Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
47 Imi marudzi ese, omberai maoko.
Shevedzerai kuna Mwari muchipembera kuti makunda.
2 Nekuti Jehovha Wekumusorosoro anoshamisa;+
NdiMambo mukuru panyika yese.+
3 Anokunda marudzi achiaisa pasi pedu;
Anoisa marudzi pasi petsoka dzedu.+
4 Anotisarudzira nhaka yedu,+
Nhaka yaJakobho, uyo waanoda, yaanodada nayo.+ (Sera)
5 Mwari akwidza achipembererwa nemufaro;
Jehovha akwidza achiridzirwa hwamanda.
6 Imbai muchirumbidza Mwari, imbai muchirumbidza.
Imbai muchirumbidza Mambo wedu, imbai muchirumbidza.
7 Nekuti Mwari ndiMambo wenyika yese;+
Imbai muchirumbidza, uye ratidzai kuti mune njere.
8 Mwari ava Mambo wemarudzi.+
Mwari akagara pachigaro chake chitsvene.
9 Vatungamiriri vemarudzi vaungana
Nevanhu vaMwari waAbrahamu.
Nekuti vatongi venyika ndevaMwari.
Iye akakwirira kumusorosoro.+