RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Jehoahazi, mambo weIsraeri (1-9)

      • Jehoashi, mambo weIsraeri (10-13)

      • Erisha anoedza Jehoashi kuti aone kuzvipira kwake (14-19)

      • Kufa kwaErisha; mapfupa ake anomutsa munhu (20, 21)

      • Uprofita hwaErisha hwekupedzisira hunozadziswa (22-25)

2 Madzimambo 13:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 11:2, 21
  • +2Mad 8:26; 9:27
  • +2Mad 10:30, 35

2 Madzimambo 13:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30; 13:33; 14:16

2 Madzimambo 13:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 12:29
  • +Re 26:14, 17
  • +1Mad 19:17; 2Mad 8:12
  • +2Mad 13:24

2 Madzimambo 13:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:7; Vat 10:16; 2Mad 14:26, 27

2 Madzimambo 13:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, kugara murunyararo vasina chekutya.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:27

2 Madzimambo 13:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Akafamba machiri.”

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:29; 17:21
  • +Dhe 7:5; 1Mad 14:15; 16:33

2 Madzimambo 13:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:12; 10:32
  • +Amo 1:3

2 Madzimambo 13:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:35

2 Madzimambo 13:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:1

2 Madzimambo 13:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Akafamba muzvivi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:29

2 Madzimambo 13:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:8, 13

2 Madzimambo 13:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:28
  • +2Mad 10:35; 13:9

2 Madzimambo 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:16
  • +2Mad 2:11, 12

2 Madzimambo 13:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “weruponeso.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 29:1; 1Mad 20:26

2 Madzimambo 13:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 13:25

2 Madzimambo 13:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “pakuuya kwegore,” munofanira kunge maiva mumasutso.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 1:1; 24:2

2 Madzimambo 13:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 11:44; VaH 11:35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    12/2017, p. 5

    Nharireyomurindi,

    8/1/2005, p. 11

    11/15/1991, p. 5

2 Madzimambo 13:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:15
  • +2Mad 8:12; 10:32

2 Madzimambo 13:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:26, 27
  • +Ge 13:14-16
  • +Ge 26:3
  • +Ge 28:13; Pis 105:8; Mik 7:20

2 Madzimambo 13:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 13:19

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 13:12Mad 11:2, 21
2 Madz. 13:12Mad 8:26; 9:27
2 Madz. 13:12Mad 10:30, 35
2 Madz. 13:21Mad 12:28-30; 13:33; 14:16
2 Madz. 13:3VaH 12:29
2 Madz. 13:3Re 26:14, 17
2 Madz. 13:31Mad 19:17; 2Mad 8:12
2 Madz. 13:32Mad 13:24
2 Madz. 13:4Eks 3:7; Vat 10:16; 2Mad 14:26, 27
2 Madz. 13:5Ne 9:27
2 Madz. 13:62Mad 10:29; 17:21
2 Madz. 13:6Dhe 7:5; 1Mad 14:15; 16:33
2 Madz. 13:72Mad 8:12; 10:32
2 Madz. 13:7Amo 1:3
2 Madz. 13:92Mad 10:35
2 Madz. 13:102Mad 14:1
2 Madz. 13:112Mad 10:29
2 Madz. 13:122Mad 14:8, 13
2 Madz. 13:132Mad 14:28
2 Madz. 13:132Mad 10:35; 13:9
2 Madz. 13:141Mad 19:16
2 Madz. 13:142Mad 2:11, 12
2 Madz. 13:171Sa 29:1; 1Mad 20:26
2 Madz. 13:192Mad 13:25
2 Madz. 13:202Mad 1:1; 24:2
2 Madz. 13:21Joh 11:44; VaH 11:35
2 Madz. 13:221Mad 19:15
2 Madz. 13:222Mad 8:12; 10:32
2 Madz. 13:232Mad 14:26, 27
2 Madz. 13:23Ge 13:14-16
2 Madz. 13:23Ge 26:3
2 Madz. 13:23Ge 28:13; Pis 105:8; Mik 7:20
2 Madz. 13:252Mad 13:19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 13:1-25

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

13 Mugore rechi23 raJehoashi+ mwanakomana waAhaziya+ mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu+ akava mambo weIsraeri muSamariya uye akatonga kwemakore 17. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, uye akaramba achiita chivi chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Haana kuchirega. 3 Saka Jehovha akatsamwira+ vaIsraeri chaizvo,+ uye akavaisa muruoko rwaMambo Hazaeri+ weSiriya nemuruoko rwaBheni-hadhadhi+ mwanakomana waHazaeri mazuva avo ese.

4 Kwapera nguva, Jehoahazi akateterera Jehovha kuti amunzwire nyasha, uye Jehovha akamunzwa, nekuti akanga aona kudzvinyirirwa kwaiitwa Israeri namambo weSiriya.+ 5 Saka Jehovha akapa vaIsraeri muponesi+ kuti avasunungure paudzvinyiriri hweSiriya, uye vaIsraeri vakanga vava kukwanisa kugara mumisha yavo sezvavaimboita.* 6 (Asi havana kurega chivi cheimba yaJerobhoamu chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Vakaramba vachiita chivi ichi,* uye bango rinoyera*+ rakaramba rakamira muSamariya.) 7 Jehoahazi akasara neuto raingova nevatasvi vemabhiza 50, nengoro 10, nevarwi vaifamba netsoka 10 000, nekuti mambo weSiriya akanga avaparadza,+ akavatsika-tsika seguruva renguva yekupura.+

8 Kana iri nhoroondo yese yaJehoahazi, zvese zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 9 Jehoahazi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muSamariya;+ uye mwanakomana wake Jehoashi akava mambo panzvimbo yake.

10 Mugore rechi37 raMambo Jehoashi weJudha, Jehoashi+ mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore 16. 11 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asingaregi zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga akonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Akaramba achiita zvivi* izvi.

12 Kana iri nhoroondo yese yaJehoashi, zvese zvaakaita uye simba rake nekurwa kwaakaita naMambo Amaziya weJudha,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 13 Jehoashi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, Jerobhoamu*+ achibva agara pachigaro chake cheumambo. Uye Jehoashi akavigwa muSamariya pamwe chete nemadzimambo eIsraeri.+

14 Erisha+ paakanga ava kurwara nechirwere chakazomuuraya, Jehoashi mambo weIsraeri akaenda kwaaiva, akachema akamutsamira achiti: “Baba vangu, baba vangu kani! Ngoro yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+ 15 Erisha akabva ati kwaari: “Tora uta nemiseve.” Saka akatora uta nemiseve. 16 Akabva ati kuna mambo weIsraeri: “Bata uta.” Saka akahubata, Erisha achibva aisa maoko ake pamaoko amambo. 17 Akabva ati: “Vhura hwindo rekumabvazuva.” Saka akarivhura. Erisha akati: “Pfura!” Saka akapfura. Akabva ati: “Museve waJehovha wekukunda,* iwo museve wekukunda Siriya! Iwe uchakunda Siriya kuAfeki+ kusvikira waiparadza.”

18 Akabva ati: “Tora miseve yacho,” iye akaitora. Akabva ati kuna mambo weIsraeri: “Rova pasi.” Saka akarova pasi katatu achibva arega. 19 Munhu waMwari wechokwadi akamutsamwira akati: “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu! Kudai wadaro waizokunda Siriya kusvikira waiparadza, asi zvino uchakunda Siriya katatu chete.”+

20 Pashure paizvozvo Erisha akafa akavigwa. Kwaiva nemapoka evanhu vaipamba evaMoabhi+ aiuya munyika pakutanga kwegore.* 21 Vamwe varume pavakanga vachiviga mumwe murume, vakaona boka revapambi, saka vakakurumidza kukanda murume wacho muguva raErisha, vachibva vamhanya vachitiza. Murume wacho paakagumha mapfupa aErisha, akava mupenyu,+ akasimuka ndokumira.

22 Mambo Hazaeri+ weSiriya akadzvinyirira vaIsraeri+ mazuva ese aJehoahazi. 23 Asi Jehovha akavaitira nyasha nengoni,+ akavanzwira tsitsi achifunga sungano yaakaita naAbrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+ Haana kuda kuvaparadza, uye haana kuvarasa kusvikira nhasi. 24 Mambo Hazaeri weSiriya paakafa, mwanakomana wake Bheni-hadhadhi akava mambo panzvimbo yake. 25 Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akabva atorazve kubva kuna Bheni-hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atorera Jehoahazi baba vake muhondo. Jehoashi akamukunda katatu,+ akatorazve maguta eIsraeri.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe