Isaya
51 “Nditeererei, imi muri kutevera kururama,
Imi muri kutsvaga Jehovha.
Tarisai kudombo ramakabviswa pariri
Uye kugomba ramakacherwa.
Nekuti Abrahamu akanga ari mumwe chete pandakamushevedza,+
Uye ndakamukomborera ndikaita kuti vana vake vawande.+
3 Nekuti Jehovha achanyaradza Ziyoni.+
Achanyaradza matongo aro ese,+
Uye achaita kuti renje raro rive seEdheni+
Uye gwenga raro rive semunda waJehovha.+
Kupembera nemufaro uye kufara zvichawanikwa mariri,
Nekuonga nerwiyo runonakidza.+
5 Kururama kwangu kwava kuda kusvika.+
6 Tarisai kudenga,
Uye tarisai pasi, panyika.
Nekuti denga richaitwa zvidimbu zvidimbu, ropararira seutsi;
Nyika ichasakara senguo,
Uye vanogara mairi vachafa seunyunyu.*
Musatya kushora kwevanhuwo zvavo,
Uye musavhundutswa nemashoko avo ekutuka.
Asi kururama kwangu kuchavapo nekusingaperi,
Uye ruponeso rwangu kwezvizvarwa zvese.”+
Muka sepamazuva ekare kare, sezvawakaita muzvizvarwa zvekare.
10 Hausi iwe wakaomesa gungwa, iyo mvura yakadzika here?+
Uya akaita kuti nzvimbo dzakadzika dzegungwa dzive mugwagwa kuti vaya vakadzikinurwa vayambuke here?+
11 Vanhu vaJehovha vakadzikinurwa vachadzoka.+
Vachafara chaizvo, vachipembera nemufaro,
Uye kusuwa kukuru nekugomera zvichatiza.+
12 “Ini ndini ndiri kukunyaradzai.+
Nei uchifanira kutya munhuwo zvake anofa+
Uye mwanakomana wemunhu uyo achasvava seuswa hwakasvibirira?
Uye zuva rese waitya hasha dzemudzvinyiriri,*
Sekunge kuti aikwanisa kukuparadza.
Zvino dziri kupi hasha dzemudzvinyiriri?
14 Uya akakotama akasungwa necheni ava pedyo nekusunungurwa;+
Haazofi opinda mugomba,
Uye haazoshayi chingwa.
15 Asi ndini Jehovha Mwari wako,
Uyo anobvongodza gungwa oita kuti mafungu aro asagadzikana,+
Jehovha wemauto ndiro zita rake.+
16 Ndichaisa mashoko angu mumuromo mako,
Uye ndichakufukidza nemumvuri weruoko rwangu,+
Kuti ndiise denga munzvimbo yaro uye ndivake nheyo dzenyika+
Uye nditi kuZiyoni, ‘Muri vanhu vangu.’+
17 Muka! Muka! Simuka, haiwa iwe Jerusarema,+
Iwe wakanwa kapu yekutsamwa kwaJehovha kubva muruoko rwake.
Wakanwa zvaiva mumudziyo wekunwira;
Wakadurura zvaiva mukapu inodzedzeresa.+
18 Pavanakomana vese vaakabereka hapana anomutungamirira,
Uye pavanakomana vese vaakarera hapana akamubata ruoko.
19 Zvinhu zviviri izvi zvakuwira.
Ndiani achakunzwira tsitsi?
Kuparadzwa nekuputswa-putswa, nzara nebakatwa!+
Ndiani achakunyaradza?+
20 Vanakomana vako vati rabada vachiita sevafa.+
Vanorara mumakona emigwagwa yese
Segwai remusango rabatwa mumambure.
Vazere nekutsamwa kwaJehovha, iko kutuka kwaMwari wako.”
21 Saka ndinokumbira kuti uteerere izvi,
Haiwa iwe mukadzi anotambudzika uye akadhakwa, asi kwete newaini.
22 Zvanzi naIshe wako Jehovha, iye Mwari wako, uyo anorwira vanhu vake:
“Inzwa! Ndichatora kapu inodzedzeresa muruoko rwako,+
Mudziyo wekunwira, kapu yangu yehasha;
Hauchainwi zvakare.+
23 Ndichaiisa muruoko rwevaya vari kukushungurudza,+
Vaya vakati kwauri,* ‘Kotama kuti tifambe pamusoro pako!’
Saka wakaita kuti musana wako uite sepasi,
Semugwagwa wekuti vafambe nawo.”