 11

1 Madzimambo 21:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:10, 35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 120-121

1 Madzimambo 21:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 14:11; 16:4

1 Madzimambo 21:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “uyo akazvitengesa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:30
  • +1Mad 16:31; 2Mak 22:2, 3; Zva 2:20

1 Madzimambo 21:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:28; Dhe 9:5

1 Madzimambo 21:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, p. 15

1 Madzimambo 21:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 78:34
  • +2Mad 9:25, 26; 10:7, 11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    10/2021, p. 3

    Nharireyomurindi,

    2/1/2014, p. 15

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 21:1Jos 19:17, 18
1 Madz. 21:3Re 25:23; Nu 36:7
1 Madz. 21:51Mad 16:31; 18:4; 19:2; 21:25
1 Madz. 21:7Mik 2:1; 7:3
1 Madz. 21:8Ne 9:38; Es 8:8
1 Madz. 21:8Dhe 16:18
1 Madz. 21:10Eks 20:16; Dhe 17:6
1 Madz. 21:10Eks 22:28
1 Madz. 21:10Re 24:16; Joh 10:33
1 Madz. 21:13Amo 5:12; Ha 1:4
1 Madz. 21:132Mad 9:25, 26; Mup 4:1
1 Madz. 21:14Mup 5:8; 8:14; Ha 1:13
1 Madz. 21:151Mad 21:7
1 Madz. 21:171Mad 17:1
1 Madz. 21:181Mad 16:29
1 Madz. 21:19Ge 4:8, 10
1 Madz. 21:19Dhe 5:21; Ha 2:9
1 Madz. 21:191Mad 22:37, 38; 2Mad 9:25, 26
1 Madz. 21:201Mad 18:17; Amo 5:10
1 Madz. 21:201Mad 16:30
1 Madz. 21:212Mad 10:7, 17
1 Madz. 21:212Mad 9:7-9
1 Madz. 21:221Mad 15:25-29
1 Madz. 21:221Mad 16:3, 11
1 Madz. 21:232Mad 9:10, 35
1 Madz. 21:241Mad 14:11; 16:4
1 Madz. 21:251Mad 16:30
1 Madz. 21:251Mad 16:31; 2Mak 22:2, 3; Zva 2:20
1 Madz. 21:26Eks 23:28; Dhe 9:5
1 Madz. 21:29Pis 78:34
1 Madz. 21:292Mad 9:25, 26; 10:7, 11
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 21:1-29

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

21 Pashure pezvinhu izvi, pane nyaya yakaitika pamusoro pemunda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri; munda wacho waiva kuJezreeri,+ pedyo nemuzinda waAhabhi mambo weSamariya. 2 Ahabhi akati kuna Nabhoti: “Ndipe munda wako wemizambiringa, kuti uve munda wangu wemiriwo, nekuti uri pedyo neimba yangu. Ndichabva ndakupa munda wemizambiringa wekuutsiva, wakanaka kuupfuura. Kana kuti, kana uchida ndichakupa mari inokwana kuutenga.” 3 Asi Nabhoti akati kuna Ahabhi: “Hazvitomboiti mukuona kwaJehovha, kuti ndikupei nhaka yemadzitateguru angu.”+ 4 Saka Ahabhi akapinda mumba make akafundumwara uye akasuruvara nemhaka yezvaakanga audzwa naNabhoti muJezreeri, paakati: “Handisi kukupai nhaka yemadzitateguru angu.” Akabva arara pamubhedha wake, akaramba akatarisa kudivi nechiso chake, uye akaramba kudya.

5 Mudzimai wake Jezebheri+ akapinda maaiva akamubvunza kuti: “Nei makasuruvara* kudai zvekuti mava kuramba kudya?” 6 Akamupindura kuti: “Nekuti ndati kuna Nabhoti muJezreeri, ‘Ndipe munda wako wemizambiringa ndikupe mari. Kana kuti ndinokupa mumwe munda wemizambiringa kuti tichinjane kana uchida.’ Asi ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’” 7 Mudzimai wake Jezebheri akati kwaari: “Ko hamusi imi mambo ari kutonga Israeri here? Simukai mudye uye mwoyo wenyu ngaufare. Ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri.”+ 8 Saka akanyora tsamba muzita raAhabhi, akadzinama nechidhindo chamambo,+ akatumira tsamba dzacho kuvakuru+ nevanhu vanokudzwa vaigara muguta raNabhoti. 9 Akanyora mutsamba dzacho kuti: “Zivisai vanhu kuti vatsanye, uye itai kuti Nabhoti agare pamberi pevanhu. 10 Muite kuti varume vaviri vasingabatsiri vagare pamberi pake vomupomera+ vachiti, ‘Watuka Mwari namambo!’+ Mubve mabuda naye momutema nematombo kusvikira afa.”+

11 Saka varume veguta racho, vakuru nevanhu vanokudzwa vaigara muguta rake, vakaita sezvakanga zvakanyorwa mutsamba dzavakatumirwa naJezebheri. 12 Vakazivisa kuti vanhu vatsanye uye vakaita kuti Nabhoti agare pamberi pevanhu. 13 Varume vaviri vasingabatsiri vakabva vapinda vakagara pamberi pake vakatanga kupomera Nabhoti pamberi pevanhu vachiti: “Nabhoti atuka Mwari namambo!”+ Pashure paizvozvo vakaenda naye kunze kweguta, vakamutema nematombo kusvikira afa.+ 14 Vakabva vatumira shoko kuna Jezebheri vachiti: “Nabhoti atemwa nematombo akafa.”+

15 Jezebheri paakangonzwa kuti Nabhoti akanga atemwa nematombo akafa, akati kuna Ahabhi: “Simukai mutore munda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri,+ waakaramba kukutengeserai nemari, nekuti Nabhoti haasisiri mupenyu. Afa.” 16 Ahabhi paakangonzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka kuti aende kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri kuti anoutora.

17 Asi shoko raJehovha rakauya kuna Eriya+ muTishbhi, richiti: 18 “Simuka uende kunosangana naAhabhi mambo weIsraeri, ari muSamariya.+ Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaenda kuti anoutora. 19 Muudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: “Hauna here kuuraya munhu+ ukatorawo munda wake?”’+ Ibva wati kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: “Imbwa dzichananzva ropa rako panzvimbo yakananzvirwa ropa raNabhoti nembwa.”’”+

20 Ahabhi akati kuna Eriya: “Inga wandibata, iwe muvengi wangu!”+ Akapindura kuti: “Ndakubata. ‘Nekuti wakatsunga* kuita zvakaipa pamberi paJehovha,+ 21 ndiri kukuunzira dambudziko uye ndichatevera ndichikutsvaira uye ndichaparadza vanhurume vese* vekwaAhabhi,+ kusanganisira varombo nevasina simba muIsraeri.+ 22 Ndichaita kuti imba yako iite seimba yaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati uye seimba yaBhaasha+ mwanakomana waAhija, nekuti wakandigumbura uye wakaita kuti vaIsraeri vatadze.’ 23 Jehovha atiwo pamusoro paJezebheri, ‘Imbwa dzichadyira Jezebheri mumunda uri kuJezreeri.+ 24 Munhu wese wekwaAhabhi anofira muguta achadyiwa nembwa, uye munhu wese anofira kusango achadyiwa neshiri dzedenga.+ 25 Chokwadi hapana kumbobvira pava nemunhu akaita saAhabhi,+ uyo aiva akatsunga* kuita zvakaipa pamberi paJehovha, achifurirwa nemudzimai wake Jezebheri.+ 26 Akaita zvinosemesa chaizvo nekutevera zvidhori zvaisemesa,* sezvakanga zvaitwa nevaAmori vese, avo vakadzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.’”+

27 Ahabhi paakangonzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga; uye akatsanya akaramba akarara pasi akapfeka masaga, achifamba akasuruvara chaizvo. 28 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Eriya muTishbhi, richiti: 29 “Waona here kuzvininipisa kwaita Ahabhi pamberi pangu?+ Nekuti azvininipisa pamberi pangu, handizounzi dambudziko racho achiri mupenyu. Ndichaunza dambudziko racho paimba yake mumazuva emwanakomana wake.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe