RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Jerusarema rakaita semudziyo wekubikira une ngura (1-14)

      • Kufa kwemudzimai waEzekieri chiratidzo kuvanhu (15-27)

Ezekieri 24:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 135

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 21

Ezekieri 24:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:1; Jer 39:1; 52:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 21

Ezekieri 24:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 11:3

Ezekieri 24:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 11:7

Ezekieri 24:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:6

Ezekieri 24:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:16; Mik 7:2; Mt 23:35
  • +Eze 11:7, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, p. 14

    9/15/1988, p. 21

Ezekieri 24:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 2:34
  • +Re 17:13; Dhe 12:16

Ezekieri 24:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 24:3, 4

Ezekieri 24:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mt 23:37

Ezekieri 24:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:10; 32:29; Eze 22:15

Ezekieri 24:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:3; 6:29

Ezekieri 24:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:14; Eze 22:9
  • +Eze 5:12, 13; 8:18

Ezekieri 24:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 13:14; Eze 5:11

Ezekieri 24:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 24:18, 21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 21

Ezekieri 24:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 16:5
  • +Re 10:6
  • +2Sa 15:30
  • +Mik 3:7
  • +Jer 16:7

Ezekieri 24:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 21

Ezekieri 24:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 74:7; 79:1; Jer 7:14; Mari 1:10; 2:7; Eze 9:7
  • +2Mak 36:17; Jer 6:11

Ezekieri 24:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 24:17

Ezekieri 24:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:39; Eze 33:10

Ezekieri 24:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 8:18; 20:3; Eze 4:3

Ezekieri 24:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:32; Jer 11:22

Ezekieri 24:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 33:21

Ezekieri 24:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 3:26; 33:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2007, pp. 13-14

    12/1/2003, p. 29

    9/15/1988, p. 21

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 24:22Mad 25:1; Jer 39:1; 52:4
Ezek. 24:3Eze 11:3
Ezek. 24:4Eze 11:7
Ezek. 24:5Jer 39:6
Ezek. 24:62Mad 21:16; Mik 7:2; Mt 23:35
Ezek. 24:6Eze 11:7, 9
Ezek. 24:7Jer 2:34
Ezek. 24:7Re 17:13; Dhe 12:16
Ezek. 24:82Mad 24:3, 4
Ezek. 24:9Mt 23:37
Ezek. 24:11Jer 21:10; 32:29; Eze 22:15
Ezek. 24:12Jer 5:3; 6:29
Ezek. 24:132Mak 36:14; Eze 22:9
Ezek. 24:13Eze 5:12, 13; 8:18
Ezek. 24:14Jer 13:14; Eze 5:11
Ezek. 24:16Eze 24:18, 21
Ezek. 24:17Jer 16:5
Ezek. 24:17Re 10:6
Ezek. 24:172Sa 15:30
Ezek. 24:17Mik 3:7
Ezek. 24:17Jer 16:7
Ezek. 24:21Pis 74:7; 79:1; Jer 7:14; Mari 1:10; 2:7; Eze 9:7
Ezek. 24:212Mak 36:17; Jer 6:11
Ezek. 24:22Eze 24:17
Ezek. 24:23Re 26:39; Eze 33:10
Ezek. 24:24Isa 8:18; 20:3; Eze 4:3
Ezek. 24:25Dhe 28:32; Jer 11:22
Ezek. 24:26Eze 33:21
Ezek. 24:27Eze 3:26; 33:22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 24:1-27

Ezekieri

24 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri mugore rechi9, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, nyora pasi zuva iri, iro zuva ranhasi. Mambo weBhabhironi atanga kurwisa Jerusarema nhasi.+ 3 Taura chirevo pamusoro peimba inopanduka, uti nezvavo:

“‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Gadzai mudziyo wekubikira; ugadzei pamoto, mudire mvura mauri.+

 4 Isai nhindi dzenyama imomo,+ nhindi dzese dzakanaka,

Chidya nebandauko; uzadzei nemapfupa akanaka kwazvo.

 5 Torai gwai rakanakisisa,+ uye rongai matanda pasi pemudziyo wacho muchiutenderedza.

Bikai nhindi dzacho nemapfupa acho imomo.”’

6 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Rine nhamo guta rekudeura ropa,+ iwo mudziyo une ngura, mudziyo usina kubviswa ngura!

Budisai nhindi dzirimo;+ budisai imwe neimwe musingaiti zvekukanda mijenya.

 7 Nekuti guta racho richiri neropa rarakadeura;+ rakaridururira paruware.

Harina kuridururira pasi kuti ririfushire nevhu.+

 8 Ndaisa ropa raro paruware runopenya

Parisingafushirwe,

Kuti ndimutse hasha dzekuda kutsiva.’+

9 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Rine nhamo guta rekudeura ropa!+

Ndichaunganidza bakwa rehuni richienda mudenga.

10 Unganidzai matanda uye batidzai moto,

Bikai nyama yacho kusvika yaibva, bvisai muto wacho, musiye mapfupa acho achitsva kuita tsito.

11 Isai mudziyo wacho pamazimbe kuti upise,

Kuti mhangura yawo itsvuke nemoto.

Tsvina iri mauri ichanyunguduka,+ uye ngura yawo ichatsva.

12 Izvi zvinogumbura uye zvinonetesa,

Nekuti ngura yawo zhinji haisi kubva.+

Ukandei mumoto nengura yawo!’

13 “‘Mabasa ako akafumuka ndiwo akakusvibisa.+ Ndakaedza kukuchenesa, asi hauna kuchena. Hauzocheni kusvikira kukutsamwira kwandakaita kwapera.+ 14 Ini Jehovha, ndazvitaura. Zvichaitika. Handizoregi kuzviita. Ndichazviita ndisingambonetseki kana kuzvidemba.+ Vachakutonga zvinoenderana nenzira dzako nezviito zvako,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

15 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 16 “Mwanakomana wemunhu, ndava kuda kukubvutira mudiwa wako.+ Haufaniri kuchema kana kuridza mhere kana kubudisa misodzi. 17 Gomera wakanyarara, uye usaita zvinoitwa pakuchema mufi.+ Pfeka ngowani* yako+ neshangu dzako.+ Usavhara ndebvu dzepamusoro pemuromo+ uye usadya zvekudya zvaunounzirwa nevanhu.”+

18 Ndakataura nevanhu mangwanani, uye mudzimai wangu akafa manheru. Saka mangwanani ndakaita zvandakanga ndaudzwa. 19 Vanhu vaiti kwandiri: “Haungatiudziwo here kuti zvinhu izvi zvauri kuita zvinorevei kwatiri?” 20 Ndakati kwavari: “Shoko raJehovha rauya kwandiri richiti, 21 ‘Udza imba yaIsraeri kuti: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndava kuda kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ icho chidadiso chenyu, chinhu chamunoda chaizvo uye chiri pamwoyo penyu. Vanakomana nevanasikana venyu vamakasiya vachafa nebakatwa.+ 22 Muchabva maita sezvandaita chaizvo. Hamuzovhari ndebvu dzepamusoro pemiromo yenyu, uye hamuzodyi zvekudya zvamunounzirwa nevanhu.+ 23 Muchange makapfeka ngowani dzenyu uye makapfeka shangu. Hamuzochemi kana kuridza mhere. Asi muchaorera muzvivi zvenyu,+ uye muchatarisana muchigomera. 24 Ezekieri ava chiratidzo kwamuri.+ Zvaaita ndizvo zvamuchaita. Pazvichaitika, muchaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.’”’”

25 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, pazuva randichavatorera nhare yavo yakanaka inovafadza, yavanoda chaizvo, uye iri pamwoyo pavo, pamwe chete nevanakomana vavo nevanasikana vavo,+ 26 uchaudzwa nezvazvo nemunhu anenge apukunyuka.+ 27 Zuva iroro uchashama muromo wako wotaura neachapukunyuka, hauzorambi wakanyarara.+ Uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe