RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • Dhavhidhi haasi iye achavaka temberi (1-6)

      • Sungano yeumambo naDhavhidhi (7-15)

      • Munyengetero waDhavhidhi achitenda (16-27)

1 Makoronike 17:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 1:8; 1Mak 29:29
  • +1Mak 14:1
  • +2Sa 7:1-3; 1Mak 15:1; 2Mak 1:4

1 Makoronike 17:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:4-7; 1Mad 8:17-19; 1Mak 22:7, 8

1 Makoronike 17:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvichida pari kureva kuti “kubva panzvimbo yakadzikwa tende kuenda pane imwe uye kubva panzvimbo yekugara kuenda pane imwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:2; Nu 4:24, 25; 2Sa 6:17; Pis 78:60

1 Makoronike 17:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 16:11, 12; 17:15; 25:30; 2Sa 7:8-11; Pis 78:70, 71

1 Makoronike 17:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichadimbura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:14; 2Sa 8:6
  • +1Sa 25:29; 26:10; Pis 89:20, 22
  • +1Sa 18:30

1 Makoronike 17:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “havazovanetesizve.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 2:23

1 Makoronike 17:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “achakupa dzinza remadzimambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:16
  • +Pis 18:40

1 Makoronike 17:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 8:20; Pis 132:11
  • +2Sa 7:12-17; 1Mad 9:5; 1Mak 28:5; Jer 23:5

1 Makoronike 17:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 5:5; 1Mak 22:10
  • +Pis 89:3, 4; Isa 9:7; Dha 2:44

1 Makoronike 17:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:14; Ru 9:35; VaH 1:5
  • +Isa 55:3
  • +1Sa 15:24, 28; 1Mak 10:13, 14

1 Makoronike 17:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 2:44; Joh 1:49; 2Pe 1:11
  • +Pis 89:36; Jer 33:20, 21; Ru 1:32, 33; VaH 1:8; Zva 3:21

1 Makoronike 17:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:8, 18-20

1 Makoronike 17:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “semunhu ane chinzvimbo chepamusoro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 22:42; Mab 13:34; Zva 22:16

1 Makoronike 17:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 139:1

1 Makoronike 17:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndizvo zvamunoda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:21-24

1 Makoronike 17:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:11
  • +Isa 43:10

1 Makoronike 17:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:7; Pis 147:20
  • +Eks 19:5; Pis 77:15
  • +Dhe 4:34; Ne 9:10; Isa 63:12; Eze 20:9
  • +Dhe 7:1; Jos 10:42; 21:44

1 Makoronike 17:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 12:22
  • +Ge 17:7; Dhe 7:6, 9

1 Makoronike 17:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:25-29

1 Makoronike 17:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ngarive rakatendeka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 6:33; Pis 72:19; Mt 6:9; Joh 12:28
  • +Pis 89:35, 36

1 Makoronike 17:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chekumupa dzinza remadzimambo.”

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 17:11Mad 1:8; 1Mak 29:29
1 Mak. 17:11Mak 14:1
1 Mak. 17:12Sa 7:1-3; 1Mak 15:1; 2Mak 1:4
1 Mak. 17:42Sa 7:4-7; 1Mad 8:17-19; 1Mak 22:7, 8
1 Mak. 17:5Eks 40:2; Nu 4:24, 25; 2Sa 6:17; Pis 78:60
1 Mak. 17:71Sa 16:11, 12; 17:15; 25:30; 2Sa 7:8-11; Pis 78:70, 71
1 Mak. 17:81Sa 18:14; 2Sa 8:6
1 Mak. 17:81Sa 25:29; 26:10; Pis 89:20, 22
1 Mak. 17:81Sa 18:30
1 Mak. 17:9Eks 2:23
1 Mak. 17:10Vat 2:16
1 Mak. 17:10Pis 18:40
1 Mak. 17:111Mad 8:20; Pis 132:11
1 Mak. 17:112Sa 7:12-17; 1Mad 9:5; 1Mak 28:5; Jer 23:5
1 Mak. 17:121Mad 5:5; 1Mak 22:10
1 Mak. 17:12Pis 89:3, 4; Isa 9:7; Dha 2:44
1 Mak. 17:132Sa 7:14; Ru 9:35; VaH 1:5
1 Mak. 17:13Isa 55:3
1 Mak. 17:131Sa 15:24, 28; 1Mak 10:13, 14
1 Mak. 17:14Dha 2:44; Joh 1:49; 2Pe 1:11
1 Mak. 17:14Pis 89:36; Jer 33:20, 21; Ru 1:32, 33; VaH 1:8; Zva 3:21
1 Mak. 17:162Sa 7:8, 18-20
1 Mak. 17:17Mt 22:42; Mab 13:34; Zva 22:16
1 Mak. 17:18Pis 139:1
1 Mak. 17:192Sa 7:21-24
1 Mak. 17:20Eks 15:11
1 Mak. 17:20Isa 43:10
1 Mak. 17:21Dhe 4:7; Pis 147:20
1 Mak. 17:21Eks 19:5; Pis 77:15
1 Mak. 17:21Dhe 4:34; Ne 9:10; Isa 63:12; Eze 20:9
1 Mak. 17:21Dhe 7:1; Jos 10:42; 21:44
1 Mak. 17:221Sa 12:22
1 Mak. 17:22Ge 17:7; Dhe 7:6, 9
1 Mak. 17:232Sa 7:25-29
1 Mak. 17:242Mak 6:33; Pis 72:19; Mt 6:9; Joh 12:28
1 Mak. 17:24Pis 89:35, 36
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 17:1-27

Bhuku Rekutanga reMakoronike

17 Dhavhidhi paakanga angogadzikana muimba yake,* akati kumuprofita Natani:+ “Onai ndiri kugara muimba yemiti yemisidhari,+ asi areka yesungano yaJehovha iri mumachira etende.”+ 2 Natani akapindura Dhavhidhi achiti: “Itai chero zviri mumwoyo menyu, nekuti Mwari wechokwadi anemi.”

3 Usiku ihwohwo chaihwo shoko raMwari rakauya kuna Natani, richiti: 4 “Enda unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Hausi iwe uchandivakira imba yekuti ndigare.+ 5 Nekuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vaIsraeri kusvikira nhasi, asi ndaigara ndichibva mune rimwe tende ndichienda mune rimwe tende uye ndichibva mune imwe tebhenekeri ndichienda mune imwe.*+ 6 Nguva yese yandakafamba nevaIsraeri vese, pane here shoko randakambotaura kune mumwe wevatongi veIsraeri wandakagadza kuti afudze vanhu vangu, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemiti yemisidhari?’”’

7 “Saka udza mushumiri wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndakakutora kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+ 8 Ndichava newe kwese kwaunoenda,+ uye ndichaparadza* vavengi vako vese pamberi pako;+ uye ndichaita kuti uve nezita rakafanana nerevarume vanokudzwa panyika.+ 9 Ndichasarudzira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo ndoita kuti vagare mairi, vachagara imomo uye havazonetswi zvakare; varume vakaipa havazovatambudzizve* sezvavaimboita kare,+ 10 kubvira pazuva randakagadza vatongi pavanhu vangu vaIsraeri.+ Uye ndichakunda vavengi vako vese.+ Uyewo ndinokuudza kuti, ‘Jehovha achakuvakira imba.’*

11 “‘“Pauchafa woenda kune madzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mumwe wevanakomana vako, ave mambo pashure pako,+ uye ndichasimbisa umambo hwake.+ 12 Ndiye achandivakira imba,+ uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.+ 13 Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu.+ Handizobvisi rudo rwangu rusingachinji paari+ semabvisiro andakaruita pane uya akakutangira.+ 14 Ndichaita kuti arambe ari mumba mangu nemuumambo hwangu nekusingaperi,+ uye chigaro chake cheumambo chichagara nekusingaperi.”’”+

15 Natani akaudza Dhavhidhi mashoko aya ese nezvinhu zvese izvi zvaakaratidzwa.

16 Mambo Dhavhidhi akabva apinda akagara pasi pamberi paJehovha, akati: “Nhai Jehovha Mwari, ndini aniwo zvangu? Uye imba yangu chii zvamandiitira zvese izvi?+ 17 Kuwedzera pane izvozvo, haiwa Mwari, muri kutaurawo kuti imba yemushumiri wenyu ichagara kwenguva refu,+ uye mandiona semunhu anofanira kuwedzera kukwidziridzwa,* haiwa Jehovha Mwari. 18 Chii chimwe chingataurwa nemushumiri wenyu Dhavhidhi kwamuri nezverukudzo rwandapiwa, imi muchinyatsoziva mushumiri wenyu kudaro?+ 19 Haiwa Jehovha, maita zvinhu zvikuru zvese izvi muchiratidza ukuru hwenyu nekuti ndizvo zvinodiwa nemwoyo wenyu* uye mazviitira mushumiri wenyu.+ 20 Haiwa Jehovha, hakuna mumwe akaita semi,+ uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu;+ zvinhu zvese zvatakanzwa nenzeve dzedu zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. 21 Nderupi rumwe rudzi panyika rwakaita sevanhu venyu vaIsraeri?+ Mwari wechokwadi akaenda akanovadzikinura kuti vave vanhu vake.+ Makaita kuti zita renyu rive nemukurumbira pamakaita zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa,+ muchidzinga marudzi pamberi pevanhu venyu+ vamakadzikinura muIjipiti. 22 Makaita kuti vanhu venyu vaIsraeri varambe vari vanhu venyu;+ uye imi, haiwa Jehovha, makava Mwari wavo.+ 23 Zvino, imi Jehovha, itai kuti vimbiso yamaita pamusoro pemushumiri wenyu neimba yake irambe iri yechokwadi, uye itai sezvamavimbisa.+ 24 Zita renyu ngarirambe riripo* uye ngarikudzwe+ nekusingaperi, kuti vanhu vataure kuti, ‘Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ndiMwari waIsraeri,’ uye imba yemushumiri wenyu Dhavhidhi ngaisimbiswe pamberi penyu.+ 25 Nekuti imi, Mwari wangu, mazivisa mushumiri wenyu chinangwa chenyu chekumuvakira imba.* Ndokusaka mushumiri wenyu aita ushingi hwekunyengetera kwamuri seizvi. 26 Imi Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi, uye mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka pamusoro pemushumiri wenyu. 27 Saka farirai kukomborera imba yemushumiri wenyu, uye ngairambe iri pamberi penyu nekusingaperi, nekuti haiwa Jehovha, makomborera, uye yakomborerwa nekusingaperi.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe