RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 35
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • VaRekabhi vanoratidza muenzaniso wakanaka wekuteerera (1-19)

Jeremiya 35:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:34; 2Mak 36:5; Dha 1:1

Jeremiya 35:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:15; 1Mak 2:55

Jeremiya 35:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Jonadhabhi.” Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Jehonadhabhi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:15

Jeremiya 35:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Jonadhabhi.” Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Jehonadhabhi.

Jeremiya 35:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:5, 6; Dha 1:1

Jeremiya 35:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:33

Jeremiya 35:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndaimukira mangwanani ndichitaura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 35:8
  • +2Mak 36:15, 16; Ne 9:26, 30; Jer 25:3

Jeremiya 35:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichivatuma.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 7:24, 25
  • +Isa 1:16; Jer 25:5; Eze 18:30; Ho 14:1
  • +Jer 7:5-7

Jeremiya 35:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 35:8

Jeremiya 35:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:15; 29:26, 27; Jos 23:15, 16; 2Mad 23:27
  • +Isa 65:12; 66:4; Jer 7:13, 14

Jeremiya 35:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupukunyuka, pp. 131-132

Jeremiya 35:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Jonadhabhi.” Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Jehonadhabhi.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, pp. 159-160

    Kupukunyuka, pp. 131-132

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 35:12Mad 23:34; 2Mak 36:5; Dha 1:1
Jer. 35:22Mad 10:15; 1Mak 2:55
Jer. 35:62Mad 10:15
Jer. 35:112Mak 36:5, 6; Dha 1:1
Jer. 35:13Jer 32:33
Jer. 35:14Jer 35:8
Jer. 35:142Mak 36:15, 16; Ne 9:26, 30; Jer 25:3
Jer. 35:15Jer 7:24, 25
Jer. 35:15Isa 1:16; Jer 25:5; Eze 18:30; Ho 14:1
Jer. 35:15Jer 7:5-7
Jer. 35:16Jer 35:8
Jer. 35:17Dhe 28:15; 29:26, 27; Jos 23:15, 16; 2Mad 23:27
Jer. 35:17Isa 65:12; 66:4; Jer 7:13, 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 35:1-19

Jeremiya

35 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha mumazuva aJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, richiti: 2 “Enda kuimba yevaRekabhi+ utaure navo, uuye navo muimba yaJehovha, mune imwe yedzimba dzekudyira; ubve wavapa waini kuti vanwe.”

3 Saka ndakatora Jaazaniya mwanakomana waJeremiya mwanakomana waHabhaziniya, nehama dzake, nevanakomana vake vese, neimba yese yevaRekabhi 4 ndikauya navo muimba yaJehovha. Ndakavapinza muimba yekudyira yevanakomana vaHanani mwanakomana waIgdhariya, munhu waMwari wechokwadi, iyo yaiva pedyo neimba yekudyira yemachinda yaiva pamusoro peimba yekudyira yaMaaseya mwanakomana waSharumu muchengeti wesuo. 5 Ndakabva ndaisa makapu azere newaini nemidziyo yekunwira izere newaini pamberi pevarume veimba yevaRekabhi ndikati kwavari: “Inwai waini.”

6 Asi ivo vakati: “Hatisi kuzonwa waini, nekuti Jehonadhabhi*+ mwanakomana waRekabhi, tateguru vedu, akatirayira kuti, ‘Hamufaniri kutombonwa waini, imi kana vanakomana venyu. 7 Uye hamufaniri kuvaka imba, kudyara mbeu, kana kudyara munda wemizambiringa, kana kuutenga. Asi munofanira kuramba muchigara mumatende, kuti mugare kwenguva refu munyika yamuri kugara muri vatorwa.’ 8 Saka tinoramba tichiteerera inzwi raJehonadhabhi mwanakomana watateguru vedu Rekabhi pazvinhu zvese zvaakatirayira, nekusatombonwa waini, isu, madzimai edu, vanakomana vedu, nevanasikana vedu. 9 Uye hativaki dzimba dzekugara, uye hatina minda yemizambiringa kana minda yezvirimwa kana mbeu. 10 Tinoramba tichigara mumatende uye tichiteerera zvese zvatakarayirwa natateguru vedu Jehonadhabhi.* 11 Asi Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi paakauya kuzorwisa nyika,+ takati, ‘Uyai tipinde muJerusarema kuti tipone pauto revaKadheya uye revaSiriya,’ uye iye zvino tava kugara muJerusarema.”

12 Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti: 13 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Enda unoti kuvarume veJudha nevagari vemuJerusarema: “Hamuna kuramba muchikurudzirwa kuteerera mashoko angu here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 14 “Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vazukuru vake kuti varege kunwa waini, uye vakateerera mashoko ake nekurega kuinwa kusvikira nhasi, vachiteerera murayiro watateguru wavo.+ Asi ini ndakataura ndataurazve* nemi, asi hamuna kunditeerera.+ 15 Ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve,*+ ndichiti, ‘Ndapota, mumwe nemumwe ngaatendeuke panzira dzenyu dzakaipa,+ uye itai zvakarurama! Musatevera vamwe vanamwari uye musavashumira. Kana mukadaro mucharamba muchigara munyika yandakakupai imi nemadzitateguru enyu.’+ Asi hamuna kurereka nzeve dzenyu kana kunditeerera. 16 Vazukuru vaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakaita zvavakarayirwa natateguru wavo,+ asi vanhu ava havana kunditeerera.”’”

17 “Saka zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuunzira vaJudha nevagari vese vemuJerusarema dambudziko rese randakavayambira nezvaro,+ nekuti ndakataura navo asi havana kuteerera, uye ndakaramba ndichishevedzera kwavari asi havana kupindura.’”+

18 Uye Jeremiya akati kuimba yevaRekabhi: “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Nekuti makateerera murayiro waJehonadhabhi tateguru venyu uye muri kuramba muchichengeta mirayiro yake yese, muchinyatsoita zvaakakurayirai, 19 zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Pavazukuru vaJehonadhabhi* mwanakomana waRekabhi hapazomboshayikwi murume anoshumira pamberi pangu.”’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe