RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 44
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kapu yaJosefa yesirivha inowanikwa muhomwe yaBhenjamini (1-17)

      • Judha anoteterera kuti Bhenjamini asasara (18-34)

Genesisi 44:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:25

Genesisi 44:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2006, p. 31

    1/15/2004, p. 29

Genesisi 44:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:12

Genesisi 44:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 44:2

Genesisi 44:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:8; 44:32
  • +Ge 37:7, 9

Genesisi 44:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 44:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2006, p. 31

Genesisi 44:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:18, 28; 42:21, 22

Genesisi 44:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 44:9

Genesisi 44:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:44; 45:8

Genesisi 44:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:13; 43:7
  • +Ge 37:31-34
  • +Ge 35:18, 19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2015, p. 14

Genesisi 44:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:15; 43:29

Genesisi 44:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:38

Genesisi 44:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 42:20

Genesisi 44:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:2

Genesisi 44:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:5

Genesisi 44:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:18; 30:22-24; 35:18, 19; 46:19

Genesisi 44:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:33

Genesisi 44:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 16:10; Mup 9:10; Ho 13:14; Mab 2:27; Zva 20:13
  • +Ge 37:34, 35; 42:38; Pis 88:3

Genesisi 44:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wavo.”

Genesisi 44:31

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Genesisi 44:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 43:9

Genesisi 44:34

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/1/2015, pp. 14-15

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 44:1Ge 42:25
Gen. 44:8Ge 43:12
Gen. 44:12Ge 44:2
Gen. 44:14Ge 43:8; 44:32
Gen. 44:14Ge 37:7, 9
Gen. 44:15Ge 44:5
Gen. 44:16Ge 37:18, 28; 42:21, 22
Gen. 44:17Ge 44:9
Gen. 44:18Ge 41:44; 45:8
Gen. 44:20Ge 42:13; 43:7
Gen. 44:20Ge 37:31-34
Gen. 44:20Ge 35:18, 19
Gen. 44:21Ge 42:15; 43:29
Gen. 44:22Ge 42:38
Gen. 44:23Ge 42:20
Gen. 44:25Ge 43:2
Gen. 44:26Ge 43:5
Gen. 44:27Ge 29:18; 30:22-24; 35:18, 19; 46:19
Gen. 44:28Ge 37:33
Gen. 44:29Pis 16:10; Mup 9:10; Ho 13:14; Mab 2:27; Zva 20:13
Gen. 44:29Ge 37:34, 35; 42:38; Pis 88:3
Gen. 44:32Ge 43:9
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 44:1-34

Genesisi

44 Akazoudza mukuru wevashandi vemumba make kuti: “Zadza homwe dzevarume vacho nezvekudya zvavanokwanisa kutakura uye isa mari yemumwe nemumwe muhomwe yake nechekumuromo.+ 2 Asi uise kapu yangu, iya yesirivha, nechekumuromo kwehomwe yemudiki wacho, pamwe nemari yezviyo zvake.” Saka akaita zvaakanga audzwa naJosefa.

3 Mangwanani acho kwachena, varume vacho vakasimuka vakaenda nemadhongi avo. 4 Vakanga vasati vasvika kure neguta Josefa paakati kumukuru wevashandi vemumba make: “Simuka! Tevera varume vaya! Kana wavabata uti kwavari, ‘Sei maita zvakaipa imi makaitirwa zvakanaka? 5 Kapu yamatora haisi iyo inonwirwa natenzi wangu uye yaanoshandisa paanenge achidudzira zvichaitika here? Zvamaita zvakaipa.’”

6 Saka akavatevera akavabata akataura mashoko aya kwavari. 7 Asi vakati kwaari: “Nei tenzi wangu achitaura zvakadaro? Varanda venyu havangambofunga kuita zvakadaro. 8 Handiti mari yatakawana muhomwe dzedu tiri kunyika yeKenani takadzoka nayo kwamuri?+ Saka tingazoba sei sirivha kana goridhe mumba matenzi wenyu? 9 Kana mumwe wevaranda venyu akawanikwa ainayo ngaaurayiwe, uye isu tese tichavawo varanda vatenzi wangu.” 10 Saka akati: “Zvamataura izvozvo ngazviitike: Anenge awanikwa ainayo ndiye achava muranda wangu, asi vamwe vese munenge musina mhosva.” 11 Mumwe nemumwe wavo akabva akurumidza kuburutsa homwe yake nekuivhura. 12 Akanyatsotsvaga, achitangira kumukuru akazopedzisira nekumudiki. Kapu yacho yakazowanikwa muhomwe yaBhenjamini.+

13 Vakabva vabvarura nguo dzavo, uye mumwe nemumwe akakwidzazve mutoro wake padhongi rake, vakadzokera kuguta. 14 Judha+ nevamwe vake pavakapinda mumba maJosefa, akanga achirimo; uye vakawira pasi pamberi pake.+ 15 Josefa akati kwavari: “Chii ichi chamaita? Hamuna kuziva here kuti murume akaita seni anogona kududzira zvichaitika?”+ 16 Judha akabva apindura kuti: “Tingatii kuna tenzi wangu? Tingataurei? Tingazviratidza sei kuti takarurama? Mwari wechokwadi awana mhosva yevaranda venyu.+ Tava varanda vatenzi wangu, isu neuyo awanikwa aine kapu yacho!” 17 Asi iye akati: “Handingamboiti zvakadaro! Murume awanikwa aine kapu muruoko rwake ndiye achava muranda wangu.+ Asi vamwe vese, endai nerugare kuna baba venyu.”

18 Judha akaswedera pedyo naye akati: “Ndinokutetererai tenzi wangu, ndapota zvangu regai muranda wenyu ataure shoko tenzi wangu akateerera, uye musatsamwira muranda wenyu, nekuti imi makaita saFarao.+ 19 Tenzi wangu akabvunza varanda vake kuti, ‘Muna baba here kana munin’ina?’ 20 Saka takati kuna tenzi wangu, ‘Tina baba vakwegura uye mwana wepaukweguru hwavo, gotwe.+ Asi mukoma wake akafa,+ saka iye pavana vaamai vake ndiye asara,+ uye baba vake vanomuda.’ 21 Makabva mati kuvaranda venyu, ‘Uyai naye kwandiri ndimuone.’+ 22 Asi takati kuna tenzi wangu, ‘Hazviiti kuti mukomana wacho asiye baba vake. Kana akavasiya, chokwadi vangafa.’+ 23 Makabva mati kuvaranda venyu, ‘Musauya kuzomira pamberi pangu kana musina munin’ina wenyu.’+

24 “Saka takaenda kumuranda wenyu, baba vangu, tikavaudza mashoko atenzi wangu. 25 Baba vedu vakazoti, ‘Dzokerai munotitengera zvekudya zvishomanana.’+ 26 Asi takati, ‘Hatikwanisi kuenda. Kana munin’ina wedu aripo tichaenda, nekuti hatikwanisi kuonana nemurume wacho kana tisina munin’ina wedu.’+ 27 Muranda wenyu baba vangu akabva ati kwatiri, ‘Imi munonyatsoziva kuti mudzimai wangu akandiberekera vanakomana vaviri chete.+ 28 Asi mumwe wacho akandisiya uye ndakati: “Anofanira kunge akadyiwa nechikara!”+ uye nanhasi handisati ndamuona. 29 Kana mukanditorerazve uyu, akawirwa netsaona akafa, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.’+

30 “Zvino ndikangodzokera kumuranda wenyu baba vangu tisina mukomana wacho, ivo vachimuda semadiro avanoita upenyu hwavo,* 31 vakangoona kuti mukomana wacho haapo, vanofa, uye varanda venyu vanenge vaita kuti muranda wenyu baba vedu vapinde nebvudzi ravo jena muGuva* neshungu. 32 Muranda wenyu ndiye akavimbisa baba kuti achachengetedza mukomana wacho, achiti, ‘Kana ndikakundikana kudzoka naye kwamuri, ndichange ndatadzira baba vangu nekusingaperi.’+ 33 Saka, ndapota zvangu, muranda wenyu ngaasare hake ari muranda watenzi wangu panzvimbo pemukomana wacho, kuti mukomana wacho adzokere nevakoma vake. 34 Ndingadzokera sei kuna baba vangu ndisina mukomana wacho? Handidi zvangu kuzoona baba vangu vachiwirwa nedambudziko iri!”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe