RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Kunetseka kwaJeremiya (1-3a)

      • Jehovha anoita kuti vaJudha vazvidavirire (3b-16)

      • Kuchema Judha (17-22)

      • Kuzvirumbidza pamusoro paJehovha (23-26)

Jeremiya 9:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 22:4; Jer 13:17

Jeremiya 9:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:7; 23:10

Jeremiya 9:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 59:3
  • +Jer 4:22

Jeremiya 9:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 12:6; Mik 7:2, 5
  • +Jer 6:28; Eze 22:9

Jeremiya 9:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 50:19; Mik 6:12

Jeremiya 9:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 1:25; 48:10

Jeremiya 9:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mweya wangu ungarega.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:9, 29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1988, p. 26

Jeremiya 9:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “rwekuchema mafuro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:25; Zef 1:3

Jeremiya 9:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:1; Jer 26:18
  • +Jer 10:22
  • +Jer 4:27; 25:11; 32:43

Jeremiya 9:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “murayiro.”

Jeremiya 9:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:24
  • +Vat 3:7; 1Sa 12:10; Ho 11:2

Jeremiya 9:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 8:14; 23:15; Mari 3:15, 19

Jeremiya 9:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:33; Dhe 28:64; Pis 106:27; Zek 7:14
  • +Jer 29:17; Eze 5:2

Jeremiya 9:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzekuchema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 35:25

Jeremiya 9:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 6:26; 14:17

Jeremiya 9:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:31; Eze 7:16; Mik 1:8, 9
  • +Mari 4:15; Mik 2:10

Jeremiya 9:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 29:2; Jer 7:29

Jeremiya 9:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17; Jer 6:11

Jeremiya 9:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:25; Jer 16:3, 4

Jeremiya 9:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:21
  • +Dhe 8:12-14, 17, 18

Jeremiya 9:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 1:31; 2VaK 10:17
  • +Eks 34:6; Pis 89:14
  • +Pis 99:4; Ho 6:6; Mik 6:8; 7:18

Jeremiya 9:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 3:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2013, pp. 9-10

Jeremiya 9:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 19:1; Eze 29:2
  • +Isa 1:1
  • +Jer 27:2, 3; Eze 32:29; Obh 1
  • +Jer 49:1; Eze 25:2
  • +Isa 15:1; Jer 48:1
  • +Jer 25:17, 23; 49:32
  • +Re 26:41; Jer 4:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2013, pp. 9-10

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 9:1Isa 22:4; Jer 13:17
Jer. 9:2Jer 5:7; 23:10
Jer. 9:3Isa 59:3
Jer. 9:3Jer 4:22
Jer. 9:4Jer 12:6; Mik 7:2, 5
Jer. 9:4Jer 6:28; Eze 22:9
Jer. 9:5Pis 50:19; Mik 6:12
Jer. 9:7Isa 1:25; 48:10
Jer. 9:9Jer 5:9, 29
Jer. 9:10Jer 4:25; Zef 1:3
Jer. 9:11Pis 79:1; Jer 26:18
Jer. 9:11Jer 10:22
Jer. 9:11Jer 4:27; 25:11; 32:43
Jer. 9:14Jer 7:24
Jer. 9:14Vat 3:7; 1Sa 12:10; Ho 11:2
Jer. 9:15Jer 8:14; 23:15; Mari 3:15, 19
Jer. 9:16Re 26:33; Dhe 28:64; Pis 106:27; Zek 7:14
Jer. 9:16Jer 29:17; Eze 5:2
Jer. 9:172Mak 35:25
Jer. 9:18Jer 6:26; 14:17
Jer. 9:19Jer 4:31; Eze 7:16; Mik 1:8, 9
Jer. 9:19Mari 4:15; Mik 2:10
Jer. 9:20Isa 29:2; Jer 7:29
Jer. 9:212Mak 36:17; Jer 6:11
Jer. 9:22Isa 5:25; Jer 16:3, 4
Jer. 9:23Isa 5:21
Jer. 9:23Dhe 8:12-14, 17, 18
Jer. 9:241VaK 1:31; 2VaK 10:17
Jer. 9:24Eks 34:6; Pis 89:14
Jer. 9:24Pis 99:4; Ho 6:6; Mik 6:8; 7:18
Jer. 9:25Amo 3:1, 2
Jer. 9:26Isa 19:1; Eze 29:2
Jer. 9:26Isa 1:1
Jer. 9:26Jer 27:2, 3; Eze 32:29; Obh 1
Jer. 9:26Jer 49:1; Eze 25:2
Jer. 9:26Isa 15:1; Jer 48:1
Jer. 9:26Jer 25:17, 23; 49:32
Jer. 9:26Re 26:41; Jer 4:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 9:1-26

Jeremiya

9 Kudai hangu musoro wangu waiva mvura,

Maziso angu ari chisipiti chemisodzi!+

Ndaizochema siku nesikati,

Ndichichema vakaurayiwa pavanhu vangu.

 2 Kudai hangu ndaiva nenzvimbo inogarwa nevafambi murenje!

Ndaizosiya vanhu vangu, ndoenda zvangu,

Nekuti vese zvavo imhombwe,+

Chikwata chevanyengeri.

 3 Vanokunga rurimi rwavo seuta;

Nhema ndidzo dzakazara munyika yacho, kwete kutendeka.+

“Vanobva pane zvakaipa vachienda pane zvakaipa,

Uye havanditeereri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

 4 “Munhu wese ngaachenjerere muvakidzani wake,

Uye musavimba kunyange nehama yenyu.

Nekuti hama yese mutengesi,+

Uye muvakidzani wese anosvibisa mazita evamwe.+

 5 Mumwe nemumwe anobiridzira muvakidzani wake,

Uye hapana anotaura chokwadi.

Vakadzidzisa rurimi rwavo kureva nhema.+

Vanozvinetesa nekuita zvakaipa.

 6 Muri kugara pakati pevanyengeri.

Vakaramba kundiziva neunyengeri hwavo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

 7 Saka zvanzi naJehovha wemauto:

“Ndichavanatsa uye ndichavaedza,+

Nekuti chii chimwe chandingaita nemwanasikana wevanhu vangu?

 8 Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura zvekunyengera.

Nemuromo wake, munhu anotaura zverugare kumuvakidzani wake,

Asi mumwoyo make anenge achihwandira.”

 9 “Handingaiti kuti vazvidavirire pazvinhu izvi here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

“Ndingarega* kutsiva rudzi rwakadai here?+

10 Ndichachema makomo uye ndichaungudza

Uye ndichaimba rwiyo rwekushungurudzika pamusoro pemafuro* erenje,

Nekuti akapiswa zvekuti hapana munhu anopfuura namo,

Uye kuchema kwezvipfuwo hakusi kunzwika.

Shiri dzedenga nemhuka zvatiza; zvaenda.+

11 Ndichaita kuti Jerusarema rive mirwi yematombo,+ nzvimbo inogara hunguhwe,*+

Uye ndichaita kuti maguta eJudha ave matongo, asina anogaramo.+

12 Ndiani akachenjera zvekuti anokwanisa kunzwisisa zvinhu izvi?

Muromo waJehovha wataura naani kuti audzewo vamwe?

Nei nyika yaparara?

Nei yabvuraudzwa serenje,

Zvekuti hapana ari kupfuura namo?”

13 Jehovha akapindura achiti: “Nekuti vakaramba mutemo* wangu wandakadzika pamberi pavo, uye nekuti havana kuutevera, vachirega kuteerera inzwi rangu. 14 Asi vakaomesa misoro vakatevera mwoyo yavo,+ uye vakatevera mifananidzo yaBhaari, sezvavakanga vadzidziswa nemadzibaba avo kuti vaite.+ 15 Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuita kuti vanhu ava vadye kamuti kanovava, uye ndichavanwisa mvura ine muchetura.+ 16 Ndichaita kuti vapararire pakati pemarudzi avasina kuziva, ivo kana madzibaba avo,+ uye ndichatuma bakatwa kuti rivatevere kusvikira ndavaparadza.’+

17 Zvanzi naJehovha wemauto,

‘Ratidzai kuti munonzwisisa.

Shevedzai vakadzi vanoimba nziyo dzekushungurudzika,*+

Uye daidzai vakadzi vane unyanzvi kuti vauye,

18 Kuti vakurumidze kuuya kuzotichema,

Kuti maziso edu ayerere misodzi

Uye maziso edu achururuke mvura.+

19 Nekuti inzwi rekuchema ranzwika muZiyoni richiti:+

“Chokwadi taparadzwa!

Tiri kunyara zvisingaiti!

Nekuti tasiya nyika yacho, uye vapwanya misha yedu.”+

20 Inzwai shoko raJehovha, imi vakadzi.

Nzeve dzenyu ngadziteerere shoko remuromo wake.

Dzidzisai vanasikana venyu rwiyo urwu rwekuchema,

Uye dzidzisanai rwiyo urwu rwekushungurudzika.+

21 Nekuti rufu rwauya nepamahwindo edu;

Rwapinda mushongwe dzedu dzakavakwa zvakasimba

Kuti rubvise vana mumigwagwa

Uye majaya mumisika.’+

22 Iti, ‘Zvanzi naJehovha:

“Zvitunha zvevanhu zvichawira pasi semupfudze mumunda,

Semutsetse wezvirimwa zvichangobva kuchekwa nemukohwi,

Pasina anozviunganidza.”’”+

23 Zvanzi naJehovha:

“Munhu akachenjera ngaarege kuzvirumbidza neuchenjeri hwake;+

Munhu ane simba ngaarege kuzvirumbidza nesimba rake;

Uye mupfumi ngaarege kuzvirumbidza neupfumi hwake.”+

24 “Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze neizvi:

Kuti anonzwisisa nezvangu uye ane ruzivo pamusoro pangu,+

Kuti ndini Jehovha, iye anoratidza rudo rusingachinji, anotonga zvakanaka uye anoita zvakarurama panyika,+

Nekuti ndinofarira zvinhu izvi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

25 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti munhu wese akachecheudzwa asi asina kuchecheudzwa azvidavirire,+ 26 pamwe chete neIjipiti+ neJudha+ neEdhomu+ nevaAmoni+ neMoabhi+ nevanhu vese vane bvudzi repamberi penzeve rakadimburirwa vari kugara murenje;+ nekuti marudzi ese haana kuchecheudzwa, uye imba yese yaIsraeri ine mwoyo isina kuchecheudzwa.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe