Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi rwaakaimba pakaenda vaZifi kuna Sauro vakamuudza kuti: “Dhavhidhi akahwanda pakati pedu.”+
54 Haiwa Mwari, ndiponesei nezita renyu,+
Uye ndidzivirirei+ nesimba renyu.
2 Inzwaiwo munyengetero wangu Mwari;+
Teererai mashoko emuromo wangu.
3 Nekuti vatorwa vari kundipandukira,
Uye varume vane utsinye vari kutsvaga upenyu hwangu.+
Havatombofungi nezvaMwari.+ (Sera)
4 Onai! Mwari ndiye mubatsiri wangu;+
Jehovha ane vaya vari kunditsigira.
5 Achatsiva vavengi vangu+ nezvakaipa zvavo;
Vaparadzei mukutendeka kwenyu.+
6 Ndichakupai chibayiro+ nechido.
Ndicharumbidza zita renyu, haiwa Jehovha, nekuti rakanaka.+
7 Nekuti anondiponesa mukutambudzika kwese,+
Uye ndichatarisa vavengi vangu ndavakunda.+