RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 25
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Gore reSabata (1-7)

      • Gore reJubheri (8-22)

      • Kudzorerwa kwemunda kana kuti imba (23-34)

      • Kubata varombo zvakanaka (35-38)

      • Mitemo pamusoro pevaranda (39-55)

Revhitiko 25:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:16
  • +Re 26:34; 2Mak 36:20, 21

Revhitiko 25:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:10, 11

Revhitiko 25:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 16:30; 23:27, 28

Revhitiko 25:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 61:1, 2; Ru 4:18, 19; VaR 8:20, 21
  • +Re 27:24; Nu 36:4; Dhe 15:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    12/2019, pp. 8-9

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1958

Revhitiko 25:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:5

Revhitiko 25:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:11; Re 25:6

Revhitiko 25:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:29, 30; 27:24

Revhitiko 25:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 12:3; Zvi 14:31

Revhitiko 25:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:18

Revhitiko 25:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:13; Zvi 22:22
  • +Re 25:43; Zvi 1:7; 8:13
  • +Isa 33:22

Revhitiko 25:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 12:10; Pis 4:8; Zvi 1:33

Revhitiko 25:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 67:6
  • +Re 26:3-5

Revhitiko 25:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:4, 5; Mt 6:25

Revhitiko 25:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:12; Dhe 28:8; Mar 3:10

Revhitiko 25:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:3
  • +Pis 24:1
  • +1Mak 29:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 17

Revhitiko 25:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Rut 2:20; 4:4-6

Revhitiko 25:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:50

Revhitiko 25:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:24
  • +Re 25:10, 13

Revhitiko 25:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:25-27

Revhitiko 25:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 35:2, 8

Revhitiko 25:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:28
  • +Nu 18:20; 35:2, 4; Dhe 18:1

Revhitiko 25:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 35:7; Jos 14:4

Revhitiko 25:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:7; Pis 41:1; 112:5; Zvi 3:27; 19:17; Mk 14:7; Mab 11:29; 1Ti 6:18; 1Jo 3:17
  • +Eks 22:21; 23:9; Re 19:34; Dhe 10:18

Revhitiko 25:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:25; Dhe 23:19; Pis 15:5; Zvi 28:8
  • +Zvi 8:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2004, p. 24

Revhitiko 25:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 23:20; Ru 6:34, 35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2004, p. 24

Revhitiko 25:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:2; 1Mad 8:51
  • +Eks 6:7

Revhitiko 25:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:2; Dhe 15:12
  • +1Mad 9:22

Revhitiko 25:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:53

Revhitiko 25:41

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nevanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:3; Re 25:10

Revhitiko 25:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 1:13, 14; 19:5; Re 25:55

Revhitiko 25:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:7; VaE 6:9; VaK 4:1
  • +Re 25:17; Mup 12:13

Revhitiko 25:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:38; Jos 9:21

Revhitiko 25:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:39, 43

Revhitiko 25:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:25

Revhitiko 25:49

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:26, 27

Revhitiko 25:50

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:10
  • +Re 25:15, 16
  • +Dhe 15:18

Revhitiko 25:53

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:40, 43; VaK 4:1

Revhitiko 25:54

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nevanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:3

Revhitiko 25:55

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:2; Re 25:42

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 25:2Ge 15:16
Revh. 25:2Re 26:34; 2Mak 36:20, 21
Revh. 25:3Eks 23:10, 11
Revh. 25:9Re 16:30; 23:27, 28
Revh. 25:10Isa 61:1, 2; Ru 4:18, 19; VaR 8:20, 21
Revh. 25:10Re 27:24; Nu 36:4; Dhe 15:1
Revh. 25:11Re 25:5
Revh. 25:12Eks 23:11; Re 25:6
Revh. 25:13Re 25:29, 30; 27:24
Revh. 25:141Sa 12:3; Zvi 14:31
Revh. 25:15Re 27:18
Revh. 25:17Re 19:13; Zvi 22:22
Revh. 25:17Re 25:43; Zvi 1:7; 8:13
Revh. 25:17Isa 33:22
Revh. 25:18Dhe 12:10; Pis 4:8; Zvi 1:33
Revh. 25:19Pis 67:6
Revh. 25:19Re 26:3-5
Revh. 25:20Re 25:4, 5; Mt 6:25
Revh. 25:21Ge 26:12; Dhe 28:8; Mar 3:10
Revh. 25:231Mad 21:3
Revh. 25:23Pis 24:1
Revh. 25:231Mak 29:15
Revh. 25:25Rut 2:20; 4:4-6
Revh. 25:27Re 25:50
Revh. 25:28Re 27:24
Revh. 25:28Re 25:10, 13
Revh. 25:29Re 25:25-27
Revh. 25:32Nu 35:2, 8
Revh. 25:33Re 25:28
Revh. 25:33Nu 18:20; 35:2, 4; Dhe 18:1
Revh. 25:34Nu 35:7; Jos 14:4
Revh. 25:35Dhe 15:7; Pis 41:1; 112:5; Zvi 3:27; 19:17; Mk 14:7; Mab 11:29; 1Ti 6:18; 1Jo 3:17
Revh. 25:35Eks 22:21; 23:9; Re 19:34; Dhe 10:18
Revh. 25:36Eks 22:25; Dhe 23:19; Pis 15:5; Zvi 28:8
Revh. 25:36Zvi 8:13
Revh. 25:37Dhe 23:20; Ru 6:34, 35
Revh. 25:38Eks 20:2; 1Mad 8:51
Revh. 25:38Eks 6:7
Revh. 25:39Eks 21:2; Dhe 15:12
Revh. 25:391Mad 9:22
Revh. 25:40Re 25:53
Revh. 25:41Eks 21:3; Re 25:10
Revh. 25:42Eks 1:13, 14; 19:5; Re 25:55
Revh. 25:43Eks 3:7; VaE 6:9; VaK 4:1
Revh. 25:43Re 25:17; Mup 12:13
Revh. 25:45Eks 12:38; Jos 9:21
Revh. 25:46Re 25:39, 43
Revh. 25:48Re 25:25
Revh. 25:49Re 25:26, 27
Revh. 25:50Re 25:10
Revh. 25:50Re 25:15, 16
Revh. 25:50Dhe 15:18
Revh. 25:53Re 25:40, 43; VaK 4:1
Revh. 25:54Eks 21:3
Revh. 25:55Eks 20:2; Re 25:42
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
  • 53
  • 54
  • 55
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 25:1-55

Revhitiko

25 Jehovha akataurazve naMozisi muGomo reSinai, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana mazosvika munyika yandichakupai,+ nyika yacho ichachengeta sabata rinoitirwa Jehovha.+ 3 Unofanira kudyara mbeu mumunda mako kwemakore matanhatu, uye unofanira kuchekerera munda wako wemizambiringa kwemakore matanhatu, uye uchakohwa zvibereko zvemunda wacho.+ 4 Asi mugore rechinomwe, panofanira kuitwa sabata rekuzorora zvakakwana renyika, sabata rinoitirwa Jehovha. Haufaniri kudyara mbeu mumunda mako kana kuchekerera munda wako wemizambiringa. 5 Haufaniri kukohwa zvinosara zvichimera zvega kana makohwa, uye haufaniri kukohwa mazambiringa anomera pamizambiringa isina kuchekererwa. Panofanira kuva negore rekuzorora zvakakwana renyika. 6 Asi unogona hako kudya zvinomera munyika painenge iri pasabata; iwe, varandarume nevarandakadzi vako, vanhu vako vemaricho, nevatorwa vari kugara newe, munogona henyu kuzvidya, 7 uyewo zvipfuwo zvako nemhuka dzemusango dziri munyika yako zvinogona kudya. Zvese zvinomera munyika zvinogona kudyiwa.

8 “‘Muchaverenga masabata manomwe emakore, kureva makore manomwe akapetwa kanomwe, uye masabata manomwe emakore acho achasvika makore 49. 9 Muchabva maridza hwamanda zvinonzwika mumwedzi wechinomwe, pazuva rechi10 remwedzi wacho; paZuva Rekuyananisira,+ munofanira kuridza hwamanda yacho zvekuti munhu wese ari munyika yenyu anoinzwa. 10 Munofanira kutsaura gore rechi50, mozivisa rusununguko kuvagari vese vari munyika yacho.+ Richava Jubheri kwamuri, uye mumwe nemumwe achadzokera kunhaka yake uye mumwe nemumwe anofanira kudzokera kumhuri yake.+ 11 Gore iroro rechi50 richava reJubheri kwamuri. Hamuzodyari mbeu kana kukohwa zvinosara zvichimera zvega munyika kana kukohwa mazambiringa anomera pamizambiringa isina kuchekererwa.+ 12 Nekuti iJubheri. Rinofanira kuva dzvene kwamuri. Munogona henyu kungodya zvinomera zvega munyika.+

13 “‘Mugore iri reJubheri, mumwe nemumwe wenyu anofanira kudzokera kunhaka yake.+ 14 Kana ukatengesera mumwe wako chimwe chinhu kana kuti ukatenga chimwe chinhu kwaari, musabiridzirane.+ 15 Unofanira kutenga kune mumwe wako uchifunga nezvekuti pava nemakore mangani Jubheri rapfuura, uye anofanira kukutengesera zvichienderana nemakore asara ekukohwa zvirimwa.+ 16 Kana makore asara akawanda, anofanira kuwedzera mutengo wacho, uye kana ari mashoma, anofanira kudzikisa mutengo wacho, nekuti ari kukutengesera zvichienderana negoho richabuda ipapo. 17 Pakati penyu hapafaniri kuva nemunhu anobiridzira mumwe wake,+ uye munofanira kutya Mwari wenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.+ 18 Kana mukateerera mirau yangu uye mukachengeta mitongo yangu, muchagara munyika yacho musina chinokuwanai.+ 19 Nyika yacho ichabereka zvibereko zvayo,+ uye muchadya muchiguta, mogara imomo musina chinokuwanai.+

20 “‘Asi kana mukati: “Ko kana tisingadyari mbeu kana kuunganidza zvirimwa zvedu, tichadyei mugore rechi7?”+ 21 Ndichaita kuti chikomborero changu chive pamuri mugore rechi6, uye nyika ichabereka zvibereko zvinokwana makore matatu.+ 22 Muchabva mazodyara mbeu mugore rechi8 uye muchadya zvamakakohwa kare kusvikira mugore rechi9. Muchadya zvamakakohwa kare kusvikira makohwazve.

23 “‘Minda yacho haifaniri kutengeswa zvachose,+ nekuti nyika yacho ndeyangu.+ Nekuti kana ndichikuonai, muri vatorwa uye vanhu vakangopiwa pekugara.+ 24 Munyika yenyu yese, munofanira kupa munhu kodzero yekutengazve munda wake.

25 “‘Kana hama yako ikava murombo zvekuti inofanira kutengesa mumwe munda wayo, mudzikinuri ane ukama hwepedyo nayo anofanira kuuya odzikinura zvakatengeswa nehama yake.+ 26 Kana munhu asina mudzikinuri asi ozopfuma zvekuti anowana mari yekuzvidzikinura, 27 anofanira kuverenga ukoshi hwembesa dzakawanika kubvira paakautengesa, odzorera mari yasara achibvisa pane yaakatanga kutengesa nayo. Kana adaro anogona hake kudzokera kunhaka yake.+

28 “‘Asi kana akashaya chekuudzikinura nacho, munda wacho ucharamba uri wemunhu akautenga kusvikira mugore reJubheri;+ uye anozoudzoserwa mugore reJubheri, odzokera kunhaka yake.+

29 “‘Kana munhu akatengesa imba iri muguta rine rusvingo, anoramba aine kodzero yekuidzikinura kwegore rese kubvira panguva yaakaitengesa; acharamba aine kodzero yekuidzikinura+ kwegore rese. 30 Asi kana gore rikapera isina kudzikinurwa, imba yacho iri muguta rine rusvingo icharamba iri nhaka yemunhu akaitenga kwezvizvarwa zvake zvese. Haifaniri kudzoserwa mugore reJubheri. 31 Asi dzimba dzisina rusvingo rwakadzipoteredza dzinofanira kuverengwa seminda yekumamisha. Dzinoramba dziine kodzero yekudzikinurwa, uye dzinofanira kudzoserwa mugore reJubheri.

32 “‘Kana dziri dzimba dzevaRevhi dziri mumaguta avo,+ vaRevhi vacharamba vaine kodzero yekudzidzikinura. 33 Kana muRevhi akatadza kudzikinura imba yake yakatengeswa muguta rine nhaka yake, anofanira kudzoserwa imba yacho mugore reJubheri,+ nekuti dzimba dzemumaguta dzevaRevhi ndidzo nhaka yavo pakati pevaIsraeri.+ 34 Uyezve, mafuro+ akapoteredza maguta avo haafaniri kutengeswa, nekuti inhaka yavo kusvikira nariini.

35 “‘Kana hama yako iri pedyo newe ikava murombo, yotadza kuzviriritira, unofanira kuibatsira+ sekubatsira kwaunoita mutorwa nemunhu akauya kuzogara pakati penyu,+ kuti irambe ichirarama pakati penyu. 36 Usaita kuti akupe mubereko kana kukudzorera zvinhu zvako zvawanda.+ Unofanira kutya Mwari wako,+ uye hama yako ichiramba ichirarama pakati penyu. 37 Usamukweretesa mari kuti azokupa yabereka+ kana kumupa zvekudya kuti azokudzorera zvawanda. 38 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti+ kuti ndikupei nyika yeKenani, kuti ndive Mwari wenyu.+

39 “‘Kana hama yako inogara pedyo newe ikava murombo, yozvitengesa kwauri,+ usaimanikidza kuita basa reuranda.+ 40 Anofanira kubatwa semunhu wemaricho,+ semunhu akauya kuzogara pakati penyu. Anofanira kukushandira kusvikira mugore reJubheri. 41 Zvadaro achakusiya, odzokera kuhama dzake pamwe nevana* vake vaainavo. Anofanira kudzokera kunhaka yemadzitateguru ake.+ 42 Nekuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti.+ Havafaniri kuzvitengesa sezvinoitwa muranda. 43 Usamuitira utsinye,+ uye unofanira kutya Mwari wako.+ 44 Varandarume nevarandakadzi venyu vanofanira kubva kumarudzi akakupoteredzai, ikoko ndiko kwamunogona kutenga murandarume kana murandakadzi. 45 Munogonawo kutenga vanakomana vevanhu vakauya kuzogara pakati penyu;+ munogona kutenga vana vavo vakazvarirwa munyika yenyu, uye vachava varanda venyu. 46 Munogona kuvapfuudza kuvanakomana venyu vanokuteverai senhaka inogara iripo. Munogona kuvaita vashandi venyu, asi hamufaniri kubata hama dzenyu dzechiIsraeri neutsinye.+

47 “‘Asi kana zvikaitika kuti mutorwa kana kuti munhu akauya kuzogara pakati penyu anova mupfumi uye hama yako inogara pedyo naye yova murombo, zvekuti inenge ichifanira kuzvitengesa kumutorwa kana kuti kumunhu akauya kuzogara pakati penyu, kana kuti kumumwe munhu wemumhuri yemutorwa wacho, 48 hama yako icharamba iine kodzero yekuzvidzikinura. Mukoma wake kana munin’ina wake anogona kumudzikinura,+ 49 kana kuti anogona kudzikinurwa nababamudiki vake kana mwanakomana wababamudiki vake kana kuti chero hama yake yepedyo, munhu wemumba make.

“‘Kana kuti iye wacho akava mupfumi, anogonawo kuzvidzikinura.+ 50 Iye pamwe chete nemunhu akamutenga vanofanira kuverenga kubva panguva yaakazvitengesa kwaari kusvika gore reJubheri,+ uye mari yaakazvitengesa nayo ichaenderana nemakore acho.+ Mari yaakashandira mazuva aaishanda inofanira kuenderana nemari yemunhu wemaricho.+ 51 Kana pachiine makore akawanda asara, anofanira kubhadhara mutengo werudzikinuro unoenderana nemakore acho. 52 Asi kana kwangosara makore mashomanana kuti gore reJubheri risvike, anofanira kuverenga ega makore acho, obhadhara mutengo wekuzvidzikinura zvichienderana nemakore asara. 53 Anofanira kuramba achimushandira gore negore sezvinoita munhu wemaricho; uye unofanira kuva nechokwadi chekuti haamubati zveutsinye.+ 54 Asi kana asingagoni kuzvidzikinura achishandisa nzira idzi, anozosunungurwa mugore reJubheri,+ pamwe nevana* vake vaainavo.

55 “‘Nekuti vaIsraeri varanda vangu. Varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe