RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Eriya anosangana naObhadhiya naAhabhi (1-18)

      • Eriya nevaprofita vaBhaari paKameri (19-40)

        • ‘Kuva nemwoyo miviri’ (21)

      • Mvura inonaya pashure pemakore matatu nehafu (41-46)

1 Madzimambo 18:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 4:25; Jak 5:17
  • +Pis 65:9, 10; Jer 14:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2008, p. 19

    4/1/1992, p. 17

1 Madzimambo 18:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:26; Dhe 28:24

1 Madzimambo 18:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2006, p. 20

1 Madzimambo 18:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2006, p. 20

1 Madzimambo 18:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nekuhova dzese.”

1 Madzimambo 18:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 1:8

1 Madzimambo 18:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 17:2, 3

1 Madzimambo 18:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 2:15, 16; Mt 4:1; Mab 8:39

1 Madzimambo 18:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:4

1 Madzimambo 18:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”

1 Madzimambo 18:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:4; 1Mad 9:9; 16:30-33

1 Madzimambo 18:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:26, 31
  • +1Mad 16:33

1 Madzimambo 18:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muchikamhina.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:11; Ho 10:2; Mt 12:30; 1VaK 10:21; 2VaK 6:14, 15
  • +Eks 20:5; Jos 24:15; 1Sa 7:3; Pis 100:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 46

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    3/2017, pp. 14-15

    Tevedzera, pp. 86-87

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, p. 19

    12/15/2005, pp. 24-29

    7/1/2005, pp. 30-31

    1/1/1998, p. 30

1 Madzimambo 18:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:9, 10

1 Madzimambo 18:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 87

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, p. 20

1 Madzimambo 18:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 6:31
  • +Re 9:23, 24; Dhe 4:24; Vat 6:21; 1Mak 21:26; 2Mak 7:1

1 Madzimambo 18:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:20; Jer 10:5; Dha 5:23; Ha 2:18, 19; 1VaK 8:4

1 Madzimambo 18:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “ari parwendo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 41:23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 88

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, p. 20

1 Madzimambo 18:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1998, p. 30

1 Madzimambo 18:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vachiita sevaprofita.”

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:19, 20

1 Madzimambo 18:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 88-90

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, p. 20

    12/15/2005, p. 26

1 Madzimambo 18:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:28, 30; 35:10; Isa 48:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 88-90

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, p. 20

1 Madzimambo 18:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:25; Dhe 27:6

1 Madzimambo 18:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:9; Re 1:7, 8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1998, pp. 30-31

1 Madzimambo 18:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 29:41
  • +Ge 26:24
  • +Ge 28:13
  • +Nu 16:28; Joh 11:42

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 90

    Nharireyomurindi,

    10/1/2010, pp. 4-5

    1/1/2008, p. 20

1 Madzimambo 18:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:18; Eze 33:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 90

    Nharireyomurindi,

    10/1/2010, pp. 4-5

    1/1/2008, p. 20

1 Madzimambo 18:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 9:23, 24; Vat 6:21; 2Mak 7:1
  • +1Mad 18:23, 24

1 Madzimambo 18:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 5:20, 21; Pis 83:9
  • +Dhe 13:1-5; 18:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 90-91

    Nharireyomurindi,

    1/1/2008, pp. 20-21

1 Madzimambo 18:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 17:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 93, 94-95

    Nharireyomurindi,

    4/1/2008, pp. 17-18

1 Madzimambo 18:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jak 5:17, 18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 93-94

    Nharireyomurindi,

    4/1/2008, pp. 17-18

1 Madzimambo 18:43

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 94-95

    Nharireyomurindi,

    4/1/2008, pp. 18-19

1 Madzimambo 18:44

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 95-97

    Nharireyomurindi,

    1/1/2009, pp. 15-16

    4/1/2008, pp. 18-20

1 Madzimambo 18:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 12:18; Job 38:37
  • +Jos 19:17, 18; 1Mad 21:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 97

    Nharireyomurindi,

    4/1/2008, p. 20

1 Madzimambo 18:46

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, pp. 98-99

    Nharireyomurindi,

    7/1/2011, p. 18

    4/1/2008, p. 20

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 18:1Ru 4:25; Jak 5:17
1 Madz. 18:1Pis 65:9, 10; Jer 14:22
1 Madz. 18:2Re 26:26; Dhe 28:24
1 Madz. 18:41Mad 16:31
1 Madz. 18:72Mad 1:8
1 Madz. 18:101Mad 17:2, 3
1 Madz. 18:122Mad 2:15, 16; Mt 4:1; Mab 8:39
1 Madz. 18:131Mad 18:4
1 Madz. 18:18Eks 20:4; 1Mad 9:9; 16:30-33
1 Madz. 18:19Jos 19:26, 31
1 Madz. 18:191Mad 16:33
1 Madz. 18:21Jer 2:11; Ho 10:2; Mt 12:30; 1VaK 10:21; 2VaK 6:14, 15
1 Madz. 18:21Eks 20:5; Jos 24:15; 1Sa 7:3; Pis 100:3
1 Madz. 18:221Mad 19:9, 10
1 Madz. 18:24Vat 6:31
1 Madz. 18:24Re 9:23, 24; Dhe 4:24; Vat 6:21; 1Mak 21:26; 2Mak 7:1
1 Madz. 18:26Isa 45:20; Jer 10:5; Dha 5:23; Ha 2:18, 19; 1VaK 8:4
1 Madz. 18:27Isa 41:23
1 Madz. 18:29Isa 44:19, 20
1 Madz. 18:301Mad 19:14
1 Madz. 18:31Ge 32:28, 30; 35:10; Isa 48:1
1 Madz. 18:32Eks 20:25; Dhe 27:6
1 Madz. 18:33Ge 22:9; Re 1:7, 8
1 Madz. 18:36Eks 29:41
1 Madz. 18:36Ge 26:24
1 Madz. 18:36Ge 28:13
1 Madz. 18:36Nu 16:28; Joh 11:42
1 Madz. 18:37Jer 31:18; Eze 33:11
1 Madz. 18:38Re 9:23, 24; Vat 6:21; 2Mak 7:1
1 Madz. 18:381Mad 18:23, 24
1 Madz. 18:40Vat 5:20, 21; Pis 83:9
1 Madz. 18:40Dhe 13:1-5; 18:20
1 Madz. 18:411Mad 17:1
1 Madz. 18:42Jak 5:17, 18
1 Madz. 18:451Sa 12:18; Job 38:37
1 Madz. 18:45Jos 19:17, 18; 1Mad 21:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 18:1-46

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

18 Nekufamba kwenguva, mugore rechitatu,+ shoko raJehovha rakauya kuna Eriya, richiti: “Enda kuna Ahabhi, uye ndichanayisa mvura panyika.”+ 2 Saka Eriya akaenda kuna Ahabhi, nzara payakanga yanyanya+ muSamariya.

3 Munguva iyi, Ahabhi akashevedza Obhadhiya, uyo aitungamirira muzinda. (Obhadhiya aitya Jehovha zvikuru, 4 uye Jezebheri+ paaiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhiya akatora vaprofita 100 akavahwandisa, achivaisa vari 50 mubako rimwe chete, uye akavapa chingwa nemvura.) 5 Ahabhi akabva ati kuna Obhadhiya: “Famba munyika, uende kuzvitubu zvese zvemvura nekumapani ese.* Zvimwe tingawana uswa hwakakwana kuti mabhiza nemanyurusi zvirambe zviri zvipenyu, mhuka dzedu dzorega kufa dzese.” 6 Saka vakakamurirana nyika yekuti vafambe mairi. Ahabhi akaenda ega neimwe nzira, Obhadhiya akaenda ega neimwe nzira.

7 Obhadhiya paaienda, Eriya akabuda kuti asangane naye. Akabva angomuziva, akapfugama, akadzikisa musoro wake akati: “Ndimi here, ishe wangu Eriya?”+ 8 Iye akamupindura kuti: “Ndini. Enda unoti kunashe wako: ‘Eriya ari kuno.’” 9 Asi iye akati: “Ndakatadzei kuti muise muranda wenyu mumaoko aAhabhi kuti andiuraye? 10 NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna nyika kana umambo husina kutumirwa shoko naishe wangu achikutsvagai. Pavaiti, ‘Haako kuno,’ aiita kuti veumambo hwacho nenyika yacho vapike kuti vakakushayai.+ 11 Zvino mava kuti, ‘Enda unoti kunashe wako: “Eriya ari kuno.”’ 12 Pandichabva pamuri, mweya waJehovha uchakuendesai+ kunzvimbo yandisingazozivi, uye pandichaudza Ahabhi, obva akushayai, anondiuraya chete. Asi ini muranda wenyu ndagara ndichitya Jehovha kubvira ndichiri mudiki. 13 Ishe wangu haana kuudzwa here zvandakaita paiurayiwa vaprofita vaJehovha naJezebheri, kuti ndakahwandisa vaprofita vaJehovha 100, ndichivaisa vari 50 mubako rimwe chete, ndikaramba ndichivapa chingwa nemvura?+ 14 Zvino imi mava kuti, ‘Enda unoti kunashe wako: “Eriya ari kuno.”’ Anotondiuraya chete.” 15 Zvisinei, Eriya akati: “NaJehovha wemauto mupenyu wandinoshumira,* nhasi ndichaonana naye.”

16 Saka Obhadhiya akaenda kunosangana naAhabhi, akamuudza, uye Ahabhi akaenda kunosangana naEriya.

17 Ahabhi paakangoona Eriya, akabva ati kwaari: “Ndiwe here, iwe munhu ari kuunzira Israeri dambudziko?”

18 Iye akabva ati: “Handina kuunzira Israeri dambudziko, asi imi neimba yababa venyu ndimi makariunza pamakasiya mirayiro yaJehovha, uye pamakatevera vanaBhaari.+ 19 Iye zvino shevedzai vaIsraeri vese vauye kwandiri paGomo reKameri,+ pamwe chete nevaprofita vaBhaari 450 nevaprofita 400 vebango rinoyera,*+ vanodyira patafura yaJezebheri.” 20 Saka Ahabhi akatumira shoko kuvaIsraeri vese, akaunganidza vaprofita vacho paGomo reKameri.

21 Eriya akabva aenda pedyo nevanhu vese akati: “Mucharamba muine mwoyo miviri* kusvikira riini?+ Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei;+ asi kana ari Bhaari, muteverei!” Asi vanhu havana kana shoko ravakamupindura. 22 Eriya akabva ati kuvanhu vacho: “Ndini ndega muprofita waJehovha asara,+ asi pane varume 450, vaprofita vaBhaari. 23 Ngavatipe mikono midiki yemombe miviri, uye regai vasarudze mukono mumwe chete mudiki, vaucheke-cheke, vouisa pamusoro pehuni, asi ngavarege kuisa moto pauri. Ini ndichagadzira mumwe mukono wacho, uye ndichauisa pamusoro pehuni, asi handizoisi moto pauri. 24 Munofanira kubva mashevedza zita ramwari wenyu,+ uye ini ndichashevedza zita raJehovha. Mwari achapindura nemoto acharatidza kuti ndiye Mwari wechokwadi.”+ Vanhu vese vakabva vapindura vachiti: “Zvawataura zvakanaka.”

25 Eriya akabva ati kuvaprofita vaBhaari: “Sarudzai mukono mudiki mumwe chete wemombe, mutange imi kuugadzira, nekuti ndimi makawanda. Mubve mashevedza zita ramwari wenyu, asi hamufaniri kuisa moto pauri.” 26 Saka vakatora mukono wacho wavakanga vapiwa, vakaugadzira, uye vakaramba vachishevedza zita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati, vachiti: “Haiwa Bhaari, tipindurei!” Asi kwakanga kusina inzwi uye hapana aipindura.+ Vakaramba vachisvetuka-svetuka vachipoterera atari yavakanga vagadzira. 27 Kwava kumasikati, Eriya akatanga kuvaseka achiti: “Shevedzerai kusvika panoperera manzwi enyu! Handiti iye ndimwari!+ Pamwe pane zvaari kufunga zvakadzama kana kuti aenda kunozvibatsira.* Kana kuti zvimwe akarara uye mumwe munhu anofanira kumumutsa!” 28 Vaishevedzera nemanzwi ari pamusorosoro, vachizvicheka nemapanga nemapfumo maererano netsika yavo kusvikira vava kuyerera ropa pese pese. 29 Masikati akapfuura, uye vakaramba vachipengereka* kusvikira panguva inopiwa mupiro wezviyo* wemanheru, asi kwakanga kusina inzwi uye hapana aipindura; hapana aiteerera.+

30 Eriya akazoti kuvanhu vese: “Uyai kuno.” Saka vanhu vese vakaenda kwaari. Akabva agadziridza atari yaJehovha yakanga yaputswa.+ 31 Eriya akabva atora matombo 12 aienderana nekuwanda kwemadzinza evanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti: “Uchanzi Israeri.”+ 32 Akavaka atari muzita raJehovha achishandisa matombo+ acho. Akabva agadzira mugero achipoterera atari, nzvimbo yakakura zvekuti inokwana kudyara maseya* maviri embeu. 33 Pashure paizvozvo akaronga huni, akacheka-cheka mukono wacho wemombe mudiki, akauisa pamusoro pehuni.+ Akabva ati: “Zadzai zvirongo zvihombe zvina nemvura muidururire pachibayiro chinopiswa nepahuni.” 34 Akabva ati: “Dzokorodzai zvamaita.” Saka vakaitazve saizvozvo. Akatizve: “Itai saizvozvo kechitatu.” Saka vakaita saizvozvo kechitatu. 35 Mvura yacho yakayerera mumativi ese eatari, uye akazadzawo mugero wacho nemvura.

36 Panenge panguva inopiwa mupiro wezviyo wemanheru,+ muprofita Eriya akaenda pedyo neatari ndokuti: “Haiwa Jehovha, Mwari waAbrahamu,+ Isaka,+ naIsraeri, nhasi ngazvizivikanwe kuti muri Mwari muna Israeri, uye kuti ndiri mushumiri wenyu uye kuti ndaita zvinhu zvese izvi maererano neshoko renyu.+ 37 Ndipindurei, haiwa Jehovha! Ndipindurei, kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi uye kuti muri kudzosa mwoyo yavo kwamuri.”+

38 Moto waJehovha wakabva waburuka uchibva kumusoro, ukapisa chibayiro chinopiswa,+ nehuni, nematombo, neguruva, uye wakananzva mvura yaiva mumugero.+ 39 Vanhu vese pavakazviona, vakabva vawira pasi vakati: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!” 40 Eriya akabva ati kwavari: “Batai vaprofita vaBhaari! Musarega kana mumwe chete wavo achitiza!” Vakabva vavabata, uye Eriya akadzika navo kurukova rwaKishoni,+ akavaurayira ikoko.+

41 Eriya akabva ati kuna Ahabhi: “Kwidzai muende, munodya nekunwa, nekuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”+ 42 Saka Ahabhi akaenda kuti anodya nekunwa, asi Eriya akakwira pamusoro peKameri, akachonjomara pasi, akaramba akaisa chiso chake pakati pemabvi ake.+ 43 Akabva ati kumushandi wake: “Ndapota kwidza unotarisa kudivi rekugungwa.” Saka akaenda akatarisa, akati: “Hakuna kana chiriko.” Eriya akamuudza kanomwe kuti, “Dzokera.” 44 Paakadzoka kechinomwe mushandi wake akati: “Kune gore diki rakaita seruoko rwemunhu riri kukwira richibva mugungwa.” Akabva ati: “Enda unoti kuna Ahabhi, ‘Sungai ngoro! Endai kuti murege kuvharirwa nemvura zhinji!’” 45 Munguva iyi, denga rakasviba nemakore, kukaita mhepo, mvura zhinji ikanaya;+ uye Ahabhi akaramba ari mungoro, akaenda kuJezreeri.+ 46 Asi ruoko rwaJehovha rwakauya pana Eriya, akamonera nguo yake muchiuno, akamhanya ari mberi kwaAhabhi kusvika kuJezreeri.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe