RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 31
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Mozisi ava pedyo nekufa (1-8)

      • Kuverenga Mutemo zvinonzwika (9-13)

      • Joshua anogadzwa (14, 15)

      • VaIsraeri vanoudzwa kuti vachapanduka (16-30)

        • Rwiyo rwekudzidzisa vaIsraeri (19, 22, 30)

Dheuteronomi 31:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kubuda nekupinda.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 7:7; Dhe 34:7; Mab 7:23
  • +Nu 20:12; Dhe 3:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2006, p. 31

Dheuteronomi 31:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 9:3
  • +Nu 27:18; Dhe 3:28; Jos 1:2

Dheuteronomi 31:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:23, 24
  • +Nu 21:33, 35
  • +Eks 23:23

Dheuteronomi 31:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 33:52; Dhe 7:2, 24; 20:16

Dheuteronomi 31:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 1:6; Pis 27:14; 118:6
  • +Nu 14:9; Dhe 7:18
  • +Dhe 4:31; Jos 1:5; VaH 13:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/1998, pp. 10-11

Dheuteronomi 31:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 10:25
  • +Dhe 1:38

Dheuteronomi 31:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 33:14
  • +Jos 1:9

Dheuteronomi 31:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:27

Dheuteronomi 31:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “rekusunungura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:1
  • +Re 23:34

Dheuteronomi 31:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:16
  • +Ne 8:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 20

Dheuteronomi 31:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “memagedhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:10; VaH 10:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2010, p. 3

    9/15/2004, p. 27

    3/15/2000, p. 17

Dheuteronomi 31:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 6:6, 7; VaE 6:4
  • +Dhe 30:16

Dheuteronomi 31:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:13
  • +Dhe 3:28

Dheuteronomi 31:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 33:9; 40:38

Dheuteronomi 31:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kunorara nemadzibaba ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:17; Pis 106:37-39
  • +1Mad 11:33
  • +Vat 2:12, 20

Dheuteronomi 31:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:20
  • +1Mak 28:9; 2Mak 15:2; 24:20
  • +Dhe 32:20; Pis 104:29; Eze 39:23
  • +Ne 9:27
  • +Vat 6:13

Dheuteronomi 31:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 59:2

Dheuteronomi 31:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ruisei pamiromo yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:30; 32:44
  • +Dhe 4:9; 11:19
  • +Dhe 31:21

Dheuteronomi 31:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vofuta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18
  • +Eks 3:8; Nu 13:26, 27
  • +Ne 9:25
  • +Eks 24:7; Dhe 8:12-14; 29:1; Ne 9:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kukurukurirana, pp. 117-118

Dheuteronomi 31:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:59
  • +Eks 16:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kukurukurirana, pp. 117-118

Dheuteronomi 31:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvinoratidza kuti ndiMwari ari kutaurwa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 27:18; Dhe 31:14
  • +Jos 1:6, 9
  • +Dhe 1:38; 3:28

Dheuteronomi 31:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:27

Dheuteronomi 31:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 17:18; 2Mak 34:14
  • +1Mad 8:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1990, p. 28

Dheuteronomi 31:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nekuoma mutsipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 9:24; Ne 9:26
  • +Eks 32:9; Pis 78:8

Dheuteronomi 31:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:19

Dheuteronomi 31:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 2:19
  • +Dhe 28:15

Dheuteronomi 31:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:44

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 31:2Eks 7:7; Dhe 34:7; Mab 7:23
Dheut. 31:2Nu 20:12; Dhe 3:27
Dheut. 31:3Dhe 9:3
Dheut. 31:3Nu 27:18; Dhe 3:28; Jos 1:2
Dheut. 31:4Nu 21:23, 24
Dheut. 31:4Nu 21:33, 35
Dheut. 31:4Eks 23:23
Dheut. 31:5Nu 33:52; Dhe 7:2, 24; 20:16
Dheut. 31:6Jos 1:6; Pis 27:14; 118:6
Dheut. 31:6Nu 14:9; Dhe 7:18
Dheut. 31:6Dhe 4:31; Jos 1:5; VaH 13:5
Dheut. 31:7Jos 10:25
Dheut. 31:7Dhe 1:38
Dheut. 31:8Eks 33:14
Dheut. 31:8Jos 1:9
Dheut. 31:9Eks 34:27
Dheut. 31:10Dhe 15:1
Dheut. 31:10Re 23:34
Dheut. 31:11Dhe 16:16
Dheut. 31:11Ne 8:7
Dheut. 31:12Dhe 4:10; VaH 10:25
Dheut. 31:13Dhe 6:6, 7; VaE 6:4
Dheut. 31:13Dhe 30:16
Dheut. 31:14Nu 27:13
Dheut. 31:14Dhe 3:28
Dheut. 31:15Eks 33:9; 40:38
Dheut. 31:16Vat 2:17; Pis 106:37-39
Dheut. 31:161Mad 11:33
Dheut. 31:16Vat 2:12, 20
Dheut. 31:17Dhe 29:20
Dheut. 31:171Mak 28:9; 2Mak 15:2; 24:20
Dheut. 31:17Dhe 32:20; Pis 104:29; Eze 39:23
Dheut. 31:17Ne 9:27
Dheut. 31:17Vat 6:13
Dheut. 31:18Isa 59:2
Dheut. 31:19Dhe 31:30; 32:44
Dheut. 31:19Dhe 4:9; 11:19
Dheut. 31:19Dhe 31:21
Dheut. 31:20Ge 15:18
Dheut. 31:20Eks 3:8; Nu 13:26, 27
Dheut. 31:20Ne 9:25
Dheut. 31:20Eks 24:7; Dhe 8:12-14; 29:1; Ne 9:26
Dheut. 31:21Dhe 28:59
Dheut. 31:21Eks 16:4
Dheut. 31:23Nu 27:18; Dhe 31:14
Dheut. 31:23Jos 1:6, 9
Dheut. 31:23Dhe 1:38; 3:28
Dheut. 31:24Eks 34:27
Dheut. 31:26Dhe 17:18; 2Mak 34:14
Dheut. 31:261Mad 8:9
Dheut. 31:27Dhe 9:24; Ne 9:26
Dheut. 31:27Eks 32:9; Pis 78:8
Dheut. 31:28Dhe 30:19
Dheut. 31:29Vat 2:19
Dheut. 31:29Dhe 28:15
Dheut. 31:30Dhe 32:44
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 31:1-30

Dheuteronomi

31 Mozisi akabva aenda, akataura mashoko aya kuvaIsraeri vese 2 achiti: “Iye zvino ndava nemakore 120.+ Handichakwanisi kukutungamirirai,* nekuti Jehovha akati kwandiri, ‘Hauzoyambuki Jodhani urwu.’+ 3 Jehovha Mwari wenyu ndiye ari kuyambuka ari pamberi penyu, uye iye pachake achaparadza marudzi aya pamberi penyu, uye muchaadzinga.+ Joshua ndiye achakutungamirirai pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.+ 4 Jehovha achaaitira zvaakaitira Sihoni+ naOgi,+ madzimambo evaAmori nenyika yavo, paakavaparadza.+ 5 Jehovha achavakunda pamberi penyu, uye munofanira kuvaitira zvinoenderana nemurayiro wese wandakakupai.+ 6 Shingai, musimbe.+ Musatya kana kuvhunduka pamberi pavo,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye ari kufamba nemi. Haazokurasiyi kana kukusiyai.”+

7 Mozisi akabva ashevedza Joshua, akataura naye vaIsraeri vese vachizviona achiti: “Shinga, usimbe,+ nekuti ndiwe uchapinza vanhu ava munyika yakapikirwa madzitateguru avo naJehovha kuti achavapa, uye ndiwe uchavapa nyika yacho kuti ive nhaka yavo.+ 8 Jehovha ndiye ari kufamba pamberi pako uye acharamba ainewe.+ Haazokurasi kana kukusiya. Usatya kana kuvhunduka.”+

9 Mozisi akabva anyora Mutemo+ uyu akaupa vapristi, vedzinza raRevhi, vanotakura areka yesungano yaJehovha, uye vakuru vese vaIsraeri. 10 Mozisi akavarayira, achiti: “Panopera makore manomwe ega ega, mugore rekudzima zvikwereti,*+ kana nguva yeMutambo Wematumba+ yasvika, 11 panouya vaIsraeri vese pamberi paJehovha+ Mwari wako kunzvimbo yaanosarudza, unofanira kuverengera vaIsraeri vese Mutemo uyu kuti vaunzwe.+ 12 Unganidza vanhu,+ varume, vakadzi, vana, nemutorwa ari mukati memaguta* ako, kuti vateerere, vadzidze nezvaJehovha Mwari wenyu uye vamutye, vonyatsotevedzera mashoko ese eMutemo uyu. 13 Vanakomana vavo vasina kuziva Mutemo uyu vachabva vateerera+ vodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu mazuva ese amuchagara munyika yamuchayambuka kunotora mhiri kwaJodhani.”+

14 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ona! Nguva yekuti ufe yava pedyo.+ Shevedza Joshua, mumire patende rekusanganira, kuti ndimugadze semutungamiriri.”+ Saka Mozisi naJoshua vakaenda vakanomira patende rekusanganira. 15 Jehovha akabva azviratidza patende ari mushongwe yegore, uye shongwe yegore yakamira pedyo nesuo retende.+

16 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ona! Wava pedyo nekufa,* uye vanhu ava vachatanga kuita unzenza hwekunamata vamwe vanamwari vakavapoteredza munyika yavari kuenda.+ Vachandisiya+ votyora sungano yangu yandakaita navo.+ 17 Panguva iyoyo ndichavatsamwira,+ ndovasiya,+ ndovavanzira chiso changu+ kusvikira vaparadzwa. Zvadaro, kana matambudziko akawanda nenhamo zvavawira,+ vachati, ‘Matambudziko aya haasi kutiwira nekuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’+ 18 Asi ndicharamba ndakavanza chiso changu pazuva iroro nemhaka yezvakaipa zvese zvavanenge vaita vachienda kune vamwe vanamwari.+

19 “Saka nyorai rwiyo urwu+ murudzidzise vaIsraeri.+ Itai kuti varudzidze* kuti ruve chapupu changu kuvaIsraeri.+ 20 Pandinovapinza munyika yandakapikira madzitateguru avo,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ vodya, voguta,+ vobudirira,* vachatsaukira kune vamwe vanamwari, vovashumira, vorega kundiremekedza, voputsa sungano yangu.+ 21 Kana matambudziko mazhinji nenhamo zvavawira,+ rwiyo urwu ruchava sechapupu kwavari (nekuti vana vavo havafaniri kurukanganwa), nekuti ndiri kutoona mafungiro avo+ iye zvino ndisati ndatombovapinza munyika yandakapika nezvayo.”

22 Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu zuva iroro, ndokurudzidzisa vaIsraeri.

23 Akabva* agadza Joshua+ mwanakomana waNuni semutungamiriri akati: “Shinga, usimbe,+ nekuti ndiwe uchapinza vaIsraeri munyika yandakavapikira,+ uye ini ndicharamba ndiinewe.”

24 Mozisi paakangopedza kunyora mashoko ese eMutemo uyu mubhuku,+ 25 Mozisi akarayira vaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti: 26 “Torai bhuku iri reMutemo,+ muriise parutivi peareka+ yesungano yaJehovha Mwari wenyu, uye richava sechapupu kwamuri. 27 Nekuti ini ndinonyatsoziva kupanduka kwenyu+ nekuoma musoro*+ kwenyu. Kana manga muchipandukira Jehovha zvakadaro ndiinemi, ndichiri mupenyu kudai, ko kuzoti kana ndafa! 28 Ndiunganidzirei vakuru vese vemadzinza enyu, nevatungamiriri venyu, nditaure mashoko aya vachinzwa, uye ndichaita kuti denga nenyika zvivapupurire.+ 29 Nekuti ndinonyatsoziva kuti kana ndafa chokwadi muchaita zvakaipa,+ uye muchatsauka panzira yandakakurayirai. Uye muchawirwa nematambudziko+ panopera mazuva acho, nekuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha uye muchamugumbura nemabasa emaoko enyu.”

30 Mozisi akabva ataura mashoko erwiyo urwu kubvira kwekutanga kusvikira kwekupedzisira ungano yese yaIsraeri ichizvinzwa:+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe