RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Vanamati vezvidhori vanotongwa (1-11)

      • Jerusarema richatotongwa chete (12-23)

        • Varume vakarurama vanoti, Noa, Dhanieri, naJobho (14, 20)

Ezekieri 14:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 33:30, 31

Ezekieri 14:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:13; Isa 1:15; Jer 11:11

Ezekieri 14:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 17

Ezekieri 14:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 55:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 105-106

Ezekieri 14:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:1, 2; Eze 33:31

Ezekieri 14:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:2, 3

Ezekieri 14:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 22:21, 22; Jer 4:10; 2VaT 2:10, 11

Ezekieri 14:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 24:7; Eze 11:19, 20

Ezekieri 14:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndotyora tumiti twayo twechingwa.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:26
  • +Isa 3:1; Jer 15:2
  • +Jer 7:20

Ezekieri 14:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 6:8, 9; VaH 11:7
  • +Dha 10:11
  • +Job 1:8; 42:8
  • +Zvi 11:4; Jer 15:1; 2Pe 2:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    2/2018, pp. 3-7

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    5/2016, p. 26

    Mukai!,

    7/2009, p. 26

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 17

Ezekieri 14:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:22; Jer 15:3

Ezekieri 14:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:25; Jer 25:9; Eze 21:3
  • +Zef 1:3

Ezekieri 14:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:21, 22

Ezekieri 14:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:1
  • +Dha 10:11
  • +Job 1:8; 42:8
  • +Eze 18:20; Zef 2:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 17

    Kupukunyuka, p. 53

Ezekieri 14:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 15:2
  • +Eze 5:17; 33:27
  • +Jer 32:43

Ezekieri 14:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:31; 2Mak 36:20; Eze 6:8; Mik 5:7

Ezekieri 14:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:33; Jer 22:8, 9; Eze 9:9; Dha 9:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 14:1Eze 33:30, 31
Ezek. 14:32Mad 3:13; Isa 1:15; Jer 11:11
Ezek. 14:5Jer 2:5
Ezek. 14:6Isa 55:7
Ezek. 14:7Jer 21:1, 2; Eze 33:31
Ezek. 14:8Re 20:2, 3
Ezek. 14:91Mad 22:21, 22; Jer 4:10; 2VaT 2:10, 11
Ezek. 14:11Jer 24:7; Eze 11:19, 20
Ezek. 14:13Re 26:26
Ezek. 14:13Isa 3:1; Jer 15:2
Ezek. 14:13Jer 7:20
Ezek. 14:14Ge 6:8, 9; VaH 11:7
Ezek. 14:14Dha 10:11
Ezek. 14:14Job 1:8; 42:8
Ezek. 14:14Zvi 11:4; Jer 15:1; 2Pe 2:9
Ezek. 14:15Re 26:22; Jer 15:3
Ezek. 14:17Re 26:25; Jer 25:9; Eze 21:3
Ezek. 14:17Zef 1:3
Ezek. 14:19Dhe 28:21, 22
Ezek. 14:20Ge 7:1
Ezek. 14:20Dha 10:11
Ezek. 14:20Job 1:8; 42:8
Ezek. 14:20Eze 18:20; Zef 2:3
Ezek. 14:21Jer 15:2
Ezek. 14:21Eze 5:17; 33:27
Ezek. 14:21Jer 32:43
Ezek. 14:22Dhe 4:31; 2Mak 36:20; Eze 6:8; Mik 5:7
Ezek. 14:23Ne 9:33; Jer 22:8, 9; Eze 9:9; Dha 9:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 14:1-23

Ezekieri

14 Zvino vamwe vakuru vaIsraeri vakauya vakagara pamberi pangu.+ 2 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri richiti: 3 “Mwanakomana wemunhu, varume ava vashinga kutevera zvidhori zvavo zvinosemesa,* uye vaita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze. Saka ndingavarega vachindibvunza here?+ 4 Zvino taura navo, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Kana muIsraeri akashinga kutevera zvidhori zvake zvinosemesa, achiita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze, obva auya kumuprofita kuzomubvunza, ini, Jehovha, ndichamupindura maererano nekuwanda kwezvidhori zvake zvinosemesa. 5 Nekuti ndichaita kuti mwoyo yeimba yaIsraeri itye chaizvo, nekuti vese zvavo vakandisiya uye vakatevera zvidhori zvavo zvinosemesa.”’+

6 “Saka udza imba yaIsraeri kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Dzokai, uye siyai zvidhori zvenyu zvinosemesa uye zviso zvenyu ngazvibve pamabasa enyu ese anosemesa.+ 7 Nekuti kana pakava nemuIsraeri kana munhu wekune imwe nyika ari kugara muIsraeri anondisiya, oshinga kutevera zvidhori zvake zvinosemesa achiita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze, obva auya kuzobvunza muprofita wangu,+ ini, Jehovha, ndini ndichamupindura. 8 Ndichatarisa munhu iyeye ndakatsamwa ndoita kuti ave yambiro kune vamwe uye ave chirevo, uye ndichamubvisa pavanhu vangu;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’

9 “‘Asi kana muprofita akanyengedzwa obva apindura, ini Jehovha, ndini ndinenge ndanyengedza muprofita wacho.+ Ndichabva ndamutambanudzira ruoko rwangu, ndomuparadza pakati pevanhu vangu vaIsraeri. 10 Ivo vachatambura nemhaka yekukanganisa kwavo; mhosva yeuya anobvunza ichange yakangofanana nemhosva yemuprofita wacho, 11 kuti vanhu veimba yaIsraeri varege kurasika vachibva pandiri uye varege kuzvisvibisa nekukanganisa kwavo kwese. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

12 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 13 “Mwanakomana wemunhu, kana nyika ikanditadzira ichiita zvisina kutendeka, ndichaitambanudzira ruoko rwangu,+ ndoita kuti zvekudya zviri mairi zvipere,* uye ndichaitumira nzara,+ ndoparadza vanhu nezvipfuwo mairi.”+ 14 “‘Kunyange dai varume vatatu ava, Noa,+ Dhanieri,+ naJobho+ vaiva mairi, vaizongozviponesa ivo chete nekuda kwekururama kwavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

15 “‘Kunyange dai ndaizoita kuti zvikara zvinotyisa zvipfuure nemunyika yacho, zvoita kuti isare isisina vanhu, yova dongo risina anopfuura nemariri nemhaka yezvikara zvacho,+ 16 neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘kunyange dai varume vatatu ava vaiva mairi, vaisazokwanisa kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo; vaizongozviponesa ivo chete, asi nyika yacho yaizova dongo.’”

17 “‘Kunyange dai ndaizoita kuti bakatwa riuye panyika iyoyo,+ ndoti: “Bakatwa ngaripfuure nemunyika yacho,” ndoparadza vanhu nezvipfuwo mairi,+ 18 kunyange dai varume vatatu ava vaiva mairi, neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘vaisazokwanisa kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo; vaizongozviponesa ivo chete.’”

19 “‘Kana kuti, kudai ndaizotuma denda panyika iyoyo,+ ndodururira hasha dzangu pairi, zvoita kuti pave nekudeurwa kweropa, kuti ndiparadze vanhu nezvipfuwo mairi, 20 kunyange dai Noa,+ Dhanieri,+ naJobho+ vaiva mairi, neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘vaisazokwanisa kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo; vaizongozviponesa ivo chete nekuda kwekururama kwavo.’”+

21 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndizvo zvazvichaita pandichatumira zvinhu zvina zvekuranga+ Jerusarema zvinoti bakatwa, nzara, chikara chinotyisa, nedenda,+ kuti ndiparadze vanhu nezvipfuwo mariri.+ 22 Asi vamwe vari mariri vachapona vobudiswa imomo,+ vanakomana nevanasikana. Vachauya kwamuri, uye pamuchaona nzira dzavo nemabasa avo, muchanyaradzwa padambudziko randichaunza paJerusarema, izvo zvinhu zvese zvandinenge ndariitira.’”

23 “‘Vachakunyaradzai pamuchaona nzira dzavo nemabasa avo, uye muchaziva kuti zvandakariitira handina kungozviita pasina chikonzero,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe