RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 33
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Vimbiso yekudzoswa (1-13)

      • Kugara vakachengeteka vachitungamirirwa “nenhungirwa yakarurama” (14-16)

      • Sungano naDhavhidhi uye nevapristi (17-26)

        • Sungano ine chekuita nemasikati neusiku (20)

Jeremiya 33:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 3:25; Jer 32:2; 37:21; 38:28

Jeremiya 33:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 48:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 114-115

Jeremiya 33:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:52; Jer 32:24

Jeremiya 33:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:26; Jer 30:17
  • +Isa 54:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1996, pp. 8-9, 18

Jeremiya 33:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:3; Jer 30:3
  • +Jer 24:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1996, p. 9

Jeremiya 33:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 40:2; Zek 13:1
  • +Pis 85:2; Isa 43:25; Jer 31:34; Mik 7:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 152-153

Jeremiya 33:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 62:3, 7
  • +Mik 7:17
  • +Ne 6:15, 16

Jeremiya 33:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:12
  • +Zek 9:17
  • +2Mak 5:13; Ezr 3:11; Pis 106:1; Isa 12:4; Mik 7:18
  • +Re 7:12; Pis 107:22

Jeremiya 33:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 65:10; Jer 32:43

Jeremiya 33:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 17:26
  • +Jer 32:44

Jeremiya 33:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 29:10

Jeremiya 33:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mugari wenhaka akarurama waDhavhidhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 53:2; Zek 6:12; Zva 22:16
  • +Isa 11:1, 4; Jer 23:5; VaH 1:9

Jeremiya 33:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:17
  • +Eze 28:26
  • +Jer 23:6

Jeremiya 33:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:16, 17; 1Mad 2:4; Pis 89:20, 29; Isa 9:7; Ru 1:32, 33

Jeremiya 33:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Jeremiya 33:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:16; Isa 54:10; Jer 31:35-37

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    8/2019, p. 26

Jeremiya 33:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:16, 17; 23:5; Pis 89:34, 35; 132:11; Isa 55:3
  • +Isa 9:6; Ru 1:32, 33
  • +Dhe 21:5

Jeremiya 33:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Jeremiya 33:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 11

Jeremiya 33:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mirau.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:16
  • +Pis 104:19; Jer 31:35, 36

Jeremiya 33:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 2:1, 70
  • +Isa 14:1; Jer 31:20

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 33:1Ne 3:25; Jer 32:2; 37:21; 38:28
Jer. 33:3Isa 48:6
Jer. 33:4Dhe 28:52; Jer 32:24
Jer. 33:6Isa 30:26; Jer 30:17
Jer. 33:6Isa 54:13
Jer. 33:7Dhe 30:3; Jer 30:3
Jer. 33:7Jer 24:6
Jer. 33:8Isa 40:2; Zek 13:1
Jer. 33:8Pis 85:2; Isa 43:25; Jer 31:34; Mik 7:18
Jer. 33:9Isa 62:3, 7
Jer. 33:9Mik 7:17
Jer. 33:9Ne 6:15, 16
Jer. 33:11Jer 31:12
Jer. 33:11Zek 9:17
Jer. 33:112Mak 5:13; Ezr 3:11; Pis 106:1; Isa 12:4; Mik 7:18
Jer. 33:11Re 7:12; Pis 107:22
Jer. 33:12Isa 65:10; Jer 32:43
Jer. 33:13Jer 17:26
Jer. 33:13Jer 32:44
Jer. 33:14Jer 29:10
Jer. 33:15Isa 53:2; Zek 6:12; Zva 22:16
Jer. 33:15Isa 11:1, 4; Jer 23:5; VaH 1:9
Jer. 33:16Isa 45:17
Jer. 33:16Eze 28:26
Jer. 33:16Jer 23:6
Jer. 33:172Sa 7:16, 17; 1Mad 2:4; Pis 89:20, 29; Isa 9:7; Ru 1:32, 33
Jer. 33:20Ge 1:16; Isa 54:10; Jer 31:35-37
Jer. 33:212Sa 7:16, 17; 23:5; Pis 89:34, 35; 132:11; Isa 55:3
Jer. 33:21Isa 9:6; Ru 1:32, 33
Jer. 33:21Dhe 21:5
Jer. 33:25Ge 1:16
Jer. 33:25Pis 104:19; Jer 31:35, 36
Jer. 33:26Ezr 2:1, 70
Jer. 33:26Isa 14:1; Jer 31:20
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 33:1-26

Jeremiya

33 Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya kechipiri, paakanga achakavharirwa muChivanze cheVarindi,+ richiti: 2 “Zvanzi naJehovha Muiti wenyika, iye Jehovha akaiumba akaisimbisa kwazvo; Jehovha ndiro zita rake, 3 ‘Shevedzera kwandiri, uye ini ndichakupindura ndobva ndangokuudza zvinhu zvikuru nezvisingagoni kunzwisiswa zvausati waziva.’”+

4 “Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino uye dzimba dzemadzimambo eJudha dzakaputswa nemhaka yemirwi yakagadzirirwa kukomba guta uye nemhaka yebakatwa,+ 5 uye pamusoro pevaya vari kuuya kuzorwisa vaKadheya, vachizadza nzvimbo idzi nezvitunha zvevaya vandakauraya ndakatsamwa uye ndakagumbuka, vaya vane zvakaipa zvakaita kuti ndivanzire guta rino chiso changu: 6 ‘Ndichariporesa uye ndichaita kuti rive neutano+ uye ndichavarapa ndovapa rugare rukuru nechokwadi.+ 7 Ndichadzosa nhapwa dzeJudha nenhapwa dzeIsraeri,+ uye ndichadzivaka sezvandakaita pakutanga.+ 8 Ndichadzinatsa pazvivi zvadzo zvese zvadzakanditadzira,+ uye ndichadziregerera zvivi zvadzo zvese uye kunditadzira kwadzakaita.+ 9 Uye kwandiri guta rino richava zita rekupembera nemufaro, kurumbidzwa uye runako pamberi pemarudzi ese enyika achanzwa zvakanaka zvese zvandichaitira vanhu vangu.+ Vachatya uye vachadedera+ nekuda kwezvakanaka zvese uye rugare rwese rwandicharipa.’”+

10 “Zvanzi naJehovha: ‘Munzvimbo ino yamuchati idongo risina munhu kana zvipfuwo, mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema yakaparadzwa, isina munhu kana mugari kana zvipfuwo, muchatangazve kunzwika 11 inzwi rekupembera nemufaro nenzwi remufaro mukuru,+ inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga, inzwi revaya vanoti: “Ongai Jehovha wemauto, nekuti Jehovha akanaka;+ rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi!”’+

“‘Vachauya nemipiro yekuonga muimba yaJehovha,+ nekuti ndichadzosa nhapwa dzenyika yacho, sezvazvaiva pakutanga,’ anodaro Jehovha.”

12 “Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Munzvimbo ino yava dongo, isina munhu kana zvipfuwo, uye mumaguta ayo ese, muchavazve nemafuro ekuti vafudzi vazorodze zvipfuwo zvavo imomo.’+

13 “‘Mumaguta ekumakomo, nemumaguta enyika yakadzikira, nemumaguta ekumaodzanyemba, nemunyika yaBhenjamini, nemunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema+ nemumaguta eJudha,+ zvipfuwo zvichapfuurazve nepasi pemaoko euya anenge achizviverenga,’ anodaro Jehovha.”

14 “‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘andichazadzisa vimbiso yakanaka yandataura pamusoro peimba yaIsraeri neimba yaJudha.+ 15 Mazuva iwayo uye panguva iyoyo ndichaita kuti patungire nhungirwa yakarurama yaDhavhidhi,*+ uye iye achaita kuti munyika yacho mutevedzerwe mutemo uye muve nekururama.+ 16 Mazuva iwayo, Judha ichaponeswa+ uye Jerusarema richagara rakachengeteka.+ Uye richanzi: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’”+

17 “Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Pavazukuru vaDhavhidhi hapazomboshayikwi murume anogara pachigaro cheumambo cheimba yaIsraeri,+ 18 uyewo kuvapristi vedzinza raRevhi hakuzoshayikwi murume anomira pamberi pangu kuti ape mipiro inopiswa, kuti apise mipiro yezviyo* uye kuti ape zvibayiro.’”

19 Shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya, richiti: 20 “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukakwanisa kuputsa sungano yangu ine chekuita nemasikati uye sungano yangu ine chekuita neusiku, kuti masikati neusiku zvirege kuuya panguva yazvo yakakodzera,+ 21 sungano yangu nemushumiri wangu Dhavhidhi ichaputswawo,+ zvekuti haangavi nemwanakomana anotonga pachigaro chake cheumambo,+ uyewo sungano yangu nevapristi vedzinza raRevhi, vashumiri vangu,+ ichaputswawo. 22 Ndichaita kuti vana* vemushumiri wangu Dhavhidhi nevaRevhi vari kundishumira vawande seuto rekudenga risingaverengeki uye sejecha regungwa risingayereki.’”

23 Shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya, richiti: 24 “Hauna kunzwa here zviri kutaurwa nevanhu ava? Vari kuti, ‘Jehovha acharamba mhuri mbiri dzaakasarudza.’ Havasi kuremekedza vanhu vangu uye havachavaoni serudzi.

25 “Zvanzi naJehovha: ‘Sekudzika kwandakaita sungano yangu ine chekuita nemasikati neusiku,+ iyo mitemo* yekudenga neyepanyika,+ 26 handizomborambiwo vana* vaJakobho nevemushumiri wangu Dhavhidhi uye handizoregi kutora vatongi pavana* vake kuti vatonge vazukuru* vaAbrahamu, Isaka, naJakobho. Nekuti ndichaunganidza nhapwa dzavo+ ndodzinzwira tsitsi.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe