RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raRevhitiko

      • Mafuta emumarambi etebhenekeri (1-4)

      • Zvingwa zvekuratidza (5-9)

      • Munhu akamhura zita raMwari anourayiwa (10-23)

Revhitiko 24:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 27:20, 21; Nu 8:2

Revhitiko 24:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:31; 39:33, 37; VaH 9:2

Revhitiko 24:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

  • *

    Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Revhitiko 24:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:23, 24; 1Mad 7:48
  • +Eks 40:22, 23; 1Sa 21:4; Mk 2:25, 26

Revhitiko 24:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “zvichiyeuchidza nezvechingwa chabviswa semupiro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 2:2; 6:15

Revhitiko 24:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:7; 1Mak 9:32; 2Mak 2:4

Revhitiko 24:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 21:22; 22:10; 1Sa 21:4, 6; Mt 12:3, 4; Ru 6:3, 4
  • +Re 6:14, 16

Revhitiko 24:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:38; Nu 11:4

Revhitiko 24:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, zita rekuti Jehovha, sezvinoratidzwa muvhesi 15 ne16.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:7; 22:28; Re 19:12
  • +Eks 18:22

Revhitiko 24:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, mukomana wacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 18:15, 16; Nu 15:32, 34

Revhitiko 24:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 15:32, 35; Dhe 17:7

Revhitiko 24:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 5:11

Revhitiko 24:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akauraya mweya wemunhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:6; Eks 21:12; Nu 35:31; Dhe 19:11-13

Revhitiko 24:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Uye munhu anorova mweya wemhuka ouuraya.”

  • *

    Kana kuti “mweya uchatsiva mweya.”

Revhitiko 24:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:23, 24

Revhitiko 24:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 19:21; Mt 5:38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2009, p. 22

Revhitiko 24:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:1
  • +Ge 9:6; Eks 21:12

Revhitiko 24:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:49; Re 17:10; 19:34; Nu 9:14; 15:16

Revhitiko 24:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 15:33, 36; Dhe 17:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Revh. 24:2Eks 27:20, 21; Nu 8:2
Revh. 24:4Eks 25:31; 39:33, 37; VaH 9:2
Revh. 24:6Eks 25:23, 24; 1Mad 7:48
Revh. 24:6Eks 40:22, 23; 1Sa 21:4; Mk 2:25, 26
Revh. 24:7Re 2:2; 6:15
Revh. 24:8Nu 4:7; 1Mak 9:32; 2Mak 2:4
Revh. 24:9Re 21:22; 22:10; 1Sa 21:4, 6; Mt 12:3, 4; Ru 6:3, 4
Revh. 24:9Re 6:14, 16
Revh. 24:10Eks 12:38; Nu 11:4
Revh. 24:11Eks 20:7; 22:28; Re 19:12
Revh. 24:11Eks 18:22
Revh. 24:12Eks 18:15, 16; Nu 15:32, 34
Revh. 24:14Nu 15:32, 35; Dhe 17:7
Revh. 24:16Dhe 5:11
Revh. 24:17Ge 9:6; Eks 21:12; Nu 35:31; Dhe 19:11-13
Revh. 24:19Eks 21:23, 24
Revh. 24:20Dhe 19:21; Mt 5:38
Revh. 24:21Eks 22:1
Revh. 24:21Ge 9:6; Eks 21:12
Revh. 24:22Eks 12:49; Re 17:10; 19:34; Nu 9:14; 15:16
Revh. 24:23Nu 15:33, 36; Dhe 17:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko 24:1-23

Revhitiko

24 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta akachena, akasvinwa mumaorivhi, ekuisa mumarambi kuti agare achibvira.+ 3 Kunze kweketeni reChipupuriro mutende rekusanganira, Aroni anofanira kuita kuti marambi agare achibvira kubva manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 4 Anofanira kuronga marambi acho pachigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa pamberi paJehovha nguva dzese.

5 “Unofanira kutora furawa yakatsetseka, wobika zvingwa 12 zveraundi.* Chingwa chimwe nechimwe chinofanira kubikwa nezvegumi zviviri zveefa.* 6 Uronge zvingwa zvacho zvakaturikidzana patafura yegoridhe pamberi paJehovha,+ zvitanhatu zvakaturikidzana pazvo zvega,+ zvimwe zvitanhatu zvakaturikidzana zvega. 7 Unofanira kutora zvinonhuhwirira zvichena wozviisa pamusoro pezvingwa zvacho zvakaturikidzana, uye zvinonhuhwirira izvi zvichapisirwa Jehovha nemoto zvichimiririra chingwa chabviswa semupiro.*+ 8 PaSabata rega rega, anofanira kugara achichironga pamberi paJehovha.+ Iyi isungano ichagara iripo kuvaIsraeri. 9 Chichava chaAroni nevanakomana vake,+ uye vachachidya munzvimbo tsvene,+ nekuti chinhu chitsvenetsvene kwaari chinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Uyu murau uchagara uripo.”

10 PavaIsraeri paiva nemumwe mwanakomana wemukadzi wechiIsraeri, baba vake vari vechiIjipiti,+ uye mwana wacho akatanga kurwa nemurume wechiIsraeri vari mumusasa. 11 Mwana wemukadzi wacho wechiIsraeri akatanga kumhura Zita* achirituka.+ Saka vakauya naye kuna Mozisi.+ Amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12 Vakamuisa* muusungwa kusvikira vava kuziva zvakanga zvasarudzwa+ naJehovha.

13 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 14 “Budisa uya amhura kunze kwemusasa, uye vanhu vese vamunzwa ngavaise maoko avo pamusoro wake, uye ungano yese inofanira kubva yamutema nematombo.+ 15 Uye unofanira kuudza vaIsraeri kuti, ‘Munhu wese anotuka Mwari wake, achazvidavirira chivi chake. 16 Saka munhu anomhura zita raJehovha anotofanira kuurayiwa.+ Ungano yese inotofanira kumutema nematombo. Mutorwa anofanira kuurayiwa sezvinongoitwa munhu wemunyika yacho kana amhura Zita.

17 “‘Kana munhu akauraya munhu,* iye anotofanira kuurayiwawo.+ 18 Munhu anorova chipfuwo ochiuraya,* anofanira kuchiripa, upenyu huchatsiva upenyu.* 19 Kana munhu akakuvadza mumwe wake, zvaanenge aita ndizvo zvaanofanira kuitirwawo.+ 20 Kutyoka kuchatsiviwa nekutyoka, ziso neziso, zino nezino, kukuvadza kwaanenge aita munhu ndiko kwaanofanira kuitwawo.+ 21 Munhu anorova mhuka oiuraya anofanira kuiripa,+ asi anorova munhu omuuraya anofanira kuurayiwawo.+

22 “‘Mutongo mumwe chete uchashanda kwamuri, kungava kumutorwa kana kumunhu wemunyika yenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

23 Mozisi akabva ataura nevaIsraeri, vakabudisa uya akanga atuka kunze kwemusasa, vakamutema nematombo.+ Saka vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe