Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Inzwai kuteterera kwangu pandinochemera kubatsirwa nemi
Ndichisimudzira maoko angu kuimba yemukati yenzvimbo yenyu tsvene.+
3 Musandizvuzvurudza pamwe chete nevakaipa, vanoita zvinhu zvisina kunaka,+
Vaya vari kutaura zvinhu zverugare nevamwe vavo asi mumwoyo mavo muine zvinhu zvakaipa.+
Vatsivei mabasa emaoko avo,
Maererano nezvavakaita,+
5 Nekuti havaise pfungwa dzavo pamabasa aJehovha,+
Kana pabasa remaoko ake.+
Iye achavaputsa uye haazovavaki.
6 Jehovha ngaarumbidzwe,
Nekuti anzwa kuchema kwangu ndichida rubatsiro.
Ndakawana rubatsiro rwake, uye mwoyo wangu uri kufara,
Saka ndichamurumbidza nerwiyo rwangu.
9 Ponesai vanhu venyu, mukomborere nhaka yenyu.+
Vafudzei, muvatakure mumaoko enyu nekusingaperi.+