RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 30
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • VaAmareki vanopamba Zikragi voipisa (1-6)

        • Dhavhidhi anowana simba kuna Mwari (6)

      • Dhavhidhi anokunda vaAmareki (7-31)

        • Dhavhidhi anodzosa vanhu vanga vatapwa (18, 19)

        • Mutemo waDhavhidhi pazvinhu zvinenge zvapambwa (23, 24)

1 Samueri 30:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuNegebhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:21, 31; 1Sa 27:5, 6
  • +Ge 36:12; Eks 17:14; 1Sa 15:2; 27:8

1 Samueri 30:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 27:3

1 Samueri 30:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 25:42, 43

1 Samueri 30:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 18:6; 31:1, 9; 34:19; 143:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2022, p. 2

1 Samueri 30:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:20; 1Mad 2:26
  • +1Sa 23:9

1 Samueri 30:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:21; Vat 20:28; 1Sa 23:2, 11; 28:6
  • +1Sa 30:18; Pis 34:19

1 Samueri 30:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 23:13; 27:2

1 Samueri 30:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:21

1 Samueri 30:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mweya wake wakadzokera maari.”

1 Samueri 30:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuNegebhu.”

  • *

    Kana kuti “nekuNegebhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:18; 1Mad 1:38; 1Mak 18:17; Eze 25:16; Zef 2:5
  • +Jos 14:13

1 Samueri 30:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 17:14

1 Samueri 30:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:3

1 Samueri 30:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:8; Pis 34:19

1 Samueri 30:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:10

1 Samueri 30:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:8

1 Samueri 30:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 30:10
  • +Nu 31:27; Jos 22:8; Pis 68:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2005, p. 24

1 Samueri 30:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chikomborero.”

1 Samueri 30:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yekumaodzanyemba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:4, 8
  • +Jos 15:20, 48; 21:8, 14

1 Samueri 30:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:20, 50; 21:8, 14

1 Samueri 30:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 27:10; 1Mak 2:9
  • +Vat 1:16; 1Sa 15:6

1 Samueri 30:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:3; Jos 19:1, 4; Vat 1:17

1 Samueri 30:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 14:13; 2Sa 2:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 30:1Jos 15:21, 31; 1Sa 27:5, 6
1 Sam. 30:1Ge 36:12; Eks 17:14; 1Sa 15:2; 27:8
1 Sam. 30:21Sa 27:3
1 Sam. 30:51Sa 25:42, 43
1 Sam. 30:6Pis 18:6; 31:1, 9; 34:19; 143:5
1 Sam. 30:71Sa 22:20; 1Mad 2:26
1 Sam. 30:71Sa 23:9
1 Sam. 30:8Nu 27:21; Vat 20:28; 1Sa 23:2, 11; 28:6
1 Sam. 30:81Sa 30:18; Pis 34:19
1 Sam. 30:91Sa 23:13; 27:2
1 Sam. 30:101Sa 30:21
1 Sam. 30:142Sa 8:18; 1Mad 1:38; 1Mak 18:17; Eze 25:16; Zef 2:5
1 Sam. 30:14Jos 14:13
1 Sam. 30:17Eks 17:14
1 Sam. 30:181Sa 30:3
1 Sam. 30:191Sa 30:8; Pis 34:19
1 Sam. 30:211Sa 30:10
1 Sam. 30:231Sa 30:8
1 Sam. 30:241Sa 30:10
1 Sam. 30:24Nu 31:27; Jos 22:8; Pis 68:12
1 Sam. 30:27Jos 19:4, 8
1 Sam. 30:27Jos 15:20, 48; 21:8, 14
1 Sam. 30:28Jos 15:20, 50; 21:8, 14
1 Sam. 30:291Sa 27:10; 1Mak 2:9
1 Sam. 30:29Vat 1:16; 1Sa 15:6
1 Sam. 30:30Nu 21:3; Jos 19:1, 4; Vat 1:17
1 Sam. 30:31Jos 14:13; 2Sa 2:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 30:1-31

Bhuku Rekutanga raSamueri

30 Dhavhidhi nevarume vake pavakasvika kuZikragi+ pazuva rechitatu, vaAmareki+ vakanga vapamba kumaodzanyemba* nemuZikragi, uye vakanga varwisa Zikragi, vakaipisa nemoto. 2 Vakanga vatapa vakadzi+ nevanhu vese vaiva mairi, kubvira kuvadiki kusvikira kuvakuru. Hapana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda. 3 Dhavhidhi nevarume vake pavakasvika kuguta racho, vakawana rapiswa nemoto, uye madzimai avo nevanakomana vavo nevanasikana vavo, vakanga vatapwa. 4 Saka Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakatanga kuchema vachiridza mhere kusvikira vasisina simba rekuchema. 5 Madzimai maviri aDhavhidhi akanga atapwawo, Ahinoamu wekuJezreeri naAbhigairi chirikadzi yakasiyiwa naNabhari wekuKameri.+ 6 Dhavhidhi akanetseka chaizvo, nekuti varume vake vaitaura kuti vaida kumutema nematombo, nekuti varume vese vakanga vagumbuka chaizvo nemhaka yekutorwa kwakanga kwaitwa vanakomana nevanasikana vavo. Asi Dhavhidhi akazvisimbisa naJehovha Mwari wake.+

7 Dhavhidhi akabva ati kumupristi Abhiyatari,+ mwanakomana waAhimereki: “Ndapota uya pano neefodhi.”*+ Saka Abhiyatari akaenda neefodhi yacho kuna Dhavhidhi. 8 Dhavhidhi akabvunza Jehovha+ kuti: “Nditevere boka iri revapambi here? Ndichavabata here?” Iye akabva ati kwaari: “Vatevere, nekuti chokwadi uchavabata, uye uchanunura vanhu.”+

9 Dhavhidhi akabva angosimuka nevarume 600+ vaaiva navo, uye vakaramba vachienda vakasvika kuRwizi* rweBhesori, vamwe varume vakasara ipapo. 10 Dhavhidhi akaramba achitevera nevarume 400, asi varume 200 avo vakanga vaneta zvekusagona kuyambuka Rwizi* rweBhesori vakasara.+

11 Vakawana mumwe murume wekuIjipiti musango uye vakaenda naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa zvekudya nemvura yekunwa, 12 nechimedu chekeke remaonde akaomeswa nemakeke maviri emazambiringa akaomeswa. Paakadya, akawanazve simba* nekuti akanga asina kudya chinhu kana kunwa mvura kwemazuva matatu neusiku hutatu. 13 Dhavhidhi akabva amubvunza kuti: “Uri muranda waani, uye unobvepi?” iye akati: “Ndiri muIjipiti, muranda wemumwe murume muAmareki, asi tenzi wangu akandisiya nekuti ndakarwara mazuva matatu apfuura. 14 Takapamba kumaodzanyemba* kwevaKereti,+ uye munyika yeJudha nekumaodzanyemba* kwaKarebhi,+ tikapisa Zikragi nemoto.” 15 Dhavhidhi akabva ati kwaari: “Uchanditungamirira kune boka iri revapambi here?” Iye akapindura kuti: “Kana mukapika naMwari kwandiri kuti hamuzondiurayi uye kuti hamuzondiisi mumaoko atenzi vangu, ndichakutungamirirai kuboka iri revapambi.”

16 Saka akamutungamirira kuenda kwavaiva, kwavainge vakapararira munzvimbo yacho yese vachidya nekunwa uye vachipemberera nemhaka yezvinhu zvakawanda zvavakanga vapamba munyika yevaFiristiya nenyika yeJudha. 17 Dhavhidhi akabva avauraya kubvira pakutsvuka kweutonga kusvikira manheru; hapana murume akapona+ kunze kwevarume 400 vakatiza vakatasva ngamera. 18 Dhavhidhi akadzosa zvese zvakanga zvatorwa nevaAmareki,+ uye Dhavhidhi akanunura madzimai ake maviri. 19 Hapana chavo chavakashaya, chingava chidiki kana chikuru. Vakanunura vanakomana nevanasikana vavo nezvinhu zvakanga zvapambwa.+ Dhavhidhi akadzosa zvinhu zvese zvavakanga vatora. 20 Saka Dhavhidhi akatora makwai ese nemombe, vakazvitinha zviri pamberi pezvipfuwo zvavo. Vakati: “Izvi ndizvo zvinhu zvapambwa naDhavhidhi.”

21 Dhavhidhi akabva asvika kuvarume vaya 200 vakanga vaneta vakatadza kuenda naDhavhidhi vachibva vasara paRwizi* rweBhesori,+ uye varume vacho vakabuda kuzosangana naDhavhidhi nevanhu vaaiva navo. Dhavhidhi paakasvika pedyo nevarume vacho, akavabvunza kuti vakanga vakadii. 22 Zvisinei, varume vese vakaipa nevarume vasingabatsiri pavarume vakanga vaenda naDhavhidhi vakati: “Havana kuenda nesu, saka hapana chatiri kuzovapa pazvinhu zvakanga zvapambwa zvatakanotora asi mumwe nemumwe ngaangotora mudzimai wake nevanakomana vake aende.” 23 Asi Dhavhidhi akati: “Hamufaniri kudaro nezvinhu zvatapiwa naJehovha hama dzangu. Atichengeta, akaisa boka revapambi rakauya kuzotirwisa muruoko rwedu.+ 24 Ndiani angabvumirana nemi pazvinhu zvakadaro? Mugove weakaenda kunorwa uchafanana neweuya akasara nenhumbi.+ Vese vachawana mugove wakaenzana.”+ 25 Uye kubvira pazuva iroro zvichienda mberi akaita kuti uve murau uye mutemo kuvaIsraeri kusvikira nhasi.

26 Dhavhidhi paakadzokera kuZikragi, akatumira vakuru veJudha vaiva shamwari dzake zvimwe zvinhu zvavainge vapamba, achiti: “Torai chipo* chenyu icho chabva pane zvakapambwa kuvavengi vaJehovha.” 27 Akachitumira kune vaya vaiva muBheteri,+ nevaya vaiva muRamoti yekuNegebhu,* nevaya vaiva muJatiri,+ 28 nevaya vaiva muAroeri, nevaya vaiva muSifmoti, nevaya vaiva muEshtemoa,+ 29 nevaya vaiva muRakari, nevaya vaiva mumaguta evaJerameeri,+ nevaya vaiva mumaguta evaKeni,+ 30 nevaya vaiva muHoma,+ nevaya vaiva muBhorashani, nevaya vaiva muAtaki, 31 nevaya vaiva muHebroni,+ nekunzvimbo dzese dzaigara dzichiendwa naDhavhidhi nevarume vake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe