RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Jeremiya anoudzwa kuti aputse chirongo (1-15)

        • Kubayira vana kuna Bhaari (5)

Jeremiya 19:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 18:2

Jeremiya 19:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:8, 12; 2Mak 28:1, 3; Jer 7:31

Jeremiya 19:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:16, 17; Isa 65:11
  • +2Mak 33:1, 4
  • +2Mad 21:16; Isa 59:7; Jer 2:34; Mari 4:13; Mt 23:34, 35

Jeremiya 19:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kumbobvira chauya mupfungwa dzangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 28:1, 3; 33:1, 6; Isa 57:5
  • +Re 18:21; Jer 7:31; 32:35

Jeremiya 19:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:32

Jeremiya 19:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:25, 26; Pis 79:2; Jer 7:33; 16:4

Jeremiya 19:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 9:8; Jer 18:16; Mari 2:15

Jeremiya 19:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:29; Dhe 28:53; Mari 2:20; 4:10; Eze 5:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 154-155

Jeremiya 19:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:32

Jeremiya 19:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:1
  • +Jer 8:1, 2; Zef 1:4, 5
  • +Jer 7:18; 32:29

Jeremiya 19:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mitsipa yavo kuti varege.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:17, 29; Zek 7:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 159

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 19:1Jer 18:2
Jer. 19:2Jos 15:8, 12; 2Mak 28:1, 3; Jer 7:31
Jer. 19:42Mad 22:16, 17; Isa 65:11
Jer. 19:42Mak 33:1, 4
Jer. 19:42Mad 21:16; Isa 59:7; Jer 2:34; Mari 4:13; Mt 23:34, 35
Jer. 19:52Mak 28:1, 3; 33:1, 6; Isa 57:5
Jer. 19:5Re 18:21; Jer 7:31; 32:35
Jer. 19:6Jer 7:32
Jer. 19:7Dhe 28:25, 26; Pis 79:2; Jer 7:33; 16:4
Jer. 19:81Mad 9:8; Jer 18:16; Mari 2:15
Jer. 19:9Re 26:29; Dhe 28:53; Mari 2:20; 4:10; Eze 5:10
Jer. 19:11Jer 7:32
Jer. 19:13Pis 79:1
Jer. 19:13Jer 8:1, 2; Zef 1:4, 5
Jer. 19:13Jer 7:18; 32:29
Jer. 19:15Ne 9:17, 29; Zek 7:12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 19:1-15

Jeremiya

19 Jehovha akati: “Enda unotenga chirongo kumuumbi.+ Tora vamwe vakuru vevanhu nevamwe vakuru vevapristi, 2 uende kuBani reMwanakomana waHinomu,+ paGedhi reZvaenga. Uye ikoko zivisa mashoko andichakuudza. 3 Uchataura kuti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha nevagari vemuJerusarema. Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri:

“‘“Ndava kuda kuunza dambudziko panzvimbo ino, uye nzeve dzemunhu wese achanzwa nezvaro dzichaunga. 4 Nekuti vakandisiya,+ vakaita kuti nzvimbo ino itadze kuzivikanwa.+ Vari kupa zvibayiro mairi kune vamwe vanamwari vavasina kumboziva ivo nemadzitateguru avo nemadzimambo eJudha, uye vazadza nzvimbo ino neropa revasina mhosva.+ 5 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvibayiro zvinopiswa kuna Bhaari,+ chinhu chandakanga ndisina kurayira kana kutaura nezvacho uye chisina kutombobvira chauya mumwoyo mangu.”’*+

6 “‘“Saka inzwai! mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “nzvimbo ino paisingazombonzizve Tofeti kana kuti Bani reMwanakomana waHinomu, asi Bani Rekuurayira.+ 7 Ndichaita kuti zvirongwa zveJudha neJerusarema zvisabudirira munzvimbo ino, uye ndichaita kuti vawiswe nebakatwa pamberi pevavengi vavo uye nemaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya.* Uye ndichaita kuti zvitunha zvavo zvidyiwe neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.+ 8 Ndichaita kuti guta rino rive chinhu chinotyisa uye chinhu chinoita kuti vanhu varidze muridzo. Munhu wese achapfuura nemariri acharamba akatarisa achitya uye acharidza muridzo pamusoro pematambudziko aro ese.+ 9 Uye ndichaita kuti vadye nyama yevanakomana vavo neyevanasikana vavo, uye mumwe nemumwe achadya nyama yewekwake, nekuda kwekukombwa uye kupererwa kwavachaita pavachakomberedzwa nevavengi vavo nevaya vari kutsvaga kuvauraya.”’*+

10 “Ubve waputsa chirongo chacho varume vauchaenda navo vakatarisa, 11 woti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndichaputsa vanhu ava neguta rino saizvozvi, sezvinoita munhu ari kuputsa mudziyo wemuumbi zvekuti hauzogadziriki; uye vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina pekuvaviga.”’+

12 “‘Ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pamwe chete nevagari vayo, kuti guta rino riite seTofeti. 13 Uye dzimba dzemuJerusarema nedzimba dzemadzimambo eJudha dzichasviba senzvimbo ino yeTofeti,+ idzo dzimba dzese dzavaipira zvibayiro pamatenga adzo kuuto rese rekudenga,+ vachidururira mipiro yezvinwiwa kune vamwe vanamwari.’”+

14 Jeremiya paakadzoka kubva kuTofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kuti anoprofita, akamira pachivanze cheimba yaJehovha, akati kuvanhu vese: 15 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuunza paguta rino nemaguta aro ese akaripoteredza dambudziko randakataura nezvaro, nekuti vakaomesa misoro yavo vachirega* kuteerera mashoko angu.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe