RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 39
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Gogi nemauto ake vanoparadzwa (1-10)

      • Kuvigwa muBani raHamoni-Gogi (11-20)

      • Kudzoswa kwevaIsraeri (21-29)

        • Mweya waMwari unodururirwa pana Israeri (29)

Ezekieri 39:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:2
  • +Eze 27:13; 32:26

Ezekieri 39:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:4, 15

Ezekieri 39:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:21
  • +Zva 19:17, 18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 182

Ezekieri 39:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:33

Ezekieri 39:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:22

Ezekieri 39:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:16
  • +Isa 6:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2012, p. 21

Ezekieri 39:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “netsvimbo dzine muromo wakapinza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 46:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1989, p. 14

Ezekieri 39:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Bani Remapoka Makuru Evanhu vaGogi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:2
  • +Eze 39:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 182

Ezekieri 39:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 21:22, 23

Ezekieri 39:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:16

Ezekieri 39:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 39:11

Ezekieri 39:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti, “Mapoka Makuru Evanhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 39:12

Ezekieri 39:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 34:6-8; Jer 46:10; Zef 1:7
  • +Zva 19:17, 18

Ezekieri 39:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 38:4-6; Hag 2:22; Zva 19:17, 18

Ezekieri 39:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 7:4; 14:4; Isa 37:20; Eze 38:16; Mar 1:11

Ezekieri 39:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 7:21, 22
  • +Dhe 31:18; Isa 59:2
  • +Re 26:24, 25; Dhe 32:30; Pis 106:40, 41

Ezekieri 39:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 30:3; Eze 34:13
  • +Ho 1:11; Zek 1:16
  • +Eze 36:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 137

Ezekieri 39:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 9:16
  • +Re 26:5, 6

Ezekieri 39:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 30:10; Amo 9:14; Zef 3:20
  • +Isa 5:16; Eze 36:23

Ezekieri 39:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:4

Ezekieri 39:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:17; 54:8; Jer 29:14
  • +Isa 32:14, 15; Joe 2:28

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 39:1Eze 38:2
Ezek. 39:1Eze 27:13; 32:26
Ezek. 39:2Eze 38:4, 15
Ezek. 39:4Eze 38:21
Ezek. 39:4Zva 19:17, 18
Ezek. 39:5Jer 25:33
Ezek. 39:6Eze 38:22
Ezek. 39:7Eze 38:16
Ezek. 39:7Isa 6:3
Ezek. 39:9Pis 46:9
Ezek. 39:11Eze 38:2
Ezek. 39:11Eze 39:15
Ezek. 39:12Dhe 21:22, 23
Ezek. 39:13Eze 38:16
Ezek. 39:15Eze 39:11
Ezek. 39:16Eze 39:12
Ezek. 39:17Isa 34:6-8; Jer 46:10; Zef 1:7
Ezek. 39:17Zva 19:17, 18
Ezek. 39:20Eze 38:4-6; Hag 2:22; Zva 19:17, 18
Ezek. 39:21Eks 7:4; 14:4; Isa 37:20; Eze 38:16; Mar 1:11
Ezek. 39:232Mak 7:21, 22
Ezek. 39:23Dhe 31:18; Isa 59:2
Ezek. 39:23Re 26:24, 25; Dhe 32:30; Pis 106:40, 41
Ezek. 39:25Jer 30:3; Eze 34:13
Ezek. 39:25Ho 1:11; Zek 1:16
Ezek. 39:25Eze 36:21
Ezek. 39:26Dha 9:16
Ezek. 39:26Re 26:5, 6
Ezek. 39:27Jer 30:10; Amo 9:14; Zef 3:20
Ezek. 39:27Isa 5:16; Eze 36:23
Ezek. 39:28Dhe 30:4
Ezek. 39:29Isa 45:17; 54:8; Jer 29:14
Ezek. 39:29Isa 32:14, 15; Joe 2:28
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 39:1-29

Ezekieri

39 “Iwe mwanakomana wemunhu, profita pamusoro paGogi,+ umuudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe Gogi, jinda guru reMesheki neTubhari.+ 2 Ndichakutendeudza ndokutungamirira, ndoita kuti uuye uchibva kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe,+ ndokuendesa kumakomo eIsraeri. 3 Ndicharova uta huri muruoko rwako rweruboshwe hwodonhera pasi, uye ndichaita kuti miseve yawakabata neruoko rwako rwerudyi iwire pasi. 4 Uchafira mumakomo eIsraeri,+ iwe nemauto ako ese nemarudzi auchange uinawo. Ndichaita kuti uve chikafu cheshiri dzese dzinodya nyama uye chezvikara zvesango.”’+

5 “‘Uchafira musango,+ nekuti ini ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

6 “‘Ndichatuma moto kuna Magogi nekune vaya vagere zvakanaka muzvitsuwa,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha. 7 Ndichaita kuti zita rangu dzvene rizivikanwe nevanhu vangu vaIsraeri, uye handizoregizve richisvibiswa; uye marudzi achaziva kuti ndini Jehovha,+ iye Mutsvene muna Israeri.’+

8 “‘Zvichatouya uye zvichaitika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Iri ndiro zuva randakataura nezvaro. 9 Vagari vemumaguta eIsraeri vachaenda vobatidza moto vachishandisa zvombo zvinoti, nhoo diki* nenhoo huru, neuta nemiseve, netsvimbo dzehondo,* nemapfumo marefu. Uye vachazvibatidzisa moto+ kwemakore manomwe. 10 Havazotori huni kusango, kana kutsvaga huni mumasango nekuti vachabatidza moto vachishandisa zvombo zvacho.’

“‘Vachatora zvinhu zvevaya vaimbovatorera zvinhu, uye vachapamba zvinhu zvevaya vaivapamba,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

11 “‘Pazuva iroro ndichapa Gogi+ nzvimbo yemakuva muIsraeri imomo, mubani revaya vanofamba vachienda kumabvazuva kwegungwa, uye richavhara nzira inopfuura nevanhu. Imomo ndimo mavachaviga Gogi nemapoka makuru evanhu vake, uye vacharitumidza kuti Bani raHamoni-Gogi.*+ 12 Imba yaIsraeri ichaita mwedzi minomwe ichivaviga kuti ichenese nyika.+ 13 Vanhu vese vemunyika yacho vachava nebasa rekuvaviga, uye izvi zvichaita kuti vave nemukurumbira pazuva randichaita kuti ndikudzwe,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

14 “‘Pane varume vachasarudzwa kuti vagare vachitenderera nenyika yacho vachiviga zvitunha zvichasara panyika, kuti vachenese nyika yacho. Vacharamba vachitsvaga zvitunha zvacho kwemwedzi minomwe. 15 Kana vaya vanopfuura nemunyika yacho vakaona pfupa remunhu, vachaisa mucherechedzo pedyo naro. Vaya vanoita basa rekuviga zvitunha vachabva variviga muBani raHamoni-Gogi.+ 16 Uyewo imomo muchava neguta rinonzi Hamona.* Ivo vachachenesa nyika yacho.’+

17 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Udza shiri dzemarudzi ese nezvikara zvese zvesango kuti, “Unganai, muuye. Unganai pachibayiro changu chandiri kukubayirai, chibayiro chikuru mumakomo eIsraeri.+ Muchadya nyama uye muchanwa ropa.+ 18 Muchadya nyama yevane simba uye muchanwa ropa remachinda epanyika, izvo zvipfuwo zvese zvakakodzwa zvekuBhashani zvinoti makondohwe, makwayana, mbudzi uye mikono yemombe. 19 Muchadya mafuta kusvikira maguta pachibayiro chandichakugadzirirai uye muchanwa ropa kusvikira madhakwa.”’

20 “‘Muchadya vatyairi vengoro nemabhiza patafura yangu, uye muchadya vanhu vane simba nemhando dzese dzevarwi kusvikira maguta,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

21 “‘Ndichaita kuti marudzi aone ukuru hwangu, uye marudzi ese achaona kuti ndaita zvandakaatongera uye kuti ndaratidza simba rangu pakati pawo.+ 22 Kubva zuva iroro, vanhu veimba yaIsraeri vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo. 23 Marudzi achaziva kuti vanhu veimba yaIsraeri vakatapwa nemhaka yekutadza kwavo, nekuti vakanga vasina kutendeka kwandiri.+ Ndokusaka ndakavavanzira chiso changu,+ ndikavaisa mumaoko evavengi vavo,+ uye vese vakaurayiwa nebakatwa. 24 Ndakavaitira zvinoenderana nekusachena kwavo uye zvinoenderana nekutadza kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu.’

25 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichadzosa vanhu vaJakobho+ vakatapwa ndonzwira imba yese yaIsraeri tsitsi;+ uye ndichashingaira pakurwira zita rangu dzvene.+ 26 Kana kunyadziswa kwavo nemhaka yekusatendeka kwavo kwese kwavakandiitira kwapera,+ vachagara munyika yavo vakachengeteka, pasina anovatyisa.+ 27 Pandichavadzosa kubva kune mamwe marudzi, ndovaunganidza kubva kunyika dzevavengi vavo,+ ndichazvitsvenesawo pakati pavo, marudzi mazhinji akatarisa.’+

28 “‘Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, pandichaita kuti vatapwe nemamwe marudzi, ndobva ndavadzosa kunyika yavo, pasina wandinosiya.+ 29 Handizovavanziri chiso changu,+ nekuti ndichadurura mweya wangu paimba yaIsraeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe