RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo

      • Jehu anouraya vanhu veimba yaAhabhi (1-17)

        • Jehonadhabhi anobatana naJehu (15-17)

      • Vanamati vaBhaari vanourayiwa naJehu (18-27)

      • Pfupiso yekutonga kwaJehu (28-36)

2 Madzimambo 10:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:29
  • +1Mad 21:8

2 Madzimambo 10:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uye akarurama kupfuura vese.”

2 Madzimambo 10:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:24, 27

2 Madzimambo 10:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “weimba.”

2 Madzimambo 10:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:21

2 Madzimambo 10:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Makarurama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:14, 24

2 Madzimambo 10:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “richawira pasi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 15:29; Isa 14:27
  • +1Mad 21:19-24; 2Mad 9:7, 36

2 Madzimambo 10:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 18:19; 2Mad 23:19, 20
  • +1Mad 21:21

2 Madzimambo 10:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvinoita sekuti iyi yaiva nzvimbo yaisungirwa makwai nevafudzi kuti aveurwe.

2 Madzimambo 10:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:29; 9:21, 27; 2Mak 22:1

2 Madzimambo 10:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 22:8

2 Madzimambo 10:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Paakamukomborera.”

  • *

    ChiHeb., “wakarurama.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 35:6, 19
  • +1Mak 2:55

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2005, p. 11

    1/1/1998, pp. 12-13

    Vazivisi, pp. 165-166

    “Rugwaro Rwose,” p. 74

    Kupukunyuka, pp. 89-90

2 Madzimambo 10:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kushingairira kwandinoita Jehovha.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 25:11; 1Mad 19:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1998, pp. 12-13

    Kupukunyuka, pp. 89-90

2 Madzimambo 10:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 9:8; 2Mak 22:7
  • +1Mad 21:20, 21; 2Mad 9:26

2 Madzimambo 10:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:32, 33; 18:22

2 Madzimambo 10:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 3:13
  • +2Mad 10:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 5

2 Madzimambo 10:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mutemberi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:30, 32

2 Madzimambo 10:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:15; Jer 35:6, 19

2 Madzimambo 10:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yenyu ndiyo ichafa panzvimbo pemweya wake.”

2 Madzimambo 10:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nevamhanyi.”

  • *

    ChiHeb., “muguta,” zvichida nzvimbo yakaita senhare.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:26, 27; Dhe 13:6-9; Eze 9:5

2 Madzimambo 10:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:1
  • +Dhe 7:25

2 Madzimambo 10:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:30; Dhe 7:5
  • +1Mad 16:30, 32

2 Madzimambo 10:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28-30; 13:33; Ho 8:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2011, p. 5

2 Madzimambo 10:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:21
  • +2Mad 13:1, 10; 14:23; 15:8, 12

2 Madzimambo 10:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 10:12; Ho 1:4
  • +1Mad 12:28-30; 13:34; 14:16

2 Madzimambo 10:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:17; 2Mad 8:12; 13:22

2 Madzimambo 10:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neRwizi rwaAnoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:33; Jos 22:9
  • +Dhe 3:13-16; 28:63; Jos 13:8-12

2 Madzimambo 10:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 13:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 10:11Mad 16:29
2 Madz. 10:11Mad 21:8
2 Madz. 10:42Mad 9:24, 27
2 Madz. 10:71Mad 21:21
2 Madz. 10:92Mad 9:14, 24
2 Madz. 10:101Sa 15:29; Isa 14:27
2 Madz. 10:101Mad 21:19-24; 2Mad 9:7, 36
2 Madz. 10:111Mad 18:19; 2Mad 23:19, 20
2 Madz. 10:111Mad 21:21
2 Madz. 10:132Mad 8:29; 9:21, 27; 2Mak 22:1
2 Madz. 10:142Mak 22:8
2 Madz. 10:15Jer 35:6, 19
2 Madz. 10:151Mak 2:55
2 Madz. 10:16Nu 25:11; 1Mad 19:10
2 Madz. 10:172Mad 9:8; 2Mak 22:7
2 Madz. 10:171Mad 21:20, 21; 2Mad 9:26
2 Madz. 10:181Mad 16:32, 33; 18:22
2 Madz. 10:192Mad 3:13
2 Madz. 10:192Mad 10:11
2 Madz. 10:211Mad 16:30, 32
2 Madz. 10:232Mad 10:15; Jer 35:6, 19
2 Madz. 10:25Eks 32:26, 27; Dhe 13:6-9; Eze 9:5
2 Madz. 10:26Re 26:1
2 Madz. 10:26Dhe 7:25
2 Madz. 10:27Re 26:30; Dhe 7:5
2 Madz. 10:271Mad 16:30, 32
2 Madz. 10:291Mad 12:28-30; 13:33; Ho 8:6
2 Madz. 10:301Mad 21:21
2 Madz. 10:302Mad 13:1, 10; 14:23; 15:8, 12
2 Madz. 10:31Dhe 10:12; Ho 1:4
2 Madz. 10:311Mad 12:28-30; 13:34; 14:16
2 Madz. 10:321Mad 19:17; 2Mad 8:12; 13:22
2 Madz. 10:33Nu 32:33; Jos 22:9
2 Madz. 10:33Dhe 3:13-16; 28:63; Jos 13:8-12
2 Madz. 10:352Mad 13:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Madzimambo 10:1-36

Bhuku Rechipiri reMadzimambo

10 Zvino Ahabhi+ aiva nevanakomana 70 muSamariya. Saka Jehu akanyora tsamba akadzitumira kuSamariya kumachinda ekuJezreeri, nekuvakuru,+ nekuvanhu vaichengeta vana vaAhabhi, achiti: 2 “Pachasvika tsamba ino kwamuri, muchange muine vanakomana vashe wenyu, nengoro dzehondo, nemabhiza, neguta rakakomberedzwa nemasvingo, nezvombo. 3 Pavanakomana vashe wenyu, sarudzai anopfuura vese uye akanyatsokodzera,* momugadza pachigaro cheumambo chababa vake. Mubve marwira imba yashe wenyu.”

4 Asi ivo vakakundwa nekutya, vakati: “Onai! Kana madzimambo maviri akatadza kumira pamberi pake,+ isu tingamira here?” 5 Saka mutungamiriri wepamuzinda,* nagavhuna weguta, nevakuru, nevaichengeta vana, vakatumira shoko iri kuna Jehu rekuti: “Tiri varanda venyu, uye tichaita zvese zvamunotiudza. Hapana watichagadza kuti ave mambo. Itai zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka.”

6 Akabva avanyorera tsamba yechipiri, achiti: “Kana muri kudivi rangu uye kana muchida kunditeerera, uyai nemisoro yevanakomana vashe wenyu, muuye kwandiri kuJezreeri mangwana panguva ino.”

Zvino vanakomana 70 vamambo vakanga vaine varume vanokudzwa veguta avo vaivachengeta. 7 Tsamba yacho payakangosvika kwavari, vakatora vanakomana vamambo vakavauraya, varume 70,+ vachibva vaisa misoro yavo mutswanda, vakaitumira kwaaiva kuJezreeri. 8 Nhume yacho yakasvika, ikamuudza kuti: “Vauya nemisoro yevanakomana vamambo.” Saka akati: “Unganidzai misoro yacho pagedhi reguta muiite mirwi miviri, moisiya yakadaro kusvikira mangwanani.” 9 Paakabuda mangwanani, akamira pamberi pevanhu vese akati: “Hamuna mhosva.* Ndizvo hazvo kuti ndakapandukira ishe wangu uye ndakamuuraya,+ asi ndiani auraya vese ava? 10 Saka zivai kuti hapana kana shoko rimwe chete raJehovha, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi risingazoitiki,*+ uye Jehovha aita zvaakataura achishandisa muranda wake Eriya.”+ 11 Jehu akaurayawo vese vakanga vasara veimba yaAhabhi muJezreeri, pamwe chete nevarume vake vese vaikudzwa, neshamwari dzake, nevapristi vake,+ kusvikira pasisina wekwake akasara ari mupenyu.+

12 Akabva asimuka akaenda kuSamariya. Imba yekusungira makwai* yevafudzi yaiva panzira yacho. 13 Jehu akasangana nehama dzaMambo Ahaziya+ weJudha ipapo, akati kwavari, “Ndimi vanaani?” Ivo vakati: “Tiri hama dzaAhaziya, uye tiri munzira kuenda kunonzwa kuti vanakomana vamambo nevanakomana vaamai vamambo vakadii.” 14 Akabva ati: “Vabatei vari vapenyu!” Saka vakavabata vari vapenyu, vakavaurayira pamugodhi wemvura weimba yekusungira makwai, varume 42. Hapana kana mumwe chete wavo waakasiya ari mupenyu.+

15 Paaienda achibva ipapo, akasangana naJehonadhabhi+ mwanakomana waRekabhi,+ uyo akanga achiuya kuzosangana naye. Paakamukwazisa,* akati kwaari: “Mwoyo wako wakavimbika* kwandiri here, sezvakaita mwoyo wangu kumwoyo wako?”

Jehonadhabhi akapindura achiti: “Hongu.”

“Kana zvakadaro, ndipe ruoko rwako.”

Saka akamupa ruoko rwake, uye Jehu akamudhonza akamukwidza mungoro maaiva. 16 Akabva ati: “Handei tese unoona kuti handiregereri vanhu vanokwikwidzana naJehovha.”*+ Saka vakaita kuti aende naJehu ari mungoro yake yehondo. 17 Akabva asvika kuSamariya, uye akauraya vese vakanga vasara veimba yaAhabhi vaiva muSamariya kusvikira avatsvaira vese,+ maererano neshoko raJehovha raakanga ataura kuna Eriya.+

18 Jehu akaunganidzawo vanhu vese akati kwavari: “Ahabhi akanamata Bhaari zvishoma,+ asi Jehu achatomunamata kupfuura ipapo. 19 Saka shevedzai vaprofita vese vaBhaari,+ vanamati vake vese, nevapristi vake vese+ vauye kwandiri. Hapana anofanira kushayikwa, nekuti ndinoda kubayira chibayiro chikuru kuna Bhaari. Munhu achashayikwa haasi kuzorarama.” Asi Jehu akanga achivanyengera kuti aparadze vanamati vaBhaari.

20 Jehu akati: “Itai kuti pave negungano dzvene raBhaari.” Saka vakazivisa nezvaro. 21 Pashure paizvozvo Jehu akatumira shoko muIsraeri yese, uye vanamati vese vaBhaari vakauya. Hapana kana mumwe chete asina kuuya. Vakapinda muimba* yaBhaari,+ uye imba yaBhaari yakazara kubva kune rimwe divi kusvika kune rimwe divi. 22 Akabva ati kumunhu aiona nezvenzvimbo yaichengeterwa nguo: “Budisa nguo dzevanamati vese vaBhaari.” Saka akavabudisira zvipfeko zvacho. 23 Jehu naJehonadhabhi+ mwanakomana waRekabhi vakabva vapinda muimba yaBhaari. Akabva ati kuvanamati vaBhaari: “Nyatsotsvagai, uye onai kuti hapana mumwe wevanamati vaJehovha ari muno, musare vanamati vaBhaari chete.” 24 Vakazopinda kuti vape zvibayiro nemipiro inopiswa. Jehu akanga aisa vamwe varume vake 80 panze, akati: “Kana pakava neanopukunyuka pavanhu vandiri kuisa mumaoko enyu, imi ndimi muchafa panzvimbo pake.”*

25 Paakangopedza kupa mupiro unopiswa, Jehu akati kuvabatsiri nevarindi:* “Pindai muvauraye! Musarega kunyange mumwe chete achipukunyuka!”+ Saka vabatsiri nevarindi vakavauraya nebakatwa, vakavakanda panze, uye vakaramba vachienda kusvikira vapinda munzvimbo inoyera* yeimba yaBhaari. 26 Vakabva vabudisa shongwe dzinoyera+ dzeimba yaBhaari, vakadzipisa dzese.+ 27 Vakaputsa shongwe inoyera+ yaBhaari, uye vakaputsa imba yaBhaari+ vakaiita chimbuzi uye ndizvo zvaichiri nanhasi.

28 Saka Jehu akabvisa zvachose kunamatwa kwaBhaari muIsraeri. 29 Zvisinei, Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite panyaya yemhuru dzegoridhe dzaiva kuBheteri nekuDhani.+ 30 Saka Jehovha akati kuna Jehu: “Nekuti wakaita zvakanaka uye wakaita zvakarurama pamberi pangu pawakaita zvese zvaiva mumwoyo mangu zvandaida kuitira imba yaAhabhi,+ zvizvarwa zvina zvevanakomana vako zvichagara pachigaro cheumambo chaIsraeri.”+ 31 Asi Jehu haana kuchenjerera kufamba muMutemo waJehovha Mwari waIsraeri nemwoyo wake wese.+ Haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+

32 Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kuita kuti dzimwe nharaunda dzeIsraeri dzitorwe zvishoma nezvishoma. Hazaeri akaramba achivarwisa munharaunda yese yeIsraeri,+ 33 kubvira kuJodhani nechekumabvazuva, nyika yese yeGiriyedhi, kureva yaGadhi, yaRubheni neyaManase,+ kubva kuAroeri, iri pedyo neBani reAnoni,* kusvika kuGiriyedhi neBhashani.+

34 Kana iri nhoroondo yese yaJehu, zvese zvaakaita uye simba rake rese, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 35 Jehu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muSamariya; uye mwanakomana wake Jehoahazi+ akava mambo panzvimbo yake. 36 Jehu akaita makore 28 achitonga vaIsraeri muSamariya.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe