RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nehemiya 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raNehemiya

      • Nehemiya anoenderera mberi nekugadzirisa zvinhu (1-31)

        • Chegumi chinofanira kupiwa (10-13)

        • Sabata harifaniri kusvibiswa (15-22)

        • Kuroorerana nemamwe marudzi kunorambwa (23-28)

Nehemiya 13:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:11; Ne 8:2, 3; Mab 15:21
  • +Ge 19:36-38
  • +Dhe 23:3, 6

Nehemiya 13:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 22:4-6
  • +Nu 23:8; 24:10

Nehemiya 13:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vaiva nemumwe mubereki asiri wechiIsraeri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 10:10, 11; Ne 9:1, 2

Nehemiya 13:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzetemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 3:1
  • +Ne 2:10
  • +Ne 10:37, 38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2013, p. 4

Nehemiya 13:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 18:3, 4
  • +Nu 18:24
  • +Ne 12:44

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2013, p. 4

Nehemiya 13:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 5:14
  • +Ezr 7:1; Ne 2:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2006, p. 11

    “Rugwaro Rwose,” p. 173

Nehemiya 13:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 12:10
  • +Ne 4:7

Nehemiya 13:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muimba yekudyira.”

Nehemiya 13:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzimba dzekudyira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 10:39
  • +Re 2:14, 15

Nehemiya 13:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 10:37; 12:47
  • +Mar 3:8
  • +Nu 35:2

Nehemiya 13:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:2
  • +Ne 10:39

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2013, pp. 4-5

Nehemiya 13:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:30; Nu 18:21
  • +Ne 10:38, 39; Mar 3:10

Nehemiya 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 5:19
  • +VaH 6:10

Nehemiya 13:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “pazuva iroro ndakavayambira kuti vasatengesa zvekudya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:10; 34:21; 35:2
  • +Jer 17:21, 27

Nehemiya 13:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 10:31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 1 2020 p. 7

Nehemiya 13:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:8-10

Nehemiya 13:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 5:12
  • +Ne 5:19; 13:14, 30, 31

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1996, p. 16

Nehemiya 13:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vapinza mudzimba dzavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:1, 2; 10:10; 2VaK 6:14
  • +Jos 13:2, 3
  • +Dhe 23:3, 4

Nehemiya 13:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    10/2016, p. 14

    Nharireyomurindi,

    8/15/2013, pp. 6-7

Nehemiya 13:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 25:2; Ezr 7:26
  • +Dhe 7:3, 4; Ne 10:30

Nehemiya 13:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 3:12, 13; 2Mak 9:22
  • +2Sa 12:24
  • +1Mad 11:1-5

Nehemiya 13:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 10:2

Nehemiya 13:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 12:10
  • +Ne 3:1; 13:4
  • +Ne 2:10; 6:14

Nehemiya 13:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:15; Nu 25:11-13
  • +Mar 2:4

Nehemiya 13:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 23:6; 25:1

Nehemiya 13:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muchindifarira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 10:34
  • +Ne 5:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2013, p. 7

    2/1/2011, p. 14

    9/15/1996, p. 16

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Neh. 13:1Dhe 31:11; Ne 8:2, 3; Mab 15:21
Neh. 13:1Ge 19:36-38
Neh. 13:1Dhe 23:3, 6
Neh. 13:2Nu 22:4-6
Neh. 13:2Nu 23:8; 24:10
Neh. 13:3Ezr 10:10, 11; Ne 9:1, 2
Neh. 13:4Ne 3:1
Neh. 13:4Ne 2:10
Neh. 13:4Ne 10:37, 38
Neh. 13:5Dhe 18:3, 4
Neh. 13:5Nu 18:24
Neh. 13:5Ne 12:44
Neh. 13:6Ne 5:14
Neh. 13:6Ezr 7:1; Ne 2:1
Neh. 13:7Ne 12:10
Neh. 13:7Ne 4:7
Neh. 13:9Ne 10:39
Neh. 13:9Re 2:14, 15
Neh. 13:10Ne 10:37; 12:47
Neh. 13:10Mar 3:8
Neh. 13:10Nu 35:2
Neh. 13:11Ezr 9:2
Neh. 13:11Ne 10:39
Neh. 13:12Re 27:30; Nu 18:21
Neh. 13:12Ne 10:38, 39; Mar 3:10
Neh. 13:14Ne 5:19
Neh. 13:14VaH 6:10
Neh. 13:15Eks 20:10; 34:21; 35:2
Neh. 13:15Jer 17:21, 27
Neh. 13:16Ne 10:31
Neh. 13:18Eks 20:8-10
Neh. 13:22Dhe 5:12
Neh. 13:22Ne 5:19; 13:14, 30, 31
Neh. 13:23Ezr 9:1, 2; 10:10; 2VaK 6:14
Neh. 13:23Jos 13:2, 3
Neh. 13:23Dhe 23:3, 4
Neh. 13:25Dhe 25:2; Ezr 7:26
Neh. 13:25Dhe 7:3, 4; Ne 10:30
Neh. 13:261Mad 3:12, 13; 2Mak 9:22
Neh. 13:262Sa 12:24
Neh. 13:261Mad 11:1-5
Neh. 13:27Ezr 10:2
Neh. 13:28Ne 12:10
Neh. 13:28Ne 3:1; 13:4
Neh. 13:28Ne 2:10; 6:14
Neh. 13:29Eks 40:15; Nu 25:11-13
Neh. 13:29Mar 2:4
Neh. 13:301Mak 23:6; 25:1
Neh. 13:31Ne 10:34
Neh. 13:31Ne 5:19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Nehemiya 13:1-31

Nehemiya

13 Pazuva iroro bhuku raMozisi rakaverengwa vanhu vachinzwa;+ uye makawanikwa makanyorwa kuti hapatombofaniri kuva nemuAmoni kana muMoabhi+ anopinda muungano yaMwari wechokwadi,+ 2 nekuti ivo havana kunosangana nevaIsraeri nechingwa nemvura, asi vakabhadhara Bharami kuti avatuke.+ Asi Mwari wedu akachinja kutuka kwacho kukava kukomborera.+ 3 Pavakangonzwa Mutemo wacho, vakatanga kubvisa pavaIsraeri vanhu vese vekune dzimwe nyika.*+

4 Izvi zvisati zvaitika, Eriyashibhi,+ hama yaTobhiya+ ndiye aiva mupristi aiona nezvedzimba dzekuchengetera zvinhu dzeimba* yaMwari wedu.+ 5 Akanga amupa imba huru yekuchengetera zvinhu, yavaimboisa mupiro wezviyo,* zvinonhuhwirira zvichena, nemidziyo nechegumi chezviyo, waini itsva nemafuta,+ zviya zvaifanira kupiwa vaRevhi,+ vaimbi nevarindi vepamagedhi, pamwe chete nemupiro wevapristi.+

6 Panguva yese iyi ndakanga ndisiri muJerusarema, nekuti ndakaenda kuna mambo mugore rechi32+ raMambo Atashasta+ weBhabhironi; uye papera nguva ndakakumbira mambo kuti andibvumire kumbobva pabasa. 7 Ndakabva ndasvika kuJerusarema ndikaona zvinhu zvakaipa zvikuru zvakanga zvaitwa naEriyashibhi,+ achiitira Tobhiya.+ Akanga amupa imwe yedzimba dzekuchengetera zvinhu muchivanze cheimba yaMwari wechokwadi. 8 Izvi hazvina kana kumbondifadza, saka ndakatora midziyo yese yaTobhiya yaiva muimba yekuchengetera zvinhu* ndikaikanda panze. 9 Pashure paizvozvo ndakapa mirayiro, vachibva vachenesa dzimba dzekuchengetera zvinhu;* uye ndakadzorera imomo midziyo yeimba yaMwari wechokwadi,+ pamwe chete nemupiro wezviyo nezvinonhuhwirira zvichena.+

10 Ndakaonawo kuti vaRevhi+ vakanga vasina kupiwa migove yavo,+ saka vaRevhi nevaimbi avo vaiita basa vakanga vaenda, mumwe nemumwe kumunda wake.+ 11 Saka ndakatsiura vatevedzeri vevatongi+ ndikati: “Neiko imba yaMwari wechokwadi yaregeredzwa?”+ Ndakabva ndavaunganidza ndikavadzorera panzvimbo dzavo. 12 Uye vaJudha vese vakaunza chegumi+ chezviyo, waini itsva, nemafuta kudzimba dzekuchengetera zvinhu.+ 13 Ndakabva ndaita kuti mupristi Sheremiya nemunyori Zadhoki naPedhaya wekuvaRevhi vaone nezvedzimba dzacho; vachibatsirwa naHanani mwanakomana waZakuri mwanakomana waMataniya, nekuti varume ava vaivimbwa navo. Ndivo vaiva nebasa rekupa hama dzavo migove yadzo.

14 Ndiyeukeiwo+ Mwari wangu, pamusoro peizvi, uye musadzima mabasa angu erudo rusingachinji andakaitira imba yaMwari wangu nebasa rinoitwa ipapo.+

15 Mumazuva iwayo ndakaona vanhu muJudha vachitsika-tsika zvisviniro zvewaini paSabata,+ vachiuya nemirwi yezviyo vachiitakudza madhongi, uye vachiuya newaini, mazambiringa, maonde, nemitoro yemarudzi ese muJerusarema pazuva reSabata.+ Saka ndakavatsiura kuti vasatengesa zvekudya pazuva iroro.* 16 Uye vaTire vaya vaigara muguta vaiuya nehove nezvekutengesa zvemarudzi ese, vachizvitengesera vanhu veJudha muJerusarema paSabata.+ 17 Saka ndakatsiura vakuru vakuru veJudha ndikavati: “Ndicho chii ichi chakaipa kudai chamuri kuita, muchitosvibisa zvenyu zuva reSabata? 18 Izvi handizvo here zvakaitwa nemadzitateguru enyu, zvikaita kuti Mwari wedu aunze nhamo yese iyi patiri nepaguta rino? Iye zvino mava kuwedzera kutsamwirwa kwaIsraeri nekusvibisa kwamuri kuita Sabata.”+

19 Saka mumvuri pawakangotanga kusvika pamagedhi eJerusarema Sabata risati ratanga, ndakarayira kuti masuo avharwe. Ndakataurawo kuti vasaavhura kusvikira Sabata rapfuura, uye ndakaisa vamwe vashandi vangu pamagedhi acho kuti pasava nemutoro unopinda pazuva reSabata. 20 Saka vaya vaichinjanisa zvinhu nevaitengesa zvinhu zvemarudzi ese vakarara kunze kweJerusarema kamwe chete kana kaviri. 21 Ndakabva ndavayambira ndikati kwavari: “Muri kurarirei pamberi perusvingo? Kana mukazviita zvakare, ndichakubvisai nechisimba.” Kubvira panguva iyoyo havana kuzouya paSabata.

22 Uye ndakaudza vaRevhi kuti vagare vachizvichenesa, vouya vachirinda magedhi acho kuti Sabata rirambe riri dzvene.+ Ndiyeukeiwo nekuda kweizvi, haiwa Mwari wangu, uye ndinzwirei tsitsi maererano neukuru hwerudo rwenyu rusingachinji.+

23 Mumazuva iwayo ndakaonawo vaJudha vakanga varoora* madzimai+ echiAshdhodhi,+ echiAmoni, neechiMoabhi.+ 24 Hafu yevanakomana vavo yaitaura chiAshdhodhi, uye imwe hafu yaitaura mitauro yemamwe marudzi, asi hapana aigona kutaura mutauro wevaJudha. 25 Saka ndakavatsiura, ndikashevedzera kutukwa pavari, ndikarova vamwe varume+ ndikavadzura bvudzi, ndikaita kuti vapike naMwari ndichiti: “Musapa vanakomana vavo vanasikana venyu, uye musagamuchira chero mwanasikana wavo kuti mupe vanakomana venyu kana kuti mutore imimi.+ 26 Havasi ivo vakaita kuti Mambo Soromoni weIsraeri atadze here? Pamarudzi mazhinji hapana mambo ainge akafanana naye;+ uye aidiwa naMwari wake,+ zvekuti Mwari akamuita mambo wevaIsraeri vese. Asi madzimai ekune dzimwe nyika akatoita kuti naiyewo atadze.+ 27 Zvinotoshamisa kuti muri kuita zvinhu zvakaipa kudai zvisina kutendeka kuna Mwari wedu muchiroora madzimai ekune dzimwe nyika!”+

28 Mumwe wevanakomana vaJoyadha+ mwanakomana wemupristi mukuru Eriyashibhi+ akanga ava mukuwasha waSanibharati+ muHoroni. Saka ndakamudzinga kuti abve kwandiri.

29 Yeukai, haiwa Mwari wangu, kuti vakasvibisa upristi nesungano yeupristi+ nevaRevhi.+

30 Ndakavanatsa pazvinhu zvese zvinosvibisa zvekune dzimwe nyika, ndikapa vapristi nevaRevhi mabasa, mumwe nemumwe basa rake,+ 31 ndikaronga nezvekuunzwa kwehuni+ panguva dzakatarwa uye nezvezvibereko zvaitanga kuibva.

Mwari wangu, ndiyeukeiwo mundikomborere.*+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe