RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Jehoramu, mambo weIsraeri (1-3)

      • Moabhi inopandukira Israeri (4-25)

      • Moabhi inokundwa (26, 27)

2 Madzimambo 3:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 1:17

2 Madzimambo 3:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:30-33

2 Madzimambo 3:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30

2 Madzimambo 3:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1992, pp. 24-25

2 Madzimambo 3:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 22:37
  • +2Sa 8:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shoko raMwari, p. 47

2 Madzimambo 3:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 19:2
  • +1Mad 22:3, 4

2 Madzimambo 3:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:14

2 Madzimambo 3:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uyo aiva mushandi waEriya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 22:7
  • +1Mad 19:16; 2Mad 2:15
  • +1Mad 19:19, 21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2013, pp. 28-29

    11/1/1997, pp. 30-31

    Tevedzera, p. 98

2 Madzimambo 3:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Chii kwandiri nekwamuri?”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 2:30; Eze 14:3
  • +Vat 10:14; 1Mad 18:19; 22:6

2 Madzimambo 3:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 17:3, 4; 19:3, 4
  • +Zvi 15:29

2 Madzimambo 3:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muimbi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 10:5; 1Mak 25:1
  • +1Mad 18:46; Eze 1:3; Mab 11:21

2 Madzimambo 3:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 107:35

2 Madzimambo 3:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:17; Mk 10:27
  • +Dhe 28:7

2 Madzimambo 3:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 3:5
  • +2Mad 3:25

2 Madzimambo 3:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:39, 40

2 Madzimambo 3:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vese vaisunga bhandi.”

2 Madzimambo 3:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2005, pp. 9-10

2 Madzimambo 3:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:9, 10

2 Madzimambo 3:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:7

2 Madzimambo 3:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:15; 2Mak 32:4
  • +2Mad 3:19
  • +Isa 16:7

2 Madzimambo 3:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:9

2 Madzimambo 3:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 12:31; 2Mak 28:1, 3; Pis 106:37, 38

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 3:12Mad 1:17
2 Madz. 3:21Mad 16:30-33
2 Madz. 3:31Mad 12:28-30
2 Madz. 3:51Mad 22:37
2 Madz. 3:52Sa 8:2
2 Madz. 3:72Mak 19:2
2 Madz. 3:71Mad 22:3, 4
2 Madz. 3:92Sa 8:14
2 Madz. 3:111Mad 22:7
2 Madz. 3:111Mad 19:16; 2Mad 2:15
2 Madz. 3:111Mad 19:19, 21
2 Madz. 3:131Sa 2:30; Eze 14:3
2 Madz. 3:13Vat 10:14; 1Mad 18:19; 22:6
2 Madz. 3:142Mak 17:3, 4; 19:3, 4
2 Madz. 3:14Zvi 15:29
2 Madz. 3:151Sa 10:5; 1Mak 25:1
2 Madz. 3:151Mad 18:46; Eze 1:3; Mab 11:21
2 Madz. 3:17Pis 107:35
2 Madz. 3:18Jer 32:17; Mk 10:27
2 Madz. 3:18Dhe 28:7
2 Madz. 3:19Dhe 3:5
2 Madz. 3:192Mad 3:25
2 Madz. 3:20Eks 29:39, 40
2 Madz. 3:23Eks 15:9, 10
2 Madz. 3:24Re 26:7
2 Madz. 3:25Ge 26:15; 2Mak 32:4
2 Madz. 3:252Mad 3:19
2 Madz. 3:25Isa 16:7
2 Madz. 3:262Mad 3:9
2 Madz. 3:27Dhe 12:31; 2Mak 28:1, 3; Pis 106:37, 38
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 3:1-27

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

3 Jehoramu+ mwanakomana waAhabhi akava mambo weIsraeri muSamariya mugore rechi18 raMambo Jehoshafati weJudha, uye akatonga kwemakore 12. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuzosvika pana baba vake kana amai vake, nekuti akabvisa shongwe inoyera yaBhaari yakanga yagadzirwa nababa vake.+ 3 Zvisinei, akaramba achiita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Haana kuzvisiya.

4 Zvino Mesha mambo weMoabhi aiva mupfuyi wemakwai, uye aibhadhara mutero wemakwayana 100 000 nemakondohwe asina kuveurwa 100 000 kuna mambo weIsraeri. 5 Ahabhi paakangofa,+ mambo weMoabhi akapandukira mambo weIsraeri.+ 6 Saka Mambo Jehoramu akabuda muSamariya pazuva iroro, akaunganidza vaIsraeri vese. 7 Akatumirawo shoko kuna Mambo Jehoshafati weJudha, achiti: “Mambo weMoabhi andipandukira. Uchaenda neni kunorwisa Moabhi here?” Iye akati: “Ndichaenda newe.+ Ini newe tiri vanhu vamwe chete. Vanhu vangu nevanhu vako vamwe chete. Mabhiza angu nemabhiza ako mamwe chete.”+ 8 Akabva abvunza kuti: “Toenda nenzira ipi?” Iye akapindura kuti: “Nenzira yekurenje reEdhomu.”

9 Mambo weIsraeri namambo weJudha namambo weEdhomu+ vakabva vasimuka vakaenda. Pashure pekunge vapoterera vachienda kwemazuva 7, vakashaya mvura yekuti mauto nezvipfuwo zvavakanga vainazvo zvinwe. 10 Mambo weIsraeri akati: “Inga inhamo chaiyo! Jehovha ashevedza madzimambo matatu aya kuti angoaisa mumaoko evaMoabhi!” 11 Jehoshafati akabva ati: “Kuno hakuna muprofita waJehovha here watinogona kukumbira kuti atibvunzire Jehovha?”+ Saka mumwe wevaranda vamambo weIsraeri akapindura achiti: “Kuna Erisha+ mwanakomana waShafati, uyo aidira mvura pamaoko aEriya.”*+ 12 Jehoshafati akabva ati: “Ane shoko raJehovha.” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakaenda kwaaiva.

13 Erisha akati kuna mambo weIsraeri: “Ndinei nemi?*+ Endai kuvaprofita vababa venyu nekuvaprofita vaamai venyu.”+ Asi mambo weIsraeri akati kwaari: “Aiwa usadaro, nekuti Jehovha ndiye ashevedza madzimambo matatu aya kuti aaise mumaoko evaMoabhi.” 14 Erisha akabva ati: “NaJehovha wemauto mupenyu wandinoshumira,* kudai ndanga ndisingaremekedzi Mambo Jehoshafati+ weJudha, ndaisazokutarisai kana kuona kuti muripo.+ 15 Ndishevedzerei munhu anoridza rudimbwa.”*+ Munhu airidza rudimbwa paakangotanga kuridza, ruoko rwaJehovha rwakauya paari.+ 16 Akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Cherai migero yakawanda mubani rino, 17 nekuti zvanzi naJehovha: “Hamuzooni mhepo, uye hamuzooni mvura ichinaya; asi bani rino richazara nemvura,+ uye muchanwa mvura yacho, imi nemombe dzenyu nezvimwe zvipfuwo zvenyu.”’ 18 Asi kuna Jehovha zvinhu zvidiki izvi,+ nekuti achatoisawo vaMoabhi mumaoko enyu.+ 19 Munofanira kuparadza maguta ese akakomberedzwa nemasvingo,+ nemaguta ese akanaka chaizvo, munofanira kutema miti yese yakanaka, munofanira kuvhara zvitubu zvese zvemvura, uye kuzadza matombo muminda yese yakanaka.”+

20 Zvino mangwanani, panguva yekupiwa kwemupiro wezviyo,*+ pakangoerekana pava nemvura yaiyerera ichibva nechekuEdhomu, uye nyika yacho yakazara nemvura.

21 VaMoabhi vese vakanzwa kuti madzimambo acho akanga auya kuzorwa navo, saka vakaunganidza varume vese vaikwanisa kupakata zvombo,* uye vakanomira pamuganhu. 22 Pavakafumomuka mangwanani, zuva rakanga richipenya pamvura, uye kuvaMoabhi vaiva kune rimwe divi, mvura yacho yakanga yakatsvuka seropa. 23 Vakati: “Iropa iri! Chokwadi madzimambo acho aurayana nebakatwa. Saka imi vaMoabhi, endai munopamba!”+ 24 Pavakasvika mumusasa wevaIsraeri, vaIsraeri vakasimuka, vakatanga kuparadza vaMoabhi, avo vakabva vatiza.+ Vakapinda muMoabhi, vachienda vachiparadza vaMoabhi. 25 Vakaputsa maguta, uye murume mumwe nemumwe akakanda dombo muminda yese yakanaka, vachiizadza nematombo; vakavhara zvitubu zvese zvemvura,+ uye vakatema miti yese yakanaka.+ Masvingo ematombo eKiri-hareseti+ chete ndiwo akazosara akamira, uye vaipotsera matombo nezvipfuramabwe vakakomba guta racho, vakariparadza.

26 Mambo weMoabhi paakaona kuti akanga akundwa, akatora varume 700 vaiva nemapakatwa kuti vamanikidzire kupinda vachienda kuna mambo weEdhomu;+ asi vakatadza kuzviita. 27 Saka akatora mwanakomana wake wedangwe akanga achizomutsiva pachigaro akamupa sechibayiro chinopiswa+ parusvingo. VaIsraeri vakatsamwirwa chaizvo, saka vakabva varega kumurwisa vakadzokera kunyika yavo.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe