RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Sara anonunurwa kubva kuna Abhimereki (1-18)

Genesisi 20:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “achigara semutorwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:18
  • +Nu 13:26
  • +Ge 25:17, 18
  • +Ge 10:19; 26:6

Genesisi 20:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:11-13; 20:11, 12
  • +Ge 12:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2015, p. 12

Genesisi 20:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:17; Pis 105:14
  • +Dhe 22:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1995, p. 12

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 20:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti akanga asina kurara naye.

  • *

    Kana kuti “rwakarurama.”

Genesisi 20:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemwoyo wakatendeseka uye nemaoko asina mhosva.”

Genesisi 20:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:14, 15
  • +Job 42:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 20:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:18, 19; 26:9, 10

Genesisi 20:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:11, 12; 26:7

Genesisi 20:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 11:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2017, p. 12

    Kukurukurirana, pp. 147-148

Genesisi 20:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “une rudo rusingachinji.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:1
  • +Ge 12:13

Genesisi 20:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Iyo chinhu chekufukidzisa maziso ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 20:2, 12

Genesisi 20:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akanga avhara zvachose zvibereko zvese zvevakadzi veimba yaAbhimereki.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:17

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 20:1Ge 13:18
Gen. 20:1Nu 13:26
Gen. 20:1Ge 25:17, 18
Gen. 20:1Ge 10:19; 26:6
Gen. 20:2Ge 12:11-13; 20:11, 12
Gen. 20:2Ge 12:15
Gen. 20:3Ge 12:17; Pis 105:14
Gen. 20:3Dhe 22:22
Gen. 20:7Pis 105:14, 15
Gen. 20:7Job 42:8
Gen. 20:10Ge 12:18, 19; 26:9, 10
Gen. 20:11Ge 12:11, 12; 26:7
Gen. 20:12Ge 11:29
Gen. 20:13Ge 12:1
Gen. 20:13Ge 12:13
Gen. 20:16Ge 20:2, 12
Gen. 20:18Ge 12:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 20:1-18

Genesisi

20 Abrahamu akabva atamisa musasa wake kubva ipapo,+ akaenda kunyika yeNegebhu, akatanga kugara pakati peKadheshi+ neShuri.+ Paakanga achigara* muGerari,+ 2 Abrahamu akatizve nezvaSara mudzimai wake: “Ihanzvadzi yangu.”+ Saka Abhimereki mambo weGerari akatumira shoko kuti aunzirwe Sara, akabva amutora.+ 3 Mwari akazouya kuna Abhimereki kuhope usiku akati kwaari: “Wangofanana nemunhu akafa nemhaka yemukadzi wawatora,+ nekuti akaroorwa, mukadzi wemunhu.”+ 4 Asi Abhimereki akanga asina kuswedera pedyo naye.* Saka akati: “Jehovha, mungauraya rudzi rusina mhosva* here? 5 Handiti ndiye akati kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu,’ naiyewo mukadzi wacho akati, ‘Ihanzvadzi yangu’? Izvi ndakazviita ndisina pfungwa yekuita zvakaipa uye handina kumboziva kuti ndiri kukanganisa.”* 6 Mwari wechokwadi akabva ati kwaari kuhope: “Ndinoziva kuti wakazviita usina pfungwa yekuita zvakaipa, saka ndakakudzivisa kuti urege kunditadzira. Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata. 7 Iye zvino chimudzorera mudzimai wake nekuti murume wacho muprofita,+ uye achakunyengeterera+ uye iwe ucharamba uchirarama. Asi kana ukasamudzorera, ziva kuti zvechokwadi uchafa, pamwe nevanhu vako vese.”

8 Abhimereki akafumomuka, akashevedza vashandi vake vese, akavaudza zvese izvi, uye vakatya zvikuru. 9 Abhimereki akabva ashevedza Abrahamu akati kwaari: “Chiiko chawakatiitira ichi? Ndakakutadzirei zvekuti ungaunza chivi chikuru kudaro pandiri nepaumambo hwangu? Zvawakandiitira hazvina kunaka.” 10 Abhimereki akaenderera mberi achiti kuna Abrahamu: “Wakazviitireiko?”+ 11 Abrahamu akati: “Ndakazviita nekuti ndakafunga kuti, ‘Chokwadi munzvimbo ino hamuna vanhu vanotya Mwari, saka vachandiuraya kuti vatore mudzimai wangu.’+ 12 Asi pasinei naizvozvo, iye ihanzvadzi yangu zvechokwadi, mwanasikana wababa vangu, asi vanaamai vedu vakasiyana, uye akazova mudzimai wangu.+ 13 Saka Mwari paakaita kuti ndifambe nenyika ndichibva muimba yababa vangu,+ ndakaudza mudzimai wangu kuti: ‘Aya ndiwo maratidziro auchaita kuti unonyatsondida:* Kwese kwatichaenda, iti nezvangu, “Ihanzvadzi yangu.”’”+

14 Abhimereki akabva atora makwai nemombe uye vashandirume nevashandikadzi akazvipa Abrahamu, uye akamudzorera mudzimai wake Sara. 15 Abhimereki akatiwo: “Unogona hako kugara munyika yangu. Gara chero paunoda.” 16 Uye kuna Sara akati: “Ona ndiri kupa hanzvadzi yako+ masirivha 1 000. Ichi chiratidzo chekuti hauna mhosva* kuvanhu vese vauinavo uye pamberi pevamwe vese, uye hapana achakushora.” 17 Abrahamu akateterera Mwari wechokwadi, uye Mwari akaporesa Abhimereki nemudzimai wake nevarandasikana vake, vakatanga kubereka vana; 18 nekuti Jehovha akanga aita kuti vakadzi vese veimba yaAbhimereki vasabata pamuviri* nemhaka yaSara, mudzimai waAbrahamu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe