RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 31
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • VaIsraeri vakasara vachagarazve munyika yavo (1-30)

        • Rakeri anochema vana vake (15)

      • Sungano itsva (31-40)

Jeremiya 31:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:12; Jer 30:22; 31:33

Jeremiya 31:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndokusaka ndakaramba ndichikuratidza rudo rusingachinji.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 143

Jeremiya 31:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Woenda uchitamba sezvinoita vaya vari kuseka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 33:7; Amo 9:11
  • +Jer 30:18, 19

Jeremiya 31:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 9:14; Mik 4:4
  • +Dhe 30:9; Isa 65:21, 22

Jeremiya 31:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 2:3; Jer 50:4, 5

Jeremiya 31:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:43; Isa 44:23
  • +Isa 1:9; Jer 23:3; Joe 2:32

Jeremiya 31:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 43:6; Jer 3:12
  • +Dhe 30:4; Eze 20:34; 34:12
  • +Isa 35:6; 42:16
  • +Ezr 2:1, 64

Jeremiya 31:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:4
  • +Isa 35:7; 49:10
  • +Ge 48:14; Eks 4:22

Jeremiya 31:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 11:11; 42:10
  • +Isa 40:11; Eze 34:11-13; Mik 2:12

Jeremiya 31:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Omudzosa achimutora.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:23; 48:20
  • +Isa 49:25

Jeremiya 31:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvinhu zvakanaka zvinobva kuna Jehovha.”

  • *

    Kana kuti “Mweya yavo ichava.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 3:13; Pis 126:1; Isa 51:11
  • +Joe 3:18
  • +Isa 65:10
  • +Isa 58:11
  • +Isa 35:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, p. 278

Jeremiya 31:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 8:4
  • +Ezr 3:12
  • +Isa 51:3; 65:19

Jeremiya 31:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yevapristi.”

  • *

    ChiHeb., “nemafuta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:9; Isa 63:7

Jeremiya 31:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:21, 25; Jer 40:1
  • +Mari 1:16
  • +Mt 2:16-18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jesu—Nzira, p. 24

    Nharireyomurindi,

    12/15/2014, p. 21

    8/15/2011, p. 10

    Jeremiya, p. 162

Jeremiya 31:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 1:5; Jer 23:3; Eze 11:17; Ho 1:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2014, p. 21

Jeremiya 31:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 29:11
  • +Jer 46:27

Jeremiya 31:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2012, pp. 10-11

Jeremiya 31:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:1-3
  • +Ezr 9:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2012, p. 11

Jeremiya 31:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:9; Ho 14:4
  • +Ho 11:8
  • +Dhe 32:36; Mik 7:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2012, pp. 10-11

    11/1/1994, p. 12

    Jeremiya, p. 181

Jeremiya 31:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 62:10
  • +Isa 35:8

Jeremiya 31:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:26
  • +Zek 8:3

Jeremiya 31:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 33:12; Eze 36:10, 11

Jeremiya 31:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wakaneta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 107:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 81-82

Jeremiya 31:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:9; Eze 36:9; Ho 2:23

Jeremiya 31:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 44:27; 45:4
  • +Pis 102:16; 147:2; Jer 24:6

Jeremiya 31:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akagomara.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 18:2-4

Jeremiya 31:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 26:27, 28; Ru 22:20; 1VaK 11:25; VaH 8:8-12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2010, pp. 26-27

    2/1/1998, pp. 12-13

    Jeremiya, pp. 169-170

Jeremiya 31:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “murume wavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 19:5
  • +Eze 16:59

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 169-170

    Nharireyomurindi,

    2/1/1998, pp. 12-13

Jeremiya 31:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 11:19
  • +VaH 10:16
  • +Jer 24:7; 30:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 173-175, 178-180

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 11

    3/15/1998, pp. 13-14

    2/1/1998, pp. 15, 19-20

Jeremiya 31:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 54:13; Joh 17:3
  • +Isa 11:9; Ha 2:14
  • +Jer 33:8; 50:20; Mt 26:27, 28; VaH 8:10-12; 9:15; 10:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Swedera Pedyo naJehovha, pp. 265-267

    Nharireyomurindi,

    8/15/2012, p. 30

    2/1/1998, pp. 15-16, 19-20

    12/1/1997, pp. 12-13

    Jeremiya, pp. 170-173, 176-177, 178-181

Jeremiya 31:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Nemirau.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 51:15

Jeremiya 31:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 54:10; Jer 33:20, 21

Jeremiya 31:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 30:11

Jeremiya 31:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 12:27; Isa 44:28; Jer 30:18
  • +Ne 3:1; Zek 14:10
  • +2Mak 26:9

Jeremiya 31:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 1:16

Jeremiya 31:40

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neremadota ane mafuta,” kureva madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 15:23; 2Mad 23:6; Joh 18:1
  • +Ne 3:28
  • +Joe 3:17

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 31:1Re 26:12; Jer 30:22; 31:33
Jer. 31:3Dhe 7:8
Jer. 31:4Jer 33:7; Amo 9:11
Jer. 31:4Jer 30:18, 19
Jer. 31:5Amo 9:14; Mik 4:4
Jer. 31:5Dhe 30:9; Isa 65:21, 22
Jer. 31:6Isa 2:3; Jer 50:4, 5
Jer. 31:7Dhe 32:43; Isa 44:23
Jer. 31:7Isa 1:9; Jer 23:3; Joe 2:32
Jer. 31:8Isa 43:6; Jer 3:12
Jer. 31:8Dhe 30:4; Eze 20:34; 34:12
Jer. 31:8Isa 35:6; 42:16
Jer. 31:8Ezr 2:1, 64
Jer. 31:9Jer 50:4
Jer. 31:9Isa 35:7; 49:10
Jer. 31:9Ge 48:14; Eks 4:22
Jer. 31:10Isa 11:11; 42:10
Jer. 31:10Isa 40:11; Eze 34:11-13; Mik 2:12
Jer. 31:11Isa 44:23; 48:20
Jer. 31:11Isa 49:25
Jer. 31:12Ezr 3:13; Pis 126:1; Isa 51:11
Jer. 31:12Joe 3:18
Jer. 31:12Isa 65:10
Jer. 31:12Isa 58:11
Jer. 31:12Isa 35:10
Jer. 31:13Zek 8:4
Jer. 31:13Ezr 3:12
Jer. 31:13Isa 51:3; 65:19
Jer. 31:14Dhe 30:9; Isa 63:7
Jer. 31:15Jos 18:21, 25; Jer 40:1
Jer. 31:15Mari 1:16
Jer. 31:15Mt 2:16-18
Jer. 31:16Ezr 1:5; Jer 23:3; Eze 11:17; Ho 1:11
Jer. 31:17Jer 29:11
Jer. 31:17Jer 46:27
Jer. 31:19Dhe 30:1-3
Jer. 31:19Ezr 9:6
Jer. 31:20Jer 31:9; Ho 14:4
Jer. 31:20Ho 11:8
Jer. 31:20Dhe 32:36; Mik 7:18
Jer. 31:21Isa 62:10
Jer. 31:21Isa 35:8
Jer. 31:23Isa 1:26
Jer. 31:23Zek 8:3
Jer. 31:24Jer 33:12; Eze 36:10, 11
Jer. 31:25Pis 107:9
Jer. 31:27Dhe 30:9; Eze 36:9; Ho 2:23
Jer. 31:28Jer 44:27; 45:4
Jer. 31:28Pis 102:16; 147:2; Jer 24:6
Jer. 31:29Eze 18:2-4
Jer. 31:31Mt 26:27, 28; Ru 22:20; 1VaK 11:25; VaH 8:8-12
Jer. 31:32Eks 19:5
Jer. 31:32Eze 16:59
Jer. 31:33Eze 11:19
Jer. 31:33VaH 10:16
Jer. 31:33Jer 24:7; 30:22
Jer. 31:34Isa 54:13; Joh 17:3
Jer. 31:34Isa 11:9; Ha 2:14
Jer. 31:34Jer 33:8; 50:20; Mt 26:27, 28; VaH 8:10-12; 9:15; 10:17
Jer. 31:35Isa 51:15
Jer. 31:36Isa 54:10; Jer 33:20, 21
Jer. 31:37Jer 30:11
Jer. 31:382Mak 26:9
Jer. 31:38Ne 12:27; Isa 44:28; Jer 30:18
Jer. 31:38Ne 3:1; Zek 14:10
Jer. 31:39Zek 1:16
Jer. 31:402Sa 15:23; 2Mad 23:6; Joh 18:1
Jer. 31:40Ne 3:28
Jer. 31:40Joe 3:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 31:1-40

Jeremiya

31 “Panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichava Mwari wemhuri dzese dzevaIsraeri, uye ivo vachava vanhu vangu.”+

 2 Zvanzi naJehovha:

“Vanhu vaya vakapona pabakatwa ndivo vakanzwirwa nyasha murenje

Israeri paaifamba achienda kunzvimbo yake yekuzororera.”

 3 Jehovha akazviratidza kwandiri ari kure, uye akati:

“Ndakakuda nerudo rusingaperi.

Ndokusaka ndakakukweva nerudo rusingachinji kuti uuye kwandiri.*+

 4 Ndichakuvakazve uye iwe uchavakwazve.+

Haiwa iwe mhandara yeIsraeri, uchatorazve matambureni ako,

Woenda uchitamba uchifara.*+

 5 Uchadyarazve minda yemizambiringa mumakomo eSamariya;+

Vadyari vachadyara vodya michero yayo.+

 6 Nekuti zuva richasvika varindi vari mumakomo ekwaEfremu pavachashevedzera kuti:

‘Simukai tikwire kuZiyoni kuna Jehovha Mwari wedu.’”+

 7 Nekuti zvanzi naJehovha:

“Shevedzerai kuna Jakobho muchifara kwazvo.

Shevedzerai nemufaro nekuti muri pamusoro pemarudzi.+

Zvizivisei; rumbidzai, moti,

‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu vakasara pavaIsraeri.’+

 8 Ndiri kuvadzosa kubva kunyika yekuchamhembe.+

Ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+

Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara,+

Mukadzi ane pamuviri pamwe chete neari kusununguka.

Vachadzoka kuno vari ungano huru.+

 9 Vachauya vachichema.+

Ndichavatungamirira pavanenge vachiteterera kunzwirwa nyasha.

Ndichavatungamirira kuhova dzemvura,+

Mugwara rakarurama ravasingazogumburwi.

Nekuti ndiri Baba vaIsraeri, uye Efremu ndiye dangwe rangu.”+

10 Inzwai shoko raJehovha imi marudzi,

Uye rizivisei muzvitsuwa zviri kure muchiti:+

“Iye akaparadzira Israeri achamuunganidza.

Achamuchengeta sekuchengeta kunoita mufudzi zvipfuwo zvake.+

11 Nekuti Jehovha achadzikinura Jakobho,+

Omununura* paruoko rweuya akasimba kumupfuura.+

12 Vachauya, vopembera nemufaro vari pamusoro peZiyoni,+

Vofarira kunaka kwaJehovha,*

Vofarira goho newaini itsva+ nemafuta,

Uye makwayana nemhuru dzemombe.+

Vachava* semunda unowana mvura yakakwana,+

Uye havazomboperi simba zvakare.”+

13 “Panguva iyoyo mhandara ichatamba ichifara,

Uyewo majaya pamwe chete nevakwegura.+

Ndichachinja kuchema kwavo kuti kuve kupembera nemufaro.+

Ndichavanyaradza ndoita kuti vafare panzvimbo pekushungurudzika.+

14 Ndichagutsa vapristi* nezvinhu zvakawanda,*

Uye vanhu vangu vachagutswa nekunaka kwangu,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

15 “Zvanzi naJehovha:

‘Pane inzwi riri kunzwika muRama,+ kushungurudzika nekuchema kunonzwisa tsitsi:

Rakeri ari kuchema vanakomana* vake.+

Aramba kunyaradzwa pakuchema vanakomana vake,

Nekuti havasisipo.’”+

16 Zvanzi naJehovha:

“‘Rega kuchema, uye maziso ako ngaarege kubudisa misodzi,

Nekuti basa rako rine mubayiro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

‘Vachadzoka kubva kunyika yemuvengi.’+

17 ‘Ramangwana rako rine tariro,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

‘Vanakomana vako vachadzoka kunharaunda yavo.’”+

18 “Chokwadi ndakanzwa kuchema kwaEfremu achiti,

‘Makandiruramisa sezvinoitwa mhuru isina kupingudzwa,

Uye ndakabvuma kururamiswa.

Ndidzosei uye ndichakurumidza kudzoka,

Nekuti ndimi Jehovha Mwari wangu.

19 Nekuti pandakanga ndadzoka, ndakazvidemba;+

Pandakaitwa kuti ndinzwisise, ndakazvirova pachidya neshungu.

Ndakanyara uye ndakaninipiswa,+

Nekuti ndainge ndakatakura kuzvidzwa kweudiki hwangu.’”

20 “Efremu haasi mwanakomana anokosha kwandiri uye wandinoda here?+

Nekuti kunyange ndichitaura naye kakawanda ndichimutsiura, ndichiri kungomuyeuka.

Ndokusaka mwoyo wangu uchinetseka nezvake.+

Chokwadi ndichamunzwira tsitsi,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+

21 “Zviisire zviratidzo zvemumugwagwa,

Uye isa zvikwangwani.+

Isa pfungwa pamugwagwa mukuru, panzira yaunofanira kuenda nayo.+

Dzoka, haiwa iwe mhandara yeIsraeri, dzoka kumaguta ako aya.

22 Uchasvika riini uine pfungwa mbiri, haiwa iwe mwanasikana asina kutendeka?

Nekuti Jehovha asika chinhu chitsva panyika:

Mukadzi achatoita zvekutsvaga murume.”

23 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Vachataurazve mashoko aya munyika yeJudha nemumaguta ayo, pandichadzosa nhapwa dzavo: ‘Jehovha ngaakukomborere, haiwa iwe nzvimbo yekugara yakarurama,+ haiwa iwe gomo dzvene.’+ 24 Vanhu veJudha nemaguta ayo ese vachagara mairi pamwe chete, varimi nevaya vanofudza zvipfuwo.+ 25 Nekuti ndichagutsa munhu akaneta,* uye ndichagutsa munhu wese ari kupera simba.”+

26 Ndakabva ndamuka ndikavhura maziso angu, uye ndakanga ndarara hope dzakanaka.

27 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti vanhu veimba yaIsraeri neimba yaJudha vawande, uye andichaitawo kuti zvipfuwo zvavo zviwande.”+

28 “Ndicharamba ndakavatarisa kuti ndivake, uye ndidyare, sekuramba ndakavatarisa kwandakaita kuti ndidzure uye ndiputse,+ kuti ndikoromore uye ndiparadze uye kuti ndikuvadze,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 29 “Mumazuva iwayo havachazotizve, ‘Vanababa ndivo vakadya mazambiringa anovavira, asi mazino evanakomana ndiwo akaita ugugu.’*+ 30 Asi mumwe nemumwe achafira kukanganisa kwake. Munhu achadya mazambiringa anovavira ndiye ane mazino achaita ugugu.”

31 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.+ 32 Ichange yakasiyana nesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ ‘sungano yangu yavakaputsa,+ kunyange zvazvo ndakanga ndiri tenzi wavo chaiye,’* ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

33 “Nekuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuura,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Ndichaisa mutemo wangu mavari,+ uye ndichaunyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+

34 “Uye hapana achazodzidzisazve muvakidzani wake uye hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha!’+ nekuti vese vachandiziva, kubvira kumudiki wavo kusvika kumukuru,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Nekuti ndichavaregerera kukanganisa kwavo, uye handichazoyeukizve chivi chavo.”+

35 Zvanzi naJehovha,

Uyo anopa zuva kuti pave nechiedza masikati,

Nemitemo* yemwedzi nenyeredzi kuti pave nechiedza usiku,

Iye anobvongodza gungwa, oita kuti mafungu aro asagadzikana,

Iye ane zita rekuti Jehovha wemauto:+

36 “‘Kudai zvaizoitika kuti mirau iyi yakundikana,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

‘Vana vaIsraeri vaizogumawo kuva rudzi pamberi pangu.’”+

37 Zvanzi naJehovha: “‘Kudai denga riri kumusoro raigona kuyerwa uye nheyo dzenyika iri pasi dzaigona kuongororwa, iniwo ndaizoramba vana vese vaIsraeri nekuda kwezvese zvavakaita,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+

38 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “guta racho parichavakirwa+ Jehovha kubvira kuShongwe yaHananeri+ kusvika kuGedhi Repakona.+ 39 Uye tambo yekuyeresa+ ichati tande ichinosvika kuchikomo cheGarebhi, yobva yananga kudivi rekuGoa. 40 Uye bani rese rezvitunha neremadota,* nepane materu pese kusvika kuBani reKidroni,+ kunosvika kukona yekuGedhi reMabhiza+ nechekumabvazuva, zvichava chinhu chitsvene kuna Jehovha.+ Harizodzurwi kana kukoromorwa zvakare.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe