Bhuku Rechipiri reMakoronike
12 Umambo hwaRehobhoamu pahwakangosimbiswa+ uye paakanga ava nesimba, akasiya Mutemo waJehovha,+ pamwe chete nevaIsraeri vese. 2 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Mambo Shishaki+ weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema, nekuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha. 3 Aiva nengoro 1 200 nevatasvi vemabhiza 60 000, nemauto asingaverengeki aakabva nawo kuIjipiti, evaRibhiya, vaSukiimu, nevaItiopiya.+ 4 Akatora maguta eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, achibva azosvika kuJerusarema.
5 Muprofita Shemaya+ akaenda kwaiva naRehobhoamu nemachinda eJudha ayo akanga aungana kuJerusarema nekuti aitya Shishaki, uye akati kwavari: “Zvanzi naJehovha, ‘Makandisiya, saka ini ndakusiyaiwo+ kuti muve muruoko rwaShishaki.’” 6 Machinda evaIsraeri namambo wacho vakabva vazvininipisa,+ vakati: “Jehovha akarurama.” 7 Jehovha paakaona kuti vakanga vazvininipisa, shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya, richiti: “Vazvininipisa. Handichavaparadzi,+ uye ndichavanunura munguva pfupi iri kutevera. Handizodururi kutsamwa kwangu paJerusarema ndichishandisa Shishaki. 8 Asi vachava varanda vake, kuti vazive musiyano wekundishumira nekushumira madzimambo edzimwe* nyika.”
9 Saka Mambo Shishaki weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema. Akatora pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo.* Akatora zvinhu zvese, kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.+ 10 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzemhangura kuti atsive nhoo dzacho, uye akaita kuti dzichengetwe nevakuru vevarindi,* avo vairinda musuo weimba yamambo. 11 Pese paiuya mambo kuimba yaJehovha, varindi vaipinda vodzitakura, vobva vazodzidzorera kuimba yevarindi. 12 Mambo akazvininipisa saka kutsamwa kwaJehovha kwakabva paari,+ uye haana kuzovapedza vese.+ Uyewo pane zvinhu zvakanaka zvakawanikwa muJudha.+
13 Mambo Rehobhoamu akasimbisa chinzvimbo chake muJerusarema, uye akaramba achitonga; Rehobhoamu aiva nemakore 41 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 17 muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha pamadzinza ese aIsraeri kuti rive nzvimbo yekuisa zita rake. Amai vamambo vainzi Naama vari vechiAmoni.+ 14 Asi iye akaita zvakaipa, nekuti akanga asina kuzvipira mumwoyo make kuti atsvage Jehovha.+
15 Nhoroondo yaRehobhoamu, kubva painotangira kusvika painoperera, haina kunyorwa here mumashoko emuprofita Shemaya+ neemuoni Idho+ muzvinyorwa zvemadzinza? Rehobhoamu naJerobhoamu+ vaigara vachirwisana. 16 Rehobhoamu akabva azoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Abhija+ akava mambo panzvimbo yake.