RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Mutongo waJehovha kuna Bhaasha (1-7)

      • Eraa, mambo weIsraeri (8-14)

      • Zimri, mambo weIsraeri (15-20)

      • Omri, mambo weIsraeri (21-28)

      • Ahabhi, mambo weIsraeri (29-33)

      • Hieri anovakazve Jeriko (34)

1 Madzimambo 16:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 19:2; 20:34
  • +2Mak 16:7

1 Madzimambo 16:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 2:8
  • +1Mad 13:33

1 Madzimambo 16:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 14:10, 11; 15:29

1 Madzimambo 16:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:21, 33

1 Madzimambo 16:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:25-29

1 Madzimambo 16:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:31

1 Madzimambo 16:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

  • *

    Kana kuti “pavatsivi vake veropa.”

1 Madzimambo 16:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:1-3

1 Madzimambo 16:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:21; 1Sa 12:21; 2Mad 17:15; Isa 41:29

1 Madzimambo 16:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:44, 48; 21:20, 23; 1Mad 15:27

1 Madzimambo 16:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:26; Mik 6:16

1 Madzimambo 16:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 9:53, 54; 1Sa 31:4; 2Sa 17:23

1 Madzimambo 16:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30; 14:7, 9

1 Madzimambo 16:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Kureva kuti “Redzinza rekwaShemeri.”

  • *

    ChiHeb., “ishe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:1; 2Mad 17:24; Amo 6:1; Mab 8:5

1 Madzimambo 16:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 6:16

1 Madzimambo 16:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30; 13:33

1 Madzimambo 16:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:33; 21:4, 20-22; 2Mad 10:1

1 Madzimambo 16:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:23, 24; Isa 7:9

1 Madzimambo 16:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:25; 21:25; 2Mad 3:1, 2

1 Madzimambo 16:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30
  • +1Mad 18:4, 19; 21:7; 2Mad 9:30; Zva 2:20
  • +Ge 10:15
  • +Vat 2:11; 10:6; 2Mad 10:19; 17:16

1 Madzimambo 16:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “patemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:21, 27

1 Madzimambo 16:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:13; 2Mad 10:26, 28; 13:6

1 Madzimambo 16:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nheyo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 6:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1998, pp. 21-22

    “Rugwaro Rwose,” p. 42

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 16:12Mak 19:2; 20:34
1 Madz. 16:12Mak 16:7
1 Madz. 16:21Sa 2:8
1 Madz. 16:21Mad 13:33
1 Madz. 16:31Mad 14:10, 11; 15:29
1 Madz. 16:61Mad 15:21, 33
1 Madz. 16:71Mad 15:25-29
1 Madz. 16:102Mad 9:31
1 Madz. 16:121Mad 16:1-3
1 Madz. 16:13Dhe 32:21; 1Sa 12:21; 2Mad 17:15; Isa 41:29
1 Madz. 16:15Jos 19:44, 48; 21:20, 23; 1Mad 15:27
1 Madz. 16:162Mad 8:26; Mik 6:16
1 Madz. 16:18Vat 9:53, 54; 1Sa 31:4; 2Sa 17:23
1 Madz. 16:191Mad 12:28-30; 14:7, 9
1 Madz. 16:241Mad 20:1; 2Mad 17:24; Amo 6:1; Mab 8:5
1 Madz. 16:25Mik 6:16
1 Madz. 16:261Mad 12:28-30; 13:33
1 Madz. 16:281Mad 16:33; 21:4, 20-22; 2Mad 10:1
1 Madz. 16:291Mad 16:23, 24; Isa 7:9
1 Madz. 16:301Mad 16:25; 21:25; 2Mad 3:1, 2
1 Madz. 16:311Mad 12:28-30
1 Madz. 16:311Mad 18:4, 19; 21:7; 2Mad 9:30; Zva 2:20
1 Madz. 16:31Ge 10:15
1 Madz. 16:31Vat 2:11; 10:6; 2Mad 10:19; 17:16
1 Madz. 16:322Mad 10:21, 27
1 Madz. 16:33Eks 34:13; 2Mad 10:26, 28; 13:6
1 Madz. 16:34Jos 6:26
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 16:1-34

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

16 Shoko raJehovha remutongo wake kuna Bhaasha rakasvika kuna Jehu+ mwanakomana waHananai,+ richiti: 2 “Ndakakusimudza muguruva ndikakuita mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri,+ asi wakaramba uchifamba munzira yaJerobhoamu, ukaita kuti vanhu vangu vaIsraeri vatadze zvekuti vakandigumbura nezvivi zvavo.+ 3 Saka ndiri kutsvaira Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yake ive seimba yaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati. 4 Munhu wese wekwaBhaasha anofira muguta achadyiwa nembwa; uye munhu wese wekwake anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga.”

5 Kana iri nhoroondo yese yaBhaasha, zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 6 Bhaasha akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muTiza;+ uye mwanakomana wake Eraa akava mambo panzvimbo yake. 7 Uyewo achishandisa muprofita Jehu mwanakomana waHananai, Jehovha akaunza shoko remutongo kuna Bhaasha neimba yake nemhaka yezvakaipa zvese zvakaitwa naBhaasha pamberi paJehovha achimugumbura nebasa remaoko ake, achiita seimba yaJerobhoamu, uyewo nemhaka yekuti akauraya Nadhabhi.+

8 Mugore rechi26 raMambo Asa weJudha, Eraa mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri muTiza, uye akatonga kwemakore maviri. 9 Muranda wake Zimri, mukuru wehafu yemauto ake engoro akamupandukira paaiva muTiza achinwa, achidhakwa ari pamba paAriza, uyo aitungamirira imba yamambo muTiza. 10 Zimri akauya akamurwisa,+ akamuuraya mugore rechi27 raMambo Asa weJudha, uye akava mambo panzvimbo yake. 11 Paakava mambo, achingogara pachigaro chake cheumambo, akauraya imba yese yaBhaasha. Haana kana munhurume* waakasiya ari mupenyu, pangava pahama dzake* kana kuti pashamwari dzake. 12 Saka Zimri akaparadza imba yese yaBhaasha, maererano neshoko rakanga rataurwa naJehovha pamusoro paBhaasha kuburikidza nemuprofita Jehu.+ 13 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvese zvakanga zvaitwa naBhaasha nemwanakomana wake Eraa nezvivi zvavakanga vakonzera kuti vaIsraeri vaite vachigumbura Jehovha Mwari waIsraeri nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+ 14 Kana iri nhoroondo yese yaEraa, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?

15 Mugore rechi27 raMambo Asa weJudha, Zimri akava mambo kwemazuva 7 muTiza, mauto paakanga akadzika musasa kuti arwise Gibhetoni,+ yaiva yevaFiristiya. 16 Mauto akanga akadzika musasa akazonzwa zvichinzi: “Zimri apanduka uye aurayawo mambo.” Saka vaIsraeri vese vakagadza Omri,+ mukuru weuto, kuti ave mambo weIsraeri pazuva iroro mumusasa. 17 Omri nevaIsraeri vese vaaiva navo vakabva kuGibhetoni vakakomba Tiza. 18 Zimri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akapinda mushongwe yaishandiswa senhare* iyo yaiva muimba yamambo,* akapisa imba yacho, akafira imomo.+ 19 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvake zvaakanga aita paakaita zvakaipa pamberi paJehovha kuburikidza nekufamba munzira yaJerobhoamu uye nemhaka yechivi chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 20 Kana iri nhoroondo yese yaZimri nekupanduka kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?

21 Panguva iyoyo ndipo pakakamukana vaIsraeri kuita mapoka maviri. Rimwe boka rakatevera Tibni mwanakomana waGinati, richida kumuita mambo, rimwe boka rikatevera Omri. 22 Asi vanhu vaitevera Omri vakakunda vanhu vaitevera Tibni mwanakomana waGinati. Saka Tibni akafa, Omri akava mambo.

23 Mugore rechi31 raMambo Asa weJudha, Omri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwemakore 12. Akatonga muTiza kwemakore 6. 24 Akatenga gomo reSamariya kuna Shemeri nematarenda* maviri esirivha, uye akavaka guta pagomo racho. Akatumidza guta raakavaka kuti Samariya,*+ zvichibva pazita raShemeri muridzi* wegomo racho. 25 Omri akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, uye akanga akaipa kupfuura vese vakamutangira.+ 26 Akafamba munzira dzese dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye muchivi chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite pavakagumbura Jehovha Mwari waIsraeri nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+ 27 Kana iri nhoroondo yese yaOmri, zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 28 Omri akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muSamariya; uye mwanakomana wake Ahabhi+ akava mambo panzvimbo yake.

29 Ahabhi mwanakomana waOmri akava mambo weIsraeri mugore rechi38 raMambo Asa weJudha, uye Ahabhi mwanakomana waOmri akatonga Israeri muSamariya+ kwemakore 22. 30 Ahabhi mwanakomana waOmri akanga akaipa chaizvo pamberi paJehovha kupfuura vese vakamutangira.+ 31 Sezvinonzi kufamba kwaakaita muzvivi zvaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati chaiva chinhu chidiki, akatorawo Jezebheri+ mwanasikana waEtibhaari mambo wevaSidhoni+ kuti ave mudzimai wake, akatanga kushumira Bhaari+ uye kukotama pamberi pake. 32 Akamisirawo Bhaari atari paimba* yaBhaari+ yaakavaka muSamariya. 33 Ahabhi akagadzirawo bango rinoyera.*+ Ahabhi akawedzera kuita zvinhu zvinogumbura Jehovha Mwari waIsraeri kupfuura madzimambo ese eIsraeri akamutangira.

34 Mumazuva ake, Hieri muBheteri akavaka guta reJeriko. Akafirwa naAbhiramu dangwe rake paakavaka faundesheni* yaro, uye akafirwa naSegubhu gotwe rake paakaisa masuo aro, maererano neshoko raJehovha raakataura kuburikidza naJoshua mwanakomana waNuni.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe